< UDanyeli 1 >
1 Ngomnyaka wesithathu wokubusa kukaJehoyakhimi inkosi yakwaJuda, uNebhukhadineza inkosi yaseBhabhiloni wafika eJerusalema walihanqa.
Mugore rechitatu rokutonga kwaJehoyakimi mambo weJudha, Nebhukadhinezari mambo weBhabhironi akasvika kuJerusarema ndokurikomba.
2 UThixo wanikela uJehoyakhimi inkosi yakwaJuda ezandleni zakhe, kanye lezinye impahla zethempeli likaNkulunkulu. Konke wakuthwala wakusa ethempelini likankulunkulu wakhe eBhabhiloniya wakufaka endlini yenotho kankulunkulu wakhe.
Uye Ishe akaisa Jehoyakimi mambo weJudha muruoko rwake, pamwe chete nemimwe midziyo yaibva mutemberi yaMwari. Akatakura izvi akaenda nazvo kutemberi yamwari wake kuBhabhironi ndokuzviisa muimba yepfuma yamwari wake.
3 Kwathi-ke inkosi yasilaya u-Ashiphenazi, induna yezikhulu zesigodlo sayo ukuthi alethe abanye bama-Israyeli besikhosini lasezikhulwini,
Ipapo mambo akarayira Ashipenazi, mukuru wavatariri veruvazhe, kuti apinze vamwe vavaIsraeri kubva mumhuri youshe nemhuri yemakurukota,
4 amajaha amizimba ingelasici, amahle, atshengisa ukufundiseka ezintweni zonke, azi okunengi, aphangisayo ukuzwisisa njalo abonakala efanele ukukhonza esigodlweni senkosi. Ayemele awafundise ulimi lezincwadi zamaBhabhiloni.
majaya asina chinongo pamiviri yavo, vakanaka, vanoratidza njere padzidzo yose, vanokurumidza kunzwisisa, uye vakakodzera kushumira, mumuzinda wamambo. Aizovadzidzisa mutauro namagwaro avaBhabhironi.
5 Inkosi yababela ukudla okukhethiweyo okwansuku zonke kanye lewayini kuthathwa kokwakulungiselwe inkosi. Babezafundiswa okweminyaka emithathu, kuthi ngemva kwalokho baqalise ukusebenza esigodlweni.
Mambo akarayira kuti vapiwe zvokudya zvezuva rimwe nerimwe newaini yaibva patafura yamambo. Vaifanira kudzidziswa kwamakore matatu, uye shure kwaizvozvo vaizopinda paushumiri hwamambo.
6 Phakathi kwalabo babekhona ababephuma koJuda: uDanyeli, loHananiya, loMishayeli kanye lo-Azariya.
Pakati pavo paiva navamwe vaibva kuJudha vaiti: Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria.
7 Indunankulu yabanika amabizo amatsha: uDanyeli kwathiwa nguBhelitheshazari; uHananiya waba nguShadreki, uMishayeli waba nguMeshaki; u-Azariya waba ngu-Abhediniko.
Vakuru vamachinda vakavatumidza mazita matsva sezvinotevera: Dhanieri vakamupa zita rokuti Bheriteshazari; Hanania akanzi Shadhireki; Mishaeri akanzi Meshaki; uye Azaria akanzi Abhedhinego.
8 Kodwa uDanyeli wazimisela ukuthi angazingcolisi ngokudla kwesikhosini lewayini lakhona, yikho wasecela kundunankulu imvumo yokuthi angazingcolisi kanjalo.
Asi Dhanieri akazvisunga mumwoyo make kuti arege kuzvisvibisa nezvokudya zvamambo newaini yake, uye akakumbira mukuru wamachinda mvumo yokuti arege kuzvisvibisa nenzira iyi.
9 UNkulunkulu wayekwenzile ukuthi Indunankulu imthande njalo imhawukele uDanyeli,
Zvino Mwari akanga aita kuti muchinda aitire Dhanieri nyasha nengoni,
10 kodwa wathi kuDanyeli, “Ngiyamesaba umhlekazi wami inkosi, onguye okumisileyo ukudla kwenu lokokunatha. Kambe akayikulibona yini selikhangeleka kubi kulamanye amajaha angontanga benu? Inkosi ingahle ingiqume ikhanda ngenxa yenu.”
asi muchinda akaudza Dhanieri kuti, “Ndinotya ishe wangu mambo, anova ndiye akarayira zvamunofanira kudya nokunwa. Achaonereiko zviso zvenyu zvakaonda kupfuura zvamamwe majaya ezera renyu? Mambo achaita kuti musoro wangu udimurwe nokuda kwenyu.”
11 UDanyeli wasesithi enxuseni elalibekwe yindunankulu phezu kwaboDanyeli, loHananiya, loMishayeli lo-Azariya,
Ipapo Dhanieri akati kumurindi akanga anzi nomubati mukuru achengete Dhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria,
12 “Ake uzilinge izinceku zakho okwensuku ezilitshumi nje: Ungasiphi lutho ngaphandle kwemibhida ukuba sidle yona lamanzi okunatha.
“Ndapota edzai henyu varanda venyu kwamazuva gumi. Regai henyu kutipa chimwe chinhu asi tipei muriwo tidye uye nemvura yokunwa chete.
13 Lapho-ke ubusufananisa imizimba yethu laleyo eyamajaha adla ukudla kwesikhosini, ubususenza njengokubona kwakho ezincekwini zakho.”
Ipapo mugoenzanisa zviso zvedu nezvamajaya anodya zvokudya zvamambo mugobata varanda venyu samaonero enyu.”
14 Lakanye inxusa lakuvuma lokho labalinga okwensuku ezilitshumi.
Saka akatenda hake pane izvozvi ndokuvaedza kwamazuva gumi.
15 Ekupheleni kwensuku ezilitshumi bakhangeleka bephila ngcono njalo bezimukile kulamajaha ayesidla ukudla kwesikhosini.
Mazuva gumi akati apera, ivo vakaratidza kuva noutano hwakagwinya uye nemiviri yakanaka kupinda majaya akadya zvokudya zvamambo.
16 Yikho inxusa laselisusa ukudla kwabo kwekhethelo kanye lewayini ababelinatha labapha imibhida.
Saka murindi akabvisa zvokudya zvakasarudzika newaini yavaifanira kunwa ndokuvapa muriwo pachinzvimbo chazvo.
17 La amajaha amane uNkulunkulu wawanika ulwazi lokuzwisisa zonke izibhalo lemfundo. Njalo uDanyeli wayezwisisa imibono lamaphupho wonke ehlukeneyo.
Mwari akapa majaya mana aya ruzivo nokunzwisisa kwemhando dzose dzamagwaro nedzidzo. Uye Dhanieri ainzwisisa zviratidzo nezviroto zvemhando dzose.
18 Ekupheleni kwesikhathi esasibekwe yinkosi ukuthi balethwe, indunankulu yabethula kuNebhukhadineza.
Mazuva akatarwa namambo kuti vapinde akati apera, mukuru wamachinda akavaisa kuna Nebhukadhinezari.
19 Inkosi yakhuluma labo yafumana engekho olingana loDanyeli, loHananiya, loMishayeli kanye lo-Azariya; ngakho bangeniswa ukusebenzela inkosi.
Mambo akataura navo, uye akasawana mumwe zvake akanga akaenzana navanaDhanieri, Hanania, Mishaeri naAzaria; saka vakapinda kuti vandoshandira mambo.
20 Kuzozonke izindaba zokuhlakanipha lokuzwisisa inkosi eyababuza ngazo yabafumana bebedlula bonke omasalamusi lezangoma ngokuphindwe katshumi kuwo wonke umbuso wayo.
Pazvinhu zvose zvouchenjeri nokunzwisisa pamusoro pezvose zvaibvunzwa namambo, akavawana vachipfuura kagumi nʼanga dzose navanhu vose muumambo hwose.
21 UDanyeli wahlala khona kwaze kwaba ngumnyaka wokuqala weNkosi uKhurosi.
Uye Dhanieri akagaramo kusvikira gore rokutonga raMambo Sirasi.