< UGenesisi 29 >

1 UJakhobe waseqhubeka ngohambo lwakhe wayafika elizweni labantu bempumalanga.
Ipapo Jakobho akapfuurira mberi norwendo rwake akasvika kunyika yavanhu vokumabvazuva.
2 Wabona khonale umthombo esiqintini, kulemihlambi yezimvu emithathu ilele eduzane kwawo ngoba imihlambi yayinatha khonapho emthonjeni lowo. Ilitshe elalivale umlomo womthombo lalilikhulu.
Ikoko akaona tsime musango, namapoka matatu amakwai avete pedyo naro nokuti makwai ainwiswa patsime iroro. Ibwe rakanga riri pamuromo wetsime rakanga riri guru.
3 Kwakusithi yonke imihlambi ingabuthana khona, abelusi baligiqe ilitshe balisuse emlonyeni womthombo banathise izimvu. Besebelibuyisela ilitshe endaweni yalo emlonyeni womthombo.
Mapoka ose aiti aungana ipapo, vafudzi vaikungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime vachinwisa makwai avo. Ipapo vaizodzorera ibwe panzvimbo yaro, ipo pamuromo wetsime.
4 UJakhobe wabuza abelusi wathi, “Bafowethu, livela ngaphi?” Baphendula bathi, “Sivela eHarani.”
Jakobho akabvunza vafudzi akati, “Mabvepiko, hama dzangu?” Ivo vakapindura vakati, “Tabva kuHarani.”
5 Wathi, “Liyamazi yini uLabhani, umzukulu kaNahori?” Baphendula bathi, “Yebo, siyamazi.”
Iye akati kwavari, “Munoziva Rabhani, muzukuru waNahori here?” Vakapindura vakati, “Hongu, tinomuziva.”
6 UJakhobe wasebabuza wathi, “Uyaphila yini?” Bathi, “Yebo, uyaphila; nansi indodakazi yakhe uRasheli esiza lezimvu.”
Ipapo Jakobho akavabvunza akati, “Anofara here?” Ivo vakati, “Hongu, anofara uye hoyo mwanasikana wake Rakeri ari kuuya namakwai.”
7 Wathi, “Khangelani, ilanga lilokhu lisemini; akukabi yisikhathi sokuthi imihlambi ibuthwe. Zinathiseni izimvu lezi lizibuyisele emadlelweni.”
Iye akati, “Tarirai, achiri masikati haisati yava nguva yokuti makwai aunganidzwe. Nwisai makwai mugoadzosera kumafuro.”
8 Baphendula bathi, “Asingeke, ize iqale iqoqane yonke imihlambi, ilitshe beselisuswa emlonyeni womthombo. Besesizinathisa-ke izimvu.”
Vakapindura vakati, “Hatigoni kudaro kusvikira mapoka ose aunganidzwa uye ibwe rakungurutswa kubva pamuromo wetsime. Ipapo ndipo patinozonwisa makwai.”
9 Wathi elokhu esakhuluma labo uRasheli wafika lezimvu zikayise, kalokho wayengumelusi.
Paakanga achiri kutaura navo, Rakeri akasvika namakwai ababa vake, nokuti akanga ari mufudzikadzi.
10 UJakhobe wathi ebona uRasheli indodakazi kaLabhani, umnewabo kanina esiza lezimvu zikaLabhani, wahamba wayagiqa ilitshe elalisemlonyeni womthombo wanathisa izimvu zikamalumakhe.
Jakobho akati achiona Rakeri mwanasikana waRabhani, hanzvadzi yamai vake, uye namakwai aRabhani, akaendapo akandokungurutsa ibwe kubva pamuromo wetsime ndokubva anwisa makwai asekuru vake.
11 UJakhobe wasesanga uRasheli njalo wakhala kakhulu.
Ipapo Jakobho akatsvoda Rakeri akachema zvikuru.
12 Wayesemtshelile uRasheli ukuthi wayeyisihlobo sikayise lokuthi wayeyindodana kaRabheka. Ngakho intombi yagijima yayabikela uyise.
Uye akaudza Rakeri kuti iye akanga ari hama yababa vake uye ari mwanakomana waRabheka. Saka Rakeri akamhanya akandoudza baba vake.
13 ULabhani wonela ukuwuzwa umbiko ngoJakhobe, indodana kadadewabo, wahle waphuthuma wayamhlangabeza. Wamgona, wamanga, wamletha ngekhaya, lapho uJakhobe amtshela khona izinto lezi.
Rabhani akati angoudzwa mashoko pamusoro paJakobho, mwanakomana wehanzvadzi yake, akakurumidza kundosangana naye. Akamumbundikira, akamutsvoda akamuuyisa kumba kwake, uye ipapo Jakobho akamuudza zvose izvi.
14 ULabhani wasesithi kuye, “Uyinyama yami legazi lami.” UJakhobe esehlale laye okwenyanga yonke,
Ipapo akati kwaari, “Iwe uri nyama yangu neropa rangu.” Shure kwokugara kwake naye mwedzi wose,
15 uLabhani wathi kuye, “Kambe sekungathi ngoba uyisihlobo sami ubusungisebenzela ungaholi lutho? Akungitshele ukuthi umholo wakho ungaba yini?”
Rabhani akati kwaari, “Ungandishandira usingapuwi mubayiro nokuda kwokuti uri hama yangu here? Ndiudze kuti mubayiro wako unofanira kuva chii?”
16 ULabhani wayelamadodakazi amabili; ibizo lendala lalinguLeya, encinyane inguRasheli.
Zvino Rabhani akanga ana vanasikana vaviri; zita romukuru rainzi Rea uye zita romuduku rainzi Rakeri.
17 ULeya wayelamehlo abuthakathaka, kodwa uRasheli wayelesimo esibukekayo, emuhle.
Rea akanga ana meso akaneta, asi Rakeri akanga ane chimiro chinoyevedza uye akanaka kwazvo.
18 UJakhobe wezwa emthanda uRasheli wasesithi, “Ngizakusebenzela okweminyaka eyisikhombisa ukuze ungiphe indodakazi yakho encane uRasheli.”
Jakobho aida Rakeri uye akati, “Ndichakushandirai kwamakore manomwe mugondipa Rakeri mwanasikana wenyu muduku.”
19 ULabhani wathi, “Kungcono ngimuphe wena kulokuba ngimuphe enye indoda. Hlala lapha lami.”
Rabhani akati, “Zviri nani kuti ndimupe kwauri pano kumupa kuno mumwewo murume. Chigara hako pano neni.”
20 UJakhobe waseyisebenza iminyaka eyisikhombisa ukuze azuze uRasheli, kodwa yakhanya ingathi yizinsukwana ezimbalwa kuye ngenxa yothando kuye.
Saka Jakobho akashanda kwamakore manomwe kuti awane Rakeri, asi akaita samazuva mashoma chete kwaari nokuda kworudo rwake kwaari.
21 UJakhobe wasesithi kuLabhani, “Ngipha-ke umkami. Isikhathi sami sesigcwalisekile, sengifuna ukwembatha laye.”
Ipapo Jakobho akati kuna Rabhani, “Ndipei mukadzi wangu. Nguva yangu yakwana uye ndinoda kuvata naye.”
22 Ngakho uLabhani wasenxusa bonke abantu bendawo wenza idili.
Saka Rabhani akaunganidza pamwe chete vanhu vose venzvimbo iyo akaita mutambo.
23 Kodwa kwathi sekusihlwa, wathatha indodakazi yakhe uLeya wamupha uJakhobe, uJakhobe wembatha laye.
Asi akati ava madekwana, akatora mwanasikana wake Rea akamupa kuna Jakobho, Jakobho akavata naye.
24 ULabhani waphinda wapha uLeya incekukazi yakhe uZilipha ukuba ibe yincekukazi yakhe.
Uye Rabhani akapa Ziripa murandakadzi wake kumwanasikana wake kuti ave mushandi wake.
25 Kwathi sokusile, wabona kunguLeya! UJakhobe wathi kuLabhani, “Kuyini lokhu okwenzileyo kimi? Mina ngasebenzela uRasheli, kakunjalo na? Kungani ungikhohlisile?”
Kwakati kwaedza mangwanani wanei ndiRea! Saka Jakobho akati kuna Rabhani, “Chiiko ichi chamaita kwandiri? Ndakashandira Rakeri, hazvisirizvo here? Seiko mandinyengera?”
26 ULabhani waphendula wathi, “Kakusiwo mkhuba wethu lapha ukwendisa indodakazi encane endala ingakendi.
Rabhani akapindura akati, “Haisi tsika yedu kuno kuti mwanasikana muduku atange kuwanikwa mukuru achigere kuwanikwa.
27 Qeda iviki yokucola lo omdala; besesikupha lalo omncane njalo ngemva kokumsebenzela eminye iminyaka eyisikhombisa.”
Pedzisa vhiki youmwenga yomwanasikana uyu; ipapo tichazokupawo muduku shure kwokushandira mamwe makore manomwe.”
28 UJakhobe wenza njalo. Waqeda iviki eloLeya, uLabhani wasemupha indodakazi yakhe uRasheli ukuba ibe ngumkakhe.
Uye Jakobho akaita saizvozvo. Akapedza vhiki naRea, uye ipapo Rabhani akamupa mwanasikana wake Rakeri kuti ave mukadzi wake.
29 ULabhani wanika indodakazi yakhe uRasheli incekukazi yakhe uBhiliha ukuba abe yincekukazi yakhe.
Rabhani akapa murandakadzi wake Bhiriha kuna Rakeri kuti ave mushandi wake.
30 UJakhobe waselala loRasheli, wamthanda ukwedlula uLeya. Wasesebenzela uLabhani okweminye iminyaka eyisikhombisa njalo.
Jakobho akavatawo naRakeri uye aida Rakeri kupfuura Rea. Uye akashandira Rabhani kwamamwe makore manomwe.
31 UThixo wathi ngokubona ukuthi uLeya wayengathandwa, wavula inzalo yakhe, kodwa uRasheli wayeyinyumba.
Jehovha akati aona kuti Rea akanga asingadikanwi, akazarura chizvaro chake, asi Rakeri akanga asingabereki.
32 ULeya wathatha isisu wazala indodana. Wamutha ibizo wathi nguRubheni, ngoba wathi, “Kungenxa yokuthi uThixo usebonile ukuhlupheka kwami. Ngempela umkami usezangithanda manje.”
Rea akava nemimba akabereka mwanakomana. Akamutumidza zita rokuti Rubheni, nokuti akati, “Jehovha akaona kutambudzika kwangu. Zvirokwazvo murume wangu achandida zvino.”
33 Wathatha isisu njalo, wathi esephinde umfana njalo wathi, “Ngoba uThixo wezwa ukuthi kangithandwa, wanginika lo njalo.” Ngakho wamutha wathi nguSimiyoni.
Akabatazve pamwe pamuviri, uye akati abereka mwanakomana, akati, “Nokuti Jehovha akanzwa kuti handidikanwi, akandipa uyuzve.” Saka akamutumidza kuti Simeoni.
34 Wasithatha njalo isisu, kwathi esezele omunye umfana wathi, “Khathesi-ke umkami usezabambelela kimi ngoba sengimzalele amadodana amathathu.” Yikho wathiwa nguLevi.
Akabatazve pamwe pamuviri uye akati abereka mwanakomana, akati, “Zvino pakupedzisira murume wangu achabatanidzwa neni, nokuti, ndamuberekera vanakomana vatatu.” Saka akamutumidza zita rokuti Revhi.
35 Waphinda wasithatha isisu, wazuza umfana wathi, “Ngalesisikhathi ngizadumisa uThixo.” Wamutha wathi nguJuda. Wasesima ukuzuza abantwana.
Akabatazve pamwe pamuviri uye paakabereka mwanakomana, akati, “Nguva ino ndicharumbidza Jehovha.” Saka akamutumidza zita rokuti Judha. Ipapo akaguma kubereka vana.

< UGenesisi 29 >