< UMathewu 28 >

1 Ngemva kweSabatha, ekuseni ngovivi losuku lokuqala lweviki, uMariya Magadalini lomunye uMariya baya ethuneni besiyakhangela.
Zvino pakupera kwesabata kotanga kuedza, koenda kumusi wekutanga wevhiki, kwakasvika Maria Magidharini neumwe Maria kuzoona guva.
2 Kwaba lokuzamazama komhlaba okukhulu ngoba ingilosi yeNkosi yehla ivela ezulwini, yaya ethuneni yaligiqela ilitshe eceleni yahlala phezu kwalo.
Zvino tarira, kwakaitika kudengenyeka kwenyika kukuru, nokuti mutumwa waIshe wakaburuka kubva kudenga, akaswedera, akakungurusa ibwe kubva pamukova, akagara pamusoro paro.
3 Ukubonakala kwayo kwakunjengombane, lezigqoko zayo zimhlophe nke njengongqwaqwane.
Kuonekwa kwake kwakange kwakaita semheni, nechipfeko chake chaiva chichena semagada echando.
4 Abalindi besaba baze bathuthumela baba njengabafileyo.
Zvino varindi vakadedera nekumutya, vakava sevakafa.
5 Ingilosi yathi kwabesifazane, “Lingesabi, ngoba ngiyazi ukuthi lidinga uJesu obebethelwe.
Asi mutumwa akapindura akati kuvakadzi: Musatya imwi; nokuti ndinoziva kuti munotsvaka Jesu wakange arovererwa pamuchinjikwa.
6 Kakho lapha; usevukile kwabafileyo njengoba watsho. Wozani libone indawo abelele kuyo.
Haasi pano; nokuti wamuka sezvaakareva. Uyai muone nzvimbo Ishe paakange arere.
7 Hambani masinyane liyetshela abafundi bakhe lithi: ‘Usevukile kwabafileyo, uselandulele ukuya eGalile. Kulapho elizambona khona.’ Mina sengilitshelile manje.”
Kurumidzai kuenda munoudza vadzidzi vake kuti wamuka kuvakafa; uye tarirai anokutungamirirai kuGarirea, ikoko muchanomuona; tarirai, ndakuudzai.
8 Ngakho abesifazane basuka ngokuphangisa ethuneni, besesaba kodwa begcwele intokozo, bagijima ukuyatshela abafundi bakhe.
Ndokubva vakakurumidza kubuda paguva vane kutya nemufaro mukuru, vakamhanyira kunoudza vadzidzi vake.
9 Khonokho uJesu wahlangana labo. Wathi, “Salibonani.” Beza kuye, bamnamathela ngezandla ezinyaweni zakhe bamkhonza.
Zvino vakati vachienda kunoudza vadzidzi vake, tarira, Jesu wakavachingamidza, achiti: Hekanhi! Vakaswedera vakabata tsoka dzake vakamunamata.
10 UJesu wasesithi kubo, “Lingesabi. Hambani liyetshela abafowethu ukuthi baye eGalile; kulapho abazangibona khona.”
Zvino Jesu akati kwavari: Musatya; endai, munoudza hama dzangu kuti vaende kuGarirea, uye vachanondionako.
11 Kwathi abesifazane sebehambile besendleleni, abanye babalindi bangena edolobheni bayabika kubaphristi abakhulu ngakho konke okwakwenzakele.
Vakati vachifamba, tarira, vamwe vevarindi vakaenda muguta vakapira vapristi vakuru zvese zvakaitika.
12 Kwathi abaphristi abakhulu sebehlangene labadala babopha icebo, bafumbathisa abalindi imali ezwayo,
Vakati vaungana nevakuru, vakarangana, vakapa mari zhinji kumauto,
13 babatshela bathi, “Libokuthi, ‘Abafundi bakhe beze ebusuku bamntshontsha thina silele.’
vachiti: Itii: Vadzidzi vake vakauya usiku vakamuba isu tirere.
14 Nxa lelilizwi lifika kumbusi, sizamsuthisa ukuze lani lingangeni enkathazweni.”
Kana izvi zvikazikanwa kumutungamiriri, isu tichamunyengerera, tikuitei musava mukushungurudzika.
15 Ngakho amabutho ayithatha imali enza njengokulaywa kwawo. Yikho indaba le seyandiswa yakhula phakathi kwamaJuda kuze kube lamuhla.
Ndokubva vatora mari vakaita sezvavakadzidziswa. Shoko iri rikaparadzirwa pakati peVaJudha kusvikira nhasi.
16 Abafundi abalitshumi lanye basuka baya eGalile, baqonda entabeni uJesu ayethe baye kuyo.
Zvino vadzidzi gumi neumwe vakaenda kuGarirea, kugomo Jesu raakavaraira.
17 Bathi ukumbona bamkhonza; kodwa abanye bathandabuza.
Vakati vachimuona, vakamunamata; asi vamwe vakakonona.
18 UJesu weza kubo wathi, “Wonke amandla ezulwini lasemhlabeni aphiwe mina.
Jesu ndokuswedera akataura kwavari, achiti: Simba rese rakapiwa kwandiri kudenga nepanyika.
19 Ngakho hambani lenze abafundi ezizweni zonke, libabhaphathize ebizweni likaBaba, leleNdodana lelikaMoya oNgcwele,
Endai naizvozvo muite marudzi ese vadzidzi, muchivabhabhatidza muzita raBaba nereMwanakomana nereMweya Mutsvene;
20 njalo libafundise ukulalela konke engililaye ngakho. Ngempela ngilani kokuphela, kuze kube sekupheleni kwesikhathi.” (aiōn g165)
muchivadzidzisa kuchengeta zvese zvandakakurairai; zvino tarirai, ini ndinemwi mazuva ese kusvikira pakuguma kwenyika. Ameni. (aiōn g165)

< UMathewu 28 >