< Imisebenzi 26 >
1 UAgripha wasesithi kuPawuli: Uvunyelwe ukuzikhulumela. UPawuli waseselula isandla, waziphendulela wathi:
Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unotenderwa kuzvidavirira.” Saka Pauro akaninira noruoko rwake akatanga kuzvidavirira achiti,
2 Kukho konke engimangalelwa ngakho ngamaJuda, nkosi Agripha, ngizizwa ngithokoza ukuthi sengingaziphendulela phambi kwakho lamuhla;
“Mambo Agiripa, ndinoona kuti ndine rombo rakanaka kuti ndimire pamberi penyu nhasi ndichizvidavirira pamusoro pezvose zvandinopomerwa navaJudha,
3 ikakhulu ngikwazi uyisazi sawo wonke amasiko lokuphikisana phakathi kwamaJuda; ngakho ngiyakuncenga, ukuthi ungizwe ngesineke.
uye zvikuru nokuti imi munonyatsoziva tsika dzavaJudha uye namakakatanwa avo. Naizvozvo ndinokukumbirai kuti munditeerere nomwoyo murefu chaizvo.
4 Ngakho ukuhamba kwami konke kusukela ebutsheni, okwakuqala esizweni sakithi eJerusalema, wonke amaJuda ayakwazi,
“VaJudha vose zvavo vanoziva nzira yandakararama nayo kubvira pandakanga ndiri mwana, kubva pakutanga kwoupenyu hwangu munyika yokwangu, nomuJerusaremawo.
5 ayangazi phambili kusukela ekuqaleni, uba bethanda ukufakaza, ukuthi ngendlela eqinileyo yehlelo lokukhonza kwakithi ngaphila ngingumFarisi.
Vakandiziva kwenguva refu uye vanogona kupupura, kana vachida zvavo, kuti maererano nedzidziso yakasimba yechitendero chedu, ndakagara ini ndiri muFarisi.
6 Lakhathesi ngimi ngithonisiswa ngenxa yethemba lesithembiso esenziwa nguNkulunkulu kubobaba,
Uye zvino ndiri kutongwa pano nhasi nokuda kwetariro yangu mune zvakavimbiswa madzibaba edu naMwari.
7 ezithemba ukufinyelela kuso izizwe zakithi ezilitshumi lambili, zikhonza ngesineke ebusuku lemini; engimangalelwe ngalelithemba, nkosi Agripha, ngamaJuda.
Iyi ndiyo vimbiso yakamirirwa namarudzi edu gumi namaviri kuti isvike sezvavanoshumira Mwari kwazvo masikati nousiku. Imi mambo, vaJudha vari kundipa mhosva nokuda kwetariro iyi.
8 Kungani kukhunjulwa ukuthi kuyinto engakholekiyo kini, nxa uNkulunkulu evusa abafileyo?
Seiko zvisingagoni kutendwa pakati penyu kuti Mwari anomutsa vakafa?
9 Ngakho lami ngokwami ngangicabanga ukuthi ngangifanele ukwenza izinto ezinengi eziphambene lebizo likaJesu weNazaretha;
“Neniwo ndakanga ndichigutsikana ndichitoti ndinofanira kuita zvose zvandaigona kuti ndipikise zita raJesu weNazareta.
10 lami engakwenza eJerusalema, njalo mina ngavalela abanengi kwabangcwele entolongweni, sengemukele amandla avela kubapristi abakhulu; lalapho bebulawa ngakukhetha ngimelene labo.
Uye ndizvo chaizvo zvandakaita muJerusarema. Nemvumo yandakanga ndapiwa navaprista vakuru, ndakaisa vazhinji vavatsvene mutorongo, uye pavainge vachiurayiwa, ndaitenderana nazvo.
11 Lemasinagogeni wonke ngabajezisa kanengi, ngababamba ngamandla ukuthi bahlambaze; njalo ngahlanya kakhulu ngabo, ngabazingela baze bafika emizini yabezizwe.
Nguva zhinji ndaibva kune rimwe sinagoge ndichienda kune rimwe ndichiita kuti varangwe, uye ndakaedza kuvamanikidza kuti vamhure Mwari. Noruvengo rwandaiva narwo pamusoro pavo, ndakaenda kunyange kuna mamwe maguta avatorwa kundovatambudza.
12 Okungazo lami ngisiya eDamaseko ngamandla langokuthunywa ngabapristi abakhulu,
“Pane imwe yenzendo idzi ndakanga ndichienda kuDhamasiko ndine mvumo uye ndatumwa navaprista vakuru.
13 emini enkulu, nkosi, ngabona endleleni ukukhanya kuvela ezulwini, kudlula ukukhanya kwelanga, kwakhanya kwangizingelezela lalabo ababehamba lami.
Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo.
14 Kwathi sonke sesiwele phansi emhlabathini, ngezwa ilizwi likhuluma lami lisithi ngolimi lwesiHebheru: Sawuli, Sawuli, ungizingelelani? Kulukhuni kuwe ukukhahlelana lezincijo.
Tose takawira pasi, uye ndakanzwa inzwi richiti kwandiri norurimi rwechiHebheru, ‘Sauro, Sauro, unonditambudzireiko? Zvakakuomera iwe kuti ukave zvibayiso.’
15 Mina ngasengisithi: Ungubani, Nkosi? Wasesithi: Mina nginguJesu omzingelayo.
“Ipapo ndakati, ‘Ndimi aniko, Ishe?’ “Ishe akapindura akati, ‘Ndini Jesu waunotambudza.
16 Kodwa sukuma, njalo ume ngenyawo zakho; ngoba ngibonakelele lokho kuwe, ukuthi ngikumise ube yisikhonzi lomfakazi wezinto ozibonileyo, kanye lengizazibonakalisa ngazo kuwe,
Zvino chisimuka umire netsoka dzako. Ndazviratidza kwauri kuti ndikugadze somuranda uye sechapupu chezvawaona kwandiri uye nezvandichakuratidza.
17 ngikophula ebantwini lakwabezizwe, engikuthuma kubo khathesi,
Ndichakununura kubva kuvanhu vokwako uye kubva kune veDzimwe Ndudzi. Ndiri kukutuma kwavari
18 ukuvula amehlo abo, lokubaphendula emnyameni baye ekukhanyeni, lemandleni kaSathane baye kuNkulunkulu, ukuze bemukeliswe uthethelelo lwezono, lelifa phakathi kwabangcwelisiweyo ngokholo olukimi.
kuti usvinudze meso avo nokuvadzora kubva kurima kuti vauye kuchiedza, nokubva musimba raSatani kuti vauye kuna Mwari, kuti vagamuchire kanganwiro yezvivi uye vawane nzvimbo pakati paavo vakaitwa vatsvene nokutenda kwandiri.’
19 Ngakho, nkosi Agripha, kangalanga ukulalela umbono wezulwini;
“Saka ipapo, Mambo Agiripa, handina kuramba kuteerera kuchiratidzo chakabva kudenga.
20 kodwa ngatshumayela kuqala kwabaseDamaseko labeJerusalema, lakulo lonke ilizwe leJudiya, lakwabezizwe, ukuze baphenduke, babuyele kuNkulunkulu, benze imisebenzi efanele ukuphenduka.
Ndakatanga kuparidza kuna avo vaiva muDhamasiko, nokuna avo vaiva muJerusarema nomuJudhea yose, uye nokune veDzimwe Ndudziwo kuti vatendeuke vadzokere kuna Mwari vagoratidza kutendeuka kwavo namabasa avo.
21 Ngenxa yalezizinto amaJuda angibamba ethempelini, azama ukungibulala.
Ndizvo zvakaita kuti vaJudha vandibate mutemberi uye vaedze kundiuraya.
22 Ngakho ngizuzile usizo oluvela kuNkulunkulu, kuze kube lamuhla ngimi ngifakaza kubo bonke abancinyane labakhulu, ngingakhulumi lutho ngaphandle kwalezozinto abazikhulumayo abaprofethi loMozisi ukuthi zizakwenzeka,
Asi ndakabatsirwa naMwari kusvikira nhasi uno, uye ndimire pano kuti ndipupure kuvaduku nokuvakuru zvimwe chetezvo. Handina kutaura zvinopfuura zvakataurwa navaprofita uye naMozisi kuti zvichaitika,
23 ukuthi uKristu umele ukuhlupheka, lokuthi engowokuqala ekuvukeni kwabafileyo uzatshumayela ukukhanya kulababantu lakwabezizwe.
kuti Kristu achatambudzika, uye, saiye wokutanga kumuka kubva kuvakafa achaparidza chiedza kuvanhu vake uye nokune veDzimwe Ndudzi.”
24 Kwathi esaziphendulela lezizinto, uFestusi wathi ngelizwi elikhulu: Uyahlanya, Pawuli; ukufunda okunengi kuyakuhlanyisa.
Ipapo Fesitasi akati kuna Pauro nenzwi guru, “Pauro, wava kupenga! Kudzidza kwako kukuru kwava kukupengesa.”
25 Kodwa wathi: Kangihlanyi, mhlekazi Festusi, kodwa ngimemezela amazwi aliqiniso laqondileyo.
Pauro akapindura akati, “Handisi kupenga, changamire Fesitasi. Zvandiri kutaura ichokwadi uye zvinotendeka.
26 Ngoba inkosi iyazi ngalezizinto, engikhuluma ngesibindi lakuyo; ngoba ngiqinisekile ukuthi akukho okunye kwalezizinto okufihlakeleyo kuyo; ngoba lokhu kakwenziwanga engonsini.
Mambo vanoziva zvinhu izvi, uye ndinogona kutaura ndakasununguka kwavari. Ndinogutsikana kuti hapana chimwe chezvinhu izvi chichavapunyuka, nokuti hazvina kuitwa pakavanda.
27 Nkosi Agripha, uyakholwa abaprofethi yini? Ngiyazi ukuthi uyakholwa.
Mambo Agiripa munotenda vaprofita here? Ndinoziva kuti munotenda.”
28 UAgripha wasesithi kuPawuli: Usuphose wangiqinisekisa ukuthi ngibe ngumKristu.
Ipapo Agiripa akati kuna Pauro, “Unenge unoda kundiita muKristu nenguva duku.”
29 UPawuli wasesithi: Bengingafisa kuNkulunkulu ukuthi, loba ngokulutshwana loba ngokunengi kungabi nguwe wedwa, kodwa labo bonke abangizwayo lamuhla, babe ngabanje njengoba nginjalo lami, ngaphandle kwalezizibopho.
Pauro akapindura akati, “Nguva pfupi kana refu, ndinonyengetera kuna Mwari kuti murege kuva imi bedzi asi vose ava vakateerera kwandiri nhasi kuti vave seni, kunze kwengetani idzi chete.”
30 Kwathi esekhulume lezizinto, yasukuma inkosi, lombusi, loBernike, lalabo ababehlezi labo;
Mambo akasimuka, pamwe chete nomubati naBhenisi uye navose vaakanga agere navo.
31 kwathi sebephumile bakhulumisana, besithi: Lumuntu kenzi lutho olufanele ukufa kumbe ukubotshwa.
Vakabuda mumba, uye pavaitaurirana, vakati, “Munhu uyu haasi kuita chinhu chinofanira rufu kana kupfigirwa mutorongo.”
32 UAgripha wasesithi kuFestusi: Lumuntu ubengakhululwa, uba ebengalidluliselanga kuKesari.
Agiripa akati kuna Fesitasi, “Munhu uyu angadai asunungurwa dai akanga asina kuzviisa kuna Kesari.”