< Isaaya 43 >
1 Naye kaakano bw’atyo bw’ayogera Mukama oyo eyakutonda, ggwe Yakobo, eyakukola ggwe Isirayiri: “Totya kubanga nkununudde, nakuyita nga mpitira ddala erinnya lyo, oli wange.
Asi zvino, zvanzi naJehovha, iye akasika iwe Jakobho, iye akakuumba iwe Israeri: “Usatya, nokuti ndakakudzikinura; ndakakudana nezita rako; uri wangu.
2 Bw’onooyitanga mu mazzi amawanvu nnaabeeranga naawe, ne bw’onooyitanga mu migga tegirikusaanyaawo; bw’onooyitanga mu muliro tegukwokyenga, ennimi z’omuliro tezirikwokya.
Paunopfuura nomumvura zhinji ini ndichava newe; uye paunopinda nomunzizi, hadzizokukukuri. Paunofamba nomumoto, haungazotsvi; murazvo haungazokupisi.
3 Kubanga nze Mukama Katonda wo, Katonda Omutukuvu owa Isirayiri; Omulokozi wo. Mpayo Misiri ggwe osobole okuteebwa, era Kuusi ne Seba mbiwaayo gwe ofune emirembe gyo.
Nokuti ndini Jehovha, Mwari wako, Mutsvene waIsraeri, Muponesi wako; ndinopa Ijipiti kuti ive rusununguko rwako, Etiopia neShebha pachinzvimbo chako.
4 Kubanga oli wa muwendo gye ndi, ow’ekitiibwa, era kubanga nkwagala, ndiwaayo abasajja ku lulwo mpeeyo n’abantu ku lw’obulamu bwo.
Sezvo uchikosha uye uchikudzwa pamberi pangu, uye nokuti ndinokuda, ndichaisa vanhu panzvimbo yako, namarudzi avanhu pachinzvimbo choupenyu hwako.
5 Totya, kubanga nze ndi nawe, ndireeta ezzadde lyo okuva ebuvanjuba era nkukuŋŋaanye okuva ebugwanjuba.
Usatya, nokuti ndinewe; ndichauyisa vana vako kubva kumabvazuva, ndichakuunganidzai kubva kumavirira.
6 Ndigamba obukiikakkono nti, ‘Waayo b’olina,’ n’obukiikaddyo nti, ‘Tobagaanira.’ Leeta batabani bange okuva ewala ne bawala bange okuva ku nkomerero y’ensi.
Ndichati kurutivi rwokumusoro, ‘Varegedze!’ uye kurutivi rwezasi, ‘Usavadzivisa.’ Uyisai vanakomana vangu kubva kure, uye navanasikana vangu vabva kumigumo yenyika,
7 Buli muntu yenna ayitibwa erinnya lyange, gwe natonda olw’ekitiibwa kyange, gwe nakola gwe natonda.”
vose vanodanwa nezita rangu, vandakasikira kukudzwa kwangu vandakaumba uye ndikaita.”
8 Fulumya abo abalina amaaso naye nga tebalaba, abalina amatu naye nga tebawulira.
Uyai neavo vane meso asi vari mapofu, vane nzeve asi vari matsi.
9 Amawanga gonna ka gakuŋŋaane n’abantu bajje. Ani ku bo eyali ayogedde ku bintu bino? Ani ku bo eyali alangiridde ebyaliwo? Leka baleete abajulizi okukakasa nti baali batuufu abawulira bagambe nti, “Ddala bwe kiri.”
Ndudzi dzose ngadziungane pamwe chete, uye marudzi ngaaungane. Ndianiko pakati pavo akati izvi zvichaitika, akatiparidzira zvinhu zvakare? Ngavauye nezvapupu zvavo kuti zvionekwe kuti havana mhosva, kuitira kuti vamwe vanzwe vagoti, “Ichokwadi.”
10 “Muli bajulirwa bange,” bw’ayogera Mukama, “omuweereza wange gwe nalonda: mulyoke mummanye, munzikirize, mutegeere nga Nze wuuyo: Tewali Katonda eyansooka era teriba mulala alinzirira.
“Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, “uye nomuranda wangu wandakasarudza, kuti mugoziva uye mugonditenda uye mugonzwisisa kuti ndini iye. Hakuna kumbova nomumwe mwari akaumbwa ndisati ndavapo, uye hakuchazova nomumwe shure kwangu.
11 Nze, Nze mwene, nze Mukama; okuggyako nze tewali Mulokozi.
Ini, iyeni, ndini Jehovha, uye kunze kwangu hakuna muponesi.
12 Nze naleeta okwolesebwa ne nangirira ne ndokola; nze so si katonda mulala mugwira mu mmwe. Muli bajulirwa bange,” bw’ayogera Mukama.
Ini ndakaratidza ndikaponesa, ndikaparidza, ini, kwete vamwe vamwari vedzimwe ndudzi vari pakati penyu. Imi muri zvapupu zvangu,” ndizvo zvinotaura Jehovha, kuti, “ndini Mwari.
13 “Weewaawo, okuva mu nnaku ez’edda Nze Nzuuyo; tewali n’omu ayinza okuwonya omuntu mu mukono gwange. Kye nkola ani ayinza okukikyusa?”
Hongu, kubva pamazuva akare ndini iye. Hakuna angarwira munhu muruoko rwangu. Pandinoita chinhu, ndianiko angachikonesa?”
14 Bw’ati bw’ayogera Mukama, Omununuzi wammwe, Omutukuvu wa Isirayiri nti, “Ku lwammwe nditumya e Babulooni, ndeetere ab’e Babulooni bonna nga bawambe mu byombo ebyabeewanya.
Zvanzi naJehovha, Mudzikunuri wenyu, Mutsvene waIsraeri: “Ndichatuma vanhu kuBhabhironi nokuda kwenyu, uye ndichaburitsa vaBhabhironi vose vachitiza, muzvikepe zvavaidada nazvo.
15 Nze Mukama, Omutukuvu wammwe, Omutonzi wa Isirayiri, Kabaka wammwe.”
Ndini Jehovha, Mutsvene Wenyu, Musiki waIsraeri, Mambo wenyu.”
16 Bw’ati bw’ayogera Mukama, oyo eyakola ekkubo mu nnyanja, n’oluguudo mu mazzi amangi ennyo,
Zvanzi naJehovha, iye akaita nzira pakati pegungwa, nenzira mukati memvura zhinji,
17 eyaleetera amagaali, n’embalaasi n’eggye, n’abaali bazze okubayamba, byonna awamu okugwa omwo, ne bitaddamu kusituka, nga bizikiridde, nga bikomye ng’akatambi akabadde kaaka:
iye akabudisa ngoro namabhiza, hondo pamwe chete nezvinosimbisa, vakavata ipapo, havana kuzombomukazve, vadzimwa, vadzimwa somwenje:
18 “Mwerabire eby’emabega, so temulowooza ku by’ayita.
“Chikanganwai zvinhu zvakare; musaramba muri pane zvakapfuura.
19 Laba, nkola ekintu ekiggya! Kaakano kitandise okulabika, temukiraba? Nkola oluguudo mu ddungu ne ndeeta emigga mu lukoola.
Tarirai, ndava kuita chinhu chitsva! Zvino chava kumera; hamuchioni here? Ndiri kuita nzira mugwenga nehova musango.
20 Ensolo ez’omu nsiko zinzisaamu ekitiibwa, ebibe n’ebiwuugulu; kubanga nze ngaba amazzi mu ddungu, n’emigga mu lukoola, okunywesa abantu bange, abalonde bange,
Zvikara zvesango zvinondikudza, makava namazizi, nokuti ndinozvipa mvura mugwenga nehova musango, kuti ndipe vanhu vangu chokunwa, vasanangurwa vangu,
21 abantu be nnekolera balangirire ettendo lyange.
vanhu vandakazviumbira, kuti vaparidze kurumbidzwa kwangu.
22 “So tonkowodde ggwe, Yakobo, era teweekooyeza ggwe Isirayiri.
“Kunyange zvakadaro hauna kudana kwandiri, iwe Jakobho; hauna kuzvinetesa nokuda kwangu, iwe Israeri.
23 Tondeetedde ndiga ey’ebiweebwayo ebyokebwa, wadde okunzisaamu ekitiibwa ne ssaddaaka zo. Sikukaluubirizanga nga nkusaba ebiweebwayo ebyempeke wadde okukukooya n’obubaane.
Hauna kundivigira makwai ezvipiriso zvinopiswa, kana kundikudza nezvibayiro zvako. Handina kukuremedza nezvipiriso zvezviyo, kana kukunetesa nokuda zvinonhuhwira.
24 Tondeeteddeeyo bubaane buwunya kawoowo wadde okunzikusa n’amasavu ga ssaddaaka zo, naye onkoyesezza n’ebibi byo, era n’onteganya n’obutali butuukirivu bwo.
Hauna kundivigira kana zvinotapira, kana kundigutsa namafuta ezvibayiro zvako. Asi wakandiremedza nezvivi zvako uye ukandinetesa nokudarika kwako.
25 “Nze, Nze mwene, nze wuuyo asangula ebyonoono byo ku lwange nze, so sirijjukira bibi byo.
“Ini, iyeni, ndini ndinodzima kudarika kwako, nokuda kwangu, handizorangaririzve zvakaipa zvako.
26 Nzijukiza eby’edda, tuwoze ffembi, jjangu ensonga tuzoogereko fembi, yogera ebiraga nga toliiko musango.
Ndiyeuchidze zvakapfuura, ngatitaurirane nyaya iyi pamwe chete; zvipupurire kuti hauna mhosva.
27 Kitaawo eyasooka yasobya, abakulembeze bo baanjemera.
Tateguru wako akatadza; vamiririri vako vakandimukira.
28 Kyendiva ndiswaza abakungu ba yeekaalu yo, era ndiwaayo Yakobo azikirizibwe ne Isirayiri aswazibwe.”
Naizvozvo ndichanyadzisa vanokudzwa vomutemberi yako, uye ndichaita kuti Jakobho aparadzwe uye Israeri asekwe.