< Zabbuli 95 >
1 Mujje tuyimbire Mukama; tuyimbire waggulu n’essanyu nga tutendereza Mukama Olwazi olw’obulokozi bwaffe.
Uyai, tiimbire Jehovha nomufaro; ngatidanidzirei kuDombo roruponeso rwedu.
2 Tujje mu maaso ge n’okwebaza; tumuyimbire ennyimba ez’okumutendereza.
Ngatisvikei pamberi pake nokuvonga uye timukudze nenziyo.
3 Kubanga Mukama ye Katonda Omukulu; era Kabaka Omukulu asinga bakatonda bonna.
Nokuti Jehovha ndiye Mwari mukuru, Mambo mukuru pamusoro pavamwari vose.
4 Enkonko ez’ensi ziri mu mukono gwe; n’entikko z’ensozi nazo zize.
Nzvimbo dzakadzika dzapanyika dziri muruoko rwake, uye misoro yamakomo ndeyake.
5 Ennyanja yiye, kubanga ye yagikola; n’emikono gye, gye gyabumba olukalu.
Gungwa nderake, nokuti ndiye akariita, uye maoko ake akaumba nyika yakaoma.
6 Mujje tusinze tuvuuname mu maaso ge; tufukamire mu maaso ga Mukama, Omutonzi waffe.
Uyai tikotame, tinamate, ngatipfugamei pamberi paJehovha Muiti wedu;
7 Kubanga ye Katonda waffe, naffe tuli bantu ab’omu ddundiro lye, era tuli ndiga ze z’alabirira. Olwa leero bwe muwulira eddoboozi lye,
nokuti ndiye Mwari wedu, uye isu tiri vanhu vanofudzwa naye, makwai anochengetwa naye. Nhasi kana muchinzwa inzwi rake,
8 “Temukakanyaza mitima gyammwe nga bwe kyali e Meriba, ne ku lunaku luli e Maasa mu ddungu;
musaomesa mwoyo yenyu sezvamakaita paMeribha, sezvamakaita pazuva riya paMasa mugwenga,
9 bajjajjammwe gye bangezesa; newaakubadde baali baalaba dda ebyamagero bye nakola.
pandakaedzwa namadzibaba enyu kunyange vakanga vaona zvandakanga ndaita.
10 Abantu b’omulembe ogwo ne mbasunguwalira okumala emyaka amakumi ana; ne ŋŋamba nti, ‘Be bantu abakyama mu mutima gwabwe, era tebamanyi makubo gange.’
Ndakatsamwira rudzi urwu kwamakore makumi mana; ndakati, “Ava vanhu vane mwoyo yakatsauka, uye havana kuziva nzira dzangu.”
11 Kyennava ndayira nga nsunguwadde nti, ‘Tebaliyingira mu kiwummulo kyange.’”
Saka ndakapika pakutsamwa kwangu ndikati, “Havangazombopindi pazororo rangu.”