< 1 USamuyeli 30 >
1 UDavida labantu bakhe bafika eZikhilagi ngelanga lesithathu. Ama-Amaleki ayehlasele iNegebi leZikhilagi. Ayehlasele iZikhilagi ayitshisa,
Dhavhidhi navanhu vake vakasvika kuZikiragi pazuva retatu. Zvino vaAmareki vakanga vakomba Negevhi neZikiragi. Vakanga varwisa Zikiragi vakaripisa,
2 njalo ayethumbe abesifazane labo bonke ababekuyo, abatsha labadala. Kawabulalanga lamunye wabo, kodwa ahamba labo ekuhambeni kwawo.
uye vakanga vatapa vakadzi navose vakanga varimo, vose vakuru navaduku. Havana wavakauraya, asi vakavatora vakaenda navo.
3 Kwathi uDavida labantu bakhe befika eZikhilagi, bayifica iqothulwe ngomlilo njalo omkabo lamadodana kanye lamadodakazi abo bethunjiwe.
Dhavhidhi navanhu vake vakati vasvika kuZikiragi, vakariwana raparadzwa nomoto, uye vakadzi vavo navanakomana navanasikana vavo vakanga vatapwa.
4 Ngakho uDavida labantu bakhe bakhala kakhulu baze baphela amandla okukhala.
Saka Dhavhidhi navanhu vake vakachema kwazvo kusvikira vapererwa nesimba rokuchema.
5 Abafazi bakaDavida bobabili babethunjiwe, u-Ahinowama waseJezerili lo-Abhigeli, umfelokazi kaNabhali waseKhameli.
Vakadzi vaDhavhidhi vari vaviri vakanga vatapwa, Ahinoami weJezireeri naAbhigairi, chirikadzi yaNabhari weKarimeri.
6 UDavida wayesekhathazeke kakhulu ngoba abantu babekhuluma ngokumkhanda ngamatshe, lowo lalowo efuthelene emoyeni ngenxa yamadodana akhe lamadodakazi. Kodwa uDavida wathola amandla kuThixo uNkulunkulu wakhe.
Dhavhidhi akatambudzika zvikuru nokuti vanhu vakanga vachitaura zvokuda kumutaka namabwe; mumwe nomumwe akanga ane shungu mumweya make nokuda kwavanakomana navanasikana vake. Asi Dhavhidhi akawana simba muna Jehovha Mwari wake.
7 UDavida wasesithi ku-Abhiyatha umphristi, indodana ka-Ahimeleki, “Ngilethela isembatho samahlombe.” U-Abhiyathari wasiletha kuye,
Ipapo Dhavhidhi akati kuna Abhiatari muprista, mwanakomana waAhimereki, “Ndivigirewo efodhi kuno.” Abhiatari akaenda nayo kwaari,
8 uDavida wasebuza kuThixo esithi, “Ngililandele yini lelixuku elihlaselayo? Ngizalifica na?” Waphendula wathi, “Lilandele. Uzalifica impela njalo uzaphumelela ekuhlengeni.”
ipapo Dhavhidhi akabvunza kuna Jehovha akati, “Ndingatevera here vapambi ava? Ndichavabata here?” Akapindura akati, “Vatevere. Zvirokwazvo uchavabata uye uchakunda mukuvanunura.”
9 UDavida labantu abangamakhulu ayisithupha ababelaye bafika eDongeni lwaseBhesori, lapho abanye abasala khona,
Dhavhidhi navarume mazana matanhatu vaiva naye vakasvika parukova rweBhesori, vamwe vakasara ipapo,
10 ngoba abangamakhulu amabili basebedinwe kakhulu ukuba bachaphe udonga. Kodwa uDavida labantu abangamakhulu amane baqhubeka belandela.
nokuti varume mazana maviri vakanga vaneta kwazvo kuti vayambuke rukova. Asi Dhavhidhi namazana mana avarume vakaramba vachitevera.
11 Bafica umGibhithe egangeni bamusa kuDavida. Bamnika amanzi okunatha lokudla ukuba adle,
Vakawana muIjipita ari mumunda ndokubva vauya naye kuna Dhavhidhi. Vakamupa mvura yokunwa nezvokudya kuti adye,
12 ingxenye yekhekhe lemikhiwa ekhanyiweyo lekhekhe lamavini awonyisiweyo. Wadla wathola amandla, ngoba wayengadlanga lutho njalo enganathanga manzi insuku ezintathu lobusuku obuthathu.
chimedu chekeke ramaonde akaoma uye makeke maviri amazambiringa akaomeswa. Akadya akasimba, nokuti akanga asina kudya chipi zvacho kana kunwa mvura kwamazuva matatu nousiku hutatu.
13 UDavida wambuza wathi, “Ungokabani wena, njalo uvela ngaphi na?” Yena wathi, “NgingumGibhithe, isigqili somʼAmaleki. Inkosi yami ingitshiyile sengigula ensukwini ezintathu ezedluleyo.
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Uri waaniko iwe, uye unobvepi?” Iye akati, “Ndiri muIjipita, mutapwa womumwe muAmareki. Tenzi wangu akandisiya pandakanga ndorwara mazuva matatu apfuura.
14 Sihlasele iNegebi yamaKherethi lelizwe likaJuda kanye leNegebi yamaKhalebi. Njalo iZikhilagi siyitshisile.”
Takapamba Zasi kwenyika yavaKereti uye nenyika yeJudha neZasi kwenyika yaKarebhu. Uye takapisa Zikiragi.”
15 UDavida wambuza wathi, “Ungangisa kulelixuku elihlaselayo na?” Waphendula wathi, “Funga kimi phambi kukaNkulunkulu ukuthi kawuyikungibulala kumbe unginikele enkosini yami, besengikusa-ke kubo.”
Dhavhidhi akamubvunza akati, “Ungagona kunditungamirira here kuti ndiburuke ndiende kuvapambi ava.” Iye akapindura akati, “Ndipikirei pamberi paMwari kuti hamuzondiurayi kana kundiisa kuna tenzi wangu, ini ndigokutungamirirai kwavari.”
16 Wakhokhela uDavida, bababona begcwele indawana yonke, besidla, benatha njalo bejabula ngenxa yobunengi bempango ababeyithumbile elizweni lamaFilistiya kanye lakoJuda.
Akatungamirira Dhavhidhi ikoko, vakavawana vakapararira munzvimbo yose, vachidya, vachinwa uye vachifara nokuda kwokuwanda kwezvavakanga vapamba kubva munyika yavaFiristia nokuJudha.
17 UDavida walwa labo kusukela ekuseni kwaze kwahlwa ngelanga elilandelayo, njalo kakho owabo owaphunyukayo ngaphandle kwamajaha angamakhulu amane agada amakamela abaleka.
Dhavhidhi akarwa navo panguva yorubvunzavaeni kusvikira madekwana ezuva rakatevera, uye hakuna mumwe wavo akapunyuka, kunze kwamajaya mazana mana akatasva ngamera akatiza.
18 UDavida wakuthatha njalo konke okwakuthunjwe ngama-Amaleki kanye labomkakhe ababili.
Dhavhidhi akadzosa zvose zvakanga zvatorwa navaAmareki, pamwe chete navakadzi vake vaviri.
19 Akukho lutho olwaswelakalayo: omutsha kumbe omdala, umfana kumbe inkazana, impango kumbe olunye nje ulutho ababeluthethe. UDavida wabuyisa konke.
Hakuna chakashayikwa: vaduku navakuru, mukomana kana musikana, chakapambwa kana chipi zvacho chavakanga vatora. Dhavhidhi akadzosa zvose.
20 Wathatha izimvu zonke lenkomo, abantu bakhe baziqhuba ziphambi kwezinye izifuyo, besithi, “Le yimpango kaDavida.”
Akatora makwai ose nemombe dzose, uye vanhu vake vakazvitinha mberi kwezvimwe zvipfuwo, achiti, “Izvi ndizvo zvakapambwa naDhavhidhi.”
21 Emva kwalokho uDavida wafika ebantwini abangamakhulu amabili ababedinwe kakhulu baze behluleka ukumlandela ababesele emuva eDongeni lwaseBhesori. Baphuma bahlangabeza uDavida kanye labantu ababelaye. Kwathi uDavida esesondela labantu bakhe, wababingelela.
Ipapo Dhavhidhi akasvika kuvarume vaya mazana maviri vakanga vaneta kwazvo pakumutevera uye vakanga vasiyiwa mumashure parukova rweBhesori. Vakabuda kuti vazosangana naDhavhidhi uye navanhu vakanga vanaye. Dhavhidhi navanhu vake vakati vaswedera kwavari, vakavakwazisa.
22 Kodwa bonke abantu ababi labahlokozi bohlupho abaphakathi kwabalandeli bakaDavida, bathi, “Ngenxa yokuthi kabahambanga lathi kasiyikwabelana labo impango esiyithumbileyo. Kodwa yileyo laleyo indoda ingathatha umkayo labantwabayo ihambe.”
Asi vanhu vose vakaipa nevemhirizhonga pakati pavateveri vaDhavhidhi vakati, “Nemhaka yokuti havana kuenda nesu, hatidi kugovana navo zvatakapamba zvatakawana. Kunyange zvakadaro, murume mumwe nomumwe ngaatore hake mukadzi wake navana aende.”
23 UDavida waphendula wathi, “Hatshi, bafowethu, akumelanga lenzenjalo ngalokho uThixo asiphe khona. Usivikele wawanikela kithi amabutho abesihlasela.
Dhavhidhi akati, “Kwete hama dzangu, hamufaniri kuita izvozvo pane zvatakapiwa naJehovha. Ndiye akatidzivirira akaisa mumaoko edu varwi vakauya kuzorwa nesu.
24 Pho ngubani ozalalela lokhu elikutshoyo na? Isabelo somuntu osele lempahla sizafana lesalowo ohambileyo ekulweni impi. Bonke bazakwabelwa ngokufanayo.”
Ndianiko achateerera kune zvamunoreva? Mugove womunhu akasara achichengeta nhumbi unofanira kuva wakaenzana nowouyo akaenda kuhondo.”
25 UDavida wenza lokhu kwaba yisimiso lomthetho ko-Israyeli kusukela ngalelolanga kuze kube yileli.
Dhavhidhi akaita izvi kuti uve mutemo nomurayiro kuvaIsraeri kubva pazuva iroro kusvikira nhasi.
26 UDavida esefikile eZikhilagi, wathumela enye impango ebadaleni bakoJuda, ababengabangane bakhe, esithi, “Nansi isipho senu esivela empangweni yezitha zikaThixo.”
Dhavhidhi akati asvika muZikiragi, akatumira zvimwe zvezvakapambwa kuvakuru veJudha, avo vakanga vari shamwari dzake, achiti, “Hecho chipo chenyu chamapiwa chabva pane zvakapambwa zvavavengi vaJehovha.”
27 Wayithumela kulabo ababeseBhetheli, leRamothi Negebi leJathiri,
Akachitumira kuna vaya vakanga vari muBheteri, Ramoti Negevhi neJariri;
28 lakulabo abase-Aroweri, eSifimothi, e-Eshithemowa
kuna avo vakanga vari muAroeri, Sifimoti, Eshitemoa
29 leRakhali; kulabo ababesemizini yamaJerameli lamaKheni.
neRakari; kuna avo vakanga vari mumaguta avaJerameeri navaKeni;
30 Kulabo ababeseHoma, eBhori-Ashani, e-Athakhi
kuna avo vakanga vari muHorima, Bhori Ashani, Ataki
31 laseHebhroni; lakubo ababekuzo zonke ezinye izindawo lapho uDavida labantu bakhe ababeke bazulazula kuzo.
neHebhuroni; uye kuna avo vakanga vari mune dzimwe nzvimbo dzose dzakanga dzafambwa naDhavhidhi navanhu vake.