< UJeremiya 49 >
1 Mayelana lama-Amoni: Nanku akutshoyo uThixo: “U-Israyeli kalamadodana na? Kalandlalifa na? Pho kungani uMoleki esethumbe iGadi na? Kungani abantu bakhe behlala emadolobheni alo na?
Pamusoro paAmoni: Zvanzi naJehovha: “Ko, Israeri haana mwanakomana here? Haana vadyi venhaka here? Ko, zvino Moreki atorerei nhaka yaGadhi? Nemhaka yeiko vanhu vake vachigara mumaguta ayo?
2 Kodwa insuku ziyeza, lapho engizahlaba khona umkhosi wempi wokumelana leRabha yama-Amoni, izakuba yindunduma yonxiwa; lemizi eseduze layo izathungelwa ngomlilo. Ngakho u-Israyeli uzabaxotsha labo ababemxotshele phandle,” kutsho uThixo.
Asi mazuva anouya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “andicharidza mhere yehondo pamusoro peRabha ravaAmoni; richaitwa murwi wamatongo, uye misha yakaripoteredza ichapiswa nomoto. Ipapo Israeri achadzinga vaya vakanga vamudzinga,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
3 “Lila weHeshibhoni, ngoba i-Ayi ichithekile! Khalani lina elihlala eRabha! Gqokani amasaka lilile; gijimelani lapha lalaphaya phakathi kwemiduli, ngoba uMoleki uzathunjwa, ndawonye labaphristi bakhe kanye lezikhulu zakhe.
“Ungudza, iwe Heshibhoni, nokuti Ai raparadzwa! Ridzai mhere, imi vanogara muRabha! Pfekai masaga mucheme, mhanyai pano nekoko pakati porusvingo, nokuti Moreki achaenda kuutapwa, pamwe chete navaprista vake namachinda ake.
4 Lizincomelani ngezigodi zenu, lizincomelani ngezigodi ezithela kangaka? Wena ndodakazi engathembekanga, uthemba inotho yakho uthi, ‘Ngubani ozangihlasela na?’
Unozvikudzireiko nemipata yako, kuzvikudza nemipata inobereka kwazvo? Haiwa mwanasikana wokusatendeka, unovimba nepfuma yako uchiti, ‘Ndiani acharwa neni?’
5 Ngizalilethela ukwesaba okuvela kubo bonke abaseduze lani,” kutsho iNkosi, uThixo uSomandla. “Lonke lizaxotshelwa khatshana, njalo kakho ozaqoqa ababalekayo.
Ndichauyisa kutya pamusoro pako kunobva kuna avo vakakupoteredza,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose. “Mumwe nomumwe wenyu achadzingirwa kure, uye hakuna achaunganidza vatizi.
6 Kodwa emva kwalokho ngizabuyisela inhlanhla yama-Amoni,” kutsho uThixo.
“Asi shure kwaizvozvo, ndichadzosazve pfuma yavaAmoni,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
7 Mayelana le-Edomi: Nanku akutshoyo uThixo uSomandla: “Kakuselakuhlakanipha eThemani na? Izeluleko sezaphela na kwabahlakaniphileyo? Ukuhlakanipha kwabo sekwabola na?
Pamusoro peEdhomu: Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Ko, muTemani hamuchina uchenjeri here? Mano atsakatika here kuna vakangwara? Ko, uchenjeri hwavo hwaora here?
8 Phendukani libaleke, licatshe ezimbalwini ezitshonayo, lina elihlala eDedani, ngoba ngizaletha umonakalo phezu kuka-Esawu ngesikhathi engizamjezisa ngaso.
Dzokai uye mutize, muwande mumapako akadzika, imi munogara muDhedhani, nokuti ndichauyisa njodzi pamusoro paEsau, panguva yandinomuranga.
9 Nxa abavuni bamavini befike kuwe, kabangeke batshiye amalutshwana na? Nxa amasela efika ebusuku kabayikuntshontsha lokho okwanele abakufunayo kuphela na?
Kana vanononga mazambiringa vakasvika kwauri, havangasiyi mazambiringa mashoma here? Kana mbavha dzikasvika usiku, havangabi zvavanoda chete here?
10 Kodwa u-Esawu ngizamhlubula asale eze; ngizakwembula izindawo zakhe zokucatsha, ukuze angacatshi. Amabutho akhe ahlomileyo azabhubha kanye labomakhelwane bakhe labahlanganyela laye, angabikhona khona ozakuthi,
Asi ndichafukura Esau; ndichazarura nzvimbo dzake dzokuvanda, kuitira kuti akundikane kuzvivanza. Vana vake, nehama dzake navavakidzani vake vachafa, uye iye haachazovapozve.
11 ‘Tshiya izintandane zakho; ngizavikela impilo yazo labafelokazi bakho bangathemba kimi.’”
Siya nherera dzako; ini ndicharwira upenyu hwavo. Chirikadzi dzakowo dzichagona kuvimba neni.”
12 UThixo uthi: “Nxa labo abangafanelanga ukunatha inkezo kumele bayinathe, kungani wena ungeze wajeziswa na? Kawuyikuphutha ukujeziswa, kumele uyinathe.
Zvanzi naJehovha: “Kana avo vakanga vasingafaniri kunwa pamukombe vakodzera kuunwa, iwe ucharegereiko kurangwa? Haungaregi kurangwa, asi unofanira kunwa pamukombe wacho.
13 Ngifunga ngami, ukuthi iBhozira izakuba lunxiwa lento yokwesatshwa, eyokuthukwa lokuqalekiswa, njalo wonke amadolobho ayo azakuba ngamanxiwa nini lanini,” kutsho uThixo.
Ndinopika neni ndimene,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “kuti Bhozira richava dongo nechinhu chinonyangadza, nechinhu chinotyisa, chinozvidzwa nechinotukwa; uye maguta aro ose achava matongo nokusingaperi.”
14 Sengizwe ilizwi elivela kuThixo: Kuthunywe isithunywa ezizweni ukuba sithi, “Buthanani ukuba liyihlasele! Vukani lilwe impi!”
Ndakanzwa shoko rakabva kuna Jehovha, richiti: Nhume yakatumwa kundudzi kunoti, “Unganai kuti murwe naro! Simukai murwe!”
15 “Khathesi ngizakwenza ube mncane phakathi kwezizwe, udeleleke ebantwini.
“Zvino ndichakuita muduku pakati pendudzi, anozvidzwa pakati pavanhu.
16 Ukuthuthumela okungabangwa nguwe, lokuzigqaja kwenhliziyo yakho kukukhohlisile, wena ohlala eminkenkeni yamadwala, wena ohlala ezingqongeni zoqaqa. Lanxa usakhela isidleke sakho phezulu njengengqungqulu, ukhonapho ngizakwehlisela phansi,” kutsho uThixo.
Kutyisa kwaunoita, nokuzvikudza kwomwoyo wako zvakunyengera, iwe unogara mumikaha yematombo, ugere panzvimbo dzakakwirira dzechikomo. Kunyange ukavaka dendere rako pakakwirira segondo, ndichakukoromora kubva ipapo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
17 “I-Edomi izakuba yinto yokwesatshwa, bonke abadlula khona bazathuthumela baklolode ngenxa yamanxeba ayo wonke.
“Edhomu richava chinhu chinotyisa, vose vachapfuura napo vachashamiswa, uye vachaseka nokuda kwamavanga aro ose.
18 Njengokuchitheka kweSodoma leGomora, kanye lamadolobho awo ayeseduze, ngakho kakho ozahlala kuyo, kakho ozabuye ahlale khona” kutsho uThixo.
Sokuparadzwa kwakaitwa Sodhomu neGomora, pamwe chete namaguta akanga akavakidzana nawo,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “saka hakuna munhu achazogarako; hakuna munhu achagara mariri.
19 “Njengesilwane siphuma emahlathini aseJodani sisiya emadlelweni amahle, i-Edomi ngizayixotsha elizweni layo ngesikhatshana. Ngubani okhethiweyo engizamkhethela lokhu na? Ngubani onjengami, ngubani ongamelana lami na? Njalo nguphi umelusi ongajamelana lami na?”
“Seshumba inobuda mumatenhere eJorodhani ichienda kumafuro akapfuma, ndichadzinga Edhomu kubva munyika yake pakarepo. Ndianiko akasarudzwa wandichagadza kuti aite izvi? Ndiani akafanana neni uye ndiani angakwikwidzane neni? Uye ndoupi mufudzi angamisidzana neni?”
20 Ngakho, zwanini lokho uThixo asecebe ukukwenza nge-Edomi, asemise ukukwenza kulabo abahlala eThemani: Amazinyane omhlambi azadonselwa le; amadlelo awo uzawatshabalalisa ngokupheleleyo ngenxa yabo.
Naizvozvo, inzwai zvakarongwa naJehovha pamusoro peEdhomu, zvaakafunga pamusoro peavo vagere muTemani: Achakwekweredza vaduku vemapoka; achaparadza chose mafuro avo nokuda kwavo.
21 Ekuzwakaleni komsindo wokuwa kwabo umhlaba uzagedezela, ukukhala kwabo kuzazwakala eLwandle oluBomvu.
Nyika ichadedera nokuda kwomubvumo wokuwa kwavo; kuchema kwavo kuchanzwikwawo kusvikira kuGungwa Dzvuku.
22 Khangelani! Ingqungqulu izaqonga iphinde yehlele phansi, yelulele impiko zayo phezu kweBhozira. Ngalolosuku inhliziyo zamabutho ase-Edomi zizakuba njengenhliziyo yowesifazane ohelelwayo.
Tarirai gondo richabhururuka ndokudzika nesimba, rakatambanudza mapapiro aro pamusoro peBhozira. Pazuva iro mwoyo yemhare dzeEdhomu ichafanana nomwoyo womukadzi orwadziwa.
23 Mayelana leDamaseko: “IHamathi le-Ariphadi athithibele, ngoba azwe izindaba ezimbi. Adanile, akhathazeke njengolwandle olungela kuphumula.
Pamusoro peDhamasiko: “Hamati neAripadhi avhundutswa, nokuti agamuchira mashoko akaipa. Aora mwoyo, atambudzika segungwa risina zororo.
24 IDamaseko isibe buthakathaka, isiphendukile ukuba ibaleke, isiphethwe layikuphaphazela; ibanjwe lusizi lobuhlungu, ubuhlungu obunjengowesifazane ohelelwayo.
Dhamasiko harichina simba, rakatendeuka kuti ritize, kuvhunduka kukaribata; kugomera nokurwadziwa zvakaribata, kurwadziwa sekwomukadzi osununguka.
25 Kungani idolobho lodumo lingadelwanga, idolobho engithokoza ngalo na?
Guta remukurumbira harina kusiyiwa seiko, iro guta randinofarira?
26 Ngeqiniso izinsizwa zayo zizakuwa emgwaqweni; amabutho ayo wonke azathuliswa ngalolosuku,” kutsho uThixo uSomandla.
Zvirokwazvo majaya aro achawa mumigwagwa; varwi varo vose vachati mwiro pazuva iroro,” ndizvo zvinotaura Jehovha Wamasimba Ose.
27 “Imiduli yaseDamaseko ngizayithungela ngomlilo; uzaqothula izinqaba zaseBheni-Hadadi.”
“Ndichatungidza moto kumasvingo eDhamasiko; uchaparadza nhare dzose dzaBheni-Hadhadhi.”
28 Mayelana leKhedari lemibuso yaseHazori, eyahlaselwa nguNebhukhadineza inkosi yaseBhabhiloni: UThixo uthi: “Vuka uhlasele iKhedari ubhubhise labantu baseMpumalanga.
Pamusoro peKedhari noumambo hweHazori, hwakarwiswa naNebhukadhinezari mambo weBhabhironi: Zvanzi naJehovha: “Simukai, murwise Kedhari uye muparadze vanhu vokuMabvazuva.
29 Amathente abo lemihlambi yabo kuzathunjwa; amakhetheni abo azathathwa layo yonke impahla yabo kanye lamakamela abo. Abantu bazaklabalala besithi kubo, ‘Ukwesaba enhlangothini zonke!’
Matende avo namapoka avo amakwai achatorwa; matumba avo achatorwa achiendwa nawo, nemidziyo yavo yose nengamera. Vanhu vachadanidzira kwavari vachiti, ‘Zvinhu zviri kutyisa kumativi ose!’
30 Balekani ngokuphangisa! Hlalani ezimbalwini ezitshonayo, lina elihlala eHazori,” kutsho uThixo. “UNebhukhadineza inkosi yaseBhabhiloni usecebe icebo ngani, usebumbe icebo ngani.
“Tizirai kure nokukurumidza! Garai mumapako akadzika, imi vagari vomuHazari,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi aita zvakaipa pamusoro penyu; aronga zano pamusoro penyu.
31 Vukani lihlasele isizwe esizinzileyo, esihlezi ngethemba,” kutsho uThixo, “isizwe esingelawo amasango kumbe imigoqo; abantu baso bahlala bodwa.
“Simukai mundorwisa rudzi rwakazvigarira zvarwo, rugere zvarwo rusina hanya,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “irwo rudzi rusina masuo kana mazariro; vanhu varwo vanogara voga zvavo.
32 Amakamela aso azakuba yimpango, lemihlambi yabo emikhulu izakuba yimpango. Ngizabahlakazela emoyeni labo abasezindaweni ezikude njalo ngizaletha umonakalo kubo uvelela enhlangothini zonke,” kutsho uThixo.
Ngamera dzavo dzichapambwa, uye mombe dzavo dzakawanda dzichapambwa. Ndichaparadzira kumhepo avo vari kunyika dzokure, uye ndichauyisa njodzi pamusoro pavo kubva kumativi ose,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
33 “IHazori izakuba yisikhundla samakhanka, indawo echithekileyo nini lanini. Kakho ozahlala khona, akulamuntu ozahlala kuyo.”
“Hazori richava ugaro hwamakava, dongo nokusingaperi. Hapana achagarako; hakuna munhu achagara mariri.”
34 Leli yilizwi likaThixo elafika kuJeremiya umphrofethi mayelana le-Elamu, ekuqaleni kombuso kaZedekhiya inkosi yakoJuda, elathi:
Iri ndiro shoko raJehovha rakasvika kuna Jeremia muprofita pamusoro peEramu, pakutanga kwokubata ushe kwaZedhekia mambo weJudha, richiti:
35 UThixo uSomandla uthi: “Khangela, idandili le-Elamu ngizalephula, insika yamandla abo.
Zvanzi naJehovha Wamasimba Ose: “Tarirai, ndichavhuna uta hweEramu, iwo musimboti wesimba ravo.
36 Ngizalethela i-Elamu imimoya emine ezavela emagumbini amane amazulu, ngizabahlakazela emimoyeni emine, njalo akuyikuba lesizwe abathunjwe e-Elamu abangayikuya kuso.
Ndichauyisa pamusoro paEramu mhepo ina, kubva kumativi mana ematenga; ndichavaparadzira kumhepo ina uye hakungavi norudzi rumwe kusingaendwi navavakidzani veEramu.
37 I-Elamu ngizayibhidliza phambi kwezitha zayo, phambi kwalabo abafuna ukubabulala. Ngizakwehlisela umonakalo phezu kwabo kanye lolaka lwami oluvuthayo,” kutsho uThixo. “Ngizabaxhuma ngenkemba ngize ngibaqede bonke.
Ndichapwanya Eramu pamberi pavavengi vavo, pamberi paivo vanotsvaka kuvauraya; ndichauyisa njodzi pamusoro pavo, iko kutsamwa kwangu kunotyisa,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Ndichavatevera nomunondo kusvikira ndavapedza.
38 Ngizabeka isihlalo sami sobukhosi e-Elamu ngichithe inkosi yayo lezikhulu zayo,” kutsho uThixo.
Ndichaisa chigaro changu choushe muEramu uye ndichaparadza mambo wayo namachinda ayo,” ndizvo zvinotaura Jehovha.
39 “Kodwa inhlanhla ye-Elamu ngizayibuyisa ensukwini ezizayo,” kutsho uThixo.
“Asi ndichadzosa nhaka yeEramu mumazuva okupedzisira,” ndizvo zvinotaura Jehovha.