< Yobu 13 >
1 “Laba, eriiso lyange lyalaba ebyo byonna, n’okutu kwange ne kuwulira ne mbitegeera.
“Meso angu akaona izvi zvose, nzeve dzangu dzakanzwa dzikazvinzwisisa.
2 Kye mumanyi nange kye mmanyi; siri wa wansi ku mmwe.
Zvamunoziva imi, neniwo ndinozviziva; handisi muduku kwamuri.
3 Naye neegomba okwogera n’oyo Ayinzabyonna, era n’okuleeta ensonga zange mu maaso ga Katonda.
Asi ndinoshuva kutaura naWamasimba Ose uye ndigozvidavirira nyaya yangu kuna Mwari.
4 Naye mmwe mumpayiriza; muli basawo abatagasa mmwe mwenna!
Kunyange zvakadaro, imi munondizora nhema; muri varapi vasina maturo, imi mose!
5 Kale singa musirika! Olwo lwe mwandibadde n’amagezi.
Haiwa, dai bedzi mainyarara henyu! Nokuti hungava uchenjeri kwamuri.
6 Muwulire kaakano endowooza yange, muwulirize okwegayirira kw’emimwa gyange.
Chinzwai zvino kuzvidavirira kwangu; teererai munzwe kudemba kwemiromo yangu.
7 Katonda munaamwogerera nga mwogera ebitali bya butuukirivu? Munaamwogerera eby’obulimba?
Ko, mungataura zvakaipa muchimiririra Mwari here? Ko, mungataura zvinonyengera muchiti matumwa naye here?
8 Munaamulaga ng’ataliiko luuyi, munaamuwoleza ensonga ze.
Mungamuitira rusaruro here? Mungamiririra Mwari here?
9 Singa akukebera, anaakusanga oli bulungi? Oyinza okumulimba nga bw’oyinza okulimba abantu?
Ko, zvingabuda zvakanaka here kana akakuedzai? Ko, mungamunyengera sokunyengera kwamunoita vanhu here?
10 Tayinza butakunenya, singa osaliriza mu bubba.
Zvirokwazvo iye angakutsiurai kana mukaratidza rusaruro muchivande.
11 Ekitiibwa kye ekisukiridde tekyandikutiisizza? Entiisa ye teyandikuguddeko?
Ko, kubwinya kwake hakungakutyisei here? Ko, kutyisa kwake hakungawiri pamusoro penyu here?
12 Ebigambo byammwe ebijjukirwa ngero za vvu, n’okwewolereza kwammwe kwa bbumba.
Mashoko enyu anotendwa itsumo dzamadota; nhare dzenyu inhare dzevhu.
13 Musirike nze njogere; kyonna ekinantukako kale kintuukeko.
“Nyararai uye regai nditaure; ipapo chinouya kwandiri ngachiuye hacho.
14 Lwaki neeteeka mu mitawaana, obulamu bwange ne mbutwalira mu mikono gyange?
Ko, ndinozviisirei munjodzi ndichibatira upenyu hwangu mumaoko angu?
15 Ne bw’anzita, mu ye mwe nnina essuubi, ddala ddala nditwala ensonga zange mu maaso ge.
Kunyange akandiuraya hake, asi ini ndichavimba naye; zvirokwazvo ndichadzivirira nzira dzangu pamberi pake.
16 Ddala kino kinaavaamu okusumululwa kwange, kubanga teri muntu atatya Katonda ayinza kwetantala kujja mu maaso ge!
Zvirokwazvo, uku ndiko kuchava kuponeswa kwangu, nokuti hakuna munhu asina umwari achasvika pamberi pake!
17 Muwulirize ebigambo byange n’obwegendereza; amatu gammwe gawulire bye ŋŋamba.
Teereresai kumashoko angu, nzeve dzenyu ngadzigamuchire zvandinoreva.
18 Kaakano nga bwe ntegese empoza yange, mmanyi nti nzija kwejeerera.
Zvino ndagadzirisa nyaya yangu, ndinoziva kuti ndichashayirwa mhosva.
19 Waliwo ayinza okuleeta emisango gye nvunaanibwa? Bwe kiba bwe kityo, nzija kusirika nfe.
Pane angagona kundipa mhaka here? Kana aripo, ndichanyarara ndigofa hangu.
20 Ebintu ebyo ebibiri byokka by’oba ompa, Ayi Katonda, awo sijja kukwekweka.
“Haiwa Mwari, nditsidzirei hangu zvinhu zviviri izvi. Uye ipapo handingavandi pamberi penyu.
21 Nzigyako omukono gwo, olekere awo okuntiisatiisa n’okunkangakanga.
Bvisai ruoko rwenyu rwuve kure neni, uye murege kundivhundutsa nokutyisa kwenyu.
22 Kale nno ompite nzija kukuddamu, oba leka njogere ggwe onziremu.
Ipapo mukandidana ndichadavira. Kana kuti murege nditaure, imi mugopindura.
23 Nsobi meka era bibi bimeka bye nkoze? Ndaga ekibi kyange era n’omusango gwange.
Zvivi zvandakaita nezvikanganiso zvangu zvinganiko? Ndiratidzei kudarika kwangu nechivi changu.
24 Lwaki okweka amaaso go, n’onfuula omulabe wo?
Munovanzireiko chiso chenyu muchindiona somuvengi wenyu?
25 Onoobonyaabonya ekikoola ekifuuyiddwa omuyaga? Onooyigga ebisasiro ebikaze?
Ko, muchatambudza shizha rinopeperetswa nemhepo here? Ko, muchadzingana nehundi yakaoma here?
26 Kubanga ompadiikako ebintu ebiruma, n’ondeetera okuddamu okwetikka ebibi byange eby’omu buvubuka.
Nokuti munonyora zvinhu zvinovava pamusoro pangu, uye munondigarisa nhaka yezvivi zvoujaya hwangu.
27 Oteeka ebigere byange mu nvuba, era okuuma butiribiri amakubo gange mwe mpita ng’oteeka obubonero ku bisinziiro by’ebigere byange.
Munosunga tsoka dzangu nezvisungo; munocherechedza nzira dzangu dzose nokuisa mutaro panotsika tsoka dzangu.
28 Bw’atyo omuntu bw’aggwaawo ng’ekintu ekivundu, ng’olugoye oluliiriddwa ennyenje.”
“Saizvozvo munhu anopera kufanana nechinhu chakaora, senguo yakadyiwa nezvipfukuto.