< UJobe 12 >
1 Wasephendula uJobe wathi:
Ipapo Jobho akapindura akati:
2 “Wo, lina yini elizibona kuyini abantu, njalo lolwazi luzakufa lani!
“Zvirokwazvo imi muri vanhu, uye uchenjeri huchafa nemi!
3 Kodwa lami ngilayo ingqondo njengani; kalingedluli ngalutho. Ngubani ongazaziyo izinto zonke lezi?
Asi neniwo ndinonzwisisa semi; handisi muduku kwamuri. Ndianiko asingazivi zvinhu zvose izvi?
4 Sengiyinto yokuhlekisa ebanganini bami, lanxa ngacela kuNkulunkulu waphendula, inhlekisa sibili, kodwa ngilungile, ngimsulwa!
“Ndava chiseko kushamwari dzangu, kunyange ndakadana kuna Mwari akapindura, ndava chiseko zvacho, kunyange ndakarurama uye ndisina chandingapomerwa!
5 Abantu abahlezi kuhle bayakweyisa ukwehlelwa ngumnyama, bathi kuyimfanelo yalabo onyawo zabo sezitshelela.
Varume vagere zvakanaka vanoshora nhamo, vachiti ndiwo magumo avaya vane tsoka dzinotedzemuka.
6 Amathente ezigebenga avikelekile, lalabo abamthukuthelisayo uNkulunkulu bavikelekile, uNkulunkulu ulabo ezandleni zakhe.
Matende amakororo haakanganiswe, uye vaya vanotsamwisa Mwari vagere zvakanaka, ivo vanotakura mwari wavo mumaoko avo.
7 Kodwa ake ubuze izinyamazana, zizakufundisa, kumbe izinyoni zemoyeni, zizakutshela;
“Asi bvunza mhuka, uye dzichakudzidzisa, kana shiri dzedenga, idzo dzichakuudza;
8 kumbe khuluma lomhlaba, uzakufundisa, loba uthi inhlanzi zolwandle zikwazise.
kana taura kunyika, ichakudzidzisa, kana hove dzegungwa ngadzikuzivise.
9 Yikuphi kwalezizinto okungaziyo na ukuthi yisandla sikaThixo esikwenzileyo lokhu?
Ndechipiko pane zvose izvi chisingazivi kuti ruoko rwaJehovha rwakaita izvi?
10 Esandleni sakhe kulempilo yazo zonke izidalwa lokuphefumula kwabantu bonke.
Upenyu hwezvisikwa zvose huri muruoko rwake, nokufema kwavanhu vamarudzi ose.
11 Indlebe kayiwahloli yini wonke amazwi njengolimi lunambitha ukudla?
Ko, nzeve haiedzi mashoko sorurimi runoravira chokudya here?
12 Angithi ukuhlakanipha kufunyanwa ebadaleni na? Angithi impilo ende iletha ukuzwisisa na?
Ko, uchenjeri hahuwanikwi pakati pavatana here? Ko, kuwanda kwoupenyu hakuuyisi kunzwisisa here?
13 NgokukaNkulunkulu ukuhlakanipha lamandla; ukweluleka lokuzwisisa kungokwakhe.
“Uchenjeri nesimba ndezvaMwari; kudzidzisa nokunzwisisa ndezvake.
14 Lokho akubhidlizayo kungeke kwamiswa njalo; lowo amvalelayo ngeke avulelwe.
Zvaanenge akoromora hakuna anozvivakazve; murume waanenge apfigira mujeri haangasunungurwi.
15 Angaze awavale amanzi, kuba lokoma; angawavulela kuba lomonakalo elizweni.
Kana akadzivisa kunaya kwemvura, kuoma kunovapo; kana akairegedzera, nyika inoparadzwa.
16 Angawakhe amandla lenhlakanipho; okhohliswayo lomkhohlisi ngabakhe bonke.
Simba nokukunda ndezvake; anonyengerwa nomunyengeri vose ndevake.
17 Abeluleki uyabakhupha bahambe beze enze abehluleli babe yiziphukuphuku.
Anodzinga makurukota asina nguo uye anoita kuti vatongi vave mapenzi.
18 Uyanyomula izibopho ezibotshwe ngamakhosi azibophe ngelembu ekhalweni.
Anobvisa zvisungo zvakaiswa namadzimambo agosunga zviuno zvavo nomucheka.
19 Abaphristi uyabakhupha beze awagenqule amadoda abesithi asegxilile.
Anodzinga vaprista vasina nguo uye anobvisa pachigaro vanhu vakanguri vadzika midzi.
20 Uyazithulisa izindebe zabeluleki abathenjiweyo asuse ulwazi lwabadala.
Anofumbira miromo yavapi vamazano vavanovimba navo, uye anobvisa kunzwisisa kwavakuru.
21 Izikhulu uzihleka usulu abalamandla abathathele lawomandla.
Anodurura kushorwa pamakurukota uye anokutunura zvombo zvavane simba.
22 Uyembula imfihlo ezenzeka emnyameni amathunzi azikileyo awalethe ekukhanyeni.
Anobudisa pachena zvinhu zvakadzama zverima, uye anouyisa mimvuri mikuru kuchiedza.
23 Wenza izizwe zikhule, abesezidiliza; uyaziqhelisa izizwe, aphinde azichithe.
Anoita kuti ndudzi dzive huru, uye anodziparadza; anowanza ndudzi, uye anodziparadzira.
24 Abakhokheli basemhlabeni ubemuka ukuhlakanipha kwabo; ubenza bantule enkangala.
Anotorera vatungamiri venyika kunzwisisa kwavo; anovaendesa vachingodzungaira pasina nzira.
25 Bayaphumputha emnyameni kungelakukhanya; ubenza badiyazele njengezidakwa.”
Vanotsvanzvadzira murima vasina chiedza; anoita kuti vadzedzereke sezvidhakwa.