< UmTshumayeli 6 >
1 Sengibone obunye ububi ngaphansi kwelanga engibona ukuthi bunzima kakhulu ebantwini:
Ndakaona chimwe chinhu chakaipa pasi pezuva, uye chinoremedza vanhu zvikuru:
2 UNkulunkulu upha umuntu inotho lempahla lodumo ukuze angasileli lutho oluloyiswa yinhliziyo yakhe, kodwa uNkulunkulu kamniki amandla okuthi azikholise lezozinto, zikholiswa ngowemzini. Lokhu kuyize, ububi obudanisayo.
Mwari anopa munhu mari nezvinhu zvakawanda uye nokukudzwa, zvokuti haana chaangashayiwa pazvinhu zvinodiwa nomwoyo wake, asi Mwari haazomutenderi kuti afadzwe nazvo, uye mutorwa ndiye anozofadzwa nazvo panzvimbo yake. Izvi hazvina maturo, chinhu chakaipa chinorwadza.
3 Umuntu angaba labantwana abalikhulu aphile okweminyaka eminengi; ikanti loba angaze aphile kanganani kodwa nxa engeke akholise inotho yakhe njalo angangcwatshwa ngendlela eqondileyo, ngithi umphunzo ungcono kulaye.
Munhu angava navana zana agorarama makore akawanda, asi hazvinei kuti ararama nguva yakareba sei, kana akasafara nezvaanowana uyezve akasavigwa zvakanaka, ndinoti mwana aberekwa ari gavamwedzi ari nani pana iye.
4 Ufika ungasilutho, unyamalale emnyameni lebizo lawo liphelele emnyameni.
Anouya asina zvaanoreva anoendazve murima, uye murima zita rake rinofukidzirwa.
5 Loba lowomphunzo ungazange ulibone ilanga loba wazi ulutho usekuphumuleni okungcono kulalowomuntu
Kunyange asina kumboona zuva kana kuziva chinhu, ane zororo rinopfuura munhu iyeyu,
6 loba angaze aphile okweminyaka eyinkulungwane iphindwe kabili kodwa angaze akholisa inotho yakhe. Kabayi ndawonye bonke na?
kunyange akararama makore anokwana zviuru zviviri, asi akatadza kufadzwa nezvaanowana. Ko, vose havaendi kunzvimbo imwe chete here?
7 Yonke imizamo yomuntu iya emlonyeni wakhe, kodwa iphango lakhe kaligcwali.
Kushingaira kwose kwomunhu kunoitirwa muromo wake, kunyange zvakadaro kuda kwake zvokudya hakugutswi.
8 Umuntu ohlakaniphileyo ungcono ngani kulesiwula? Umuntu ongumyanga uzuzani ngokwazi ukuziphatha kuhle phambi kwabanye na?
Ko, akachenjera anokurira benzi pachii? Ko, murombo anowanei nokuziva kuzvibata pamberi pavamwe?
9 Kungcono okubonwa lilihlo kulokuhwaywa liphango. Lokhu lakho kuyize, yikuxotshana lomoya.
Zviri nani zvinoonekwa nameso pane kutsvaka-tsvaka kwomwoyo. Izviwo hazvina maturo, kudzinganisana nemhepo.
10 Loba yini ekhona seyavele yethiwa ibizo, laloba yini umuntu ayiyo yona kuvele sekusaziwa; akulamuntu ongaphuthumana lomunye olamandla kulaye.
Chinhu chipi nechipi chiripo chakapiwa zita kare, uye munhu zvaari zvakazivikanwa kare; hakuna munhu anorwisana nomunhu anomupfuura pasimba.
11 Ngokwanda kwamazwi siyancipha lesisindo sawo; pho kumsiza ngani umuntu?
Kuwanda kwamashoko ndikowo kuwanda kwezvisina maturo, uye zvingabatsira aniko zvakadai?
12 Kambe ngubani okwaziyo okulungele umuntu ekuphileni kwakhe ngensuku ezimbalwa ezingatsho lutho adlula kuzo njengethunzi na? Ngubani ongamtshela okuzakwenzeka ngaphansi kwelanga yena esedlule?
Zvino ndiani angaziva zvakanakira munhu muupenyu, pamazuva mashoma uye asina maturo anopfuura somumvuri? Nokuti ndiani angaudza munhu zvinozomutevera mushure mokunge iye aenda?