< UmTshumayeli 7 >
1 Ibizo elihle lingcono kulamakha amnandi, lelanga lokufa lingcono kulelanga lokuzalwa.
Zita rakanaka rinopfuura mafuta anonhuhwira zvakanaka kwazvo, uye zuva rokufa rinopfuura zuva rokuzvarwa.
2 Kungcono ukuya endlini yesililo kulokuya endlini yamadili, ngoba ukufa kuyisiphetho somuntu wonke; abaphilayo kabakunanzelele lokho.
Zviri nani kuenda kuimba yokuchema pano kuenda kuimba yamabiko, nokuti rufu ndiwo mugumo womunhu wose; vapenyu ngavazviise izvi pamwoyo.
3 Usizi lungcono kulokuhleka, ngoba ubuso obudanileyo buyayisiza inhliziyo.
Kusuwa kunopfuura kuseka, nokuti chiso chinopunyaira chakanakira mwoyo.
4 Inhliziyo yabahlakaniphileyo isendlini yokulila, kodwa inhliziyo yeziwula isendlini yokuzithokozisa.
Mwoyo womuchenjeri uri mumba yokuchema, asi mwoyo yamapenzi iri kuimba yamafaro.
5 Kungcono ukulalela izixwayiso zomuntu ohlakaniphileyo kulokulalela ingoma yeziwula.
Zviri nani kuteerera kutsiura kwomunhu akachenjera, pano kuteerera rwiyo rwamapenzi.
6 Njengokuchachamba kwameva ngaphansi kwembiza, lunjalo uhleko lweziwula. Lokhu lakho kuyize.
Sokuputika kweminzwa pasi pehari, ndizvo zvakaita kuseka kwamapenzi. Naizvozviwo hazvina maturo.
7 Ukuqilibezela kwenza ohlakaniphileyo abe yisiwula, lesivalamlomo siyayona inhliziyo.
Udzvinyiriri hunoshandura muchenjeri achiva benzi, uye fufuro inosvibisa mwoyo.
8 Isiphetho sendaba singcono kulokuqala kwayo, lokubekezela kungcono kulokuqinisa intamo.
Magumo echinhu anopfuura mavambo acho, uye mwoyo murefu unopfuura kuzvikudza.
9 Ungaphangisi ukufuthelana ngaphakathi, ngoba ulaka luhlezi lugonwe yiziwula.
Usakurumidza kutsamwa pamweya wako nokuti kutsamwa kunogara muchipfuva chamapenzi.
10 Ungaze wathi, “Kungani insuku zayizolo zazingcono kulalezi?” Ngoba kakukuhle ukubuza imibuzo enjalo.
Usati, “Sei mazuva akare ari nani kupfuura azvino?” Nokuti hazvina kuchenjera kubvunza mibvunzo yakadaro.
11 Ukuhlakanipha, njengelifa, kuyinto enhle njalo kuyabasiza bonke abaphilayo.
Uchenjeri chinhu chakanaka senhaka, uye hunobatsira avo vanoona zuva.
12 Ukuhlakanipha kuyisiphephelo njengoba imali iyisiphephelo, kodwa ubungcono bolwazi yilobu: ukuthi ukuhlakanipha kuyayilondoloza impilo yalowo olakho.
Uchenjeri hunodzivirira sokudzivirira kunoita mari, asi kunakisa kworuzivo ndokuku: kuti uchenjeri hunochengetedza upenyu hwomunhu anahwo.
13 Nakana ngalokho uNkulunkulu akwenzayo: Ngubani ongakuqondisa lokho akwenze kwagoba na?
Cherechedza zvakaitwa naMwari: Ndiani angatwasanudza zvaakagonyanisa?
14 Ngezikhathi konke kukuhle, thokoza; kodwa ngezikhathi zobubi, cabanga ukuthi: uNkulunkulu ukwenzile lokhu kanye lalokhuyana njalo. Ngakho-ke umuntu ngeke akwazi ukuthi ikusasa lakhe lizakuba yini.
Kana zvinhu zvakanaka, fara; asi kana nguva dzakaipa, rangarira kuti: Mwari ndiye akaita izvozvo zvose zviri zviviri. Naizvozvo, munhu haagoni kuziva chinhu pamusoro peramangwana rake.
15 Kuyonale impilo yami eyize sengizibonile izinto lezi zombili: umuntu olungileyo uyafa elungile enjalo, lomuntu omubi uba lempilo enhle emubi enjalo.
Muupenyu hwangu husina maturo ndakaona zvose izvi: akarurama achiparara mukururama kwake, nowakaipa achirarama nguva refu mukuipa kwake.
16 Ungalungi wedlulise, futhi ungabi lokuhlakanipha okweqileyo kambe uzibulalelani na?
Usava munhu akanyanyisa kururama, kana munhu akanyanyisa kuchenjera, uchazviparadzireiko?
17 Ungaxhwali okudlulisileyo, njalo ungabi yisiwula kambe ufelani singakafiki isikhathi sakho?
Usava munhu akanyanyisa kuipa, uye usava benzi. Ungada kufa nguva yako isati yakwana?
18 Kuhle ukuthi uthi ubambe lokhu ungayekeli uphunyukwe ngokunye. Umuntu owesaba uNkulunkulu kedlulisi amalawulo.
Zvakanaka kubatisisa chimwe chinhu, uye usingaregedzi chimwe chacho chichienda. Munhu anotya Mwari acharega kuita zvinopfurikidza mwero.
19 Ukuhlakanipha kwenza umuntu ohlakaniphileyo oyedwa abe lamandla kulababusi abalitshumi edolobheni.
Uchenjeri hunoita kuti mumwe munhu akachenjera ave nesimba guru kupfuura vatariri gumi vari muguta.
20 Akulamuntu loyedwa olungileyo emhlabeni owenza okulungileyo ongazake enze isono.
Hapana munhu akarurama panyika, anoita zvakanaka uye asingatadzi.
21 Ungaphiki ngokulalela wonke amazwi akhulunywa ngabantu, funa uzwe inceku yakho ikuthuka
Usava nehanya namashoko ose anotaurwa navanhu, zvichida ungangonzwa muranda wako achikutuka,
22 ngoba uyakwazi enhliziyweni yakho ukuthi wena ngokwakho uyawubathuke abanye.
nokuti unoziva mumwoyo mako kuti nguva zhinji iwe pachako wakambotuka vamwe.
23 Konke lokhu ngakuhlolisisa ngokuhlakanipha ngathi, “Ngizimisele ukuhlakanipha” kodwa lokhu kwakungaphezu kwami.
Zvose izvi ndakazviedza nouchenjeri ndikati, “Ndakazvipira kuva munhu akachenjera,” asi izvi zvaiva kure neni.
24 Ukuhlakanipha okungabe kukhona, kukhatshana kakhulu njalo kuzikile kakhulu: ngubani ongakufinyelela na?
Chii zvacho chingava uchenjeri, chiri kure kwazvo uye chakadzama, ndiani angachiwana?
25 Ngasengibeka ingqondo yami ukuthi ngizwisise, ngidingisise njalo ngichwayisise ukuhlakanipha kanye lesimo sezinto lokuzwisisa ubuphukuphuku bokuxhwala lobuhlanya lobuwula.
Saka ndakashandura pfungwa dzangu ndikatanga kutsvaka kunzwisisa, kuti ndiongorore uye nditsvakisise uchenjeri nourongwa hwezvinhu, uye kuti ndinzwisise upenzi hwokuipa nomupengo hwoupenzi.
26 Ngibona ukuthi uyingozi eyedlula ukufa umfazi ongumjibila, onhliziyo yakhe iyisithiyo njalo ozandla zakhe zingamaketane. Indoda eyesaba uNkulunkulu izaphepha kuye, kodwa isigangi uzasihilela.
Ndakawana chinhu chinovava kupfuura rufu, mukadzi anova musungo, mwoyo wake uri hunza uye maoko ake ari ngetani. Munhu anofadza Mwari achapunyuka kwaari, asi mutadzi achabatwa naye.
27 Uthi uMtshumayeli, “Khangela, nanku esengikunanzelele: Ngihlanganisa lokhu lalokhu ngizama ukubona isimo sezinto
Muparidzi anoti, “Tarira, izvi ndizvo zvandakawana: “Ndichisanganisa chimwe nechimwe kuti ndiwane marongerwo ezvinhu,
28 ngilokhu ngisachwayisisa kodwa ngingatholi ngafumanisa indoda eyodwa elungileyo kwabayinkulungwane, kodwa ngitsho loyedwa umfazi oqondileyo kubo.
pandakanga ndichiri kutsvaka asi ndisina chandinowana, ndakawana murume mumwe chete akarurama pakati pechiuru, asi handina kuwana mukadzi mumwe chete akarurama pakati pavo vose.
29 Yilokhu kuphela esengikufumene: UNkulunkulu wamenza umuntu wabaqotho, kodwa abantu basuka bazenzele okwabo.”
Chinhu ichi chete ndicho chandakawana chokuti: Mwari akaita vanhu vakarurama, asi vanhu vakaenda kundotsvaka mano mazhinji.”