< Zabbuli 40 >
1 Ya Mukulu wa Bayimbi. Zabbuli ya Dawudi. Nalindirira Mukama n’obugumiikiriza, n’antegera okutu, n’awulira okukoowoola kwange,
Kumutungamiri wokuimba. Pisarema raDhavhidhi. Ndakamirira Jehovha nomwoyo murefu; iye akatendeukira kwandiri akanzwa kuchema kwangu.
2 n’anziggya mu kinnya eky’entiisa, n’annyinyulula mu bitosi, n’anteeka ku lwazi olugumu kwe nyimiridde.
Akandibudisa mugomba rakadzika, kunze kwamatope netsvina; akamisa tsoka dzangu padombo akandipa nzvimbo yakasimba kuti ndimirepo.
3 Anjigirizza oluyimba oluggya, oluyimba olw’okutenderezanga Katonda waffe. Bangi bino balibiraba ne batandika okutya Mukama n’okumwesiganga.
Akaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rwiyo rwokurumbidza Mwari wedu. Vazhinji vachaona, uye vachatya uye vachaisa ruvimbo rwavo muna Jehovha.
4 Balina omukisa abo abeesiga Mukama, abatagoberera ba malala abasinza bakatonda ab’obulimba.
Akaropafadzwa munhu akaita Jehovha ruvimbo rwake, asingatariri kuna vanozvikudza, kuna avo vanotsaukira kuna vamwari venhema.
5 Ayi Mukama Katonda wange, otukoledde eby’ewunyisa bingi. Ebintu by’otuteekeddeteekedde tewali ayinza kubikutegeeza. Singa ngezaako okubittottola, sisobola kubimalayo byonna olw’obungi bwabyo.
Haiwa Jehovha, Mwari wangu, zvizhinji zvishamiso zvamakaita. Zvinhu zvamakatitongera hakuna angazvirondedzera kwamuri; dai ndingataura nokureva pamusoro pazvo, zvaizowandisa kuzvizivisa.
6 Ssaddaaka n’ebiweebwayo tewabyagala. Ebiweebwayo ebyokebwa olw’okutangirira ebibi, tobyetaaga. Naye onzigudde amatu.
Hamuna kufarira zvibayiro nezvipo, asi nzeve dzangu makadziboora; zvibayiro zvinopiswa nezvipiriso zvezvivi hamuna kuzvireva.
7 Kyenava njogera nti, “Nzuuno, nzize nga bwe kyampandiikibwako mu muzingo gw’ekitabo.”
Ipapo ndakati, “Ndiri pano hangu, ndauya, zvakanyorwa mubhuku pamusoro pangu.
8 Nsanyukira okukola ky’oyagala, Ayi Katonda wange, kubanga amateeka go gali mu mutima gwange.
Ndinofarira kuita kuda kwenyu, imi Mwari wangu; murayiro wenyu uri mukati momwoyo wangu.”
9 Ntegeeza obutuukirivu mu lukuŋŋaana olunene. Sisirika busirisi, nga naawe bw’omanyi, Ayi Mukama.
Ndinoparidza kururama paungano huru; handidziviri miromo yangu, sokuziva kwenyu, imi Jehovha.
10 Bye mmanyi ku butuukirivu bwo sisirika nabyo mu mutima gwange, naye ntegeeza ku bwesigwa bwo n’obulokozi bwo. Abantu nga bakuŋŋaanye, sirema kubategeeza ku mazima go n’okwagala kwo okungi.
Handivanzi kururama kwenyu mumwoyo mangu; ndinotaura nezvokutendeka kwenyu noruponeso rwenyu. Handivanzi rudo rwenyu nechokwadi chenyu paungano huru.
11 Onsasirenga bulijjo, Ayi Mukama, amazima n’okwagala kwo byeyongerenga okunkuuma.
Regai kundinyima ngoni dzenyu, imi Jehovha; rudo rwenyu nechokwadi chenyu ngazvindidzivirire nguva dzose.
12 Kubanga ebizibu bye siyinza na kubala binneetoolodde; ebibi byange binsukiridde, sikyasobola na kulaba; bisinga enviiri ez’oku mutwe gwange obungi, mpweddemu amaanyi.
Nokuti matambudziko asingaverengeki akandikomberedza; zvivi zvangu zvakandibata, uye handigoni kuona. Zvakawanda kupfuura bvudzi romumusoro mangu, uye mwoyo wangu waneta mukati mangu.
13 Onsasire ayi Mukama ondokole; Ayi Mukama, oyanguwe okumbeera.
Haiwa Jehovha, kundiponesa ngakukufadzei; haiwa Jehovha, kurumidzai kundibatsira.
14 Abo abaagala okunzita batabuketabuke baswale; n’abo bonna abagenderera okummalawo bagobebwe nga baswadde.
Vose vanotsvaka kutora upenyu hwangu ngavanyadziswe uye vanyonganiswe; vose vanoda kuparadzwa kwangu ngavadzoserwe shure vanyadziswe.
15 Abo abankubira akasonso baswazibwe nnyo.
Avo vose vanoti kwandiri, “Hekani waro! Hekani waro!” ngavavhundutswe nokuda kwenyadzi dzavo.
16 Naye abo abakunoonya basanyuke era bajaguze; abo abaagala obulokozi bwo boogerenga bulijjo nti, “Mukama agulumizibwenga.”
Asi vose vanokutsvakai ngavafare uye vafarisise mamuri; avo vanoda ruponeso rwenyu ngavarambe vachiti, “Jehovha ngaakudzwe!”
17 Ndi mwavu, eyeetaaga ennyo. Mukama ondowoozeeko. Tolwawo, Ayi Katonda wange. Ggwe mubeezi wange era Omulokozi wange.
Asi ndiri murombo nomushayiwi; dai Ishe vandifungawo. Ndimi mubatsiri wangu nomununuri wangu; haiwa Mwari wangu, musanonoka henyu.