< UJobe 36 >

1 U-Elihu waqhubeka esithi:
Erihu akaenderera mberi achiti:
2 “Ake lingibekezelele okwesikhatshana ukuze ngilitshengise ukuthi kunengi okumele kutshiwo ngobuhle bukaNkulunkulu.
“Imbondiitirai mwoyo murefu kwechimwezve chinguva, ipapo ndichakuratidzai kuti pane zvimwe zvakawanda zvokutaura, ndakamiririra Mwari.
3 Ngiluzuza kude ulwazi lwami; ngithi ukwahlulela okulungileyo ngokukaMenzi wami.
Ruzivo rwangu runobva kure; ndichati Muiti wangu akarurama.
4 Yiba leqiniso ukuthi amazwi ami aqinisile; yena opheleleyo elwazini ulawe.
Muzive kuti mashoko angu haasi enhema; akakwana pazivo ari pakati penyu.
5 UNkulunkulu ulamandla, kodwa keyisi muntu; ulamandla njalo katshedi ezimisweni zakhe.
“Mwari ane simba asi haazvidzi vanhu; ane simba, uye anozadzisa zvaakaronga.
6 Ababi kabayekeli bephila kodwa abahluphekayo uyabapha okubafaneleyo.
Haaregi vakaipa vari vapenyu, asi anopa vanotambudzika kodzero dzavo.
7 Kawasusi amehlo akhe kwabalungileyo; ubakhweza esihlalweni kanye lamakhosi abaphakamise nini lanini.
Haabvisi meso ake pane vakarurama; anovagadza pamwe chete namadzimambo uye anovasimudzira nokusingaperi.
8 Kodwa nxa abantu bebotshwe ngamaketane, bethiwe nko ngezibopho zezinhlupheko,
Asi kana vanhu vakasungwa nengetani, vakabatwa zvakasimba netambo dzokutambudzika,
9 uyabatshela lokho abakwenzileyo, ukuthi benze isono ngokuziphakamisa.
iye anovaudza zvavanenge vaita, kuti vatadza nokuzvikudza zvikuru.
10 Ubenza balalele ukuqondiswa abalaye ukuthi baphenduke ebubini babo.
Anovaita kuti vateerere kurayirwa, uye anovarayira kuti vatendeuke pane zvakaipa zvavo.
11 Nxa bemlalela bamkhonze, zonke insuku zabo eziseleyo zizaphumelela, leminyaka yabo ibe ngeyokusuthiseka.
Kana vakateerera uye vakamushumira, vachapedza mazuva avo ose mukubudirira uye makore avo vari mukugutsikana.
12 Kodwa nxa bengalaleli, bazabhubha ngenkemba, bafe bengelalwazi.
Asi kana vasingateereri, vachapera nomunondo, uye vachafa vasina zivo.
13 Abangamesabiyo uNkulunkulu bagodle ukusola enhliziyweni; loba angaze ababophe kabaceli ukusizwa.
“Vasina umwari mumwoyo yavo vanochengeta pfundipfundi, kunyange paanovasunga, havaridzi mhere kuti vabatsirwe.
14 Bafa besesebatsha, bephakathi kweziphingi ezingamadoda, ezihlala ezindaweni zokukhonzela.
Vanofa panguva yeujaya hwavo, pakati pezvifeve zvechirume zvepashongwe.
15 Kodwa labo abahluphekayo uyabakhulula ekuhluphekeni kwabo; ukhuluma labo besezinkathazweni zabo.
Asi vaya vanotambudzika anovarwira pakutambudzika kwavo; anotaura kwavari panguva yokurwadziwa kwavo.
16 Uyakulimukisa ukuthi uphume emihlathini yosizi uye endaweni ebanzi, ekhululekileyo njalo engelazibopho, ebumnandini betafula yakho igcwele izidlo ezimnandi.
“Ari kukukwezva kubva pamuromo wenhamo, kuti akuise panzvimbo yakasununguka isina zvipinganidzo, pazvivaraidzo zvetafura yenyu izere nezvokudya zvakaisvonaka.
17 Kodwa manje usindwa yikwahlulelwa okulungele ababi; ukuthonisiswa lokwahlulelwa ngokulunga yikho osekukuduba.
Asi zvino waremedzwa nokutonga kwakafanira vakaipa; kutonga uye kururamisira zvakubata iwe.
18 Qaphela kungabikhona okulingayo ngenotho; ungavumeli ukuthengwa ngemali kukususe endleleni.
Uchenjere kuti parege kuva nomunhu anokunyengera nepfuma; usarega fufuro huru ichikutsausa.
19 Kambe inotho yakho loba konke ukutshikatshika kwakho kungakusekela ukuze ungangeni osizini na?
Ko, pfuma yako kana kushingaira kwesimba rako zvingakutsigira kuti urege kutambudzika here?
20 Ungalangazeleli ubusuku, ukuze uyohudula abantu ezindaweni zabo.
Rega kushuva usiku, kuti ukwekweredzere vanhu kure nemisha yavo.
21 Qaphela ungangeni kokubi, okukhanya ingathi uyakuthanda kulokuhlupheka.
Chenjera kuti urege kudzokera kune zvakaipa, izvo zvaunoda pachinzvimbo chokutambudzika.
22 UNkulunkulu uphakeme ngamandla akhe. Ngubani ongafundisa njengaye na?
“Tarira, Mwari anosimudzirwa musimba rake. Ndianiko mudzidzisi akafanana naye?
23 Ngubani omisele izindlela zakhe na, loba othe kuye, ‘Usuwenze okungalunganga?’
Ndianiko akamuratidza nzira dzake, kana akati kwaari, ‘Makanganisa imi?’
24 Khumbula ukukhulisa umsebenzi wakhe, abantu abawudumisileyo ngengoma.
Rangarira kukudza basa rake, iro rakarumbidzwa navanhu munziyo.
25 Bonke abantu jikelele bakubonile lokhu; abantu bakukhangela bemi khatshana.
Marudzi ose avanhu akariona; vanhu vanoritarisa vari kure.
26 Ubukhulu bukaNkulunkulu bungaphezulu kokuzwisisa kwethu! Iminyaka yakhe ingezake yaziwe.
Haiwa, Mwari mukuru kupfuura kunzwisisa kwedu! Kuwanda kwamakore ake hakuverengeki.
27 Uyawadonsa amathonsi amanzi, aqulungane abe lizulu elingena ezifuleni;
“Anokwevera madonhwe emvura kumusoro, anoshanduka achinaya semvura kuhova;
28 amayezi athulula amanzi awo kune izulu elikhulu ebantwini.
makore anodurura unyoro hwawo uye mvura yakawanda inonaya pamusoro pavanhu.
29 Ngubani ongakuzwisisa ukuthi uwendlala njani amayezi na, ukuthi ukhwaza njani esesiqongweni sakhe na?
Ndianiko anganzwisisa kuparadzira kwaanoita makore, namatinhiriro aanoita ari mudenga rake?
30 Ake libone ukuthi uwuhlakaza njani umbane wakhe azizingelezele ngawo, abhukutshe ezinzikini zolwandle.
Tarirai maparadziro aanoita mheni yake pamativi ake, ichituhwina makadzika megungwa.
31 Yiyo indlela abusa ngayo izizwe aziphe ukudla okunengi.
Ndiyo nzira yaanotonga nayo ndudzi neyaanodziriritira nayo nezvokudya zvakawanda.
32 Ugcwalisa izandla zakhe ngombane awukhombise lapho omele utshaye khona.
Anozadza maoko ake nemheni agorayira kuti irove paanoda.
33 Ukuduma kwakhe kubika isiphepho esizayo; lenkomo ziyatshengisa ukuza kwaso.”
Kutinhira kwake kunozivisa dutu remvura riri kuuya; kunyange mombe dzinoratidza kusvika kwaro.

< UJobe 36 >