< ULukha 18 >

1 UJesu wasetshela abafundi bakhe umzekeliso ukubatshengisa ukuthi kumele bakhuleke kokuphela bangadinwa.
Ipapo Jesu akaudza vadzidzi vake mufananidzo wokuvaratidza kuti vaifanira kunyengetera nguva dzose vasingaori mwoyo.
2 Wathi, “Kwelinye idolobho kwakulomahluli owayengamesabi uNkulunkulu njalo engakhathaleli muntu.
Akati, “Mune rimwe guta maiva nomutongi akanga asingatyi Mwari uye asina hanya navanhu.
3 Kwakukhona umfelokazi kulelodolobho owayehlezi esiza kuye kokuphela emncenga esithi, ‘Akungincede ngalowo engixabana laye.’
Uye muguta imomo maiva nechirikadzi yakaramba ichiuya kwaari nechikumbiro ichiti, ‘Ndiruramisireiwo kumuvengi wangu.’
4 Okwesikhathi eside umahluli wayesala. Kodwa wacina esithi, ‘Loba ngingamesabi uNkulunkulu njalo ngingakhathali ngomuntu,
“Kwechinguva akamboramba. Asi pakupedzisira akati mumwoyo make, ‘Kunyange dai ndisingatyi Mwari uye ndisina hanya navanhu,
5 kodwa ngenxa yokuthi umfelokazi lo usengijinge kakhulu sengizamlungisela ukuthi angaze abuya anginenge ngoba elokhu engilanda!’”
asi nokuda kwokuti chirikadzi iyi inoramba ichindinetsa, ndinofanira kuiruramisira, kuitira kuti arege kuzoramba achindinetsa nokuuya kwake!’”
6 Njalo iNkosi yasisithi, “Likuzwisise lokho okutshiwo ngumahluli ongalunganga.
Zvino Ishe akati, “Inzwai zvinotaurwa nomutongi asakarurama.
7 Kambe uNkulunkulu kayikubalwela yini abakhethiweyo bakhe, abakhuleka kuye imini lobusuku? Uzabe elokhu ebanina yini?
Ko, zvino Mwari haangaruramisiri vasanangurwa vake, vanodanidzira kwaari masikati nousiku here? Acharamba achivadzosa here?
8 Ngiyalitshela, uzabalwela, njalo masinyane. Kodwa, nxa iNdodana yoMuntu isifika, izakufumana ukukholwa emhlabeni na?”
Ndinoti kwamuri, achaona kuti varuramisirwa, uye nokukurumidza. Kunyange zvakadaro hazvo, kana Mwanakomana woMunhu achisvika, achawana kutenda panyika here?”
9 Kulabo ababezethemba ngokulunga kwabo beseyisa abanye, uJesu wakhuluma umzekeliso lo wathi:
Jesu akataura mufananidzo uyu, kuna vamwe vakanga vachivimba nokururama kwavo uye vaizvidza vamwe akati,
10 “Amadoda amabili aya ethempelini ukuyakhuleka, omunye engumFarisi njalo omunye engumthelisi.
“Varume vaviri vakakwira kutemberi kundonyengetera, mumwe akanga ari muFarisi uye mumwe ari muteresi.
11 UmFarisi wasukuma wakhuleka ngalokho ayeyikho khona wathi: ‘Nkulunkulu, ngiyakubonga ukuthi kanginjengabanye abantu, izigebenga, izixhwali, izifebe njalo kangifani lomthelisi lo.
MuFarisi akasimuka akazvinyengeterera achiti, ‘Mwari, ndinokuvongai nokuti handina kufanana navamwe vanhu, makororo, vaiti vezvakaipa, mhombwe, kana kunyange muteresi uyu.
12 Ngizila kabili ngeviki njalo nginikela okwetshumi okwenzuzo yami yonke.’
Ndinozvinyima zvokudya kaviri pavhiki uye ndinopa chegumi chezvose zvandinowana.’
13 Kodwa umthelisi wema bucwadlana laye. Wesaba lokukhangela ezulwini kodwa wazehlisa kakhulu wathi, ‘Nkulunkulu, woba lesihawu kimi, ngiyisoni.’
“Asi muteresi akamira ari nechokure, asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akazvirova chipfuva akati, ‘Mwari, ndinzwirei tsitsi, ini mutadzi.’
14 Ngiyalitshela ukuthi indoda le, hatshi leyana enye, yabuyela ekhaya isilungisiwe phambi kukaNkulunkulu. Ngoba lowo oziphakamisayo uzakwehliswa, lozehlisayo uzaphakanyiswa.”
“Ndinokuudzai kuti munhu uyu, akadzokera kumba kwake aruramiswa pamberi paMwari kupinda muFarisi. Nokuti mumwe nomumwe anozvikudza achaninipiswa, uye uyo anozvininipisa achakudzwa.”
15 Abantu njalo babeletha abantwana kuJesu ukuthi ababeke izandla. Abafundi bonela ukukubona lokhu babakhuza.
Vanhu vakauyawo navacheche kuna Jesu kuti avanyengeterere. Vadzidzi vakati vachiona izvozvo, vakavatsiura.
16 Kodwa uJesu wabizela kuye abantwana wathi, “Yekelani abantwana beze kimi, lingabavimbeli ngoba umbuso kaNkulunkulu ungowabanjengalaba.
Asi Jesu akadana vana kwaari achiti, “Regai vana vaduku vauye kwandiri, uye musavadzivisa, nokuti umambo hwaMwari ndohwavakadai.
17 Ngiqinisile ngithi kini, lowo ongayikwemukela umbuso kaNkulunkulu njengomntwana omncane kayikungena kuwo.”
Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, ani naani asingagamuchiri umambo hwaMwari somwana muduku haangatongopindi mahuri.”
18 Umbusi othile wambuza wathi, “Mfundisi olungileyo, ngingenzani ukuze ngizuze ilifa lokuphila kwaphakade na?” (aiōnios g166)
Mumwe mutongi akamubvunza achiti, “Mudzidzisi akanaka, ndinofanira kuitei kuti ndigogara nhaka youpenyu husingaperi?” (aiōnios g166)
19 UJesu waphendula wathi, “Ungibizelani ngokuthi ngilungile na? Kakho olungileyo ngaphandle kukaNkulunkulu kuphela.
Jesu akapindura achiti, “Seiko uchinditi ndakanaka? Hakuna akanaka kunze kwaMwari oga.
20 Uyayazi imilayo: ‘Ungafebi, ungabulali muntu, ungebi, ungaphi ubufakazi bamanga, hlonipha uyihlo lonyoko.’”
Iwe unoziva mirayiro inoti: ‘Usaita upombwe, usauraya, usapupura nhema, kudza baba vako namai vako.’”
21 Wathi umbusi, “Yonke le ngiyigcine kusukela ebutsheni bami.”
Iye akati, “Izvi zvose ndakazvichengeta kubva paudiki hwangu.”
22 UJesu esekuzwile lokho wathi kuye, “Usasilele into eyodwa. Thengisa konke olakho uphe abampofu, lapho-ke inotho yakho izakuba sezulwini. Ubusubuya ungilandele.”
Jesu akati achinzwa izvi, akati kwaari, “Uchiri kushayiwa chinhu chimwe chete. Tengesa zvose zvaunazvo ugopa varombo, ugozova nepfuma kudenga. Ipapo, ugouya unditevere.”
23 Wathi esezwe lokhu wadana kakhulu ngoba wayeyindoda eyayinothe kakhulu.
Akati anzwa izvozvo, akasuwa zvikuru, nokuti akanga ari murume akapfuma zvikuru.
24 UJesu wamkhangela wathi, “Koba nzima kakhulu ukuthi isinothi singene embusweni kaNkulunkulu!
Jesu akatarisa kwaari akati, “Zvikukutu sei kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari!
25 Ngempela kulula ukuthi ikamela lingene embotsheni yenalithi kulokuthi umuntu onothileyo awungene umbuso kaNkulunkulu.”
Zvirokwazvo, zviri nyore kwazvo kuti ngamera ipinde napaburi retsono pano kuti mupfumi apinde muumambo hwaMwari.”
26 Labo abakuzwayo lokho babuza bathi, “Ngubani pho ongasindiswa?”
Vaya vakazvinzwa izvozvo vakabvunza vachiti, “Ndianiko zvino angaponeswa?”
27 UJesu waphendula wathi, “Lokho okungenzekiyo emandleni abantu kuyenzakala kwakaNkulunkulu.”
Jesu akapindura achiti, “Zvisingagoneki kuvanhu zvinogoneka kuna Mwari.”
28 UPhethro wathi kuye, “Sesadela konke esasilakho sakulandela!”
Petro akati kwaari, “Takasiya zvose zvataiva nazvo kuti tikuteverei!”
29 UJesu wathi kubo, “Ngilitshela iqiniso ukuthi kakho osetshiye ikhaya loba umfazi kumbe abafowabo loba abazali kumbe abantwana ngenxa yombuso kaNkulunkulu
Jesu akati kwavari, “Zvirokwazvo ndinoti kwamuri, hakuna munhu akasiya musha, kana mukadzi, kana mununʼuna, kana vabereki, kana vana nokuda kwoumambo hwaMwari,
30 ozakwehluleka ukuzuza ngokuphindwe kanengi esikhathini samanje lesikhathini esizayo, ukuphila okungapheliyo.” (aiōn g165, aiōnios g166)
asingazogamuchiri zvakapetwa kakawanda munguva ino, uye upenyu husingaperi munguva inouya.” (aiōn g165, aiōnios g166)
31 UJesu wasebizela abalitshumi lambili eceleni wabatshela wathi, “Sesisiya eJerusalema lapho konke okulotshwe ngabaphrofethi ngeNdodana yoMuntu sekusiya gcwaliseka.
Jesu akatsaura parutivi vane gumi navaviri akavaudza kuti, “Tiri kuenda kuJerusarema, uye zvose zvakanyorwa navaprofita pamusoro poMwanakomana woMunhu zvichazadziswa.
32 Izanikelwa kwabeZizwe. Bazayihoza, bayithuke, bayikhafulele, bayibhule njalo bayibulale.
Achaiswa mumaoko evedzimwe ndudzi. Vachamuseka, vachamutuka, nokumupfira mate, vachamurova uye vachamuuraya.
33 Ngosuku lwesithathu izavuka.”
Pazuva rechitatu achamukazve.”
34 Abafundi kabazange bakuzwisise konke lokhu. Ingcazelo yakho yayifihlakele kubo yikho kabazanga ukuthi wayekhuluma ngani.
Vadzidzi hapana chavakanzwisisa pachinhu ichi. Zvairehwa zvacho zvakanga zvakavanzika kwavari, uye havana kuziva zvaakanga achitaura pamusoro pazvo.
35 UJesu esebanga eJerikho kwakulendoda eyisiphofu eyisiceli ihlezi eceleni kwendlela icela.
Jesu akati aswedera pedyo neJeriko, mumwe murume akanga ari bofu akanga agere parutivi pomugwagwa achipemha.
36 Yathi isizwa kudlula ixuku labantu yabuza ukuthi kuyini okwakusenzakala.
Akati achinzwa vanhu vazhinji vakanga vachipfuura, akabvunza kuti chii chakanga chichiitika.
37 Bayitshela bathi, “UJesu waseNazaretha uyedlula khonapha.”
Vakamuudza kuti, “Jesu weNazareta ari kupfuura napano.”
38 Yamemeza yathi, “Jesu, Ndodana kaDavida, ake ungihawukele!”
Iye akadanidzira achiti, “Jesu, Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
39 Labo ababehamba phambili bayikhuza bathi kayithule, kodwa yona yasimemeza ngamandla yathi, “Ndodana kaDavida ake ungihawukele!”
Vaya vakanga vachitungamira vakamutsiura vakamuudza kuti anyarare, asi iye akanyanyisa kudanidzira achiti, “Mwanakomana waDhavhidhi, ndinzwireiwo ngoni!”
40 UJesu wema wathi indoda leyo ilethwe kuye. Isifikile uJesu wayibuza wathi,
Jesu akamira ndokurayira kuti murume uyu auyiswe kwaari. Akati aswedera pedyo, Jesu akamubvunza akati,
41 “Ufuna ukuthi ngikwenzeleni?” Yaphendula yathi, “Nkosi, ngifuna ukuthi ngibone.”
“Unoda kuti ndikuitireiko?” Iye akapindura akati, “Ishe, ndinoda kuti ndione.”
42 UJesu wathi kuyo, “Kuzuze-ke ukubona; ukukholwa kwakho kukusindisile.”
Jesu akati kwaari, “Chiona; kutenda kwako kwakuporesa.”
43 Masinyane yahle yabona, yasimlandela uJesu idumisa uNkulunkulu. Kwathi bonke abantu bekubona lokho, labo bamdumisa uNkulunkulu.
Pakarepo akaona akatevera Jesu, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachizviona, naivowo vakarumbidza Mwari.

< ULukha 18 >