< UHezekheli 46 >
1 “‘Nanku okutshiwo nguThixo Wobukhosi: Isango leguma langaphakathi elikhangele empumalanga kumele livalwe ngezinsuku eziyisithupha zokusebenza, kodwa ngosuku lweSabatha langosuku lokuThwasa kweNyanga kumele livulwe.
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Suo roruvazhe rwomukati rakatarisa kumabvazuva rinofanira kugara rakapfigwa mazuva matanhatu anobatwa nawo basa, asi pazuva reSabata uye pazuva roKugara kwoMwedzi rinofanira kuzarurwa.
2 Inkosana izangena ngentuba lesango ivela phandle ibe isisima phansi kwensika yesango. Abaphristi kuzamele banikele umnikelo wayo wokutshiswa kanye leminikelo yayo yobuzalwane. Izakhonza ekungeneni kwesango ibe isiphuma, kodwa isango kaliyikuvalwa kuze kube kusihlwa.
Muchinda anobva kunze anofanira kupinda napabiravira rapasuo agomira pambiru dzapasuo. Vaprista vanofanira kubayira chipiriso chake chinopiswa nechipiriso chake chokuwadzana. Anofanira kunamata ari pachikumbaridzo chepasuo ipapo agobuda kunze, asi harifaniri kuzopfigwa kusvikira madekwana.
3 NgamaSabatha lasekuThwaseni kweziNyanga abantu belizwe kumele bakhonze phambi kukaThixo ekungeneni kwalelosango.
Vanhu venyika vanofanira kunamata pamberi paJehovha vari pamukova wesuo pamaSabata napaKugara kwoMwedzi.
4 Umnikelo wokutshiswa olethwa yinkosana kuThixo ngosuku lweSabatha uzakuba ngamazinyane amaduna ayisithupha kanye lenqama, konke kungelasici.
Chipiriso chinopiswa chinofanira kuvigirwa Jehovha nomuchinda nomusi weSabata, chinofanira kuva chamakwayana matanhatu makono negondobwe, ose asina kuremara.
5 Umnikelo wamabele onikelwa lenqama uzakuba lihefa, njalo umnikelo wamabele onikelwa lamazinyane uzakuya ngokuthanda kwayo, kanye lehini lamafutha kuhefa ngalinye.
Chipiriso chezviyo chinopiwa pamwe chete negondobwe chinofanira kuita efa imwe chete, uye chipiriso chezviyo nemakwayana chinofanira kuva sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
6 Ngosuku lokuThwasa kweNyanga kumele inikele inkunzi eliguqa, amazinyane ayisithupha kanye lenqama, konke kungelasici.
Pazuva roKugara kwoMwedzi anofanira kupa hando duku, makwayana matanhatu negondobwe, zvose zvisina kuremara.
7 Kuzamele inike njengomnikelo wamabele ihefa elilodwa kanye lenkunzi, ihefa elilodwa kanye lenqama, kuthi lamazinyane kube yilokho ethande ukukunika, kanye lehini lamafutha kuhefa ngalinye.
Anofanira kupa sechipiriso chezviyo efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana paanoda kupa napo, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
8 Lapho inkosana ingena kuzamele ingene ngentuba lesango, njalo kumele iphume ngaleyondlela.
Panopinda muchinda, anofanira kupinda napabiravira rapanzira yesuo, uye anofanira kubuda nenzira imwe cheteyo.
9 Lapho abantu belizwe besiza phambi kukaThixo emikhosini emisiweyo, loba ngubani ongena ngesango lenyakatho ukuzakhonza uzaphuma ngesango leningizimu; njalo loba ngubani ongena ngesango leningizimu uzaphuma ngesango lenyakatho. Kakho ozabuyela ngesango angene ngalo, kodwa lowo lalowo uzaphuma ngesango aqondane lalo.
“‘Vanhu venyika pavanouya pamberi paJehovha panguva yemitambo yakatarwa, ani naani anopinda napasuo rokumusoro kundonamata anofanira kubuda nokusuo rezasi; uye ani naani anopinda nesuo rezasi anofanira kubuda nesuo rokumusoro. Hakuna munhu anotenderwa kudzoka nesuo raambopinda naro, asi mumwe nomumwe anofanira kubuda neimwe nzira.
10 Inkosana kumele ibe phakathi kwabo, ingene lapho bengena njalo iphume lapho bephuma.
Muchinda anofanira kuva pakati pavo, pavanopinda anofanira kupinda navo, napavanobuda anofanira kubuda navo.
11 Emadilini lasemikhosini emisiweyo, umnikelo wamabele kumele ube lihefa kanye lenkunzi, ihefa kanye lenqama, njalo lamazinyane kuzakuya ngokuthanda komuntu, kanye lehini lamafutha kuhefa ngalinye.
“‘Pamitambo napamitambo yakatarwa, chipiriso chezviyo chinofanira kuita efa imwe chete nehando, efa imwe chete negondobwe, uye namakwayana sezvaanoda, pamwe chete nehini yamafuta paefa imwe neimwe.
12 Lapho inkosana inika umnikelo ngokuzithandela kuThixo loba kungumnikelo wokutshiswa kumbe iminikelo yobuzalwane, kumele ivulelwe isango elikhangele empumalanga. Izanikela umnikelo wayo wokutshiswa kumbe umnikelo wayo wobuzalwane njengekwenzayo ngosuku lweSabatha. Emva kwalokho izaphuma, njalo emva kokuba isiphumile, isango lizavalwa.
Kana muchinda achipa chipiriso chokungopa kuna Jehovha, chingava chipiriso chinopiswa kana chokuwadzana, suo rakatarisa kumabvazuva rinofanira kumuzarurirwa iye. Achapa chipiriso chake chinopiswa kana chipiriso chokuwadzana sezvaanoita nomusi weSabata. Ipapo anofanira kuzobuda kunze, uye shure kwokubuda kwake, suo richapfigwa.
13 Insuku zonke kuzamele unike izinyane elilomnyaka owodwa elingelasici ukuba ngumnikelo wokutshiswa kuThixo; uzalinika nsuku zonke ekuseni.
“‘Zuva rimwe nerimwe unofanira kupa gwayana rine gore rimwe chete risina kuremara kuti rive chipiriso chinopiswa kuna Jehovha; mangwanani oga oga unofanira kuuya naro.
14 Kuzamele unike kanye lalo nsuku zonke ekuseni umnikelo wamabele kuhlanganiswe ingxenye yesithupha yehefa lengxenye yesithathu yehini lamafutha ukuba athambise impuphu. Ukwethulwa kwalo umnikelo wamabele kuThixo kuyisimiso esingapheliyo.
Unofanira kuuyawo nechipiriso chezviyo chinokwana chikamu chimwe chete muzvitanhatu cheefa, nechikamu chimwe chete kubva muzvitatu chehini yamafuta okunyorovesa upfu, mangwanani oga oga. Kupiwa kwechipiriso ichi kuna Jehovha, mutemo unogara nokusingaperi.
15 Ngakho izinyane lomnikelo wamabele kanye lamafutha kuzanikwa nsuku zonke ekuseni kube ngumnikelo wokutshiswa wansuku zonke.
Saka gwayana nechipiriso chezviyo namafuta zvichafanira kuuyiwa nazvo mangwanani oga oga kuti zvive chipiriso chinopiswa nguva dzose.
16 Nanku okutshiwo nguThixo Wobukhosi: Nxa inkosana inika enye yamadodana ayo isipho elifeni layo, sizakuba ngesezizukulwane zayo futhi; sizakuba yimpahla yazo ngokudla ilifa.
“‘Zvanzi naIshe Jehovha: Kana muchinda achipa chipo chinobva panhaka yake kuno mumwe wavanakomana vake, chichavawo chezvizvarwa zvake zvinotevera, chichava chavo chenhaka.
17 Kodwa-ke nxa inika esinye sezisebenzi zayo isipho elifeni layo, isisebenzi singasigcina kuze kube ngumnyaka wokukhululwa; lapho isipho sesibuyela kuyo inkosana. Ilifa layo lingathathwa ngamadodana ayo kuphela; ngelawo.
Kunyange zvakadaro, kana akapa chipo kubva panhaka yake kuno mumwe wavaranda vake, muranda uyu angachichengeta hake kusvikira pagore rokusununguka; ipapo chichadzoserwa kumuchinda. Nhaka yake ndeyavanakomana vake chete; ndeyavo.
18 Inkosana akumelanga ithathe ilifa labantu, ibaxotsha empahleni yabo. Kumele inike amadodana ayo ilifa empahleni yayo, ukuze kungabikhona ebantwini bami owehlukaniswa lempahla yakhe.’”
Muchinda haafaniri kutora nhaka ipi zvayo yavanhu, achivadzinga pazvinhu zvavo. Anofanira kupa vanakomana vake nhaka yavo inobva pane zvake, kuitira kuti vanhu vangu varege kuparadzaniswa nezvinhu zvavo.’”
19 Emva kwalokho umuntu lowo wangikhupha ngentuba eseceleni kwesango ukuya ezindlini ezingcwele ezikhangele enyakatho ezazingezabaphristi, wangitshengisa indawo ekucineni ngasentshonalanga.
Ipapo murume uyu akandipinza napamukova uri parutivi pesuo rinoenda kumakamuri matsvene akatarisa kumusoro, akanga ari avaprista akandiratidza nzvimbo yakanga iri nechokumagumo kworutivi rwokumavirira.
20 Wathi kimi, “Le yindawo lapho abaphristi abazaphekela khona umnikelo wecala lomnikelo wesono bachochombise lomnikelo wamabele, ukuba kuxwaywe ukuya layo egumeni langaphandle kungcweliswe abantu.”
Akati kwandiri, “Iyi ndiyo nzvimbo ichabikirwa navaprista, chipiriso chemhosva nechipiriso chechivi nokubika chipiriso chezviyo, kuti varege kuzviuyisa kuruvazhe rwokunze zvaizoita kuti vanhu vanatswe.”
21 Wabuya wangisa egumeni langaphandle wangibhodisa ezingosini ezine, njalo engosini ngayinye ngabona elinye iguma.
Ipapo akandibudisa kuruvazhe rwokunze uye akanditungamirira tichitenderera makona arwo mana, uye akaona pakona imwe neimwe rumwe ruvazhe.
22 Ezingosini ezine zeguma langaphandle kwakulamaguma ayebiyelwe, ezingalo ezingamatshumi amane ubude lezingalo ezingamatshumi amathathu ububanzi; wonke amaguma ezingosini ezine ayelingana.
Mukati mamakona mana oruvazhe rwokunze makanga muna mavazhe akakomberedzwa, akareba makubhiti makumi mana noupamhi hwaiva namakubhiti makumi matatu; ruvazhe rumwe norumwe mumakona mana aya rwakanga rwakaenzana.
23 Ngaphakathi kwalelo lalelo lamaguma amane kwakulesakhiwo samatshe, silezindawo ezakhelwe umlilo indawo yonke ngaphansi kwaso.
Kupoteredza mukati merimwe nerimwe ramavazhe mana aya makanga mune chidziro chamabwe, nenzvimbo dzechoto dzakavakwa dzakakomberedza pasi pechidziro.
24 Wasesithi kimi, “Le yimikulu lapho labo abakhonzayo ethempelini abazaphekela khona imihlatshelo yabantu.”
Iye akati kwandiri, “Idzi ndidzo dzimba dzokubikira dzichabikirwa zvibayiro zvinoitirwa vanhu navaya vanoshumira mutemberi.”