< UJobe 42 >

1 UJobe wasemphendula uThixo wathi:
Ipapo Jobho akapindura kuna Jehovha akati:
2 “Ngiyazi ukuthi ungazenza zonke izinto; kalikho icebo lakho elingavinjwa.
“Ndinoziva kuti imi munogona kuita zvose; hapana urongwa hwenyu hungakoneswa.
3 Ubuzile wathi, ‘Ngubani lo ovala iseluleko sami engelalwazi na?’ Ngeqiniso ngikhulumile ngezinto ebengingazizwisisi, izinto ezimangalisayo engingeke ngizazi.
Mabvunza kuti, ‘Ndianiko uyu anodzikatira zano rangu iye asina zivo?’ Zvirokwazvo ndakataura pamusoro pezvinhu zvandisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa kwazvo kuti ini ndizvizive.
4 Wena uthe, ‘Lalela manje, mina ngizakhuluma; ngizakubuza, wena uzangiphendula.’
“Mati imi, ‘Chinzwa zvino, uye ini ndichataura; ndichakubvunza iwe, uye iwe uchandipindura.’
5 Indlebe zami zasezizwile ngawe kodwa manje amehlo ami asekubonile.
Nzeve dzangu dzakanga dzanzwa nezvenyu, asi zvino meso angu akuonai imi.
6 Ngakho sengizeyisa, sengiphenduka ngizilahla othulini lasemlotheni.”
Naizvozvo ndinozvishora pachangu, uye ndinotendeuka hangu muguruva nomumadota.”
7 Kwathi uThixo esetshilo lezizinto kuJobe wathi ku-Elifazi umThemani, “Ngikuzondele wena kanye labangane bakho bobabili, ngoba kalikhulumanga ngami okulungileyo njengenceku yami uJobe.
Jehovha akati areva zvinhu izvi kuna Jobho, akati kuna Erifazi muTemani, “Ndakakutsamwira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, sezvakaitwa nomuranda wangu Jobho.
8 Ngakho manje thathani inkunzi eziyisikhombisa lenqama eziyisikhombisa liye encekwini yami uJobe liyekwenza umnikelo wenu wokutshiswa. Inceku yami uJobe izalikhulekela, mina ngizawamukela umkhuleko wayo ngingaze ngalijezisa okufanele ubuthutha benu. Kalikhulumanga ngami okulungileyo njengenceku yami uJobe.”
Saka zvino chitorai hando nomwe namakondobwe manomwe mugoenda kumuranda wangu Jobho mundozvibayira sechipiriso chenyu chinopiswa. Muranda wangu Jobho achakunyengetererai, uye ini ndichagamuchira munyengetero wake ndigorega kukuitirai zvakafanira upenzi hwenyu. Hamuna kutaura zvakarurama pamusoro pangu, somuranda wangu Jobho.”
9 Ngakho u-Elifazi umThemani, uBhilidadi umShuhi loZofari umNahama benza lokho abakutshelwa nguThixo; njalo uThixo wawemukela umkhuleko kaJobe.
Saka Erifazi muTemani, Bhiridhadhi muShuhi naZofari muNamaati vakaita zvavakaudzwa naJehovha; uye Jehovha akagamuchira munyengetero waJobho.
10 UJobe esebakhulekele abangane bakhe, uThixo wamenza waphumelela njalo wamupha okunengi okuphindwe kabili kulokho ayelakho kuqala.
Shure kwokunge Jobho anyengeterera shamwari dzake, Jehovha akaita kuti abudirirezve akamupa zvakapetwa kaviri kupfuura zvaakanga anazvo kare.
11 Bonke abafowabo labodadewabo kanye lobani owayemazi ngaphambili weza ukuzakudla laye endlini yakhe. Bamkhalela, bamzwela ngakho konke ukuhlupheka uThixo ayemehlisele khona, kwathi ngulowo lalowo wamupha ulutho lwesiliva kanye lesongo legolide.
Vanunʼuna vake vose nehanzvadzi dzake navose vaimuziva vakauya vakadya pamwe chete naye mumba make. Vakamuvaraidza uye vakamunyaradza pamusoro pamatambudziko akanga aiswa naJehovha pamusoro pake, uye mumwe nomumwe wavo akamupa chidimbu chesirivha nemhete yegoridhe.
12 UThixo wayibusisa impilo yokucina kaJobe ukwedlula eyokuqala. Waba lezimvu eziyizinkulungwane ezilitshumi lane, izinkulungwane eziyisithupha zamakamela, inkulungwane yezipani zenkabi labobabhemi abayinkulungwane.
Jehovha akaropafadza kupedzisira kwoupenyu hwaJobho kupfuura kutanga. Akanga ana makwai zviuru gumi nezvina, zviuru zvitanhatu zvengamera, nenzombe dzingasungwa pamajoko chiuru nembongoro chiuru.
13 Waphinda njalo waba lamadodana ayisikhombisa lamadodakazi amathathu.
Uye akazovawo navanakomana vanomwe navanasikana vatatu.
14 Indodakazi yokuqala wayetha ibizo elithi Jemima, eyesibili yayinguKheziya, eyesithathu yaba nguKhereni-Haphutshi.
Mwanasikana wake wokutanga akamutumidza zita rokuti Jemima, wechipiri akamuti Kezia uye wechitatu akamutumidza kuti Kereni-Hapuki.
15 Kakuzange kube khona elizweni lonke abesifazane ababebahle njengamadodakazi kaJobe, njalo uyise wawabela ilifa kanye labanewabo.
Panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka kupinda vanasikana vaJobho, uye baba vavo vakavapa nhaka pamwe chete nehanzvadzi dzavo.
16 Ngemva kwalokhu uJobe waphila iminyaka elikhulu lamatshumi amane; wababona abantwabakhe labantwababo kwaze kwaba yisizukulwane sesine.
Shure kwaizvozvi, akazorarama makore zana namakumi mana; akaona vana vake navana vavana vake kusvikira parudzi rwechina.
17 UJobe wafa esemdala njalo eseluphele.
Nokudaro akafa, akwegura ava namakore mazhinji.

< UJobe 42 >