< Bhaloma 9 >

1 Ngunabheleketa kweli nkulundana na a Kilishitu na wala nngabha unami, ng'aniyo yangu ya muntima nkulongoywa naka Mbumu jwa Ukonjelo inangong'ondela,
Ndinotaura chokwadi muna Kristu, handirevi nhema, hana yangu inondipupurira muMweya Mutsvene
2 kuti njiinjika kaje na mboteko yangali mpelo muntima gwangu.
ndino kusuwa kukuru kwazvo neshungu dzisingaperi mumwoyo mangu.
3 Ikaliji mbaya nne kuloshwa na lekanywa na a Kilishitu, monaga shiyaapwaanje ashaalongo ajangu bha shipinga shangu.
Nokuti ndinoshuva kuti dai ini pachangu ndaiva munhu akatukwa uye ndakaparadzaniswa naKristu nokuda kwehama dzangu, ivo vorudzi rwangu,
4 Ni Bhaishilaeli bhaagwilwenje na a Nnungu kubha bhana bhabho, gubhapegwilwenje ukonjelo, na miadi, na shalia, na lilanga lya tindibhalila, na malagano ga a Nnungu.
ivo vanhu veIsraeri. Kuva vana ndokwavo; nokubwinya ndokwavo, nesungano, nokupiwa kwomurayiro, nokunamata Mwari mutemberi uye zvipikirwa ndezvavo.
5 Bhanganyabho ni uukulu gwa ashaambuje, ni kubhabhelekwe a Kilishitu shigundu. A Nnungu bhaatagwala indu yowe, bhakuywe pitipiti. Amina. (aiōn g165)
Madzibaba ndeavo, uye naKristu akabva kwavari panyama, ari Mwari pamusoro pazvose, anokudzwa nokusingaperi! Ameni. (aiōn g165)
6 Nngabha kuti miadi ja a Nnungu jangamalila. Pabha nngabha Bhaishilaeli bhowe bhaagwilwenje na a Nnungu.
Hazvirevi kuti shoko raMwari rakakundikana. Nokuti havasi vose vari zvizvarwa zvaIsraeri vanova vaIsraeri.
7 Wala nngabha bhowe bhabhelekwenje kwa a Bhulaimu kuti ni bhana bhabho, ikabhe malinga Majandiko ga Ukonjelo shigalugula, “Bhana bhenu shibhakoposhelanje kwa a Ishaka.”
Uye nokuti zvavari vorudzi rwake, vose vana vaAbhurahama. Asi zvinonzi, “Kuna Isaka ndiko kuchatumidzwa rudzi rwako.”
8 Yani nngabha bhabhelekwenjepe ni bhalinginji bhana bha a Nnungu, ikabhe bhabhelekwenje kwa ligongo lya miadi ja a Nnungu, ni bhalinginji bhana bhabho.
Namamwe mashoko, havasi vana panyama vanova vana vaMwari, asi vana vechipikirwa ndivo vanonzi vana vaAbhurahama.
9 Pabha miadi jiyene jikuti nnei, “Malinga malanga gano shimuje, na a Shala shibhakole mwana jwannume.”
Nokuti aya ndiwo mashoko echipikirwa: “Panguva yakatarwa ndichauya, uye Sara achava nomwanakomana.”
10 Na nngabha nneyo pe, ikabhe nkali na bhalabho a Lebheka, gubhakwete bhammba kubhashileu bhamo, a Ishaka anakulu bhetu.
Kwete izvozvo zvoga, asi kuti naRabhekawo akava navana vomunhu mumwe uye baba vamwe, baba vedu Isaka.
11 Ikabheje bhana bhala bhakanabhe bhelekwanga na wala bhakanabhe kombolanga kushimanya sha mmbone eu shanyata, bhai nkupinga luagu lwa bhayene a Nnungu lubhoneshe,
Asi mapatya asati azvarwa, vasati vaita chakanaka kana chakaipa, kuitira kuti kuda kwaMwari pakusarudza kwake kusimbiswe,
12 nngabha kwa ligongo lya itendi, ikabhe kwa tumbilila kwabho bhayene, a Lebheka gubhabhalanjilwe kuti, jwa nkulu shantumishile jwa nnung'una.
kwete nokuda kwamabasa asi nokuda kwake iye anodana, akaudzwa kuti, “Mukuru achava muranda womuduku.”
13 Malinga Majandiko ga Ukonjelo shigalugula, “Njikumpinga Yakobho, ikabhe Eshau njikunkana.”
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Jakobho ndakamuda, asi Esau ndakamuvenga.”
14 Bhai tubhelekete nndi? A Nnungu bhakaakagula aki? Ng'oo!
Zvino tichatiiko? Mwari haaruramisiri here? Kwete napaduku!
15 Pabha kungai a Nnungu bhaabhalanjile a Musha, “Shinimmonele shiya jungumpinga kummonela shiya, na shininnjangutile jungupinga kunnjangutila.”
Nokuti anoti kuna Mozisi: “Ndichanzwira ngoni wandichanzwira ngoni, uye ndichaitira tsitsi wandichaitira tsitsi.”
16 Bhai monaga nneyo, nngabha kwa pinga wala kwa tumbila kuka mundu, ikabhe kwa shiya sha a Nnungu.
Naizvozvo, hazvibvi pashungu kana pamabasa omunhu, asi patsitsi dzaMwari.
17 Pabha Majandiko ga Ukonjelo kwa ngani ja a Palao gakuti, “Njikumpa upalume nkupinga kwenu mmwe, nanguye mashili gangu na lina lyangu lishume nshilambolyo.”
Nokuti Rugwaro runoti kuna Faro, “Ndakakumutsira chikonzero ichochi, kuti ndiratidze simba rangu mauri uye kuti zita rangu rigoparidzwa panyika yose.”
18 Bhai monaga nneyo, jubhapinga kummonela shiya, bhanakummonela shiya na jubhapinga kunnonopya ntima, bhanakunnonopya.
Naizvozvo Mwari anonzwira ngoni waanoda kunzwira ngoni, uye anoomesa mwoyo wouyo waanoda kuomesa.
19 Pana shimmuye, “Pakuti bhanakutugamba tubhandu? Gani akombola kuibhilila ibhapinga a Nnungu.”
Mumwe wenyu angati kwandiri, “Zvino sei Mwari achiramba achitipa mhosva? Nokuti ndianiko acharamba kuda kwake?”
20 Ikabheje mmwe anamundu, mmwe agani nkwaatauka a Nnungu? Bhuli shindu shipengenywe kukombola kummalanjila jwene ashipengenye, “Kwa nndi kumbanganya nnei?”
Zvino iwe munhu, ndiwe aniko, kuti upindure Mwari? “Chakaumbwa chingati kune akachiumba, ‘Wakandiitirei zvakadai?’”
21 Eu bhuli, nkugumba akaengwa kwa lilongo lyakwe kugumba shoshowe, kugumba shindu shimo sha ishima na shina sha kawaida?
Muumbi wehari haana simba pamusoro pevhu here, kuti nebundu rimwe chetero aite mimwe midziyo inokudzwa nemimwe midziyo isingakudzwi?
22 Bhai shipali nndi? A Nnungu bhashinkupinga kulangula kutumbala kwabho na mashili gabho, kwa nneyo bhashinkwaapilililanga kaje bhalinginji ndumbililo ya tumbala kwabho, bhapinjikwenje kuangabhanywa.
Ko, kana Mwari akasarudza kuratidza kutsamwa kwake, uye kuti azivise simba rake, akaita nomwoyo murefu zvikuru pamusoro pemidziyo yokutsamwira kwake, yakagadzirirwa kuparadzwa?
23 Numbe bhashinkupinga kulanguya ukonjelo gwabho gwangwinji kwetu uwe, tuli ndumbililo ya shiya shabho, bhatubhishile kuumila bhukala tuposhele ukonjelo gwabho.
Kana akaita izvi kuti azivise kupfuma kwokubwinya kwake kumidziyo yengoni, avo vaakagadzirira kare kubwinya,
24 Ni uwe bhatushemile, nngabha bha munkumbi gwa Bhayaudipe, ikabhe nkali bhandunji bha ilambo ina.
kunyange isu, vaya vaakadana, kwete kubva kuvaJudha chete asi nokubva kune veDzimwe Ndudziwo?
25 Malinga shibhaalugula nshitabhu sha a Osheya kuti, “Bhene bhalinginji nngabha bhandu bhangu Shinaashemanje, ‘Bhandu bhangu!’ Na aliji jwangapingwa na nne Shaashemwe, ‘Apingwa na nne!’
Sezvaanotaura mubhuku raHosea achiti: “Ndichavati ‘vanhu vangu’ vaya vakanga vasiri vanhu vangu; uye ndichamuti, ‘mudikanwi wangu’ iye akanga asiri mudikanwi wangu,”
26 Na shiibhe pene pubhabhalanjilwenje, ‘Mmanganyanji nngabha bhandu bhangu’ Penepo shibhashemwanje, ‘Bhana bha a Nnungu bhakwete gumi’”
uye, Zvichaitika kuti paya painzi kwavari, “Hamusi vanhu vangu; vachanzi ‘vanakomana vaMwari mupenyu.’”
27 Numbe a Ishaya ga bha Ishilaeli bhanakweya lilobhe bhalinkuti, “Nkali bhana bha bha Ishilaeli bhashulukanje malinga nng'anji gwa ku bhaali, bhapinga tapulwanga ni bhashokope.
Uye Isaya anodanidzira pamusoro peIsraeri, achiti: “Kunyange kuwanda kwavaIsraeri kwakaita sejecha regungwa, vakasara chete ndivo vachaponeswa.
28 Pabha Bhakulungwa shibhatende ukumu jabho pashilambolyo jitimilile kwa kaje shangupe.”
Nokuti Ishe achaisa mutongo wake panyika nokukurumidza uye achaupedzisa.”
29 Numbe malinga a Ishaya shibhalongolele bheleketa kuti, “Kaliji Bhakulungwa bha bhandu bhowe pa shilambolyo bhakanatuleshele bhana, tukaliji malinga bhandunji bha shilambo sha Shodoma tukalingenywe na bhandunji bha shilambo sha Gomola.”
Zvakaita sezvakarehwa kare naIsaya achiti: “Dai asiri Jehovha Wamasimba Ose akatisiyira zvizvarwa, tingadai takaita seSodhomu tingadai takaita seGomora.”
30 Bhai tubhelekete nndi? Kuti bhandunji bha ilambo ina bhangaloleyanga kukola aki, bhapatilenje aki kwa ngulupai.
Zvino tichatiiko? Tichati veDzimwe Ndudzi vasina kutsvaka kururama, ndivo vakakuwana, iko kururama kwokutenda;
31 Ikabheje bha Ishilaeli bhaloleyangaga aki kwa shalia, bhangajipatanga.
asi vaIsraeri vakatevera murayiro wokurarama, havana kukuwana.
32 Kwa nndi? Pabha bhangakagulilanga kwa ngulupai, ikabhe kwa kamulila shalia ja a Musha, kwa nneyo gubhaikubhelenje nniganga lya kubhala lila.
Seiko zvakadaro? Nokuti havana kuutevera nokutenda asi sokunge namabasa avo. Vakagumburwa neibwe “rinogumbusa.”
33 Malinga shigalugula Majandiko ga Ukonjelo kuti, “Nnole ngunabhika ku Shayuni liganga lya kwiikubhala, Liganga likulu lya gwiya bhandu. Ikabheje jojowe shaabhakulupalile akatokomala.”
Sezvazvakanyorwa zvichinzi: “Tarira, ndinoisa paZioni ibwe rinogumbusa kuvanhu, nedombo rinovapinganidza kuti vawe, uye uyo anotenda kwaari haazonyadziswi.”

< Bhaloma 9 >