< U-Isaya 44 >

1 “Kodwa khathesi lalela, wena Jakhobe, nceku yami, Israyeli, engikukhethileyo.
“Asi zvino chinzwa, iwe Jakobho, muranda wangu, Israeri, wandakasarudza.
2 Nanku akutshoyo uThixo, yena owakwenzayo, owakubumba esiswini, njalo yena ozakusiza, uthi: Ungesabi, wena Jakhobe, nceku yami, Jeshuruni engikukhethileyo.
Zvanzi naJehovha, iye akakuita, akauumba mudumbu uye iye achakubatsira: Usatya, iwe Jakobho, muranda wangu, Jeshuruni, wandakasarudza.
3 Ngoba ngizathela amanzi elizweni elomileyo, lezifula emhlabathini owomileyo. Ngizathela uMoya wami phezu kwenzalo yakho lezibusiso zami phezu kwezizukulwane zakho.
Nokuti ndichadurura mvura panyika ine nyota, nehova pamusoro pevhu rakaoma; ndichadurura Mweya wangu pamusoro porudzi rwako, nemikomborero yangu pamusoro pavana vako.
4 Zizahluma njengotshani emadlelweni, lanjengeminyezane ezifuleni ezigelezayo.
Vachamera souswa mudekete, semiti yemikonachando pahova dzinoyerera.
5 Omunye uzakuthi, ‘Mina ngingokaThixo’; lomunye azibize ngebizo likaJakhobe; omunye laye uzaloba esandleni sakhe ukuthi, ‘OkaThixo,’ azinike ibizo lika-Israyeli.”
Mumwe achati, ‘Ndiri waJehovha’; mumwe achazvitumidza nezita raJakobho; zvakadaro, mumwe achanyora muruoko rwake achiti, ‘Ndiri waJehovha,’ uye achatora zita rokuti Israeri.
6 “Nanku akutshoyo uThixo, iNkosi loMhlengi ka-Israyeli, uThixo uSomandla: Mina ngingowokuqala njalo ngingowokucina; ngaphandle kwami kakho uNkulunkulu.
“Zvanzi naJehovha, Mambo waIsraeri noMudzikinuri, Jehovha Wamasimba Ose: Ndini wokutanga uye ndini wokupedzisira; kunze kwangu hakuna Mwari.
7 Pho ngubani onjengami? Kakumemezele lokho. Katsho, achaze phambi kwami okwenzakalayo kusukela ekubekeni kwami abantu bami bendulo; akutsho lokuzakwenzakala; yebo, kakuqambe okuzayo.
Ndianiko zvino akafanana neni? Ngaazvitaure. Ngaadanidzire, azviise mberi kwangu izvo zvakaitika kubva pandakasimbisa vanhu vangu vekare, uye kuti chiiko chichaitika hongu, ngaataure zvichaitika.
8 Lingaqhaqhazeli, lingesabi. Lokhu angikutshongo ngabika ngakho kudala na? Lina lingofakazi bami. Kulomunye uNkulunkulu ngaphandle kwami na? Hatshi, kalikho elinye iDwala; kalikho engilaziyo.”
Musadedera, musatya. Handina kuparidza izvi here uye ndikazvitaura kare kare? Imi muri zvapupu zvangu. Kune mumwe Mwari kunze kwangu here? Kwete, hakuna rimwe Dombo; hakuna rimwe randinoziva.”
9 Bonke abenza izithombe kabasilutho, lezinto abaziqakathekisayo ziyize. Labo abangabakhulumela bayiziphofu, kabazi lutho, kulihlazo kubo.
Vose vanoita zvifananidzo havana maturo, uye zvinhu zvavanofarira hazvibatsiri. Vose vangada kuvapupurira mapofu; havazivi, ndiko kuchava kunyadziswa kwavo.
10 Ngubani obaza unkulunkulu abumbe isithombe, okungeke kumsize ngalutho?
Ndiani anoveza mwari uye anoumba chifananidzo, chisingamubatsiri chinhu?
11 Yena labanjengaye bazayangiswa; izingcitshi kazisilutho, ngabantu nje. Kaziqoqane zonke zime ndawonye; bazakuba lokwesaba kanye lehlazo.
Iye navamwe vake vachanyadziswa; mhizha hadzizi chinhu asi vanhu zvavo. Ngavaungane vose pamwe chete uye vamire vasingazungunuswi; vachaderedzwa, uye vachatya vachanyadziswa.
12 Umkhandi uthatha insimbi ayifake emalahleni; enze isithombe ngezando, asikhande ngengalo yakhe elamandla. Uyalamba aphelelwe ngamandla. Anganathi manzi, amandla aphele.
Mupfuri anotora chokupfurisa agochishandisa mumazimbe; anoita chifananidzo nenyundo, agochiumba nesimba roruoko rwake. Anonzwa nzara agorasikirwa nesimba rake. Mukusanwa kwake mvura anobva aziya.
13 Umbazi welula intambo yokulinganisa asidwebe ngosungulo, asibaze ngetshizela, asidwebe ngensimbi ecijileyo, abaze umfanekiso womuntu, umuntu olobuhle bonke, ukuba sihlale endlini yokukhonzela.
Muvezi anoyera nerwodzi ozoita mutsetse nechokunyoresa; anounatsa nembezo, uye anoutara nezvienzaniso. Anouumba mumufananidzo womunhu, womunhu nokunaka kwake kwose, kuti ugare mumba.
14 Ugamula isihlahla somsedari, loba athathe umsayiphresi kumbe umʼOkhi. Uyasikhulisa phakathi kwezihlahla zegusu, kumbe ahlanyele iphayini, izulu lisikhulise.
Akatema misidhari, kana zvimwe akatora musipuresi kana muouki. Akaurega uchikura pakati pemiti yesango, kana kuti akasima mupaini, mvura ikaita kuti ukure.
15 Lapho-ke siba zinkuni zomuntu zokubasa; okunye kwaso uyathatha othe, ubasa umlilo abhekhe izinkwa. Kodwa, njalo, wenza unkulunkulu amkhonze; abaze isithombe asikhothamele.
Ndidzo huni dzomunhu dzokuvesa moto; dzimwe dzacho anodzitora agozvidziyisa nadzo, anovesa moto agobika chingwa nadzo. Asizve anoveza chimwari agochinamata; anoita chifananidzo agochipfugamira.
16 Ingxenye yezinkuni ubasa ngayo umlilo, apheke ngawo ukudla kwakhe. Ose inyama yakhe adle asuthe. Njalo uyotha umlilo athi, “Ha! Ngiyafudumala; ngiyawubona umlilo.”
Hafu yehuni anopisa mumoto, nadzo anobika zvokudya zvake, anogocha nyama yake agoidya achiguta. Anozvidziyisazve, agoti, “Haiwa! Ndadziyirwa; moto ndiri kuuona.”
17 Ngeziseleyo wenza unkulunkulu, isithombe sakhe; uyasikhothamela, asikhonze. Uyakhuleka kuso athi, “Ngisindisa, ungunkulunkulu wami.”
Nezvasara anoita nazvo chimwari, icho chifananidzo chake; anochipfugamira agochinamata. Anonyengetera kwachiri achiti, “Ndiponesei; ndimi mwari wangu.”
18 Kabazi lutho, kabaqedisisi lutho; amehlo abo abhadiwe ukuze bangaboni lezingqondo zabo zivalekile ukuze bangaqedisisi.
Havana chavanoziva, havanzwisisi chinhu, meso avo akanamwa kuitira kuti varege kuona, uye ndangariro dzavo dzakafukidzirwa kuitira kuti varege kunzwisisa. Hapana anombomira kuti afunge,
19 Kakho oke ame acabange, kakho olokwazi loba ukuzwisisa ukuba athi, “Ingxenye yazo ngabasa ngayo umlilo; ngaze ngabhekha izinkwa emalahleni awo, ngosa inyama ngayidla. Ngokuseleyo ngizakwenza into enengisayo na? Ngizasikhothamela na isigodo nje?”
Hapana ane ruzivo kana kunzwisisa kuti ati, “Hafu yacho ndaishandisa pakuvesa moto; ini iyeni ndabikira chingwa pamazimbe acho, ndagocha nyama ndikadya. Ndichaita zvinonyangadza pane zvasara here? Ndichapfugamira kudanda rehuni here?”
20 Udla umlotha, inhliziyo ekhohlisekileyo iyamlahla, angeke azihlenge, kumbe athi, “Into le esesandleni sami sokudla kayisimanga na?”
Anodya madota, mwoyo wakanyengerwa unomutsausa; haagoni kuzviponesa kana kuti ati, “Ko, chinhu ichi chiri muruoko rwangu rworudyi hachisi chenhema here?”
21 “Khumbula lezizinto, wena Jakhobe, ngoba uyinceku yami, wena Israyeli. Ngakubumba, uyinceku yami; wena Israyeli, angiyikukukhohlwa.
“Rangarira zvinhu izvi, iwe Jakobho, nokuti uri muranda wangu, iwe Israeri. Ndakakuita, uri muranda wangu; haiwa Israeri, handichakukanganwizve.
22 Ngesule iziphambeko zakho njengeyezi, ngesula izono zakho njengenkungu yekuseni. Buyela kimi, ngoba ngikuhlengile.”
Ndakadzima kudarika kwako segore, nezvivi zvako semhute yamangwanani. Dzokera kwandiri, nokuti ndakakudzikinura.”
23 Hlabelelani ngentokozo, lina mazulu, ngoba uThixo usekwenzile lokhu; hlaba umkhosi, wena mhlaba ngaphansi. Tshayani ingoma lina zintaba, lina mahlathi lazozonke izihlahla zenu, ngoba uThixo usemhlengile uJakhobe, ubonakalisa udumo lwakhe ko-Israyeli.
Imbai nomufaro imi matenga, nokuti Jehovha akaita izvozvi; danidzira nesimba, iwe nyika iri pasi. Imbai nziyo, imi makomo, nemi masango nemiti yose, nokuti Jehovha adzikinura Jakobho, akaratidza kubwinya muIsraeri.
24 “Nanku akutshoyo uThixo, uMhlengi wakho, owakubumbayo esiswini: Mina nginguThixo, owenza izinto zonke, owenza amazulu eyedwa, owendlala umhlaba eyedwa,
“Zvanzi naJehovha, mudzikinuri wako, iye akakuumba uri mudumbu: “Ndini Jehovha, akaita zvinhu zvose, iye oga akatatamura matenga, akatambanudza nyika oga,
25 ofubisa izibonakaliso zabaphrofethi bamanga, enze izanuse zibe yizithutha, ochitha ulwazi lwezihlakaniphi alwenze lube yibuthutha,
“iye anokonesa zviratidzo zvavaprofita venhema, anoita kuti vavuki vave mapenzi, iye anoparadza kudzidza kwevane njere, uye anokushandura kuti kuve upenzi,
26 ofeza amazwi ezinceku zakhe aphelelise amacebo ezithunywa zakhe. Athi kulo iJerusalema, ‘Kuzahlalwa kulo,’ ngamadolobho akoJuda athi, ‘Azakwakhiwa.’ Ngamanxiwa awo uthi, ‘Ngizawavusa,’
anozadzisa mashoko omuranda wake, uye anozadzisa zvakaprofitwa nenhume dzake, “anoti kuJerusarema, ‘Richagarwa,’ nokumaguta eJudha, ‘Achavakwa,’ nokumatongo awo, ‘Ndichaavandudza,’
27 athi enzikini yamanzi, ‘Cima, ngizakomisa izifula zakho,’
iye anoti kumvura yakadzika, ‘Oma, uye ndichaomesa hova dzako,’
28 athi ngoKhurosi, ‘Ungumelusi wami, uzafeza konke engikufunayo; uzakuthi ngeJerusalema, “Kalakhiwe futhi,” ngethempeli athi, “Izisekelo zalo kazakhiwe.”’”
iye anoti pamusoro paSirasi, ‘Ndiye mufudzi wangu uye achaita zvose zvandinoda; iye achati pamusoro peJerusarema, “Ngarivakwezve,” uye pamusoro petemberi achati, “Nheyo dzayo ngadziteyiwe.”’

< U-Isaya 44 >