< 2 Amakhosi 6 >

1 Amadodana abaprofethi asesithi kuElisha: Khangela-ke, indawo esihlala kiyo lawe iminyene kakhulu kithi.
Zvino boka ravaprofita rakati kuna Erisha, “Tarisai, nzvimbo yatinosangana nemi yatiitira diki kwazvo.
2 Akusiyekele sihambe siye eJordani, sithathe khona, ngulowo lalowo isigodo esisodwa, sizenzele khona indawo yokuhlala kiyo. Wasesithi: Hambani.
Ngatiendei kuJorodhani, mumwe nomumwe wedu andotora danda ikoko; tigozvivakira ikoko nzvimbo yokugara.” Iye akati, “Endai.”
3 Omunye wasesithi: Akuvume, uhambe lenceku zakho. Wasesithi: Mina ngizahamba.
Ipapo mumwe wavo akati, “Ndapota, ko, imi hamungaendiwo navaranda venyu here?” Erisha akati, “Ndinoenda.”
4 Wasehamba labo; sebefikile eJordani bagamula izihlahla.
Naizvozvo akaenda navo. Vakaenda kuJorodhani vakatanga kutema miti.
5 Kodwa omunye esagamula ugodo, insimbi yawela emanzini. Wasememeza esithi: Maye, nkosi yami! Ngoba belebolekiwe.
Asi mumwe akati achiri kutema muti, musoro wedemo wakasvotoka ukawira mumvura. Akadanidzira akati, “Haiwa, ishe wangu, rakanga rakweretwa!”
6 Umuntu kaNkulunkulu wasesithi: Iwele ngaphi? Wasemtshengisa indawo. Wasegamula uswazi, waluphosela khona, wenza insimbi yandenda.
Munhu waMwari akati, “Rawira napapi?” Akati amuratidza nzvimbo yacho, Erisha akatema rutanda akarukandirapo, uye akapapamadza musoro wedemo.
7 Wasesithi: Zenyulele yona. Waseselula isandla sakhe, wayithatha.
Akati, “Ribudise.” Ipapo murume akatambanudza ruoko rwake akaritora.
8 Kwathi inkosi yeSiriya isilwa loIsrayeli yacebisana lenceku zayo isithi: Ekuthanathaneni izakuba yinkamba yami.
Zvino mambo weAramu akanga achirwa neIsraeri. Mushure mokutaurirana navaranda vake, akati, “Ndichadzika musasa wangu panzvimbo yokuti neyokuti.”
9 Umuntu kaNkulunkulu wasethumela enkosini yakoIsrayeli esithi: Qaphela ungedluli kulindawo, ngoba amaSiriya ehlele khona.
Munhu waMwari akatumira shoko kuna mambo weIsraeri achiti, “Chenjerai kuti murege kupfuura napanzvimbo iyo nokuti vaAramu vari kuburukirako.”
10 Inkosi yakoIsrayeli yasithumela kuleyondawo umuntu kaNkulunkulu ayitshela yona wayixwayisa ngayo. Yasizilondoloza khona, kungekanye, njalo kungekabili.
Naizvozvo mambo weIsraeri akatumira vanhu kunzvimbo iyoyo yaakanga aratidzwa nomunhu waMwari, kuti vandoiongorora. Nguva nenguva Erisha aiyambira mambo, kuti achenjerere nzvimbo dzakadaro.
11 Inhliziyo yenkosi yeSiriya yasikhathazeka kakhulu ngenxa yalinto. Yasibiza inceku zayo yathi kuzo: Kaliyikungitshela yini ukuthi ngubani kithi ongowenkosi yakoIsrayeli?
Izvi zvakatsamwisa mambo weAramu. Akadana vabati vake akati kwavari, “Hamungandiudzewo here kuti pakati pedu ari kurutivi rwamambo weIsraeri ndiani?”
12 Omunye wenceku zakhe wasesithi: Hatshi, nkosi yami, nkosi; kodwa uElisha umprofethi okoIsrayeli uyayitshela inkosi yakoIsrayeli amazwi owakhuluma phakathi kwekamelo lakho lokulala.
Mumwe wavabati vake akati, “Pakati pedu hapana, ishe wangu mambo, asi Erisha, muprofita ari muIsraeri ndiye anoudza mambo weIsraeri mashoko chaiwoiwo amunotaura muimba yenyu yokurara.”
13 Yasisithi: Hambani liyebona lapho akhona, ukuze ngithume ngimthathe. Wasetshelwa kwathiwa: Khangela, useDothani.
Mambo akati, “Endai munotsvaka kuti ari kupi, kuitira kuti ndigotuma varume vanomubata.” Akaziviswa kuti, “Ari muDhotani.”
14 Yasithuma khona amabhiza lezinqola lebutho elinzima; basebefika ebusuku, bawuzingelezela umuzi.
Ipapo akatumira ikoko mabhiza nengoro namauto akasimba. Vakaenda usiku vakakomba guta.
15 Kwathi inceku yomuntu kaNkulunkulu isivukile ngovivi yaphuma, khangela-ke, ibutho lizingelezele umuzi kanye lamabhiza lezinqola. Inceku yakhe yasisithi kuye: Maye, nkosi yami! Sizakwenza njani?
Muranda womunhu waMwari akati amuka mangwanani aitevera, akabuda panze akaona hondo namabhiza nengoro zvakomba guta. Muranda wake akati, “Haiwa, ishe wangu, tichaita seiko?”
16 Wasesithi: Ungesabi, ngoba labo abalathi banengi okwedlula labo abalabo.
Muprofita akapindura akati, “Usatya. Vari kwatiri vazhinji kupfuura vari kwavari.”
17 UElisha wasekhuleka wathi: Nkosi, akuvule amehlo ayo ukuze ibone. INkosi yasiwavula amehlo alelojaha, laselibona, khangela-ke, intaba igcwele amabhiza lenqola zomlilo zihanqe uElisha.
Ipapo Erisha akanyengetera akati, “Haiwa Jehovha, svinudzai meso ake kuti aone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso omuranda, iye ndokutarisa akaona zvikomo zvakazara namabhiza nengoro dzomoto zvakakomba Erisha.
18 Sebehlele kuye, uElisha wakhuleka eNkosini wathi: Akutshaye lababantu ngobuphofu. Yasibatshaya ngobuphofu njengokwelizwi likaElisha.
Vavengi pavakaburuka kwaari, Erisha akanyengetera kuna Jehovha akati, “Pofumadzai vanhu ava.” Naizvozvo akavapofumadza sezvakanga zvakumbirwa naErisha.
19 UElisha wasesithi kibo: Kayisiyo le indlela, futhi kayisiwo lo umuzi; ngilandelani, ngizalisa kulowomuntu elimdingayo. Kodwa wabasa eSamariya.
Erisha akati kwavari, “Iyi handiyo nzira uye iri harizi iro guta racho. Nditeverei, ndichakutungamirirai kumunhu wamuri kutsvaka.” Uye akavatungamirira kuSamaria.
20 Kwasekusithi sebengene eSamariya, uElisha wathi: Nkosi, vula amehlo alaba ukuze babone. INkosi yasivula amehlo abo, basebebona; khangela-ke, babephakathi kweSamariya.
Mushure mokupinda kwavo muguta, Erisha akati, “Jehovha, svinudzai meso avarume ava kuti vaone.” Ipapo Jehovha akasvinudza meso avo vakatarira, onei, vava muSamaria.
21 Inkosi yakoIsrayeli yasisithi kuElisha ibabona: Baba, ngibatshaye, ngibatshaye yini?
Mambo weIsraeri akati achivaona, akabvunza Erisha akati, “Ndivauraye here, baba vangu? Ndovauraya here?”
22 Wasesithi: Ungatshayi. Ungatshaya yini labo obathumbe ngenkemba yakho langedandili lakho? Beka isinkwa lamanzi phambi kwabo ukuze badle banathe, baye enkosini yabo.
Akamupindura akati, “Musavauraya. Hamungazouraya vanhu vamunenge makatapa nomunondo wenyu kana uta hwenyu here? Vaisirei zvokudya nemvura pamberi pavo kuti vadye uye vanwe vagodzokera kuna tenzi wavo.”
23 Yasibalungisela idili elikhulu; sebedlile banatha, yabayekela bahamba, baya enkosini yabo. Ngakho amaviyo amaSiriya kawabesaphinda ukubuya elizweni lakoIsrayeli.
Naizvozvo akavagadzirira mabiko makuru, uye vakati vapedza kudya nokunwa akavaendesa, ivo vakadzokera kuna tenzi wavo. Naizvozvo mapoka avapambi vokuAramu akarega zvokupamba nyika yeIsraeri.
24 Kwasekusithi emva kwalokho uBenihadadi inkosi yeSiriya wabutha ibutho lakhe lonke, wenyuka wavimbezela iSamariya.
Shure kwenguva, Bheni-Hadhadhi mambo weAramu, akaunganidza hondo yake yose akaenda kundokomba Samaria.
25 Kwasekusiba lendlala enkulu eSamariya; khangela-ke, bayivimbela, kwaze kwathi inhloko kababhemi yathengiswa ngenhlamvu zesiliva ezingamatshumi ayisificaminwembili, lengxenye eyodwa kwezine yegajana lobudolilo bejuba ngenhlamvu zesiliva ezinhlanu.
Kwakava nenzara huru muguta zvokuti musoro wembongoro waitengeswa mashekeri makumi masere esirivha, uye chitswanda chamatoto enjiva chaitengeswa namashekeri mashanu; nokuti nguva yokukombwa yakanga yarebesa.
26 Kwasekusithi inkosi yakoIsrayeli idlula phezu komduli, owesifazana wamemeza kiyo esithi: Siza, nkosi yami, nkosi!
Mambo weIsraeri akati achipfuura naparusvingo, mumwe mukadzi akadanidzira kwaari akati, “Ndibatsireiwo, ishe wangu mambo!”
27 Yasisithi: Uba iNkosi ingakusizi, ngikusize ngokuvela ngaphi? Ebaleni lokubhulela kumbe esikhamelweni sewayini yini?
Mambo akamupindura akati, “Kana Jehovha asingakubatsiri ini ndingakuwanira rubatsiro kupi? Kubva paburiro here? Kubva pachisviniro chewaini here?”
28 Inkosi yasisithi kuye: Ulani? Wasesithi: Lo owesifazana uthe: Letha indodana yakho ukuze siyidle lamuhla; kusasa-ke sizakudla indodana yami.
Ipapo akamubvunza akati, “Zvaita sei?” Iye akamupindura akati, “Mukadzi uyu akati kwandiri, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye nhasi, mangwana tigozodya wangu.’
29 Sasesiyipheka indodana yami, sayidla. Ngasengisithi kuye ngosuku olulandelayo: Letha indodana yakho ukuze siyidle. Kodwa wayifihla indodana yakhe.
Naizvozvo takabika mwana wangu tikamudya. Fume mangwana, ini ndokuti kwaari, ‘Tipe mwanakomana wako kuti timudye,’ asi iye akanga andomuviga.”
30 Kwasekusithi inkosi isizwa amazwi alowo owesifazana yadabula izigqoko zayo. Yedlula phezu komduli; abantu basebebona, khangela-ke, kwakulesaka emzimbeni wayo, ngaphakathi.
Zvino mambo akanzwa mashoko omukadzi uyu, akabvarura nguo dzake. Akati achifamba naparusvingo, vanhu vakamutarisa, vakaona kuti akanga akapfeka masaga mukati menguo, pamuviri wake.
31 Yasisithi: UNkulunkulu kenze njalo kimi langokunjalo engezelele, uba ikhanda likaElisha indodana kaShafati lizahlala kuye lamuhla.
Akati, “Mwari ngaandirove zvakanyanya kwazvo, kana musoro waErisha mwanakomana waShafati ukaramba uri pamapfudzi ake nhasi!”
32 Kodwa uElisha wayehlezi endlini yakhe labadala babehlezi laye. Inkosi yasithuma umuntu esuka phambi kwayo; isithunywa singakafiki kuye, yena wathi kubadala: Liyabona yini ukuthi indodana le yombulali ithume ukususa ikhanda lami? Bonani, lapho isithunywa sifika, livale umnyango, lisibandezele emnyango. Kakusizisinde zenkosi yaso yini emva kwaso?
Zvino Erisha akanga akagara mumba make, uye vakuru vakanga vagere naye. Mambo akatuma nhume mberi, asi asati asvika, Erisha akati kuvakuru, “Hamuoni here iyi mhondi iri kutumira munhu kuzodimura musoro wangu? Tarirai, kana nhume yasvika, mupfige mukova muutsigire kuti asapinda. Ko, hausi mutsindo wetsoka dzatenzi wake mushure make here?”
33 Kwathi esakhuluma labo, khangela-ke, inkosi yehlela kuye, yathi: Khangela, lobububi buvela eNkosini. Ngingabe ngisayilindelelani iNkosi?
Akati achiri kutaurirana navo, nhumwa yakasvika kwaari. Mambo akati, “Dambudziko iri rinobva kuna Jehovha. Ndichagoramba ndakamirira Jehovha nemhaka yeiko?”

< 2 Amakhosi 6 >