< UMikha 7 >
1 Maye ngosizi lwami! Nginjengomuntu obutha izithelo zehlobo senginjengevini eselivunwe laphela; akuselasixha samavini okudliwa, kayisekho lemikhiwa yakuqala engiyikhanukayo.
Inhamoi yandinayo! Ndafanana nouya anounganidza michero yezhizha inosara mumunda wemizambiringa pakukohwa; hapana sumbu ramazambiringa rokudya, kana maonde okutanga andinopanga.
2 Abathembekileyo babhujisiwe elizweni, kakho lamunye umuntu olungileyo oseleyo. Abantu bonke bacathamela ukuchitha igazi; lowo lalowo uzingela umfowabo ngombule.
Vanhu vano umwari vabviswa panyika; hapana mumwe akarurama asara. Vanhu vose vanovandira kuti vateure ropa; mumwe nomumwe anovhima hama yake nomumbure.
3 Izandla zombili zizingcitshi ekwenzeni okubi; umbusi ufuna izipho ngamandla, umahluleli wamukela isivalamlomo, abalamandla babiza abakufisayo, bonke baceba okubi bendawonye.
Maoko ose ari maviri ane unyanzvi pakuita zvakaipa; mubati anomanikidzira vanhu kuti vamupe zvipo, mutongi anotambira fufuro, vane simba vanomanikidzira zvido zvavo; vose vanozvironga pamwe chete.
4 Ongcono wabo unjengesihlahla sameva, oqotho kakhulu mubi kulothango lwameva. Usuku uNkulunkulu alethekelela ngalo selufikile, usuku lokukhala kophondo lwabalindi. Manje sekuyisikhathi sokuphumputheka kwabo.
Akanaka kupfuura vose akangoita sorukato, vakarurama kupfuura vose vakaipa kupfuura ruzhowa rweminzwa. Zuva renharirire dzenyu rasvika, zuva rokushanyirwa kwenyu naMwari. Zvino ino ndiyo nguva yokukanganiswa kwavo.
5 Ungamethembi umakhelwane; ungagwabi ngomngane wakho. Lalowo olala umgonile, qaphela amazwi akho.
Rega kuvimba nomuvakidzani wako; usavimba neshamwari yako. Kunyange nomukadzi wawakagumbatira, uchenjerere mashoko ako.
6 Ngoba indodana idumaza uyise, indodakazi ivukela unina, umalukazana avukele uninazala, izitha zomuntu ngamalunga endlu yakhe.
Nokuti mwanakomana anozvidza baba vake, mwanasikana anomukira mai vake, muroora anomukira vamwene vake; vavengi vomunhu ndivo vanhu vemhuri yake.
7 Kodwa mina ngilindele uThixo ngethemba, ngilindele uNkulunkulu uMsindisi wami; uNkulunkulu wami uzangizwa.
Asi kana ndirini, ndinomirira netariro kuna Jehovha, ndinomirira Mwari Muponesi wangu; Mwari wangu achandinzwa.
8 Ungaklolodi wena sitha sami! Lanxa ngiwile, ngizavuka. Lanxa ngihlezi emnyameni, uThixo uzakuba yikukhanya kwami.
Usafara pamusoro pangu, iwe muvengi wangu! Kunyange ndakawira pasi, ndichasimuka. Kunyange ndigere murima, Jehovha achava chiedza changu.
9 Ngenxa yokuba ngonile kuye, ngizalumela ulaka lukaThixo, aze angincengele endabeni yami, aveze ukungabi lacala kwami. Uzangikhuphela phandle ekukhanyeni; ngizabona ukulunga kwakhe.
Nokuti ndakamutadzira, ndichatakura kutsamwa kwaJehovha, kusvikira andireverera mhosva yangu uye asimbisa kodzero yangu. Achandibudisira kuchiedza, ndichaona kururama kwake.
10 Lapho-ke isitha sami sizakubona, njalo sibanjwe zinhloni, lowo owathi kimi, “Ungaphi uThixo uNkulunkulu wakho?” Lakhathesi uzagxotshwa ngezinyawo njengodaka emigwaqweni.
Ipapo muvengi wangu achazviona uye achafukidzwa, iye akati kwandiri, “Aripiko Jehovha Mwari wako?” Meso angu achaona kuwa kwake; kunyange iye zvino achatsikwa pasi petsoka sematope mumigwagwa.
11 Usuku lokwakhiwa kwemiduli yakho luzafika, usuku lokuqhelisa imingcele yakho.
Zuva rokuvaka masvingo enyu richasvika, zuva rokuwedzerwa kwemiganhu yenyu.
12 Ngalolosuku abantu bazakuza kuwe bevela e-Asiriya lasemadolobheni aseGibhithe, njalo kusukela eGibhithe kusiya kuYufrathe, kusukela olwandle kusiya olwandle, lakusukela entabeni kusiya entabeni.
Pazuva iro vanhu vachauya kwauri vachibva kuAsiria namaguta eIjipiti, kunyange kubva kuIjipiti kusvikira kuYufuratesi, uye kubva kugungwa kusvika kune rimwe gungwa, nokubva kugomo kusvika kune rimwe gomo.
13 Umhlaba uzachitheka ngenxa yabahlezi kuwo, ngenxa yezenzo zabo.
Nyika ichava dongo nokuda kwavagari vayo, nokuda kwamabasa avo.
14 Beluse abantu bakho ngentonga yakho, umhlambi welifa lakho, ohlala wodwa ehlathini emadlelweni avundileyo. Kawudle eBhashani laseGiliyadi njengasezinsukwini zokuphuma.
Fudza vanhu vako nomudonzvo wako, boka renhaka yako, rinogara roga musango, mumafuro akanaka. Rega afure muBhashani reGireadhi samazuva ekare.
15 “Njengasezinsukwini zokuphuma kwenu eGibhithe, ngizabatshengisa izimangaliso zami.”
“Sapamazuva amakabuda kubva muIjipiti, ndichavaratidza zvishamiso zvangu.”
16 Izizwe zizabona ziyangeke, zemukwe wonke amandla azo. Zizabamba imilomo yazo ngezandla, lezindlebe zazo zingabe zisezwa.
Ndudzi dzichazviona uye dzichanyadziswa, dzisisina simba radzo rose. Vachabata miromo yavo uye nzeve dzavo dzichadzivira.
17 Zizakhotha uthuli njengenyoka, njengezinanakazana ezihuquzela emhlabathini. Zizakuza ziqhaqhazela ziphuma emihomeni yazo; zizaphendukela kuThixo uNkulunkulu wethu ngokwesaba, njalo lawe zizakwesaba.
Vachananzva guruva senyoka, sezvipuka zvinokambaira pasi. Vachabuda vachidedera kubva munzvimbo dzavo dzokuvanda; vachadzoka vachitya kuna Jehovha Mwari wedu, uye vachakutyai.
18 Ngubani onguNkulunkulu njengawe, oxolela izono athethelele iziphambeko zensalela zelifa lakhe na? Kawuthukutheli kokuphela kodwa uthokoza ngokutshengisa isihawu.
Ndiani Mwari akaita semi, anoregerera chivi uye anokanganwira kudarika kwavakasara venhaka yake? Hamugari makatsamwa nokusingaperi, asi munofarira kunzwira ngoni.
19 Uzakuba lesihawu kithi futhi; uzanyathela izono zethu ngezinyawo uphosele bonke ububi bethu ezinzikini zolwandle.
Muchava nenyasha kwatiri zvakare; muchatsikira zvivi zvedu pasi petsoka uye muchakanda kuipa kwedu kwose pakadzikadzika mugungwa.
20 Uzakuba qotho kuJakhobe, ubonakalise isihawu sakho ku-Abhrahama, njengokuthembisa kwakho ngesifungo kubokhokho bethu ensukwini zasendulo.
Muchava makatendeka kuna Jakobho, mucharatidza nyasha kuna Abhurahama, sezvamakapika mhiko kumadzibaba edu mumazuva akare.