< 2 USamuyeli 11 >

1 Kwathi entwasa, ngesikhathi amakhosi ayesiyakulwa ngaso impi, uDavida wathuma uJowabi elabantu benkosi lebutho lonke lako-Israyeli. Baqothula ama-Amoni basebevimbezela iRabha. Kodwa uDavida wasala eJerusalema.
Munguva yechirimo, madzimambo paanoenda kundorwa, Dhavhidhi akatuma Joabhu navaranda vamambo nehondo yose yeIsraeri. Vakandoparadza vaAmoni uye vakakombawo Rabha. Asi Dhavhidhi akasara muJerusarema.
2 Ngelinye ilanga kusihlwa uDavida wavuka embhedeni wakhe wahambahamba phezu kophahla lwesigodlo. Esephahleni wabona owesifazane egeza. Owesifazane lowo wayemuhle kakhulu,
Zvino rimwe zuva madekwana Dhavhidhi akamuka pamubhedha wake akafamba pamusoro pedenga romuzinda. Aripo padenga akaona mukadzi aishamba. Mukadzi uyu akanga akanaka kwazvo,
3 uDavida wasethuma umuntu ukuyabuza ngaye. Umuntu lowo wathi, “Kanti lo kasuBhathishebha, indodakazi ka-Eliyami umka-Uriya umHithi na?”
uye Dhavhidhi akatuma munhu kundobvunza nezvomukadzi uyu. Murume akatumwa akati, “Ko, uyu haasi Bhatishebha here mwanasikana waEriamu mukadzi waUria muHiti?”
4 UDavida wathuma izithunywa ukuyamthatha. Weza kuye, wembatha laye. (Owesifazane lo wayezihlambulule ekungcoleni kwakhe.) Emva kwalokho wabuyela ekhaya.
Ipapo Dhavhidhi akatuma nhume kundomutora. Akauya kwaari, iye akarara naye; nokuti akanga azvinatsa pakusachena kwake. Ipapo akadzokera kumba kwake.
5 Owesifazane lowo wathatha isisu, wasethumela ilizwi kuDavida, esithi, “Sengilesisu.”
Mukadzi uyu akabata pamuviri ndokubva atuma shoko kuna Dhavhidhi achiti, “Ndava nemimba.”
6 Ngakho uDavida wathumela ilizwi leli kuJowabi elithi: “Ngilethela u-Uriya umHithi.” UJowabi wamthumela kuDavida.
Saka Dhavhidhi akatuma shoko kuna Joabhu akati, “Nditumire Uria muHiti.” Saka Joabhu akamutumira kuna Dhavhidhi.
7 U-Uriya esefikile kuye, uDavida wambuza ukuthi uJowabi wayenjani, amabutho ayenjani kanye lokuthi impi yayiqhubeka njani.
Uria akati asvika kwaari, Dhavhidhi akamubvunza kuti Joabhu aiva akadini hake, zvose navarwi uye kuti hondo yaifamba sei.
8 UDavida wasesithi ku-Uriya, “Yehlela endlini yakho ugeze inyawo zakho.” Ngakho u-Uriya wasuka esigodlweni, walandelwa yisipho esavela enkosini esasala sithunyelwa kuye.
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Uria, “Enda hako kuimba yako unoshamba tsoka dzako.” Naizvozvo Uria akabva pamuzinda wamambo, uye achangoenda, mambo akamutumira chipo.
9 Kodwa u-Uriya walala entubeni yesigodlo lezinceku zonke zenkosi yakhe akaze aya endlini yakhe.
Asi Uria akarara pasuo romuzinda navaranda vose vatenzi wake akasaenda kumba kwake.
10 Kwathi uDavida esetsheliwe ukuthi, “U-Uriya kayanga ekhaya,” wambuza wathi, “Angithi usanda kufika nje uvela khatshana? Kungani ungayanga ekhaya?”
Zvino Dhavhidhi paakaudzwa kuti, “Uria haana kuenda kumba kwake,” akamubvunza akati, “Hauna kubva parwendo here? Sei usina kuenda kumba kwako?”
11 U-Uriya wathi kuDavida, “Ibhokisi lesivumelwano sikaThixo lo-Israyeli loJuda kuhlezi emathenteni, inkosi yami uJowabi kanye labantu benkosi yami bamise egangeni. Pho ngingaya kanjani endlini ukuyakudla, lokunatha ngilale lomkami futhi na? Ngeqiniso elinjengoba uphila, mina angiyikwenza into enjalo!”
Uria akati kuna Dhavhidhi, “Areka navaIsraeri pamwe chete navaJudha vagere mumatende, uye tenzi wangu Joabhu navanhu vaishe wangu vari mumisasa kusango. Ko, ini ndaigozoenda sei kumba kwangu kuti ndidye ndichinwa nokurara nomudzimai wangu? Zvirokwazvo noupenyu hwenyu, handingaiti chinhu chakadaro!”
12 UDavida wasesithi kuye, “Hlala lapha elinye ilanga futhi, kusasa ngizakubuyisela emuva.” Ngakho u-Uriya wahlala eJerusalema lolosuku kanye lolwalandelayo.
Ipapo Dhavhidhi akati kwaari, “Chigara hako pano kwezuva rimwe chete, mangwana ndigokutendera hangu kuti udzokere.” Naizvozvo Uria akagara muJerusarema zuva iroro neraitevera.
13 Esecelwe nguDavida, wadla wanatha laye, uDavida wasemdakisa. Kodwa kusihlwa u-Uriya waphuma wayalala ecansini lakhe phakathi kwezinceku zenkosi yakhe; akayanga ekhaya.
Akakokwa naDhavhidhi, akadya nokunwa naye, uye Dhavhidhi akaita kuti adhakwe. Asi ava madekwana Uria akabuda akandovata panhoo yake pamwe chete navaranda vatenzi wake; haana kuenda kumba kwake.
14 Ekuseni uDavida walobela uJowabi incwadi wayiphathisa u-Uriya.
Chifumi chamangwana Dhavhidhi akanyora tsamba kuna Joabhu akaituma naUria.
15 Kuyo wayelobe ukuthi, “U-Uriya mbeke kuviyo eliphambili lapho impi evutha khona kakhulu. Lapho-ke khumukani kuye ukuze acakazelwe phansi afe.”
Akanyora mairi achiti, “Isa Uria pamberi paya panorwiwa zvinotyisa zvikuru. Ipapo iwe umusiye ari oga kuti abayiwe afe.”
16 Ngakho kwathi uJowabi idolobho eselivimbezele, wabeka u-Uriya lapho ayesazi khona ukuthi yikho okwakulabavikeli abalamandla kakhulu.
Saka Joabhu paakanga akakomba guta, akaisa Uria panzvimbo yaaiziva kuti ndipo paiva navarume voumhare.
17 Kwathi abantu bakulelodolobho sebephumile ukuba balwe loJowabi, abanye babantu ebuthweni likaDavida bafa; u-Uriya umHithi laye futhi wafa.
Varume veguta pavakabuda vakarwa naJoabhu, vamwe vevarume vehondo yaDhavhidhi vakakundwa; uye Uria muHiti akafawo.
18 UJowabi wathumela uDavida umbiko opheleleyo ngempi.
Joabhu akatumira Dhavhidhi mashoko amafambiro akanga aita hondo.
19 Walaya isithunywa wathi: “Lapho usuqedile ukwethulela inkosi umbiko wempi,
Akarayira nhume achiti, “Kana wapedza kurondedzera kuna mambo mafambiro aita hondo,
20 ulaka lwenkosi lungavutha, ibe isibuza isithi, ‘Kungani lisondele eduzane kangaka ledolobho ukuba lilwe? Kalazanga yini ukuthi kade bengatshoka imitshoko besemdulini?
hasha dzamambo dzingakwira, uye angangokubvunza achiti, ‘Ko, sei maswedera pedyo zvakadaro neguta muchirwa? Manga musingazivi here kuti vaizokupfurai nemiseve vari parusvingo?
21 Ngubani obulele u-Abhimelekhi indodana kaJerubhi-Bheshethi na? Owesifazane obephezu komduli kamjikijelanga ngembokodo, wayafela eThebhezi na? Kungani lisondele eduzane kangaka lomduli?’ Ingakubuza lokhu, uthi kuyo, ‘Lenceku yakho u-Uriya umHithi ifile.’”
Ndianiko akauraya Abhimereki mwanakomana waJerubhi-Bhesheti? Haasi munhukadzi here akakanda guyo pamusoro pake richibva parusvingo, zvokuti akafira paTebhezi? Sei maswedera pedyo norusvingo?’ Kana akakubvunza izvi, ipapo uti kwaari, ‘Muranda wenyu Uria muHiti afawo.’”
22 Isithunywa sasuka sahamba, kwathi sesifikile samtshela uDavida konke uJowabi ayesithume ukuba siyekutsho.
Nhume yakaenda, uye yakati yasvika, yakaudza Dhavhidhi zvose zvayakanga yarayirwa naJoabhu.
23 Isithunywa sathi kuDavida, “Abantu basikhulele, baphuma bazasihlasela etshatshalazini, kodwa sibadudulele emuva entubeni yedolobho.
Nhume yakati kuna Dhavhidhi, “Varume avo vatikurira vakatibudira pachena, asi isu tavasairira kusvikira vasvika pasuo reguta.
24 Lapho-ke abemitshoko batshoke izinceku zakho besemdulini, kwathi abanye abantu benkosi bafa. Lenceku yakho, u-Uriya umHithi ifile.”
Ipapo vapfuri vapfura varanda venyu vari parusvingo, uye vamwe vavaranda vamambo vafa. Uyewo, muranda wenyu Uria muHiti afa.”
25 UDavida watshela isithunywa wathi, “Yitsho lokhu kuJowabi: ‘Ungakhathazwa yilokhu; inkemba idla omunye njengoba isidla omunye. Qinisa ukuhlasela idolobho, ulichithe.’ Yitsho lokhu ukuba umise isibindi uJowabi.”
Dhavhidhi akarayira nhume achiti, “Uti kuna Joabhu, ‘Izvi ngazvirege kukushungurudza; munondo haubayi rutivi rumwe asi nokunouyawo wabaya. Ramba uchirwisa guta uriparadze.’ Taura izvi kuna Joabhu kuti umukurudzire.”
26 Kwathi umka-Uriya esezwile ukuthi umkakhe usefile, wamlilela.
Zvino mukadzi waUria paakanzwa kuti murume wake akanga afa, akamuchema.
27 Kwathi isikhathi sokulila sesiphelile, uDavida wamletha endlini yakhe, wasesiba ngumkakhe wamzalela indodana. Kodwa into eyenziwa nguDavida yathukuthelisa uThixo.
Zvino mazuva okuchema akati apera, Dhavhidhi akamuuyisa kumba kwake, akava mukadzi wake, uye akamuberekera mwanakomana. Asi chinhu ichi chakaitwa naDhavhidhi hachina kufadza Jehovha.

< 2 USamuyeli 11 >