< UJeremiya 4 >

1 “Nxa uphenduka, wena Israyeli, buyela kimi,” kutsho uThixo. “Ungasusa phambi kwami izithombe zakho ezenyanyekayo ungabe usaphambuka futhi,
“Haiwa Israeri, kana muchida kudzoka, dzokai kwandiri,” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Kana mukabvisa pamberi pangu zvifananidzo zvenyu zvinonyangadza uye mukasarasikazve,
2 njalo nxa uzafunga ngobuqotho, ngokulunga langokuqonda, uthi, ‘Ngeqiniso elinjengoba uThixo ekhona,’ ngakho izizwe uzazibusisa ziziqhenye ngaye.”
kana mukapika muchokwadi, nokururama uye nenzira yakarurama muchiti: ‘Zvirokwazvo naJehovha mupenyu,’ ipapo ndudzi dzicharopafadzwa naye uye dzichazvirumbidza maari.”
3 Ebantwini bakoJuda labeJerusalema uThixo uthi: “Qhathani ingqatho yenu, lingahlanyeli phakathi kwameva.
Izvi ndizvo zvinotaura Jehovha kuvanhu veJudha neJerusarema: “Zviundirei gombo murege kudyara pakati peminzwa.
4 Zisokeleni kuThixo, lisoke inhliziyo zenu, lina bantu bakoJuda lani bantu baseJerusalema, hlezi ulaka lwami luvuke luvuthe njengomlilo ngenxa yobubi elibenzileyo, lutshise kungekho muntu ongalucitsha.”
Zvidzingisirei kuna Jehovha, dzingisai mwoyo yenyu, imi varume veJudha nemi vanhu veJerusarema, kuti kutsamwa kwangu kurege kukubudirai kukapisa somoto, nokuda kwezvakaipa zvamakaita, iko kupisa kusina angakudzima.
5 “Bikani koJuda limemezele laseJerusalema lithi: ‘Tshayani icilongo elizweni lonke!’ Klabalalani lithi, ‘Buthanani ndawonye! Kasibalekeleni emadolobheni avikelweyo!’
“Zivisai munyika yaJudha uye muparidze muJerusarema muchiti: ‘Ridzai hwamanda munyika yose!’ Danidzirai nesimba muchiti: ‘Unganai pamwe chete! Ngatitizirei kumaguta akakomberedzwa!’
6 Phakamisani uphawu lokuya eZiyoni! Balekelani ekusileni ngokuphangisa! Ngoba ngiletha umonakalo ovela enyakatho, lencithakalo embi kakhulu.”
Simudzai mureza wokuenda kuZioni! Tizai muvande musinganonoki! Nokuti ndiri kuuyisa njodzi inobva kumusoro, iko kuparadza kwakaipisisa.”
7 Isilwane sesiphumile esikhundleni saso, umchithi wezizwe usephumile. Usesukile endaweni yakhe ukuba achithe ilizwe lenu. Amadolobho enu azakuba ngamanxiwa engelamuntu ohlala kuwo.
Shumba yabuda mudenhere rayo; muparadzi wendudzi abuda. Asiya nzvimbo yake kuti aparadze nyika yenyu. Maguta enyu achava matongo pasina achagaramo.
8 Ngakho gqokani amasaka, khalani lilile, ngoba ulaka lukaThixo olwesabekayo kalususwanga kithi.
Naizvozvo pfekai masaga, chemai muungudze, nokuti kutsamwa kwaJehovha kunotyisa hakuna kubva kwatiri.
9 UThixo uthi, “Ngalolosuku inkosi lezikhulu bazaphelelwa lithemba, abaphristi bazathuthumela, abaphrofethi bazakwesaba.”
“Pazuva iro,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “mambo namachinda vachaora mwoyo, vaprista vachatyiswa, uye vaprofita vachavhundutswa.”
10 Lapho-ke mina ngathi, “Awu, Thixo Wobukhosi, ubakhohlisile sibili abantu laba kanye leJerusalema ngokuthi, ‘Lizakuba lokuthula,’ inkemba yona isemiphinjeni yethu!”
Ipapo ndakati, “Haiwa, Ishe Jehovha, makanyengera kwazvo vanhu ava neJerusarema muchiti, ‘Muchava norugare,’ nyamba munondo uri pahuro dzedu.”
11 Ngalesosikhathi abantu laba leJerusalema kuzathiwa kubo, “Umoya otshisayo ovela enkangala emiqolweni elugwadule uvunguza usiya ebantwini bami, kodwa kungayisikwela kumbe ukuhlungula,
Panguva iyoyo vanhu ava neJerusarema vachaudzwa kuti, “Mhepo inopisa inobva kunzvimbo dzakakwirira dzisina miti mugwenga inovhuvhuta yakananga vanhu vangu, asi isingapepeti kana kunatsa;
12 umoya olamandla kakhulu uvela kimi. Khathesi-ke sengimemezela ukwahlulela kwami kubo.”
mhepo ine simba kwazvo kudarika iyoyo ichabva kwandiri. Zvino ndiwo wava mutongo wangu pamusoro pavo.”
13 Khangela! Uyeza njengamayezi, izinqola zakhe zempi zibuya njengesivunguzane, amabhiza akhe alesiqubu esedlula esengqungqulu. Maye! Sesiphelile!
Tarirai! Ari kuuya samakore, ngoro dzake dzinouya sechamupupuri, mabhiza ake anomhanya kupfuura makondo, Tine nhamo! Taparara!
14 We Jerusalema, geza ububi obusenhliziyweni yakho usindiswe. Koze kube nini ugcine imicabango emibi na?
Haiwa Jerusarema, shamba zvakaipa zviri mumwoyo mako ugoponeswa. Ucharamba uchingoviga pfungwa dzako dzakaipa kusvikira riini?
15 Ilizwi elivela koDani liyamemeza, libika umonakalo ovela emaqaqeni ako-Efrayimi
Inzwi rinodanidzira richibva kuDhani, richizivisa nezvenjodzi inobva kuzvikomo zveEfuremu.
16 Izizwe zitshele lokhu, ukubike laseJerusalema, “Ibutho elivimbezelayo liyeza livela elizweni elikhatshana, limemezela umkhosi wempi emadolobheni akoJuda.
“Zivisai izvi kumarudzi, zviparidzei kuJerusarema muchiti: ‘Hondo ichakukombai iri kuuya ichibva kunyika iri kure, ichidanidzira zvehondo yokurwisa maguta eJudha.
17 Balihanqile njengabantu abalinda insimu, ngoba langihlamukela,” kutsho uThixo.
Vanorikomba savanhu vakarinda munda, nokuti rakandimukira,’” ndizvo zvinotaura Jehovha.
18 “Ukuziphatha kwakho lezenzo zakho kwehlisele lokhu phezu kwakho. Lesi yisijeziso sakho. Sibuhlungu kakhulu! Sihlaba enhliziyweni!”
“Tsika dzako namabasa ako ndizvo zvauyisa izvi pamusoro pako. Ichi ndicho chirango chako. Haiwa, zvinovava sei! Haiwa, zvinobaya sei mwoyo!”
19 Maye, ngobuhlungu, ubuhlungu engibuzwayo. Ngiyazitshila ngenxa yobuhlungu. Maye, ngokufuthelwa kwenhliziyo yami! Inhliziyo yami iyatshaya ngaphakathi kwami, angingeke ngithule, ngoba ukukhala kwecilongo sengikuzwile, umkhosi wempi sengiwuzwile.
Maiwe, kurwadziwa kwangu, kurwadziwa kwangu! Ndiri kubidirika nokurwadziwa. Haiwa, kurwadza kwomwoyo wangu! Hana yangu inorova mukati mangu, handinganyarari. Nokuti ndanzwa kurira kwehwamanda; ndanzwa mheremhere yehondo.
20 Incithakalo ilandela incithakalo, ilizwe lonke selingamanxiwa. Ngesikhatshana nje amathente ami adiliziwe, lamakhetheni ami ngomzuzwana nje.
Njodzi inotevera njodzi; nyika yose yava dongo. Munguva shoma shoma, matende angu aparadzwa, musha wangu nenguva diki diki.
21 Koze kube nini ngibona uphawu lwempi ngisizwa lokukhala kwecilongo na?
Ndicharamba ndichiona mureza wehondo kusvikira riniko, uye ndichanzwa kurira kwehwamanda kusvikira riniko?
22 “Abantu bami bayiziwula, kabangazi. Bangabantwana abangelangqondo, kabalakho ukuqedisisa. Bahlakaniphele ukwenza okubi, kabakwazi ukwenza okulungileyo.”
“Vanhu vangu mapenzi; havandizivi ini. Vana vasina pfungwa; havanzwisisi. Vakangwarira kuita zvakaipa; havazivi kuita zvakanaka.”
23 Ngakhangela umhlaba, wawungelasimo njalo ungelalutho; lasemazulwini, ukukhanya kwawo kwakungasekho.
Ndakatarira nyika, yakanga isina kugadzirwa, isina chinhu; uye nokumatenga, chiedza chawo chakanga chisisipo.
24 Ngakhangela ezintabeni, zazinyikinyeka, lamaqaqa wonke ayezunguzeka.
Ndakatarira pamakomo, tarirai, aidengenyeka; zvikomo zvose zvaizeya.
25 Ngakhangela, kwakungelabantu, izinyoni zonke zasezisukile emkhathini.
Ndakatarira, ipapo pakanga pasina vanhu; shiri dzose dzedenga dzakanga dzabhururuka dzikaenda kure.
26 Ngakhangela, ilizwe elithelayo laseliyinkangala, amadolobho alo wonke ayesengamanxiwa phambi kukaThixo, phambi kolaka lwakhe olwesabekayo.
Ndakatarira, ndokuona nyika yaibereka zvibereko yava gwenga; maguta ayo ose ava matongo pamberi paJehovha, pamberi pehasha dzake dzinotyisa.
27 UThixo uthi: “Ilizwe lonke lizachitheka lanxa ngingayikulitshabalalisa ngokupheleleyo.
Zvanzi naJehovha: “Nyika yose ichaparadzwa, kunyange hangu ndisingazoiparadzi zvachose.
28 Ngakho umhlaba uzalila iphezulu libe mnyama, ngoba sengikhulumile njalo angiyikuyekethisa, sengenze isinqumo angiyikubuyela emuva.”
Naizvozvo nyika ichachema uye matenga kumusoro achava rima nokuti ndini ndazvitaura uye handingaregi kuzviita, ndini ndazvisarudza uye handingadzokeri shure.”
29 Ekuzwakaleni komsindo wabagadi bamabhiza labemitshoko amadolobho wonke ayabaleka. Abanye bangena ezixukwini, abanye bakhwele emadwaleni. Amadolobho wonke atshiyiwe, akulamuntu ohlala kuwo.
Paanonzwa kutinhira kwavatasvi vamabhiza nokwavawemburi vouta, maguta ose anotiza. Vamwe vanopinda mumatenhere; vamwe vanokwira pakati pamatombo. Maguta ose asara asina munhu; hapana anogaramo.
30 Wenzani na, wena ohlutshwe kakhulu? Kungani ugqoka okubomvu gebhu ufaka lezigqoko zegolide na? Kungani ucomba amehlo akho ngomphendulo na? Uzicecisela ize. Izithandwa zakho ziyakweyisa, zifuna ukukubulala.
Uchaiteiko, iwe wokuparadzwa? Wapfekereiko nguo tsvuku, uye unoshongereiko zvishongo zvegoridhe? Wazorereiko meso ako pendi? Unongozvishongedzera pasina. Zvikomba zvako zvinokushora; zvinotsvaka kukuuraya.
31 Ngizwa ukukhala okunjengokowesifazane ohelelwayo, ukububula okufana lozuza umntwana wakhe wakuqala, ukukhala kweNdodakazi yaseZiyoni ikhefuzela, yelule izandla zayo isithi, “Maye mina! Amandla ami asephela, ukuphila kwami sekunikelwe kubabulali.”
Ndiri kunzwa kuchema sekwomukadzi anorwadziwa pakusununguka, kugomera sekwomukadzi opona dangwe rake, kuchema kwoMwanasikana weZioni ari kufemedzeka, achitambanudza maoko ake achiti, “Maiwe! Ndoziya; upenyu hwangu hwaiswa kuvaurayi.”

< UJeremiya 4 >