< Imisebenzi 7 >

1 Umpristi omkhulu wasesithi: Kambe lezizinto zinjalo?
Ipapo muprista mukuru akamubvunza akati, “Izvi zvauri kupomerwa ndezvechokwadi here?”
2 Wasesithi: Madoda, bazalwane labobaba, lalelani. UNkulunkulu wenkazimulo wabonakala kubaba wethu uAbrahama eseMesopotamiya, engakahlali eHarani,
Iye akapindura achiti, “Hama dzangu nemi madzibaba, nditeererei! Mwari wokubwinya akazviratidza kuna baba vedu Abhurahama paakanga achiri kuMesopotamia, asati agara muHarani.
3 wasesithi kuye: Phuma elizweni lakini lezihlotsheni zakho, uze elizweni engizakutshengisa lona.
Mwari akati kwaari, ‘Ibva munyika yako nokuhama dzako, uende kunyika yandichakuratidza.’
4 Wasesuka elizweni lamaKhaladiya wahlala eHarani; kwathi esuka lapho, emva kokufa kukayise, wamsusa wamhlalisa kulelilizwe elihlezi kilo lina khathesi;
“Saka akabva munyika yavaKaradhea akandogara muHarani. Shure kwokufa kwababa vake, Mwari akamutuma munyika ino yamugere zvino.
5 kodwa kamnikanga ilifa kilo, hatshi lanyathela; kodwa wathembisa ukumnika lona libe ngelakhe, lelenzalo yakhe emva kwakhe, engakabi lamntwana.
Haana kumupa nhaka imomo, kunyange paangatsika norutsoka rwake. Asi Mwari akamuvimbisa kuti iye nezvizvarwa zvake zvaimutevera vaizotora nyika ino, kunyange panguva iyoyo Abhurahama akanga asina mwana.
6 UNkulunkulu wasekhuluma kanje esithi inzalo yakhe izakuba yisihambi elizweni lemzini, bazayenza isigqili bazayiphatha kubi, iminyaka engamakhulu amane;
Mwari akataura naye achiti, ‘Zvizvarwa zvako zvichava vatorwa munyika isiri yavo, uye vachaitwa varanda vagotambudzwa kwamakore mazana mana.
7 kodwa lesosizwe, abazakuba yizigqili kuso, ngizasigweba mina, kutsho uNkulunkulu; njalo emva kwalezizinto bazaphuma, bangikhonze kulindawo.
Asi ndicharanga rudzi rwavachashandira senhapwa,’ ndizvo zvakataurwa naMwari, ‘uye shure kwaizvozvo vachabuda munyika iyoyo vagondishumira panzvimbo ino.’
8 Wasemnika isivumelwano sokusoka; ngokunjalo wazala uIsaka, wamsoka ngosuku lwesificaminwembili; loIsaka wazala uJakobe, loJakobe okhokho abalitshumi lambili.
Ipapo akapa Abhurahama sungano yokudzingiswa. Abhurahama akabereka Isaka akamudzingisa zuva rorusere shure kwokuberekwa kwake. Shure kwaizvozvo Isaka akabereka Jakobho, uye Jakobho akabereka madzitateguru ane gumi navaviri.
9 Okhokho basebesiba lomona bathengisa uJosefa eGibhithe; kodwa uNkulunkulu wayelaye,
“Nokuti madzitateguru akaitira godo Josefa, vakamutengesa senhapwa kuIjipiti. Asi Mwari akanga anaye
10 wasemkhulula kuzo zonke inhlupheko zakhe, wamnika umusa lenhlakanipho phambi kukaFaro inkosi yeGibhithe; wasembeka ukuba ngumbusi phezu kweGibhithe lowendlu yakhe yonke.
akamununura kubva pamatambudziko ake ose. Akapa Josefa uchenjeri uye akaita kuti adikanwe naFaro mambo weIjipiti; saka akamuita mutongi weIjipiti nomuzinda wake wose.
11 Kwasekufika indlala elizweni lonke leGibhithe leleKhanani, lokuhlupheka okukhulu; labobaba bethu kabatholanga ukudla.
“Zvino nzara yakasvika muIjipiti yose neKenani, kukava nokutambudzika kukuru, uye madzibaba edu akashayiwa zvokudya.
12 Kodwa uJakobe esezwile ukuthi kukhona amabele eGibhithe, wathuma obaba bethu okokuqala.
Jakobho akati anzwa kuti kuIjipiti kwaiva nezviyo, akatuma madzibaba edu parwendo rwavo rwokutanga.
13 Kwathi ngokwesibili uJosefa waziswa kubafowabo, labakibo kaJosefa babonakaliswa kuFaro.
Parwendo rwavo rwechipiri, Josefa akaudza madzikoma ake kuti iye aiva ani uye Faro akanzwa nezvemhuri yaJosefa.
14 UJosefa wasethumela wabizela kuye uyise uJakobe, lalo lonke usendo lwakhe, kulemiphefumulo engamatshumi ayisikhombisa lanhlanu.
Shure kwaizvozvo, Josefa akatuma shoko kuti baba vake Jakobho, nemhuri yavo yose, vanhu makumi manomwe navashanu pamwe chete, vauye.
15 UJakobe wasesehlela eGibhithe, wasesifa yena labobaba bethu;
Ipapo Jakobho akaburuka akaenda kuIjipiti, uko kwaakandofira iye namadzibaba edu.
16 basebethwalelwa eShikemi, balaliswa engcwabeni uAbrahama ayelithenge ngentengo yemali kumadodana kaHamori weShikemi.
Mitumbi yavo yakatakurwa ikaendeswa kuShekemu vakavigwa muguva rakanga ratengwa naAbhurahama kubva kuvanakomana vaHamori, paShekemu, nomutengo wemari yakati kuti.
17 Kwathi sesisondele isikhathi sesithembiso uNkulunkulu ayesifunge kuAbrahama, bakhula abantu banda eGibhithe,
“Nguva yakati yaswedera yokuti Mwari azadzise chipikirwa chake kuna Abhurahama, uwandu hwavanhu vedu muIjipiti hwakawedzerwa zvikuru.
18 kwaze kwavela enye inkosi, eyayingamazi uJosefa.
Ipapo mumwe mambo, akanga asingazivi nezvaJosefa, akava mutongi weIjipiti.
19 Yona yasiphatha ngobuqili isizukulu sakithi, yabahlupha obaba bethu, ukubalahlisa insane zabo, ukuze zingaphili.
Akabata vanhu vedu zvakaipa akadzvinyirira madzitateguru edu achivamanikidza kuti varase vana vachangoberekwa kuitira kuti vagofa.
20 Ngalesosikhathi kwazalwa uMozisi, waba muhle kuNkulunkulu; owondliwa endlini kayise inyanga ezintathu.
“Panguva iyoyo Mozisi akaberekwa, uye akanga asiri mwanawo zvake. Akachengetwa mumba mababa vake kwemwedzi mitatu.
21 Eselahliwe, indodakazi kaFaro yamdobha, yazondlela yena ukuthi abe yindodana.
Paakasiyiwa kunze, mwanasikana waFaro akamutora akamurera somwanakomana wake.
22 Njalo uMozisi wafundiswa kuyo yonke inhlakanipho yamaGibhithe; wasesiba lamandla ngamazwi langemisebenzi.
Mozisi akadzidziswa uchenjeri hwose hweIjipiti uye aigona kwazvo kutaura nokuita zvinhu.
23 Kwathi eselesikhathi seminyaka engamatshumi amane agcweleyo, kwafika enhliziyweni yakhe ukuthi ahambele abafowabo abantwana bakoIsrayeli.
“Mozisi paakanga ava namakore makumi mana okuberekwa, akafunga zvokundoshanyira hama dzake ivo vaIsraeri.
24 Kwathi ebona omunye ephathwa kubi, wamvikela wamphindisela ohlutshwayo, watshaya umGibhithe;
Akaona mumwe wavo achitambudzwa nomuIjipita, saka akasvika akamurwira akatsiva nokuuraya muIjipita uya.
25 njalo wayethemba ukuthi abafowabo bazaqedisisa ukuthi uNkulunkulu ubanika inkululeko ngesandla sakhe; kodwa kabaqedisisanga.
Mozisi akafunga kuti vanhu vake vachaziva kuti Mwari ainge achimushandisa kuti avanunure, asi ivo havana kuzviziva.
26 Njalo ngosuku olulandelayo wazibonakalisa kubo ababesilwa, wabalamula ngamandla, esithi: Madoda, lingabazalwane; liphathanelani kubi?
Fume mangwana Mozisi akasvikowana vaIsraeri vaviri vachirwa. Akaedza kuvayananisa achiti, ‘Varume, muri hama imi; munodireiko kukuvadzana?’
27 Kodwa lowo owayemona umakhelwane wamsunduza, esithi: Ubekwe ngubani ukuba ngumbusi lomahluleli phezu kwethu?
“Asi murume uya akanga achitambudza mumwe akasundidzira Mozisi padivi akati, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?
28 Usufuna ukungibulala yini, njengoba ubulele umGibhithe izolo?
Unoda kundiuraya sokuuraya kwawakaita muIjipita nezuro?’
29 Ngalelilizwi uMozisi wasebaleka, waba ngowemzini elizweni leMadiyani, lapho azala khona amadodana amabili.
Mozisi paakanzwa izvozvo, akatiza akaenda kuMidhiani, uko kwaakandogara ari mutorwa uye akabereka vanakomana vaviri.
30 Kwathi sekugcwaliseke iminyaka engamatshumi amane, kwabonakala kuye enkangala yentaba iSinayi ingilosi yeNkosi phakathi kwelangabi lomlilo esihlahleni.
“Makore makumi mana akati apfuura, mutumwa akazviratidza kuna Mozisi ari mumurazvo womoto mugwenzi, mugwenga raiva pedyo neGomo reSinai.
31 Kwathi uMozisi esebonile wamangala ngalowombono; esasondela ukuthi akhangelisise, ilizwi leNkosi lafika kuye lisithi:
Paakaona chinhu ichi, akashamiswa nezvaakaona. Akati achiswedera kuti anyatsoona, akanzwa inzwi raIshe richiti,
32 Mina nginguNkulunkulu waboyihlo, uNkulunkulu kaAbrahama loNkulunkulu kaIsaka loNkulunkulu kaJakobe. UMozisi wasethuthumela, kazaba lesibindi sokukhangelisisa.
‘Ndini Mwari wamadzibaba ako, Mwari waAbhurahama, Isaka naJakobho.’ Mozisi akadedera nokutya akatadza kana kutarisa.
33 INkosi yasisithi kuye: Khulula amanyathela enyaweni zakho; ngoba indawo omi kiyo ingumhlabathi ongcwele.
“Ipapo Jehovha akati kwaari, ‘Bvisa shangu dzako; nokuti nzvimbo yaumire pairi itsvene.
34 Ngikubonile lokukubona ukuhlutshwa kwabantu bami abaseGibhithe, njalo ngizwile ukububula kwabo; sengehlile ukuthi ngibakhulule; khathesi-ke woza, ngizakuthuma eGibhithe.
Zvirokwazvo ndaona kudzvinyirirwa kwavanhu vangu muIjipiti. Ndanzwa kugomera kwavo, saka ndaburuka kuti ndizovasunungura. Zvino uya, ndinoda kukutuma udzokere kuIjipiti.’
35 UMozisi lo abamalayo besithi: Ubekwe ngubani ukuba ngumbusi lomahluleli? - nguye uNkulunkulu amthumayo ukuba ngumbusi lomkhululi ngesandla sengilosi eyabonakala kuye esihlahleni.
“Ndiye Mozisi uya wavakanga varamba namashoko okuti, ‘Ndianiko akakuita mubati nomutongi wedu?’ Ndiye akatumwa naMwari pachake kuti ave mubati nomusununguri wavo, kubudikidza nomutumwa akazviratidza kwaari mugwenzi.
36 Yena wabakhupha, esenze izimangaliso lezibonakaliso elizweni leGibhithe loLwandle oluBomvu, lenkangala iminyaka engamatshumi amane.
Ndiye akavabudisa muIjipiti uye akaita zvishamiso nezviratidzo muIjipiti, paGungwa Dzvuku uye kwamakore makumi mana murenje.
37 Nguye lowo uMozisi owathi kubantwana bakoIsrayeli: INkosi uNkulunkulu wenu uzalivusela umprofethi kubazalwane benu onjengami; lizamuzwa yena.
“Ndiye Mozisi uya akaudza vaIsraeri kuti, ‘Mwari achakutumirai muprofita akaita seni anobva muvanhu venyu chaivo.’
38 Nguye lowo owayesebandleni enkangala, kanye lengilosi eyakhuluma laye entabeni iSinayi kanye labobaba bethu; owemukela amazwi aphilayo, ukuze asinike;
Akanga ari muungano yaiva murenje, pamwe chete nomutumwa akataura kwaari paGomo reSinai, uye namadzibaba edu; uye akagamuchira mashoko mapenyu kuti azoasvitsa kwatiri.
39 yena obaba bethu abangavumanga ukumlalela, kodwa bamsunduzela eceleni, basebebuyela eGibhithe ngenhliziyo zabo,
“Asi madzibaba edu akaramba kumuteerera. Vakamuramba uye mumwoyo yavo vakadzokerazve kuIjipiti.
40 besithi kuAroni: Senzele onkulunkulu abazahamba phambi kwethu; ngoba uMozisi lo, owasikhupha elizweni iGibhithe, kasazi ukuthi wehlelwe yini.
Vakati kuna Aroni, ‘Tiitire vamwari vachatitungamirira. Kana ari Mozisi uyu akatibudisa muIjipiti, hatizivi zvakamuwira!
41 Basebesenza ithole ngalezonsuku, baletha umhlatshelo esithombeni, bajabula ngemisebenzi yezandla zabo.
Ndiyo nguva yavakaumba chifananidzo chakaita semhuru. Vakauya nezvibayiro kwachiri vakachipemberera vachikudza chinhu chakaitwa namaoko avo.
42 Kodwa uNkulunkulu wafulathela, wabanikela ukuthi bakhonze ibutho lezulu; njengokulotshiweyo encwadini yabaprofethi ukuthi: Laletha kimi yini imihlatshelo leminikelo iminyaka engamatshumi amane enkangala, ndlu kaIsrayeli?
Asi Mwari akavafuratira akavasiya kuti vanamate hondo dzokudenga, sezvazvakanyorwa mubhuku ravaprofita zvichinzi: “‘Makandivigira zvibayiro nezvipo makore makumi mana murenje here, imi imba yaIsraeri?
43 Njalo lathatha ithabhanekele likaMoloki lenkanyezi kankulunkulu wenu uRefani, imifanekiso elayenza ukuthi liyikhonze; njalo ngizalithuthela ngaphambili kweBhabhiloni.
Makatakura tabhenakeri yaMoreki nenyeredzi yamwari wenyu Refani, zvifananidzo zvamakaita kuti muzvinamate. Naizvozvo ndichakuendesai kuutapwa’ mberi kweBhabhironi.
44 Obaba bethu babelalo ithabhanekele lobufakazi enkangala, njengokulayela kwalowo owakhuluma loMozisi, ukuthi alenze ngomfanekiso ayewubonile;
“Madzitateguru edu akanga ane tabhenakeri yeChipupuriro pakati pavo murenje. Yakanga yakagadzirwa sokurayirwa kwakanga kwaitwa Mozisi naMwari, maererano nomufananidzo waakanga aona.
45 okwathi futhi obaba bethu abalandelayo sebelemukele balingenisa kanye loJoshuwa empahleni yezizwe, uNkulunkulu azixotsha phambi kobuso babobaba, kwaze kwaba sensukwini zikaDavida;
Vakagamuchira tabhenakeri, vachitungamirirwa naJoshua, madzibaba edu akauya pamwe chete nayo paya pavakatora nyika kubva kundudzi dzakanga dzadzingwa pamberi pavo naMwari. Tabhenakeri yakagara munyika iyo kusvikira panguva yaDhavhidhi,
46 owathola umusa phambi kukaNkulunkulu, wacela ukutholela uNkulunkulu kaJakobe ithabhanekele.
uyo akaitirwa zvakanaka naMwari uye akakumbira kuti avakire Mwari waJakobho nzvimbo yokugara.
47 Kodwa uSolomoni wamakhela indlu.
Asi Soromoni ndiye akazomuvakira imba.
48 Kodwa oPhezukonke kahlali ethempelini elenziwe ngezandla, njengokutsho komprofethi ukuthi:
“Kunyange zvakadaro, Wokumusoro-soro haagari mudzimba dzakavakwa navanhu. Sezvinorehwa nomuprofita achiti:
49 Izulu kimi liyisihlalo sobukhosi, lomhlaba uyisenabelo senyawo zami; lizangakhela indlu enjani, kutsho iNkosi; kumbe yiyiphi indawo yami yokuphumula?
“‘Denga ndicho chigaro changu choushe uye nyika ndiyo chitsiko chetsoka dzangu. Ko, muchandivakira imba yakaita sei? ndizvo zvinotaura Ishe. Kana kuti nzvimbo yangu yokuzorora ichava kupiko?
50 Isandla sami kasizenzanga yini zonke lezizinto?
Ko, ruoko rwangu haruna kuita izvozvi zvose here?’
51 Lina ntamo zilukhuni njalo abangasokanga enhliziyweni lendlebeni, lina limelana njalonjalo loMoya oyiNgcwele; njengaboyihlo, linjalo lani.
“Imi vanhu vemitsipa mikukutu, vane mwoyo nenzeve dzisina kudzingiswa! Makangoita samadzibaba enyu: Munogara muchidzivisa Mweya Mutsvene!
52 Nguwuphi owabaprofethi oyihlo abangamzingelanga? Basebebulala labo abamemezela ngaphambili ngokuza koLungileyo, yena lo lina khathesi eselabangabanikeli lababulali bakhe;
Kwakambova nomuprofita asina kutambudzwa namadzibaba enyu here? Vakauraya kunyange vaya vakaprofita kuuya kwaIye Oga Akarurama. Uye zvino makamupandukira mukamuuraya,
53 elemukela umlayo ngokuhlela kwezingilosi, kodwa kaliwulondolozanga.
iyemi makagamuchira murayiro wamakapiwa kubudikidza navatumwa, asi mukasauteerera.”
54 Bathi sebezwile lezizinto, bahlabeka enhliziyweni zabo, bamgedlela amazinyo.
Vakati vanzwa izvi, vakashatirwa zvikuru uye vakamurumanyira meno avo.
55 Kodwa yena egcwele uMoya oNgcwele, wajolozela ezulwini, wabona inkazimulo kaNkulunkulu, loJesu emi ngakwesokunene sikaNkulunkulu,
Asi Sitefani, azere noMweya Mutsvene, akatarisa kudenga akaona kubwinya kwaMwari, uye Jesu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.
56 wasesithi: Khangelani, ngibona amazulu evulekile, leNdodana yomuntu imi ngakwesokunene sikaNkulunkulu.
Akati, “Tarirai, ndinoona denga razaruka uye Mwanakomana woMunhu amire kuruoko rworudyi rwaMwari.”
57 Kodwa bamemeza ngelizwi elikhulu, bavala indlebe zabo, batheleka phezu kwakhe bengqondonye;
Pavakanzwa izvi vakadzivira nzeve dzavo vakamhanyira kwaari vose, vachidanidzira namanzwi ari pamusoro-soro,
58 basebemkhuphela ngaphandle komuzi, bamkhanda ngamatshe; labafakazi babeka phansi izembatho zabo enyaweni zejaha elithiwa nguSawuli.
vakamuzvuzvurudzira kunze kweguta vakatanga kumutaka namabwe. Uye, vaya vaiva zvapupu vakandoisa nguo dzavo patsoka dzejaya rainzi Sauro.
59 Bamkhanda ngamatshe uStefane, ebiza esithi: Nkosi Jesu, yemukela umoya wami.
Vachiri kumutaka namabwe, Sitefani akanyengetera, akati, “Ishe Jesu, gamuchirai mweya wangu.”
60 Waseguqa ngamadolo, wamemeza ngelizwi elikhulu esithi: Nkosi, ungababaleli lesisono. Esetshilo lokhu walala.
Ipapo akapfugama namabvi ake akadanidzira achiti, “Ishe, musavapa mhosva yechivi ichi.” Akati ataura izvi, akavata.

< Imisebenzi 7 >