< UJeremiya 18 >

1 Leli yilizwi elafika kuJeremiya livela kuThixo lisithi:
Iri ndiro shoko rakauya kuna Jeremia richibva kuna Jehovha richiti,
2 “Suka wehlele endlini yombumbi, lapho engizakutshelela khona ilizwi lami.”
“Buruka uende kuimba yomuumbi wehari, ndigokupa shoko rangu ikoko.”
3 Ngakho ngehlela endlini yombumbi, ngambona esebenza ngevili.
Saka ndakaenda kuimba yomuumbi wehari, ndikamuona achishanda paguyo.
4 Kodwa imbiza ayeyibumba ngebumba yonakala ezandleni zakhe; ngakho umbumbi wayenza yaba ngenye imbiza, ngendlela ayibona ingcono kuye.
Asi hari yaakanga achiumba nevhu yakashatiswa mumaoko ake; saka muumbi akaita imwe hari akaiumba namaumbiro aaiona akanaka.
5 Ilizwi likaThixo laselifika kimi lisithi;
Ipapo shoko raJehovha rakasvika kwandiri richiti,
6 “Wena ndlu ka-Israyeli, ngingeze ngenza kuwe njengokwenziwa ngumbumbi lo na?” kutsho uThixo. “Njengebumba esandleni sombumbi lawe unjalo esandleni sami, wena ndlu ka-Israyeli.
“Haiwa imba yaIsraeri, handingagoni kuita nemi sezvinoita muumbi wehari uyu here?” ndizvo zvinotaura Jehovha. “Sezvakaita ivhu muruoko rwomuumbi, ndizvo zvamakaita muruoko rwangu, imi imba yaIsraeri.
7 Nxa ngimemezela langasiphi isikhathi ukuthi isizwe loba umbuso uzasuswa udilizwe, uchithwe,
Kana ndikazivisa panguva ipi zvayo kuti rudzi kana ushe zvidzurwe nokubvarurwa uye zviparadzwe,
8 kuthi isizwe leso engisixwayisileyo siphenduke ebubini baso, ngizaxola ngingabe ngisasehlisela ebesengimise ukusehlisela khona.
uye kana rudzi urwo rwandakayambira rukatendeuka pane zvakaipa zvarwo, ipapo ndichazvidemba ndigorega kuisa pamusoro pavo njodzi yandakanga ndavarongera.
9 Njalo nxa ngesinye isikhathi ngimemezela ukuthi isizwe kumbe umbuso ngizawakha ngiwumise,
Uye kana pane imwe nguva ndikazivisa kuti rudzi kana ushe zvivakwe uye zvisimwe,
10 ube ususenza ububi emehlweni ami njalo ungangilaleli, ngizacabanga kutsha ngokuhle ebesengicebe ukukwenzela khona.
uye kana rukaita zvakaipa pamberi pangu uye rukasanditeerera, ipapo ndicharangarirazve zvakanaka zvandakanga ndichida kuruitira.
11 Ngakho khathesi tshela abantu bakoJuda lalabo abahlala eJerusalema uthi, ‘Nanku okutshiwo nguThixo: Khangelani! Ngilungisela ukulehlisela umonakalo njalo ngibumba lecebo ngani. Ngakho phendukani ezindleleni zenu ezimbi, omunye lomunye wenu, lilungise izindlela zenu lezenzo zenu.’
“Naizvozvo zvino uti kuvanhu veJudha naavo vanogara muJerusarema, ‘Zvanzi naJehovha: Tarirai, ndiri kugadzirira njodzi uye ndiri kuronga urongwa hwakaipa pamusoro penyu. Saka dzokai mubve panzira dzenyu dzakaipa, mumwe nomumwe wenyu, uye mushandure nzira dzenyu namaitiro enyu.’
12 Kodwa bazaphendula bathi, ‘Akusizi lutho. Sizaqhubeka ngamacebo ethu; lowo lalowo wethu uzalandela ubulukhuni benhliziyo yakhe embi.’”
Asi vachapindura vachiti, ‘Hazvina maturo. Ticharambira pane zvatakafunga; mumwe nomumwe wedu achatevera kusindimara kwomwoyo wake wakaipa.’”
13 Ngakho uThixo uthi: “Buzani phakathi kwezizwe ukuthi: Ngubani owake wezwa okunjengalokhu na? Kwenziwe into eyesabekayo kakhulu, yenziwe yintombi egcweleyo u-Israyeli.
Naizvozvo zvanzi naJehovha: “Bvunzai pakati pevedzimwe ndudzi kuti: Ndiani akambonzwa chimwe chinhu chakadai? Chinhu chakaipa kwazvo chakaitwa neMhandara Israeri.
14 Ungqwaqwane waseLebhanoni uyake unyamalale emithezukweni yayo elamatshe na? Amanzi akhona aqandayo avela kude ayake eme ukugeleza na?
Ko, chando cheRebhanoni chinomboshayikwawo pamawere ematombo here? Ko, mvura yaro inotonhorera inoyerera ichibva kure inombomira kuyerera here?
15 Kodwa abantu bami sebengikhohliwe; batshisela izithombe eziyize impepha, ezabenza bakhubeka ezindleleni zabo lasemikhondweni yasendulo. Zabenza bahamba ngezindledlana zeganga lasemigwaqweni engalungiswanga.
Kunyange zvakadaro, vanhu vangu vakandikanganwa; vanopisira zvinonhuhwira kuzvifananidzo zvisina maturo, izvo zvakaita kuti vagumburwe munzira dzavo, uye napamakwara ekare kare. Vakavaita kuti vafambe mumakwara akatsauka nomumigwagwa isina kugadzirwa.
16 Ilizwe labo lizatshabalaliswa, into yokuhlekwa usulu; bonke abadlula khona bazakwethuka banyikinye amakhanda abo.
Nyika yavo ichaitwa dongo, chiseko chisingaperi; vose vanopfuura nemo vachashamiswa uye vachadzungudza misoro yavo.
17 Njengomoya ovela empumalanga, ngizabahlakaza phambi kwezitha zabo; ngizabafulathela ngibancitshe ubuso bami ngosuku lokuhlupheka kwabo.”
Semhepo inobva kumabvazuva, ndichavaparadzira pamberi pavavengi vavo; ndichavaratidza musana wangu kwete uso hwangu, pazuva renjodzi yavo.”
18 Bona bathi, “Wozani sicebe amacebo amabi ngoJeremiya; ngoba ukufundisa kwabaphristi umthetho akusoze kuphuthe, kumbe ukweluleka kwezihlakaniphi, loba ilizwi elivela kubaphrofethi. Ngakho wozani, simhlasele ngemilomo yethu singananzi lutho alutshoyo.”
Vakati, “Uyai tironge zvatingaita naJeremia; nokuti kudzidziswa kwomurayiro navaprista hakungaraswi, kunyange zano rinobva kuna vakachenjera, kana shoko rinobva kuvaprofita. Saka uyai, timurove nendimi dzedu tirege kuteerera chinhu chipi nechipi chaanoreva.”
19 Ake ungizwe, awu Thixo; ulalele okutshiwo yizitha zami!
Haiwa Jehovha ndinzweiwo; inzwai zvinorehwa navapomeri vangu!
20 Okuhle kuphindiselwa ngokubi na? Ikanti sebengimbele igodi. Khumbula ukuba ngema phambi kwakho ngabakhulumela ukuba ususe ulaka lwakho kubo.
Ko, zvakanaka zvingatsiviwa nezvakaipa here? Kunyange zvakadaro vakandicherera gomba. Rangarirai kuti ndakamira pamberi penyu ndichivareverera, kuti mudzore kutsamwa kwenyu kwavari;
21 Ngakho-ke abantwababo banikele endlaleni; ubaqhubele emandleni enkemba. Abafazi babo kabangabi labantwana njalo babe ngabafelokazi; amadoda abo kawabulawe, amajaha akhona abulawe ngenkemba empini.
Saka sundirai vana vavo kunzara; vaisei kusimba romunondo. Vakadzi vavo ngavarege kuva navana uye ngavave chirikadzi; varume vavo ngavaurayiwe, majaya avo ngaaurayiwe nomunondo muhondo.
22 Kakuzwakale ukukhala ezindlini zabo, lapho usulethe abahlaseli ukuba babajume, ngoba sebegebhe igodi ukuba bangithumbe njalo bathiya inyawo zami ngemijibila.
Kuchema ngakunzwike kuchibva kudzimba dzavo, pamunouyisa vapambi pamusoro pavo pakarepo, nokuti vakachera hunza kuti vandibate, uye vakavanzira tsoka dzangu misungo.
23 Kodwa uyawazi, wena Thixo, wonke amaqhinga abo okungibulala. Ungabathetheleli amacala abo loba ucitshe izono zabo phambi kobuso bakho. Kabachithwe phambi kwakho; bahlasele ngesikhathi sokuthukuthela kwakho.
Asi munoziva, imi Jehovha, rangano dzavo dzose dzokundiuraya. Musavakanganwira mhaka dzavo kana kudzima zvivi zvavo pamberi penyu. Ngavawisirwe pasi pamberi penyu, muvarove panguva yokutsamwa kwenyu.

< UJeremiya 18 >