< UJobe 9 >

1 Wasephendula uJobe wathi:
Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Ngeqiniso ngiyazi ukuthi lokhu kuliqiniso. Kodwa umuntu wenyama angalunga yini kuNkulunkulu?
“Zvirokwazvo ndinoziva kuti ichokwadi. Asi munhu anofa angava akarurama pamberi paMwari seiko?
3 Loba umuntu ubengafisa ukuphikisana laye ngeke amphendule lakanye emibuzweni eyinkulungwane.
Kunyange dai mumwe aida kuita nharo naye, haaizogona kumupindura kamwe chete pamibvunzo chiuru.
4 Ukuhlakanipha kwakhe kujulile, amandla akhe makhulu. Ngubani kambe oke wamelana laye wasinda?
Uchenjeri hwake hwakadzika, simba rake iguru kwazvo. Ndianiko akamudzivisa akabuda asina vanga?
5 Uyazidudula izintaba zona zingazi lutho, azigenqule nxa esezondile.
Anofambisa makomo iwo asingazivi agoapidigura mukutsamwa kwake kukuru.
6 Uyawunyikinya umhlaba endaweni yawo, axukuxe izinsika zawo.
Anozungunusa nyika ikabva panzvimbo yayo uye anoita kuti mbiru dzayo dzidengenyeke.
7 Uyalitshela ilanga ukuba lingakhanyi; asibekele ukukhanya kwezinkanyezi.
Anotaura kuzuva iro ndokurega kuvhenekera; anodzivira chiedza chenyeredzi.
8 Nguye kuphela owelula amazulu, ohamba phezu kwamagagasi olwandle.
Iye oga anotambanudza matenga uye anofamba pamusoro pamafungu egungwa.
9 UnguMenzi wezinkanyezi iNgulube leZinja, iSilimela lomthala waseningizimu.
Ndiye Muiti weNyeredzi dzeAkutiro neOrioni, dzeChimunomwe namapoka enyeredzi dzenyasi.
10 Wenza imimangaliso engafinyelelekiyo, izimanga ezingelakubalwa.
Anoita minana isingagoni kunzwisisiswa, nezvishamiso zvisingagoni kuverengwa.
11 Uthi nxa esedlula kimi, ngingamboni; ahambe khonapho ngingezwa lutho.
Paanondipfuura, handigoni kumuona; paanoenda napo handingamuoni.
12 Nxa ehluthuna, ngubani ongamalela? Ngubani ongathi kuye, ‘Wenzani wena?’
Kana achibvuta, ndiani angamudzivisa? Ndiani angati kwaari, ‘Unoiteiko?’
13 UNkulunkulu kalunqandi ulaka lwakhe; labasekeli bakaRahabi besaba bawela ezinyaweni zakhe.
Mwari haadzori kutsamwa kwake; kunyange boka ravarwi raRahabhi rakawira patsoka dzake nokutya.
14 Pho mina ngingaphikisana laye njani? Ngingawathatha ngaphi amazwi okujijana laye?
“Zvino ndingakakavadzana naye seiko? Ndingawana seiko mashoko okuita nharo naye?
15 Laloba ngingelamlandu, ngeke ngimphendule; ngingancenga uMahluleli wami kuphela ukuthi angihawukele.
Kunyange ndakanga ndisina mhaka, handaigona kumupindura; ndaingokumbira hangu nyasha kuMutongi wangu.
16 Lanxa bengingambiza asabele, angikholwa ukuthi ubengangilalela.
Kunyange dai ndaimudana hangu uye akandipindura, handitendi kuti aizowana nguva yokundinzwa.
17 Ubengangicobodisa ngesiphepho andise amanxeba ami kungelasizatho.
Aizondiparadza nedutu uye achizowedzera maronda angu pasina mhosva.
18 Ubengasoze angiphe ithuba lokukhokha umoya kodwa ubezahle angincindezele ngosizi.
Haaizonditenderazve kuti nditure mafemo, asi aizondizadza namatambudziko.
19 Nxa kungokwamandla, alamandla amakhulu! Nxa kungokokwahlulela ngokulunga, ngubani ongamthonisisa?
Kana zviri zvesimba, iye ane simba guru! Uye kana zviri zvokururamisira, ndianiko angamudana kuti amutonge?
20 Loba ngingabe ngimsulwa, umlomo wami ubungangilahla; lanxa ngimsulwa wona ubuzakuthi ngilecala.
Kunyange dai ndisina mhosva, muromo wangu waizongondipa mhaka; dai zvangu ndakarurama, iwo waizongondipa mhaka.
21 Lanxa ngingelacala, angizihluphi ngami; ngiyayeyisa impilo yami.
“Kunyange ndisina mhosva, handina hangu hanya nazvo; ndinozvidza upenyu hwangu pachangu.
22 Kuyafanana konke; yikho ngisithi, ‘Ubhubhisa bonke abangelacala lababi.’
Zvakangofanana; ndokusaka ndichiti, ‘Iye anoparadza vasina mhosva nevakaipa.’
23 Nxa isifo esibi sibulala ngokuphangisa, uyabahleka abangelacala ngokulahla kwabo ithemba.
Kana dambudziko rikauyisa rufu nokukurumidza, achaseka kushaya tariro kwavasina mhosva.
24 Nxa ilizwe liwela ezandleni zababi, wembesa amehlo abahluleli balo. Nxa kungayisuye, pho ngubani?
Panowira nyika mumaoko avakaipa, vatongi vayo anovapofumadza. Kana asiri iye, zvino ndianiko?
25 Amalanga ami alesiqubu esidlula esesithunywa; ayaphapha anyamalale kungela mthonselanyana wokuthokoza.
“Mazuva angu anokurumidza kupfuura mumhanyi; anobhururuka oenda asina kumboona mufaro.
26 Antweza edlule njengezikepe zelala, njengenkozi zisehla zihwitha ezikudlayo.
Anopfuura sezvikepe zvenhokwe, kufanana namakondo anomhanyira nyama yawo.
27 Nxa ngingathi, ‘Ngizakubeka eceleni ukusola kwami, ngicitshe ukunyukubala kwami, ngibobotheke,’
Kana ndikati, ‘Ndichakanganwa kunyunyuta kwangu, ndichashandura chiso changu, ndigonyemwerera,’
28 ngilokhu ngihemahema ngezinhlupho zami, ngoba ngiyazi ukuthi kawuzukungigeza.
ndinongotya kutambura kwangu, nokuti ndinoziva kuti imi hamuregi kundipa mhosva.
29 Njengoba ngivele sengibekwe icala, ngizazihluphelani ngokulwela ize na?
Sezvo ndatopiwa hangu mhosva, ko, ndichagotamburirei pasina?
30 Loba ngingaze ngigeze ngesepa lezandla zami ngesoda yokuhlambulula,
Kunyange dai ndikazvishambidza nesipo uye ndikashamba maoko angu nesoda,
31 uzavele ungiphosele emgodini olodaka ngize ngenyanywe yizigqoko zami.
imi muchandinyudza mugomba rematope zvokuti kunyange nenguo dzangu dzichandisema.
32 Akasumuntu njengami ukuthi ngingamphendula, ukuthi singamisana emthethwandaba.
“Iye haasi munhu akafanana neni kuti ndimupindure, kuti zvimwe iye neni tisangane mudare redzimhosva.
33 Aluba ubengabakhona osilamulayo, abeke isandla sakhe phezu kwethu sobabili,
Dai chete paingova nomumwe angamira pakati pedu, kuti aise ruoko rwake patiri tose,
34 omunye nje ongasusa uswazi lukaNkulunkulu kimi, ukuze ngingatshukunyiswa yikwesaba lokhu.
mumwe zvake angabvise shamhu yaMwari kwandiri, kuti kutyisa kwake kurege kundivhundutsazve.
35 Lapho-ke bengizakhuluma ngingesabi yena, kodwa okwakhathesi kunje, ngeke.”
Ipapo ndichataura ndisingamutyi, asi sezvazvakaita kwandiri iye zvino, handingakwanisi.

< UJobe 9 >