< 1 KwabaseKhorinte 10 >

1 Kangithandi-ke ukuthi lingazi, bazalwane, ukuthi bonke obaba bethu babengaphansi kweyezi, njalo bonke badabula ulwandle,
Nokuti hama dzangu, handidi kuti murege kuziva kuti madzibaba edu ose akanga ari pasi pegore uye kuti vose vakayambuka gungwa.
2 futhi bonke babhabhathizwa kuMozisi eyezini lasolwandle,
Vose vakabhabhatidzwa muna Mozisi mugore nomugungwa.
3 labo bonke badla ukudla kunye komoya,
Vose vakadya zvokudya zvimwe chete zvoMweya
4 futhi bonke banatha okunathwayo kunye komoya; ngoba banatha edwaleni lomoya elabalandelayo; lalelodwala lalinguKristu.
uye vose vakanwa zvokunwa zvimwe chete zvomweya; nokuti vakanwa kubva padombo romweya rakafamba navo, uye dombo iri raiva Kristu.
5 Kodwa ubunengi babo uNkulunkulu wayengathokozi ngabo; ngoba bachithwa enkangala.
Kunyange zvakadaro, Mwari haana kufadzwa navazhinji vavo; mitumbi yavo yakaparadzirwa murenje.
6 Lalezizinto zaba yizibonelo kithi, ukuze singaloyisi okubi, njengalokhu labo baloyisa.
Zvino, zvinhu izvi zvakanga zviri semienzaniso kwatiri, kuti tirege kuisa mwoyo yedu pazvinhu zvakaipa sezvavakaita.
7 Njalo lingabi ngabakhonza izithombe, njengabanye babo; njengokulotshiweyo ukuthi: Abantu bahlala phansi ukudla lokunatha, basebesukuma ukudlala.
Musanamata zvifananidzo, sezvakaita vamwe vavo; sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Vanhu vakagara pasi vakadya, vakanwa, uye vakasimuka kuti vatambe.”
8 Njalo kasingaphingi, njengabanye babo abaphingayo, basebesiwa ngasuku lunye inkulungwane ezingamatshumi amabili lantathu.
Hatifaniri kuita upombwe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakafa zviuru makumi maviri nezvitatu muzuva rimwe chete.
9 Njalo asingamlingi uKristu, njengabanye babo futhi bamlinga, basebebhujiswa zinyoka.
Hatifaniri kuedza Ishe, sezvakaita vamwe vavo, uye vakaurayiwa nenyoka.
10 Lingasoli-ke, njengabanye babo labo basola, babhujiswa ngumbhubhisi.
Uye murege kugununʼuna sezvakaita vamwe vavo, uye vakazourayiwa nomutumwa wokuparadza.
11 Lalezizinto zonke zabehlela labo kube yizibonelo, njalo zabhalelwa ukuba yisixwayiso sethu, osekufike ukucina kwezikhathi. (aiōn g165)
Zvinhu izvi zvakaitika kwavari semienzaniso kwatiri uye zvikanyorwa kuti zvive yambiro kwatiri, iyesu takasvikirwa nokuzadziswa kwokuguma kwenyika. (aiōn g165)
12 Ngakho lowo ocabanga ukuthi umi, kabone ukuthi kawi.
Saka, kana uchifunga kuti wakamira zvakasimba, chenjera kuti urege kuwa!
13 Kakulakulingwa okulibambileyo ngaphandle kokusebantwini; kodwa uNkulunkulu uthembekile, ongayikuvuma ukuthi lilingwe ngokungaphezu kwamandla enu, kanti kanye lesilingo uzakwenza lendlela yokuphepha, ukuze libe lamandla okusithwala.
Hakuna muedzo wakakuwirai imi, kunze kwaiwo unowira munhu wose. Uye Mwari akatendeka, haangatenderi kuti muedzwe kupfuura pamunogona napo. Asi kana muchiedzwa, iye achakupai nzira yokubuda nayo kuti mugone kutsunga pairi.
14 Ngakho-ke, bathandiweyo bami, balekelani ukukhonza izithombe.
Naizvozvo, shamwari dzangu dzinodikanwa, tizai kunamata zvifananidzo.
15 Ngikhuluma njengakwabahlakaniphileyo; lina yehlukanisani engikutshoyo.
Ndiri kutaura kuvanhu vakachenjera; zvitongerei pachenyu pane zvandinotaura.
16 Inkezo yesibusiso esiyibusisayo, kayisiyo yini eyokuhlanganyela kwegazi likaKristu? Isinkwa esisihlephunayo, kayisiso yini esokuhlanganyela komzimba kaKristu?
Ko, mukombe wokuvonga watinovonga, hakuzi kusangana neropa raKristu here? Uye chingwa chatinomedura, hakuzi kusangana nomuviri waKristu here?
17 Ngoba thina abanengi siyisinkwa sinye, simzimba munye; ngoba thina sonke sihlanganyela lesosinkwa sinye.
Nokuti pane chingwa chimwe chete, isu vazhinji tiri muviri mumwe, nokuti tinogovana tose pachingwa chimwe.
18 Khangelani uIsrayeli ngokwenyama; abadlayo imihlatshelo kabasibo yini abahlanganyela lelathi?
Cherechedzai vanhu veIsraeri: Ko, avo vanodya zvibayiro havagovani nearitari here?
19 Ngithini pho? Ukuthi isithombe siyilutho yini? Kumbe ukuthi okuhlatshelwe izithombe kuyilutho?
Ko, ndinoreva kuti chibayiro chinobayirwa chifananidzo chinhu here, kana kuti chifananidzo chinhu here?
20 Kodwa ukuthi izinto abezizwe abazihlabayo, bazihlabela amadimoni, njalo kungeyisikho kuNkulunkulu; kodwa kangithandi ukuthi libe lenhlanganyelo lamadimoni.
Kwete, asi zvibayiro zvavahedheni zvinopiwa kumadhimoni kwete kuna Mwari, uye ini handidi kuti mugovane namadhimoni.
21 Lingenathe inkezo yeNkosi lenkezo yamadimoni; lingehlanganyele itafula leNkosi letafula lamadimoni.
Hamunganwi mukombe waShe uye nomukombe wamadhimoniwo; hamungavi nomugove patafura yaShe uye napatafura yamadhimoni.
22 Kumbe sizayivusela ubukhwele iNkosi? Kambe silamandla kulayo?
Tiri kuedza kumutsa godo raShe here? Takasimba kupfuura iye here?
23 Zonke izinto zivunyelwe kimi, kodwa kayisizo zonke izinto ezisizayo. Zonke izinto zivunyelwe kimi, kodwa kayisizo zonke izinto ezakhayo.
Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinobatsira. Zvinhu zvose zvinotenderwa, asi hazvisi zvose zvinovaka.
24 Kakungabi khona ozidingela okwakhe, kodwa ngulowo lalowo okomunye.
Munhu ngaarege kutsvaka zvakamunakira iye, asi zvakanakira vamwe.
25 Konke okuthengiswa esilaheni kudleni, lingabuzi lutho ngenxa yesazela;
Idyai zvose zvinotengeswa pamusika wenyama musingabvunzi chinhu nokuda kwehana,
26 ngoba umhlaba ungoweNkosi lokugcwala kwawo.
nokuti, “Nyika ndeyaShe, nokuzara kwayo.”
27 Njalo uba omunye kwabangakholwayo elinxusa, njalo lithanda ukuya, dlanini konke okubekwa phambi kwenu, lingabuzi lutho ngenxa yesazela.
Kana mumwe asingatendi akakukoka kuzodya, uye kana uchida kuenda, udye zvose zvinenge zvaiswa pamberi pako usingabvunzi mubvunzo nokuda kwehana.
28 Kodwa uba umuntu esithi kini: Lokhu kuhlatshelwe isithombe; lingadli ngenxa yalowo olitshelileyo, langenxa yesazela; ngoba umhlaba ungoweNkosi lokugcwala kwawo.
Asi kana mumwe akati kwauri, “Ichi chipiriso chakabayirwa,” rega kudya, nokuda kwaiye akuratidza, uye nokuda kwehana,
29 Kodwa isazela ngithi, esingeyisiso esakho, kodwa esomunye; ngoba kungani inkululeko yami yahlulelwe yisazela somunye?
ndinoreva hana yomumwe, kwete yako. Nokuti kusununguka kwangu kungatongerweiko nehana yomumwe?
30 Njalo uba mina ngomusa ngihlanganyela, ngikhulunyelwani kubi ngalokho mina engikubongayo?
Kana ini ndichidya ndavonga, ndingagotukirweiko nokuda kwechinhu chandavonga Mwari pamusoro pacho?
31 Ngakho uba lisidla, loba linatha, loba lisenzani, konke kwenzeleni udumo lukaNkulunkulu.
Naizvozvo, kunyange muchidya kana kunwa, chinhu chipi nechipi chamungaita, itai zvose kuti Mwari agokudzwa.
32 Lingabi ngabakhubekisi lakumaJuda lakumaGriki lebandleni likaNkulunkulu;
Musagumbusa munhu upi noupi zvake, angava muJudha, kana muGiriki kana kereke yaMwari,
33 njengami futhi ezintweni zonke ngithokozisa bonke, ngingadingi olwami usizo, kodwa olwabanengi, ukuze basindiswe.
kunyange sezvandinoedzawo kufadza munhu wose pazvinhu zvose. Nokuti handitsvaki zvakandinakira ini asi zvakanakira vazhinji, kuitira kuti vagoponeswa.

< 1 KwabaseKhorinte 10 >