< 2 KuThimothi 4 >
1 Ngakho mina ngiyalayisisa phambi kukaNkulunkulu, leNkosi uJesu Kristu, ozakwahlulela abaphilayo labafileyo, ekubonakaleni kwakhe lembusweni wakhe,
Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti:
2 tshumayela ilizwi, ulunge ngesikhathi esilungileyo, ngesikhathi esingalunganga, sola, ukhuze, weluleke, ekubekezeleni konke lemfundisweni.
Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka.
3 Ngoba kuzakuba lesikhathi lapho bengayikuvuma imfundiso ephilileyo, kodwa ngokowabo umhawu bazazibuthelelela abafundisi, belunywa zindlebe;
Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo.
4 njalo bazafulathelisa indlebe zabo eqinisweni, bazaphambukela ezinganekwaneni.
Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.
5 Kodwa wena qonda ezintweni zonke, ubekezelele inhlupheko, wenze umsebenzi womvangeli, ugcwalise inkonzo yakho.
Asi iwe, usvinure pazvinhu zvose, tsungirira pamatambudziko, uite basa romuvhangeri, uite mabasa ose oushumiri hwako.
6 Ngoba mina sengithululwe njengomnikelo wokunathwayo, lesikhathi sokusuka kwami sesifikile.
Nokuti ini ndava kutodururwa sechipiriso chinonwiwa, uye nguva yangu yokuenda yasvika.
7 Ngilwile ukulwa okuhle, ngiqedile uhambo, ngilondolozile ukholo;
Ndarwa kurwa kwakanaka, ndapedza nhangemutange yangu, ndachengeta kutenda kwangu.
8 kusukela khathesi, ngibekelwe umqhele wokulunga, ezanginika wona ngalolosuku iNkosi, umahluleli olungileyo; kodwa kungeyisimi ngedwa, kodwa labo bonke abathanda ukubonakala kwayo.
Zvino ndakachengeterwa korona yangu yokururama, yandichapiwa, naIshe, mutongi akarurama pazuva iro, uye kwete ini ndoga, asiwo nokuna vose vanoshuva kuonekwa kwake.
9 Khuthala ukuza kimi masinyane;
Ita napaunogona napo pose kuti ukurumidze kuuya kwandiri,
10 ngoba uDema ungihlamukile, ethande umhlaba wakhathesi, waya eThesalonika; uKresena eGalathiya, uTitosi eDalmathiya. (aiōn )
nokuti Dhemasi akada nyika yazvino, akandisiya akaenda kuTesaronika. Kiresenzi akaenda kuGaratia, uye Tito akaenda kuDharimatia. (aiōn )
11 ULuka yedwa ulami. Thatha uMarko ubuye laye; ngoba uloncedo kakhulu kimi enkonzweni.
Ruka oga ndiye aneni. Tora Mako uuye naye, nokuti anondibatsira kwazvo paushumiri hwangu.
12 Kodwa uTikiko ngimthume eEfesu.
Ndakatuma Tikikasi kuEfeso.
13 Ulethe isembatho engasitshiya kuKarpo eTrowasi, nxa ubuya, lezingwalo, ikakhulu incwadi zesikhumba.
Paunouya, uuye nejasi randakasiya naKapasi paTiroasi, uye uuye nebhuku rangu, zvikuru magwaro amatehwe.
14 UAleksandro umkhandi wethusi wangitshengisa okubi okunengi; sengathi iNkosi ingambuyisela njengokwemisebenzi yakhe;
Arekizanda, mupfuri wendarira, akandiitira zvakaipa zvizhinji. Ishe achamutsiva pane zvaakaita.
15 umxwaye lawe, ngoba wamelana kakhulukazi lamazwi ethu.
Newewo umuchenjerere, nokuti akapikisa zvikuru mashoko edu.
16 Ekuziphenduleleni kwami kwakuqala kwakungekho muntu owangimelayo, kodwa bonke bangihlamuka; sengathi kungebalelwe kubo.
Pakuzvidavirira kwangu kwokutanga, hapana munhu akandibatsira, asi vose vakandisiya. Ngavarege kupiwa mhosva nokuda kwaizvozvo.
17 Kodwa iNkosi yangimela, yangipha amandla, ukuze ngami ukutshumayela kupheleliswe, lezizwe zonke zizwe; ngasengikhululwa emlonyeni wesilwane,
Asi Ishe akamira neni uye akandipa simba, kuti kubudikidza neni shoko riparidzwe zvakakwana uye kuti veDzimwe Ndudzi vose varinzwe. Uye ndakarwirwa kubva pamuromo weshumba.
18 njalo iNkosi izangikhulula kuwo wonke umsebenzi omubi, njalo izangisindisela umbuso wayo wezulu; kakube kuyo ubukhosi kuze kube phakade laphakade. Ameni. (aiōn )
Ishe achandirwira kubva pakurwiswa kwose kwakaipa uye achandiuyisa murugare kuumambo hwake hwokudenga. Kubwinya ngakuve kwaari nokusingaperi-peri. Ameni. (aiōn )
19 Bingelela uPriska loAkwila, lendlu kaOnesiforo.
Ndikwazisire Pirisira naAkwira neveimba yaOnesiferasi.
20 UErastu wasala eKorinte; kodwa uTrofimu ngamtshiya eMilethu egula.
Erastasi akasara kuKorinde, uye ndakasiya Tirofimasi paMiretasi achirwara.
21 Khuthala ufike ubusika bungakafiki. UYubulu uyakubingelela, loPudeni, loLino, loKlawudiya, labo bonke abazalwane.
Ita napaunogona napo pose kuti uuye kuno chando chisati chasvika. Yubhurasi anokukwazisa, uyewo naPudhenzi, Rino, Kiraudhiyo nehama dzose.
22 INkosi uJesu Kristu kayibe lomoya wakho. Umusa kawube lani. Ameni.
Ishe ngaave nomweya wako. Nyasha ngadzive newe.