< 2 Amakhosi 12 >

1 Ngomnyaka wesikhombisa kaJehu uJehowashi waba yinkosi; wabusa iminyaka engamatshumi amane eJerusalema. Lebizo likanina lalinguZibiya weBherishebha.
Mugore rechinomwe raJehu, Joashi akava mambo, uye akatonga muJerusarema kwamakore makumi mana. Zita ramai vake rainzi Zibhia; vaibva kuBheerishebha.
2 UJehowashi wasesenza okulungileyo emehlweni eNkosi zonke izinsuku zakhe uJehoyada umpristi amfundisa ngazo.
Joashi akaita zvakanaka pamberi paJehovha pamakore ose aakadzidziswa naJehoyadha muprista.
3 Kodwa indawo eziphakemeyo kazisuswanga; abantu babelokhu benikela imihlatshelo betshisa impepha endaweni eziphakemeyo.
Kunyange zvakadaro, matunhu akakwirira haana kubviswa; vanhu vakaramba vachibayira zvibayiro uye vachipisira zvinonhuhwira ikoko.
4 UJehowashi wasesithi kubapristi: Yonke imali yezinto ezehlukanisiweyo elethwa endlini kaJehova, imali yalowo lalowo odlulayo kwababaliweyo, imali yalowo lalowo umuntu ayilinganisileyo, yonke imali, okuvela enhliziyweni yaloba nguwuphi umuntu ukuyiletha endlini yeNkosi;
Joashi akati kuvaprista, “Unganidzai mari yose inouyiswa sezvipiriso zvakatsaurwa kutemberi yaJehovha, mari inounganidzwa, pakuverengwa kwavanhu, mari inogamuchirwa iri yemhiko, nemari inouyiswa kutemberi vanhu vachida havo.
5 abapristi kabayithathe kubo, ngulowo lalowo komejwayeleyo, balungise izikhala zendlu, loba kungaphi lapho okutholwa khona izikhala.
Vaprista vose ngavagamuchire mari kubva kuno mumwe wavachengeti vehomwe yemari, uye ngaishandiswe kugadzira pose pavanowana pakaputsika mutemberi.”
6 Kodwa kwathi ngomnyaka wamatshumi amabili lantathu wenkosi uJehowashi abapristi babengakalungisi izikhala zendlu.
Asi mugore ramakumi maviri namatatu raMambo Joashi vaprista vakanga vachigere kugadzira temberi.
7 Inkosi uJehowashi yasibiza uJehoyada umpristi labapristi, yathi kibo: Kungani lingalungisi izikhala zendlu? Ngakho-ke lingathathi imali kwelibejwayeleyo kodwa liyinikele izikhala zendlu.
Naizvozvo Mambo Joashi akadana muprista Jehoyadha navamwe vaprista akavabvunza akati, “Seiko musingagadziri pakaputsika mutemberi? Chiregai kutora imwe mari zvakare kubva kuvabati vehomwe, asi muibudise kuti iite basa rokugadzira temberi.”
8 Abapristi basebevuma ukuthi kabasayikuthatha imali ebantwini lokuthi kabayikulungisa izikhala zendlu.
Vaprista vakabvuma kuti havaizounganidzazve mari kubva kuvanhu uye kuti havaizogadzira temberi ivo pachavo.
9 UJehoyada umpristi wasethatha ibhokisi elilodwa, wabhoboza isikhala esivalweni salo, walibeka eceleni kwelathi ngakwesokunene nxa umuntu engena endlini yeNkosi. Abapristi-ke abalinda umbundu bafaka kulo yonke imali eyalethwa endlini yeNkosi.
Muprista Jehoyadha akatora bhokisi akaboora buri pachidzivo charo. Akarigadzika parutivi pearitari, kurudyi kana munhu achipinda mutemberi yaJehovha. Vaprista vairinda mukova vakaisa mubhokisi mari yose yakauyiswa kutemberi yaJehovha.
10 Kwakusithi sebebona ukuthi imali isinengi ebhokisini, umabhalane wenkosi, lompristi omkhulu benyuke, bayibophe bayibale imali eyatholwa endlini yeNkosi.
Pose pavaiona kuti mari yakanga yawanda mubhokisi, munyori wamambo nomuprista mukuru, vaiverenga mari yainge yauyiswa mutemberi yaJehovha voiisa muzvihomwe.
11 Basebenikela imali elinganisiweyo ezandleni zabenzi bomsebenzi, zababonisi bendlu yeNkosi, bayikhuphela kubabazi bezigodo lakubakhi ababesebenza endlini yeNkosi,
Vaiti kana vaona kuti yava marii, vaizoipa kuvarume vakanga vagadzwa kuti vave vatariri vebasa retemberi. Mari iyi yaizoripira vakanga vachishanda patemberi yaJehovha, vavezi navavaki,
12 lakwabakha ngamatshe lakubabazi bamatshe, lokuthenga izigodo lamatshe abaziweyo ukulungisa izikhala zendlu yeNkosi, lakukho konke okwakhutshelwa indlu ukuyilungisa.
navaironga uye navavezi vamatombo. Vakatenga matanda namatombo akavezwa okugadzirisa temberi yaJehovha, uye vakaripira zvose zvaidiwa pakugadziridza temberi.
13 Kodwa kayenzelwanga indlu yeNkosi imiganu yesiliva, izindlawu, imiganu yokufafaza, izimpondo zokukhaliswa, laziphi izitsha zegolide lezitsha zesiliva zemali eyalethwa endlini yeNkosi,
Mari yaiuyiswa mutemberi haina kushandiswa pakugadzira madhishi esirivha, mbato dzemwenje, nemikombe, nehwamanda kana zvimwe zvipi zvazvo zvegoridhe kana sirivha zvetemberi yaJehovha.
14 kodwa bayinika abenzi bomsebenzi, basebelungisa ngayo indlu yeNkosi.
Yakaripirwa kuvarume vaishanda, ivo vakaishandisa kugadzira temberi.
15 Njalo kababalelananga labantu abanikela imali esandleni sabo, ukupha abenzi bomsebenzi, ngoba benza ngokuthembeka.
Havana kubvunza mashandisirwo ayo kuna avo vavakapa mari kuti varipire vashandi, nokuti vakashanda vakatendeka zvakakwana.
16 Imali yomnikelo wecala lemali yeminikelo yesono kayilethwanga endlini yeNkosi; yayingeyabapristi.
Mari yaibva kuzvipiriso zvemhosva nezvipiriso zvechivi haina kuuyiswa mutemberi yaJehovha; yakanga iri yavaprista.
17 Ngalesosikhathi uHazayeli inkosi yeSiriya wenyuka walwa emelene leGathi, wayithumba. UHazayeli wasekhangelisa ubuso bakhe ukwenyuka amelane leJerusalema.
Panguva yakaita saiyoyi Hazaeri mambo weAramu akaenda akandorwisa Gati akaripamba. Ipapo akadzokera kundorwisa Jerusarema.
18 Kodwa uJehowashi inkosi yakoJuda wathatha zonke izinto ezingcwelisiweyo uJehoshafathi loJoramu loAhaziya oyise, amakhosi akoJuda, ababezingcwelisile, lezakhe izinto ezingcwelisiweyo, legolide lonke elatholwa enothweni yendlu kaJehova lendlu yenkosi, wakuthumela kuHazayeli inkosi yeSiriya. Wasesenyuka wasuka eJerusalema.
Asi Joashi mambo weJudha akatora zvinhu zvose zvitsvene zvakatsaurwa zvakanga zvakumikidzwa namadzibaba ake, Jehoshafati, naJehoramu naAhazia madzimambo eJudha, zvipo zvaakanga akumikidza iye negoridhe rose rakawanikwa mumatura etemberi yaJehovha nomumuzinda wamambo, akazvitumira kuna Hazaeri mambo weAramu, iye akabva muJerusarema.
19 Ezinye-ke zezindaba zikaJowashi, lakho konke akwenzayo, kakubhalwanga yini egwalweni lwemilando yamakhosi akoJuda?
Zvimwe zvakaitwa pakutonga kwaJoashi, nezvose zvaakaita, hazvina kunyorwa here mubhuku renhoroondo dzamadzimambo eJudha?
20 Inceku zakhe zasezisukuma zenza ugobe, zamtshaya uJowashi endlini yeMilo eyehlela eSila.
Vabati vake vakaita rangano yokumumukira vakamuuraya paBheti Miro, panzira yaienda kuSira.
21 Ngoba oJozakari indodana kaShimeyathi loJehozabadi indodana kaShomeri, inceku zakhe, bamtshaya, wafa; basebemngcwaba kuboyise emzini kaDavida. UAmaziya indodana yakhe wasesiba yinkosi esikhundleni sakhe.
Vabati vakamuuraya vakanga vari vanaJozabhadhi mwanakomana waShimeati naJehozabhadhi mwanakomana waShomeri. Akafa akavigwa pamwe chete namadzibaba ake muGuta raDhavhidhi. Uye Amazia mwanakomana wake akamutevera paumambo.

< 2 Amakhosi 12 >