< 1 KwabaseKhorinte 11 >
1 Banini ngabalandeli bami, njengoba lami okaKristu.
Teverai muenzaniso wangu, sezvandinotevera muenzaniso waKristu.
2 Ngiyalibabaza-ke, bazalwane, ukuthi liyangikhumbula ezintweni zonke, lokuthi libambelele ezimisweni njengoba ngalinika.
Ndinokurumbidzai nokuti munondirangarira pazvinhu zvose, uye muchichengeta dzidziso, sezvandakakudzidzisai.
3 Kodwa ngithanda ukuthi lazi, ukuthi inhloko yawo wonke amadoda nguKristu; lenhloko yowesifazana yindoda; lenhloko kaKristu nguNkulunkulu.
Zvino ndinoda kuti muzive kuti musoro womurume wose ndiKristu, uye musoro womukadzi murume, uye musoro waKristu ndiye Mwari.
4 Yonke indoda ekhulekayo loba eprofethayo, ikhanda limboziwe, ilithela ihlazo ikhanda layo.
Murume mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake wakafukidzwa, anoninipisa musoro wake.
5 Kodwa wonke owesifazana okhuleka kumbe aprofethe ikhanda lingambombozwanga, ulithela ihlazo elakhe ikhanda; ngoba lokhu kufanana-ke lophuciweyo.
Uye mukadzi mumwe nomumwe anonyengetera kana kuprofita musoro wake usina kufukidzwa, anoninipisa musoro wake, zvakangofanana nokuva nomusoro wakaveurwa.
6 Ngoba uba owesifazana engagubuzeli, futhi kagele; kodwa uba kukubi kowesifazana ukugela kumbe ukuphucwa, kagutshuzelwe.
Kana mukadzi asingafukidzi musoro wake, anofanira kugera bvudzi rake; asi kana zvichinyadzisa mukadzi kuti agerwe bvudzi rake, anofanira kufukidza musoro wake.
7 Ngoba indoda kayifanele ukumbomboza ikhanda, ngoba ingumfanekiso lodumo lukaNkulunkulu; kodwa owesifazana uludumo lwendoda.
Murume haafaniri kufukidza musoro wake, sezvo ari mufananidzo nokubwinya kwaMwari; asi mukadzi kubwinya kwomurume.
8 Ngoba indoda kayivelanga kowesifazana, kodwa owesifazana endodeni;
Nokuti murume haana kubva pamukadzi, asi mukadzi ndiye akabva pamurume;
9 ngoba futhi indoda kayidalelwanga owesifazana, kodwa owesifazana indoda;
uye murume haana kusikirwa mukadzi, asi mukadzi ndiye akasikirwa murume.
10 ngenxa yalokhu owesifazana kufanele abe lamandla phezu kwekhanda ngenxa yezingilosi.
Nokuda kwechikonzero ichi, uye nokuda kwavatumwa, mukadzi anofanira kuva nechiratidzo chesimba pamusoro wake.
11 Kodwa indoda kayingaphandle kowesifazana, lowesifazana kangaphandle kwendoda, eNkosini.
Kunyange zvakadaro, muna She mukadzi haazi kunze kwomurume, nomurume haazi kunze kwomukadzi.
12 Ngoba njengoba owesifazana evela endodeni, ngokunjalo lendoda ivela ngowesifazana, kodwa konke kuvela kuNkulunkulu.
Nokuti mukadzi sezvaakabva pamurume, saizvozvowo murume anozvarwa nomukadzi asi zvose zvinobva kuna Mwari.
13 Ziboneleni lina; kufanele yini ukuthi owesifazana akhuleke kuNkulunkulu engambombozanga?
Tongai imi pachenyu kuti: Zvakafanira here kuti mukadzi anyengetere kuna Mwari asina kufukidza musoro wake?
14 Imvelo uqobo lwayo kayilifundisi yini, ukuthi uba indoda ilenwele ezinde, kulihlazo kuyo?
Ko, hamudzidziswi namasikirwo ezvinhu kuti kana murume ane bvudzi refu, anonyadziswa nazvo here,
15 Kodwa uba owesifazana elenwele ezinde, kuludumo kuye. Ngoba inwele uziphiwe ukuthi zibe yisimbombozo.
asi kuti kana mukadzi ane bvudzi refu, ndiko kubwinya kwake? Nokuti bvudzi refu rakapiwa kwaari kuti rive chifukidzo.
16 Kodwa uba umuntu ebonakala elenkani, thina kasilawo umkhuba onjalo, ngitsho lamabandla kaNkulunkulu.
Zvino kana pane anoda kuita gakava pazviri, hatina tsika dzakadaro kunyange kereke dzaMwari.
17 Kodwa ngokulaya lokhu kangilibabazi, ngoba libuthana ngokungekuhle kodwa ngokubi.
Pane zvakarayirwa zvinotevera handikurumbidzei, nokuti hamuunganiri zvakanaka asi zvakaipa.
18 Okokuqala ngoba nxa libuthana ebandleni, ngizwa ukuthi kukhona ukwehlukana phakathi kwenu; njalo nganxanye ngiyakukholwa.
Chokutanga, ndakanzwa kuti pamunoungana pamwe chete sekereke, pane kupesana pakati penyu, uye ndingangozvitenda.
19 Ngoba kufanele ukuba lobubhazuka futhi phakathi kwenu, ukuze labo abaqinisileyo babonakale phakathi kwenu.
Nokuti dzidziso dzakatsaukana dzinofanira kuva pakati penyu, kuti zvionekwe kuti vakatendeka kuna Mwari ndavapi.
20 Ngakho nxa libuthana ndawonye, lokhu kakusikho ukudla isidlo seNkosi;
Pamunoungana, hachisi chirariro chaShe chamunodya,
21 ngoba ngulowo lalowo uthatha kuqala esakhe isidlo ekudleni, lomunye ulambile, lomunye udakiwe.
nokuti kana modya, mumwe nomumwe wenyu anongotanga kudya asingamiriri vamwe. Mumwe anosara ane nzara, mumwewo anodhakwa.
22 Kanti kalilazo izindlu zokudlela lezokunathela? Kumbe lidelela ibandla likaNkulunkulu, liyangise yini abangelakho? Ngingathini kini? Ngingalibabaza kulokhu yini? Kangilibabazi.
Ko, hamuna dzimba kwamungadyira nokunwira here? Kana kuti munozvidza kereke yaMwari nokunyadzisa vasina chinhu here? Zvino ndichatiiko kwamuri? Ndingakurumbidzai nokuda kwaizvozvi here? Zvirokwazvo kwete!
23 Ngoba mina ngakwemukela eNkosini, lokho lami engalinika khona, ukuthi iNkosi uJesu ngobusuku eyanikelwa ngabo yathatha isinkwa,
Nokuti ndakagamuchira kubva kuna She icho chandakakupai kuti Ishe Jesu, usiku hwaakapandukirwa, akatora chingwa,
24 isibongile yasihlephuna, yathi: Thathani, lidle, lokhu kungumzimba wami owahletshunelwa lina; lokhu kwenzeni ukungikhumbula.
uye mushure mokunge avonga, akachimedura akati, “Uyu ndiwo muviri wangu, unomedurirwa imi; itai izvi muchindirangarira.”
25 Ngokunjalo lenkezo, sebedlile, yathi: Inkezo le iyisivumelwano esitsha egazini lami; lokhu kwenzeni, loba nini liyinatha, ukungikhumbula.
Saizvozvowo, mushure mechirariro akatora mukombe, achiti, “Mukombe uyu ndiwo sungano itsva muropa rangu; itai izvi nguva dzose kana muchiunwa, muchindirangarira.”
26 Ngoba loba nini nxa lisidla lesisinkwa, linatha linkezo, litshumayela ukufa kweNkosi ize ifike.
Nokuti nguva dzose kana muchidya chingwa ichi nokunwa mukombe uyu, munoparidza rufu rwaShe kusvikira achidzoka.
27 Ngakho loba ngubani odla lesisinkwa kumbe anathe inkezo yeNkosi ngokungafanelanga, uzakuba lecala lomzimba legazi leNkosi.
Naizvozvo ani naani anodya chingwa nokunwa mukombe waShe nomutoo usina kufanira achabatwa nemhosva yokutadzira muviri neropa raShe.
28 Kodwa umuntu kumele azihlole, ngokunjalo-ke adle okwesinkwa anathe okwenkezo;
Munhu anofanira kuti azviedze asati adya chingwa nokunwa mukombe.
29 ngoba odlayo anathe ngokungafanelanga, uzidlela azinathele isigwebo, engawehlukanisi umzimba weNkosi.
Nokuti ani naani anodya nokunwa asingacherechedzi muviri waShe anozvidyira nokuzvinwira kutongwa kwake.
30 Ngenxa yalokhu banengi kini ababuthakathaka labagulayo, lenengi lilele.
Ndokusaka vazhinji pakati penyu vasina simba uye vachirwara, uye vamwe venyu vavete.
31 Kodwa uba besizihlolile thina, besingayikwahlulelwa;
Asi kana tikazviedza pachedu, hatingazotongwi.
32 kodwa nxa sisahlulelwa, sikhuzwa yiNkosi, ukuze singalahlwa kanye lomhlaba.
Kana tikatongwa naShe, tiri kurangwa kuitira kuti tirege kuzoraswa pamwe chete nenyika.
33 Ngakho, bazalwane bami, nxa libuthana ukuthi lidle, kalibomelelana.
Saka naizvozvo, hama dzangu, kana muchiungana pakudya, miriranai.
34 Njalo uba omunye elambile, kabokudla ekhaya; ukuze lingabuthaneli ukugwetshwa. Okuseleyo-ke, ngizakulungisa mhla ngifikayo.
Kana mumwe aine nzara, anofanira kudya kumba kwake, kuitira kuti pamunoungana pamwe chete murege kutongwa. Uye kana ndichinge ndasvika ndichakudzidzisai zvimwe.