< 2 Kwabasekhorinte 11 >
1 Kungathi lingangibekezelela kancane ebuthutheni bami; yebo lani lingibekezelele.
Ndinovimba kuti muchava nomwoyo murefu zvishoma nokuda kwoupenzi hwangu; asi mava kutozviita kare.
2 Ngoba ngilobukhwele ngani ngobukhwele bukaNkulunkulu; ngoba ngaliganela endodeni yinye ukuthi ngilise kuKristu liyintombi emsulwa.
Ndine godo pamusoro penyu negodo raMwari. Ndakakuitai vakavimbika kumurume mumwe chete, kuna Kristu, kuitira kuti ndigozogona kukusvitsai kwaari semhandara yakachena.
3 Kodwa ngiyesaba ukuthi hlezi njengalokhu inyoka yakhohlisa uEva ngobuqili bayo, ngokunjalo imicabango yenu ingaduhiswa ebuqothweni obukuKristu.
Asi ndinotya kuti sokunyengerwa kwakaitwa Evha nenyoka nemano ayo, ndangariro dzenyu dzingangotsauswa kubva pakururama nokuchena kwomwoyo, pakuzvipira kuna Kristu.
4 Ngoba uba ofikayo etshumayela omunye uJesu esingamtshumayelanga, loba lisemukela omunye umoya elingamemukelanga, loba elinye ivangeli elingalemukelanga, kuhle ukuthi limbekezelele.
Nokuti kana mumwe akauya kwamuri achiparidza mumwe Jesu kunze kwaJesu watakaparidza, kana kuti mukagamuchira mumwe mweya wakasiyana nouyo wamakagamuchira, kana rimwe vhangeri rakasiyana neramakagamuchira, munogona kuzvigamuchira zviri nyore kwazvo.
5 Ngoba ngithi kangisileli ngalutho kulabobaphostoli abaqakathekileyo sibili.
Asi handifungi kuti ndiri muduku napaduku pose ku“vapostori vanopfuura vamwe vose.”
6 Njalo uba lami ngingafundanga ekukhulumeni, kanti kungeyisikho elwazini; kodwa entweni yonke sibonakalisiwe kini ezintweni zonke.
Ndingava zvangu ndisinganatsi pakutaura, asi ndine ruzivo. Takanyatsojekesa izvi kwamuri nenzira dzose.
7 Kumbe ngenze isono yini ngokuzithoba ukuze liphakanyiswe lina, lokhu ngilitshumayeze ivangeli likaNkulunkulu ngesihle?
Ndakatadza here zvandakazvininipisa kuitira kuti imi mugokudzwa nokuparidzwa kwevhangeri raMwari kwamuri pachena pasina mutengo?
8 Ngaphanga amanye amabandla, ngithatha iholo ukuze ngilisize;
Ndakatorera dzimwe kereke pandakagamuchira rubatsiro kubva kwavari kuitira kuti ndigone kukushumirai.
9 lalapho ngangikhona kini ngiswele kangibanga ngumthwalo ngitsho emuntwini; ngoba abazalwane, abavela eMakedoniya, bagcwalisa inswelo yami; njalo kukho konke ngizigcinile ukuthi ngingabi ngumthwalo kini, futhi ngizazigcina.
Uye pandakanga ndiri pakati penyu ndichishayiwa chimwe chinhu, handina kuva mutoro kuna ani zvake, nokuti hama dzakabva kuMasedhonia dzakandipa zvandaishayiwa. Handina kuda kuva mutoro nenzira ipi zvayo pakati penyu, uye ndicharamba ndichidaro.
10 Njengoba iqiniso likaKristu likimi, ukuthi lokhukuzincoma kakuyikumiswa ngami ezabelweni zeAkaya.
Zvirokwazvo sezvo chokwadi chaKristu chiri mandiri, hakuna munhu mudunhu reAkaya achandidzivisa pakuzvirumbidza uku.
11 Ngenxa yani? Ngoba ngingalithandi yini? UNkulunkulu uyazi.
Seiko? Nokuti handikudei here? Mwari anoziva kuti ndinokudai!
12 Kodwa engikwenzayo, ngizakwenza futhi, ukuze ngiqume ithuba kwabafuna ithuba, ukuze kulokho abazincoma ngakho, baficwe benjengathi labo.
Uye ndicharamba ndichiita zvandiri kuita kuti ndishayise nzira kuna avo vanotsvaka mukana wokuti vaenzaniswe nesu pazvinhu zvavanozvirumbidza nazvo.
13 Ngoba abanje bangabaphostoli bamanga, izisebenzi ezikhohlisayo, beziphendula babe ngabaphostoli bakaKristu.
Nokuti vanhu vakadai ndivo vapostori venhema, varume vanonyengera, vanozvishandura vachizviita vapostori vaKristu.
14 Kakumangalisi-ke; ngoba uSathane uqobo uziphendula abe yingilosi yokukhanya.
Uye naizvozvo hazvishamisi, nokuti Satani pachake anozvishandura achizviita mutumwa wechiedza.
15 Ngakho kakusinto enkulu uba lazo inceku zakhe ziziphendula zisiba njengenceku zokulunga, okuphela kwazo kuzakuba njengokwemisebenzi yazo.
Naizvozvowo hazvishamisi, kana varanda vake vachizvishandura vachizviita varanda vokururama. Magumo avo achava sezvakafanira maitiro avo.
16 Ngiyaphinda ngithi: Kakungabi lomuntu ocabanga ukuthi ngiyisithutha; kodwa uba kungenjalo ngemukelani lanjengesithutha, ukuze lami ngizincome kancinyane.
Ndinopamhidza kuti: Ngakurege kuva nomunhu anonditi ndiri benzi. Asi kana muchidaro, naizvozvo ndigamuchirei sebenzi, kuitira kuti ndigozvirumbidzawo zvishoma.
17 Lokho engikutshoyo, kangikutsho ngokweNkosi, kodwa njengebuthutheni, kulesisibindi sokuzincoma.
Mukuzvirumbidza pachangu, handisi kutaura sezvinobva kuna She, asi sebenzi.
18 Lokhu abanengi bezincoma ngokwenyama, lami ngizazincoma.
Sezvo vazhinji vachizvirumbidza nenzira inoitwa nenyika, neniwo ndichazvirumbidza.
19 Ngoba libekezelela abayizithutha ngentokozo, lina lingabahlakaniphileyo.
Nokuti makava nomwoyo murefu nomufaro kumapenzi sezvo makachenjera!
20 Ngoba liyabekezela, uba umuntu elenza izigqili, uba umuntu elidla aliqede, uba umuntu elemuka, uba umuntu eziphakamisa, uba umuntu elitshaya ebusweni.
Nokuti munoitira mwoyo murefu kunyange munhu wose anokuitai varanda kana anokubirai kana anokutapai kana anokuzvidzai kana anokurovai kumeso.
21 Ngitsho ngenhloni, kuze kungathi thina besibuthakathaka; kodwa lakukuphi umuntu alesibindi ngakho (ngikhulumela ebuthutheni) lami ngilesibindi ngakho.
Ndichizvishora ndinobvuma kuti takanga tisina simba rokuti tiite izvozvo. Zvinotsunga vamwe vose kuti vazvirumbidze pamusoro pazvo, ndinotaura sebenzi, ini ndinotsungawo kuzvirumbidza pamusoro pazvo.
22 BangamaHebheru yini? Lami. BangamaIsrayeli yini? Lami. Bayinzalo kaAbrahama yini? Lami.
Ivo vaHebheru here? Neniwo ndiri. Ivo vaIsraeri here? Neniwo ndiri. Ivo zvizvarwa zvaAbhurahama here? Neniwo ndiri.
23 Bayizikhonzi zikaKristu yini? (Ngikhuluma njengohlanya) ngiyiso kulabo; emisebenzini enzima okwengezelelweyo kakhulu, emivimvinyeni okwedlula amalawulo, ezintolongweni okungezelelweyo kakhulu, ezimfeni kanengi;
Ivo varanda vaKristu here? Ndava kupenga, kana ndichitaura zvakadai. Ini ndiri muranda wake zvikuru. Ndakashanda zvokuvapfuura, ndakaiswa mutorongo kakawanda kuvapfuura, ndakarohwa zvikuru kwazvo, uye ndakatarisana norufu kazhinji.
24 kumaJuda ngemukela kahlanu imivimvinya engamatshumi amane kusala owodwa.
Kanosvika kashanu ndakarohwa navaJudha shamhu makumi matatu nepfumbamwe.
25 Ngatshaywa kathathu ngezinduku, ngakhandwa ngamatshe kanye, kathathu ngachithekelwa ngumkhumbi, ubusuku lemini ngisekujuleni kolwandle;
Katatu ndakarohwa netsvimbo, kamwe chete ndakatakwa namabwe, katatu ndakaita tsaona nechikepe, ndakapedza usiku humwe namasikati ndiri pagungwa,
26 ekuhambeni kanengi; engozini zemifula, engozini zabaphangi, ezingozini kwabakithi, ezingozini kwabezizwe, ezingozini emzini, ezingozini enkangala, engozini olwandle, ezingozini kubazalwane bamanga,
ndakanga ndiri parwendo nguva zhinji. Ndakava panjodzi dzenzizi, panjodzi dzamakororo, panjodzi dzevorudzi rwokwangu, panjodzi dzavaHedheni, panjodzi muguta, napanjodzi murenje, panjodzi mugungwa, napanjodzi pakati pehama dzenhema.
27 ekutshikatshikeni lebunzimeni, ekungalalini kanengi, ekulambeni lekomeni, ekuzileni ukudla kanengi, ekugodoleni lekuhambenize.
Ndakabata basa nokutambura uye nguva zhinji ndichishayiwa hope; ndinoziva nzara nenyota uye kushayiwa zvokudya nguva zhinji; chando nokushayiwa chokupfeka.
28 Ngaphandle kwezinto ezingaphandle, okungicindezelayo insuku zonke yikukhathalela wonke amabandla.
Kunze kwaizvozvi zvose, ndinoremedzwa zuva rimwe nerimwe nokurangarira kereke dzose.
29 Ngubani obuthakathaka, ngingabi buthakathaka lami? Ngubani okhutshekiswayo, lami ngingatshiseki?
Ndianiko anoshayiwa simba uye ndikasanzwa kushayiwa simba? Ndianiko anotungamirirwa muchivi uye ndikasarwadziwa mukati mangu?
30 Uba kumele ukuzincoma, ngizazincoma ngezinto zobuthakathaka bami.
Kana ndichifanira kuzvirumbidza, ndichazvirumbidza pamusoro pezvinhu zvinoratidza utera hwangu.
31 UNkulunkulu uYise weNkosi yethu uJesu Kristu, obongekayo kuze kube nini lanini, uyazi ukuthi kangiqambi manga. (aiōn )
Mwari naBaba vaIshe Jesu, uyo anofanira kurumbidzwa nokusingaperi, anoziva kuti handirevi nhema. (aiōn )
32 EDamaseko induna yenkosi uAretha yalinda umuzi wabeDamaseko, efuna ukungibamba;
MuDhamasiko mubati pasi pamambo Aretasi akaita kuti guta ravaDhamasiko ririndwe achida kuti andisunge.
33 njalo ngehliswa ngewindi esilulwini ngomduli, ngasengiphepha ezandleni zayo.
Asi ndakaburutswa ndiri mudengu napawindo parusvingo uye ndikapunyuka pamaoko ake.