< 2 USamuyeli 23 >
1 La ngamazwi okucina kaDavida: “Umbono kaDavida indodana kaJese, umbono womuntu owaphakanyiswa ngoPhezukonke, umuntu owagcotshwa nguNkulunkulu kaJakhobe, umhlabeleli wezingoma ka-Israyeli:
Aya ndiwo mashoko okupedzisira aDhavhidhi: “Chirevo chaDhavhidhi mwanakomana waJese, Chirevo chomurume akasimudzirwa noWokumusoro-soro, murume akazodzwa naMwari waJakobho, muimbi wenziyo waIsraeri:
2 Umoya kaThixo wakhuluma ngami, ilizwi lakhe lalisolimini lwami.
“Mweya waJehovha wakataura kubudikidza neni; shoko rake rakanga riri parurimi rwangu.
3 UNkulunkulu ka-Israyeli wakhuluma, iDwala lika-Israyeli lathi kimi: ‘Lapho umuntu ebusa abantu ngokulunga, lapho ebusa ngokwesaba uNkulunkulu,
Mwari waIsraeri akataura, Dombo raIsraeri akati kwandiri: ‘Kana munhu achitonga vanhu mukururama, kana achitonga mukutya Mwari,
4 unjengokukhanya kwekuseni ekuphumeni kwelanga ekuseni okungelamayezi, njengokukhanya emva kokuna kwezulu okumilisa utshani emhlabathini.’
akaita sechiedza chamangwanani pakubuda kwezuva mangwanani kusina makore, sokujeka kwezuva shure kwokunaya kwemvura kunomeresa uswa kubva pasi.’
5 Indlu yami kayifanelanga kuNkulunkulu na? Kanje kenzanga lami isivumelwano esingapheliyo esalungiswayo saqiniswa izigaba zonke na? Kambe kazukuphumelelisa ukusindiswa kwami angiphe konke engikufisayo na?
“Ko, imba yangu haisi yakadaro kuna Mwari here? Nokuti akaita sungano isingaperi neni, yakarongwa uye yakasimbiswa pazvinhu zvose. Ko, haachazozadzisi ruponeso rwangu uye agondipa zvose zvandinoda here?
6 Kodwa abantu ababi bonke bazaphoselwa eceleni njengameva, angabuthwayo ngesandla.
Asi vanhu vakaipa vacharasirwa parutivi seminzwa, isingaunganidzwi noruoko.
7 Loba ngubani othinta ameva usebenzisa insimbi loba uluthi lomkhonto; ayatshiswa ngomlilo khonapho akhona.”
Ani naani anobata minzwa anoshandisa mudziyo wesimbi kana rwiriko rwepfumo; uye ichapiswa zvachose pairi ipapo.”
8 La ngamabizo amaqhawe kaDavida: UJoshebi-Bhasishebethi umThakemoni wayeyinduna yabaThathu, waphakamisela abantu abangamakhulu ayisificaminwembili umkhonto wakhe, ababulalayo ekuhlaseleni kunye.
Aya ndiwo mazita emhare dzaDhavhidhi: Joshebhi-Bhashebheti, muTakemoni, akanga ari mukuru waVatatu; akasimudza pfumo rake achirwa navarume mazana masere, akavauraya panguva imwe chete.
9 Yena elandelwa ngu-Eliyazari indodana kaDodo umʼAhohi. Njengomunye wamaqhawe amathathu, wayeloDavida lapho bechothoza amaFilistiya ayebuthanele impi ePhasi Damimi. Lapho-ke abantu bako-Israyeli bahlehlela emuva,
Aimutevera akanga ari Ereazari, mwanakomana waDhodhai muAhohi. Somumwe wavarume vatatu voumhare, akanga ana Dhavhidhi pavakashora vaFiristia vakanga vakaungana paPasi Dhamimi kuti vazorwa. Ipapo varume veIsraeri vakadzokera shure,
10 kodwa yena wajama wawacakazela phansi amaFilistiya isandla sakhe saze sadinwa sanamathela enkembeni. Ngalelolanga uThixo waletha ukunqoba okukhulu. Amabutho abuyela ku-Eleyazari ukuyahlubula abafileyo kuphela nje.
asi iye akamira akabaya vaFiristia kusvikira ruoko rwake rwaneta uye rwanamatira pamunondo. Jehovha akaita kuti vakunde kwazvo zuva iroro; uye varwi vakadzokera kuna Ereazari, asi kundokutunura nhumbi dzavakafa chete.
11 Phansi kwakhe kwakuloShama indodana ka-Ageye umHarari. Kwathi amaFilistiya eseqoqene endaweni eyayilezindumba ezinengi, amabutho ako-Israyeli awabalekela.
Aimutevera akanga ari Shama mwanakomana weAgi muHarari. VaFiristia vakati vaungana pamwe chete panzvimbo yakanga ine munda wakanga uzere nenyemba, varwi vavaIsraeri vakatiza pamberi pavo.
12 Kodwa uShama wajama phakathi kwensimu. Wayivikela wawacakazela phansi amaFilistiya, uThixo waletha ukunqoba okukhulu.
Asi Shama akanyatsomira pakati pomunda. Akaudzivirira akauraya vaFiristia, uye Jehovha akauyisa kukunda kukuru.
13 Ngesikhathi sokuvuna, abathathu ezinduneni ezingamatshumi amathathu baya kuDavida ebhalwini lwase-Adulami, lapho ibutho lamaFilistiya lalimise eSigodini saseRefayi.
Panguva yokukohwa, vatatu pakati pavakuru makumi matatu vakaburuka kuna Dhavhidhi kubako reAdhurami, nguva iyoyo hondo yavaFiristia yakanga yakadzika misasa muMupata weRefaimi.
14 Ngalesosikhathi uDavida wayesenqabeni, iviyo lamabutho amaFilistiya laliseBhethilehema.
Panguva iyoyo Dhavhidhi akanga ari munhare, uye hondo yavaFiristia yakanga iri paBheterehema.
15 UDavida womela amanzi wasesithi, “Oh, sengathi kungaba lomuntu ongangikhela amanzi okunatha emthonjeni oseduze lesango laseBhethilehema!”
Dhavhidhi akapanga mvura akati, “Haiwa, dai mumwe andiwanirawo mvura yokunwa patsime riri pedyo reBheterehema!”
16 Ngakho amaqhawe amathathu adabula phakathi kwamaviyo amaFilistiya, akha amanzi emthonjeni eduze lesango laseBhethilehema ahamba lawo kuDavida. Kodwa wala ukuwanatha, esikhundleni salokho wawathela phambi kukaThixo.
Saka mhare nhatu dzakapinda napakati pavaFiristia, vakachera mvura kubva mutsime raiva pedyo nesuo reBheterehema vakaitakura vakaenda nayo kuna Dhavhidhi. Asi akaramba kuinwa, akaidururira pasi kuna Jehovha.
17 Wathi, “Akungenzeki, Oh Thixo, ukuba ngenze lokhu. Akusigazi labantu abahambe befake ukuphila kwabo engozini na?” UDavida kawanathanga. Lezi zaziyizenzo zobuqhawe zalawomabutho womathathu.
Akati, “Ngazvive kure neni, Jehovha, kuti ndiite izvi! Ko, iri harisi ropa ravarume vakaendako vachiisa upenyu hwavo panjodzi here?” Uye Dhavhidhi akaramba kuinwa. Izvi ndizvo zvakaitwa nemhare nhatu.
18 U-Abhishayi umfowabo kaJowabi indodana kaZeruya wayeyinduna yabaThathu labo. Waphakamisela umkhonto wakhe phezu kwabangamakhulu amathathu, ababulalayo, ngakho waba lodumo njengabaThathu.
Abhishai mununʼuna waJoabhu mwanakomana waZeruya akanga ari mukuru waVatatu. Akasimudza pfumo rake kuti arwe navarume mazana matatu, akavauraya, nokudaro akava nomukurumbira saVatatu.
19 Kahlonitshwanga kakhulu kulabaThathu na? Waba ngumlawuli wabo, loba engazange abe phakathi kwabo.
Ko, haana kupiwa kuremekedzwa kukuru kupfuura vaya Vatatu here? Iye akazova mutungamiri wavo, kunyange zvazvo akanga asina kuverengwa pakati pavo.
20 UBhenaya indodana kaJehoyada wayeliqhawe elilesibindi laseKhabhizeli, elenza izenzo zobuqhawe obukhulu. Wabulala amaqhawe amaMowabi amabili ayezintshantshu ekulweni. Wake wangena emgodini wabulala isilwane mhla kulongqwaqwane.
Bhenaya mwanakomana waJehoyadha akanga ari munhu woumhare aibva kuKabhizeeri, akaita zvinhu zvikuru. Akauraya varume vaviri veMoabhu vakanga vari mhare. Akapindawo mugomba kuchitonhora kwazvo musi uyo, akauraya shumba imomo.
21 Njalo wabulala umGibhithe owayemkhulu kakhulu. Lanxa umGibhithe lowo wayephethe umkhonto, uBhenaya wamhlasela ngenduku. Wawuhluthuna umkhonto esandleni somGibhithe wambulala ngomkhonto wakhe.
Uye akabaya muIjipita akanga ari hofori. Kunyange zvazvo muIjipita akanga ane pfumo muruoko rwake, Bhenaya akarwa naye netsvimbo. Akabvuta pfumo rakanga riri muruoko rwomuIjipita akamuuraya nepfumo rake.
22 Lezi zaziyizenzo zobuqhawe zikaBhenaya indodana kaJehoyada; laye futhi wayedume njengamaqhawe amathathu.
Ndiwo akanga ari mabasa aBhenaya mwanakomana waJehoyadha; naiyewo akanga ano mukurumbira sowavarume vaya vatatu voumhare.
23 Wayehlonitshwa kakhulu ukwedlula bonke abangamaTshumi Amathathu, kodwa wayengabalwa kanye labaThathu. UDavida wambeka ukuba abe ngumphathi wabalindi bakhe.
Akaremekedzwa zvikuru kupinda ani zvake wavaye Makumi Matatu, asi akanga asina kuverengwa pakati pavaya vatatu. Uye Dhavhidhi akamugadza kuti ave mutariri wavarindi vake.
24 Phakathi kwabangamatshumi amathathu labo kwakuyilaba: U-Asaheli umfowabo kaJowabi, u-Elihanani indodana kaDodo waseBhethilehema,
Pakati pavaya Makumi Matatu paiti: Asaheri mununʼuna waJoabhu, Erihanani mwanakomana waDhodho aibva kuBheterehema,
25 uShama umHarodi, u-Elika umHarodi,
Shama muHarodhi, Erika muHarodhi,
26 uHelezi umPhalithi, u-Ira indodana ka-Ikheshi waseThekhowa,
Herezi muPariti, Ira mwanakomana waIkeshi aibva kuTekoa,
27 u-Abhiyezeri wase-Anathothi, uSibhekhayi umHushathi,
Abhiezeri aibva kuAnatoti, Mebhunai muHushati,
28 uZalimoni umʼAhohi, uMaharayi umNethofa,
Zarimoni muAhohi, Maharai muNetofati,
29 uHeledi indodana kaBhana umNethofa, u-Ithayi indodana kaRibhayi owaseGibhiya koBhenjamini,
Heredhi mwanakomana waBhaana muNetofati, Itai mwanakomana waRibhai aibva kuGibhea muBhenjamini,
30 uBhenaya umPhirathoni, uHidayi wasezindongeni zaseGashi,
Bhenaya muPiratoni, Hidhai aibva kuhova dzeGaashi,
31 u-Abhi-Alibhoni umʼAribhathi, u-Azimavethi umBharihumi,
Abhi-Aribhoni muAribhati, Azimavheti muBharihumi,
32 u-Eliyaba umShalibhoni, amadodana kaJasheni, uJonathani
Eriabha muShaaribhoni, mwanakomana waJasheni, Jonatani
33 indodana kaShama umHarari, u-Ahiyamu indodana kaSharari umHarari,
mwanakomana waShama muHarari, Ahiami mwanakomana waSharari muHarari,
34 u-Elifelethi indodana ka-Ahasibhayi umʼMahakhathi, u-Eliyami indodana ka-Ahithofeli umGiloni,
Erifereti mwanakomana waAhasibhai muMaakati, Eriamu mwanakomana waAhitoferi muGironi,
35 uHeziro umKhameli, uPharayi umʼAribhi,
Heziro muKarimeri, Paarai muAribhiti,
36 u-Igali indodana kaNathani waseZobha, indodana kaHagiri,
Igari mwanakomana waNatani aibva kuZobha, mwanakomana waHagiri,
37 uZelekhi umʼAmoni, uNaharayi umBherothi, owayethwala izikhali zikaJowabi, indodana kaZeruya,
Zereki muAmoni, Naharai muBheeroti, mutakuri wenhumbi dzokurwa nadzo dzaJoabhu mwanakomana waZeruya,
38 u-Ira umʼIthira, uGarebhi umʼIthiri
Ira muItiri, Garebhi muItiri
39 kanye lo-Uriya umHithi. Bebonke babengamatshumi amathathu lesikhombisa.
naUria muHiti. Vose vaiva makumi matatu navanomwe pamwe chete.