< 1 UJohane 2 >

1 Bantwanyana bami, ngilibhalela lezizinto, ukuze lingoni. Njalo loba ngubani nxa esona, siloMmeli kuYise, uJesu Kristu olungileyo;
Vana vangu vandinoda, ndinonyora izvi kwamuri kuti murege kutadza. Asi kana munhu akatadza, tine murevereri kuna Baba, Jesu Kristu, Iye Akarurama.
2 njalo yena uyinhlawulo yokuthula yezono zethu; futhi kungeyisizo ezethu zodwa, kodwa lezomhlaba wonke.
Ndiye chibayiro chinoyananisira zvivi zvedu, uye kwete zvivi zvedu bedzi, asi wezvivi zvenyika yose.
3 Langalokho siyakwazi ukuthi siyamazi, uba sigcina imilayo yakhe.
Tinoziva kuti isu tinomuziva kana tichiteerera mirayiro yake.
4 Lowo othi: Ngiyamazi, futhi engagcini imilayo yakhe, ungumqambimanga, leqiniso kalikho kuye;
Munhu anoti, “Ndinomuziva,” asi asingaiti zvaanorayira, iyeye murevi wenhema, uye chokwadi hachizi maari.
5 kodwa lowo ogcina ilizwi lakhe, ngeqiniso uthando lukaNkulunkulu luphelelisiwe kuye. Ngalokho siyazi ukuthi sikuye.
Asi kana munhu achiteerera shoko rake, zvirokwazvo rudo rwaMwari runokwaniswa maari. Izvi ndizvo zvatinoziva nazvo kuti tiri maari:
6 Lowo othi uhlala kuye ufanele laye uqobo ahambe kanje, njengoba laye wahamba.
Ani naani anozviti anogara maari anofanira kufamba sokufamba kwakaita Jesu.
7 Bazalwane, kangilibhaleli umlayo omutsha, kodwa umlayo omdala, elalilawo kusukela ekuqaleni; umlayo omdala uyilizwi elalizwayo kusukela ekuqaleni.
Vadikani, handisi kukunyorerai murayiro mutsva asi wakare, wamakanzwa kubva pakutanga. Iwoyu murayiro wekare ndiyo mharidzo yamakanzwa.
8 Ngiphinda ngilibhalele umlayo omutsha, into eliqiniso kuye, lakini; ngoba ubumnyama buyadlula, lokukhanya kweqiniso sekukhanya.
Asi ndiri kukunyorerai murayiro mutsva; chokwadi chawo chinoonekwa maari uye nomamuri, nokuti rima riri kupfuura uye chiedza chechokwadi chava kutovhenekera.
9 Lowo othi usekukhanyeni, futhi ezonda umzalwane wakhe, usemnyameni kuze kube lakhathesi.
Ani naani anoti ari muchiedza asi achivenga hama yake achiri murima.
10 Othanda umzalwane wakhe, uhlala ekukhanyeni, njalo kakulasikhubo kuye.
Ani naani anoda hama yake anogara muchiedza, uye maari hamuna chinhu chingamugumbusa.
11 Kodwa ozonda umzalwane wakhe usebumnyameni, njalo uhamba ebumnyameni, futhi kakwazi lapho aya khona, ngoba ubumnyama buwaphumputhekisile amehlo akhe.
Asi ani naani anovenga hama yake ndiye ari murima uye anofamba murima; haazivi kwaanoenda, nokuti rima rakamupofumadza.
12 Ngiyalibhalela, bantwanyana, ngoba izono zenu lizithethelelwe ngenxa yebizo lakhe.
Ndinokunyorerai, vana vangu vandinoda, nokuti zvivi zvenyu zvakaregererwa nokuda kwezita rake.
13 Ngiyalibhalela, bobaba, ngoba limazile yena okhona kusukela ekuqaleni. Ngiyalibhalela lina, majaha, ngoba limnqobile omubi. Ngiyalibhalela lina, bantwanyana, ngoba limazile uYise.
Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti makakunda iye akaipa. Ndinokunyorerai, vana vanodikanwa, nokuti makaziva Baba.
14 Ngilibhalele, bobaba, ngoba limazile okhona kusukela ekuqaleni. Ngilibhalele, majaha, ngoba lilamandla lelizwi likaNkulunkulu lihlala kini njalo limnqobile omubi.
Ndinokunyorerai, madzibaba, nokuti makamuziva iye akanga aripo kubva pakutanga. Ndinokunyorerai, imi majaya, nokuti mune simba, shoko raMwari rinogara mamuri, uye makakunda iye akaipa.
15 Lingawuthandi umhlaba loba izinto ezisemhlabeni. Uba umuntu ethanda umhlaba, uthando lukaYise kalukho kuye;
Musada nyika kana zvinhu zviri mairi. Kana munhu achida nyika, rudo rwaBaba haruzi maari.
16 ngoba konke okusemhlabeni, inkanuko yenyama, lenkanuko yamehlo, lokuzigqaja kwempilo, kakuveli kuYise kodwa kuvela emhlabeni.
Nokuti zvinhu zvose zviri munyika zvinoti kuchiva kwemunhu, kuchiva kwameso uye kuzvikudza kwemunhu nokuda kwezvaanazvo nezvaanoita, hazvibvi kuna Baba asi zvinobva kunyika.
17 Lomhlaba uyedlula, lenkanuko zawo; kodwa owenza intando kaNkulunkulu uhlala kuze kube nininini. (aiōn g165)
Nyika nokuchiva kwayo inopfuura, asi munhu anoita kuda kwaMwari anorarama nokusingaperi. (aiōn g165)
18 Bantwanyana, kuyisikhathi sokucina; njalo njengalokhu lezwa ukuthi umphikuKristu uyeza, lakhathesi abanengi sebengabaphikuKristu; ngalokhu siyazi ukuthi kuyisikhathi sokucina.
Vana vanodikanwa, ino ndiyo nguva yokupedzisira; uye sezvamakanzwa kuti andikristu ari kuuya, kunyange izvozvi vanaandikristu vazhinji vakatouya. Ndizvo zvatinoziva nazvo kuti ava mazuva okupedzisira.
19 Baphuma kithi, kodwa babengesibo abakithi; ngoba uba babengabakithi, ngabe bahlala lathi; kodwa baphuma ukuze babonakalise ukuthi kabasibo bonke abakithi.
Vakabva kwatiri, asi vakanga vasiri vedu chaivo. Nokuti dai vakanga vari vedu chaivo, vangadai vakagara nesu; asi kuenda kwavo kwakaratidza kuti hapana mumwe wavo akanga ari wedu.
20 Kodwa lina lilokugcotshwa okuvela koNgcwele, njalo liyazi izinto zonke.
Asi imi muno kuzodzwa kunobva kuna Iye Mutsvene, uye imi mose munoziva chokwadi.
21 Kangilibhalelanga ngoba lingalazi iqiniso, kodwa ngoba liyalazi, njalo ngoba kakulamanga lakanye avela eqinisweni.
Handina kukunyorerai nokuda kwokuti hamuzivi chokwadi, asi nokuda kwokuti munochiziva uye nokuti hakuna nhema dzinobva muchokwadi.
22 Ngubani ongumqambimanga ngaphandle kwalowo ophikayo ukuthi uJesu unguKristu? Yena ungumphikuKristu, ophika uYise leNdodana.
Ndianiko murevi wenhema? Ndiye munhu anoramba kuti Jesu ndiye Kristu. Munhu akadaro ndiye andikristu, anoramba Baba noMwanakomana.
23 Wonke ophika iNdodana laye kalaye uYise; ovuma iNdodana uloYise laye.
Hakuna munhu anoramba Mwanakomana angava naBaba; ani naani anopupura Mwanakomana ndiye ana Babawo.
24 Lina-ke elakuzwayo kusukela ekuqaleni kakuhlale kini. Uba kuhlala kini elakuzwayo kusukela ekuqaleni, lani lizahlala eNdodaneni lakuBaba.
Onai kuti zvamakanzwa kubva pakutanga zvagara mamuri. Kana zvikadaro, nemiwo muchagara muMwanakomana nomuna Baba.
25 Njalo yilesi isithembiso yena asithembisa sona, impilo elaphakade. (aiōnios g166)
Uye izvi ndizvo zvaakativimbisa, ihwo upenyu husingaperi. (aiōnios g166)
26 Lezizinto ngalibhalela ngalabo abalikhohlisayo.
Ndiri kunyora zvinhu izvi kwamuri pamusoro pavaya vanoedza kukutsausai.
27 Lina-ke ukugcotshwa elakwemukela kuye kuhlala kini, njalo kalisweli ukuthi umuntu alifundise; kodwa njengoba lokhu ukugcotshwa kuyalifundisa ngakho konke, futhi kuqinisile, njalo kayisiwomanga, futhi njengoba kwalifundisa, lizahlala kuye.
Kana murimi, kuzodzwa kwamakagamuchira kubva kwaari kunogara mamuri, uye hamutsvaki mumwe munhu kuti akudzidzisei. Asi sezvo kuzodza kwake kuchikudzidzisai pamusoro pezvinhu zvose uye sezvo kuzodza ikoko kuri kwechokwadi, kwete kwenhema, sezvakwakakudzidzisai, garai maari.
28 Khathesi-ke, bantwanyana, hlalani kuye; ukuze kuthi lapho ebonakala sibe lesibindi, singabi lenhloni phambi kwakhe ekufikeni kwakhe.
Uye zvino, vana vanodiwa, rambai muri maari, kuitira kuti paanoonekwa tive nokushinga uye tisinganyadziswi pamberi pake pakuuya kwake.
29 Uba lisazi ukuthi ulungile, liyazi ukuthi wonke owenza ukulunga uzelwe nguye.
Kana muchiziva kuti iye akarurama, munoziva kuti mumwe nomumwe anoita zvakarurama akaberekwa naye.

< 1 UJohane 2 >