< 1 Ebyomumirembe 16 >
1 Awo ne baleeta essanduuko ya Mukama, ne bagiyingiza mu weema Dawudi gye yali agisimbidde, ne bawaayo ebiweebwayo ebyokebwa n’ebiweebwayo olw’emirembe eri Katonda.
Vakauya neareka yaMwari vakaiisa mukati metende rayakanga yagadzirirwa naDhavhidhi, vakapa zvipiriso zvinopiswa nezvipiriso zvokuwadzana pamberi paMwari.
2 Awo Dawudi bwe yamala okuwaayo ebiweebwayo ebyokebwa n’ebiweebwayo olw’emirembe, n’asabira abantu omukisa mu linnya lya Mukama,
Dhavhidhi akati apedza kubayira zvipiriso zvinopiswa, akaropafadza vanhu muzita raJehovha.
3 era n’agabira buli Muyisirayiri omusajja n’omukazi, omugaati n’ekitole eky’ezabbibu enkalu, n’ekiyungula ky’ennyama.
Ipapo akapa mumwe nomumwe womudzimai nomurume wechiIsraeri rofu rechingwa, keke romuchero womuchindwe nekeke ramazambiringa akaoma.
4 Yalonda abamu ku Baleevi okuweerezanga mu maaso g’essanduuko ya Mukama, okukoowoola nga basaba, nga beebaza, era nga batendereza Mukama, Katonda wa Isirayiri.
Akagadza vamwe vavaRevhi kuti vashumire pamberi peareka yaJehovha, vakumbirire, vavonge uye kuti varumbidze Jehovha, Mwari waIsraeri:
5 Asafu ye yali omukulu waabwe, Zekkaliya n’amuddirira, Yeyeeri n’addako, n’oluvannyuma Semiramosi, ne Yekyeri, ne Mattisiya, ne Eriyaabu, ne Benaya, ne Obededomu, ne Yeyeri, abookukuba entongooli n’ennanga, Asafu ye ng’akuba ebitaasa.
Asafi ndiye aiva mukuru wavo, Zekaria wechipiri, kuchitevera Jeyeri Shemiramoti, Jehieri, Matitia, Eriabhi, Bhenaya, Obhedhi-Edhomu naJeyeri. Vaizoridza mitengeranwa nembira; Asafi aizoridza makandira
6 Benaya ne Yakaziyeeri bakabona be baafuuwanga amakondeere bulijjo mu maaso g’essanduuko ey’endagaano ya Katonda.
uye Bhenaya naJahazieri vaprista vaizoridza hwamanda nguva dzose pamberi peareka yesungano yaMwari.
7 Awo ku lunaku olwo, Dawudi n’alagira Asafu n’abantu be yakolanga nabo, basooke okwebaza Mukama nga bagamba nti:
Zuva iroro Dhavhidhi akapa kwokutanga Asafi navamwe vake pisarema iri rokuvonga Jehovha:
8 Mwebaze Mukama, mukoowoole erinnya lye, mumanyise ebikolwa bye mu mawanga.
Vongai Jehovha, danai kuzita rake; zivisai pakati pendudzi dzose zvaakaita.
9 Mumuyimbire, muyimbe okumutendereza mwogere ku byamagero bye byonna.
Muimbirei, muimbirei nziyo dzokurumbidza; taurai zvose zvamabasa ake anoshamisa.
10 Erinnya lye ligulumizibwe, n’emitima gy’abo abanoonya Mukama gisanyuke.
Zvirumbidzei muzita rake dzvene; mwoyo yaavo vanotsvaka Jehovha ngaifare.
11 Mutunuulire Mukama n’amaanyi ge; munoonye amaaso ge ennaku zonna.
Tarisai kuna Jehovha nokusimba rake; tsvakai chiso chake nguva dzose.
12 Mujjukire ebyewuunyo by’akoze, n’ebyamagero bye, n’ensala ye ey’emisango gy’alangirira,
Rangarirai zvishamiso zvaakaita, zviratidzo zvake uye nemitongo yaakareva.
13 mmwe abazzukulu ba Isirayiri, abaweereza be, mmwe abaana ba Yakobo, abalonde be.
Haiwa, imi zvizvarwa zvaIsraeri muranda wake, haiwa imi vanakomana vaJakobho vasanangurwa vake.
14 Ye Mukama Katonda waffe; okusalawo kwe okw’emisango kubuna ensi yonna.
Ndiye Jehovha Mwari wedu; mitongo yake iri munyika yose.
15 Ajjukira endagaano ye emirembe gyonna, n’ekigambo kye yalagira, okutuusa ku mirembe olukumi,
Anorangarira sungano yake nokusingaperi, shoko raakarayira, kwechiuru chezvizvarwa.
16 gye yakola ne Ibulayimu, era n’agirayiza Isaaka.
Sungano yaakaita naAbhurahama, mhiko yaakapika kuna Isaka.
17 N’aginyweza ng’etteeka eri Yakobo, n’eri Isirayiri ng’endagaano ey’olubeerera,
Akasimbisa kuna Jakobho somutemo, kuna Israeri sesungano isingaperi, achiti:
18 ng’agamba nti, “Ndikuwa ensi ya Kanani, ng’omugabo, ogw’obusika bwo.”
“Kwauri ndichapa nyika yeKenani, sechikamu chenhaka yako.”
19 Omuwendo gwabwe bwe gwali omutono, era omutono ddala, nga batambuze mu yo,
Pavakanga vari vashoma, vari vashoma kwazvo, vari vatorwa mairi,
20 baatambulatambulanga okuva mu nsi emu okudda mu ndala, n’okuva mu bwakabaka obumu okudda mu bantu abalala.
vakadzungaira kubva kuno rumwe rudzi kusvika kuno rumwe, kubva kuno humwe umambo kusvika kuno humwe.
21 Teyaganya muntu n’omu kubanyigiriza; weewaawo, yanenya bakabaka ku lwabwe:
Haana kutendera munhu kuti avadzvinyirire; nokuda kwavo akatuka madzimambo.
22 ng’agamba nti, “Temukwatanga ku abo be nnafukako amafuta, so bannabbi bange temubakolanga akabi.”
“Musabata vazodziwa vangu; musaitira vaprofita vangu zvakaipa.”
23 Muyimbire Mukama, mmwe ensi zonna; mulangirire obulokozi bwe buli lunaku.
Imbirai Jehovha, pasi pose; paridzai ruponeso rwake zuva nezuva.
24 Mubuulire ekitiibwa kye mu mawanga, n’ebikolwa bye ebyamagero mu bantu bonna.
Zivisai kubwinya kwake pakati pendudzi, mabasa ake anoshamisa pakati pavanhu vose.
25 Mukama mukulu era asaanira okutenderezebwa; era atiibwenga okusinga bakatonda abalala bonna.
Nokuti Jehovha mukuru uye anofanira kwazvo kurumbidzwa; anofanira kutyiwa pamusoro pavamwari vose.
26 Bakatonda bonna abamawanga bifaananyi, naye Mukama ye yakola eggulu.
Nokuti vamwari vose vendudzi zvifananidzo, asi Jehovha akasika matenga.
27 Ekitiibwa n’obukulu biri mu maaso ge, amaanyi n’essanyu biri wamu naye.
Kubwinya nokukudzwa zviri pamberi pake; simba nomufaro zviri munzvimbo yougaro hwake.
28 Mugulumize Mukama, mmwe ebika eby’amawanga byonna, mutende ekitiibwa kya Mukama awamu n’amaanyi ge.
Ipai kuna Jehovha, imi mhuri dzendudzi, ipai Jehovha kukudzwa nesimba,
29 Muyimusize Mukama ekitiibwa ekigwanira erinnya lye; muleete ekiweebwayo, mujje mu maaso ge; musinze Mukama mu kitiibwa ky’obutukuvu bwe.
ipai Jehovha kukudzwa kunofanira zita rake. Uyai nezvipiriso uye muuye pamberi pake; namatai Jehovha mukubwinya kwoutsvene hwake.
30 Mukankane mu maaso ge ensi yonna, weewaawo ensi nywevu, teyinza kusesetulwa.
Dederai pamberi pake, imi nyika yose! Nyika yakasimbiswa kwazvo; haingazungunuswi.
31 Eggulu lisanyuke, n’ensi ejaguze; boogere mu mawanga nti, “Mukama afuga!”
Matenga ngaafare, nyika ngaifare; ngavati pakati pendudzi, “Jehovha anotonga!”
32 Ennyanja ewuume, n’ebigirimu byonna, n’ennimiro zijaguze, n’okujjula kwazo!
Gungwa ngaritinhire nezvose zviri mariri; minda ngaifarisise nezvose zviri mairi.
33 Awo emiti egy’omu kibira ginaayimba, ginaayimbira Mukama n’essanyu, kubanga akomawo okusalira ensi omusango.
Ipapo miti yesango ichaimba, ichaimba nomufaro pamberi paJehovha, nokuti anouya kuzotonga nyika.
34 Weebaze Mukama kubanga mulungi; era okwagala kwe kubeerera emirembe gyonna.
Vongai Jehovha nokuti akanaka; rudo rwake runogara nokusingaperi.
35 Mwogerere waggulu nti, “Tulokole, Ayi Katonda ow’obulokozi bwaffe; tukuŋŋaanye, otulokole eri amawanga, twebaze erinnya lyo ettukuvu, era tujagulize mu ttendo lyo.”
Danidzirai muchiti, “Tiponesei, imi Mwari Muponesi wedu; tiunganidzei uye mutirwire pandudzi, kuti tigovonga zita renyu dzvene kuti tifarisise mukukurumbidzai.”
36 Mukama yeebazibwe, Katonda wa Isirayiri ow’emirembe n’emirembe. Abantu bonna ne baddamu nti, “Amiina, Mukama yeebazibwe.”
Rumbidzai Jehovha, Mwari waIsraeri, kubva pakusingaperi kusvikira pakusingaperi. Ipapo vanhu vose vakati, “Ameni” uye vakarumbidza Jehovha.
37 Awo Dawudi n’aleka Asafu n’ababeezi be, okuweereza Mukama mu maaso g’essanduuko ey’endagaano ya Mukama, nga bwe kyagwaniranga buli lunaku.
Dhavhidhi akasiya Asafi navamwe vake pamberi peareka yesungano yaJehovha kuti ashumirepo nguva dzose maererano nezvaidiwa zuva rimwe nerimwe.
38 Obededomu n’ababeezi be enkaaga mu omunaana nabo yabaleka baweereze eyo. Obededomu mutabani wa Yedusuni, era ne Kosa be baali abaggazi.
Akasiya Obhedhi-Edhomu navamwe vake makumi matanhatu navasere kuti vashumire navo. Obhedhi-Edhomu mwanakomana waJedhutuni naHosa vaiva vatariri vamasuo.
39 Dawudi yaleka Zadooki, kabona ne bakabona banne mu maaso g’eweema ya Mukama mu kifo ekigulumivu e Gibyoni
Dhavhidhi akasiya Zadhoki muprista navamwe vaprista pamberi petabhenakeri yaJehovha panzvimbo yakakwirira muGibheoni
40 okuwangayo ebiweebwayo ebyokebwa eri Mukama ku kyoto eky’ebiweebwayo ebyokebwa, buli nkya na buli kawungeezi, nga byonna bwe byawandiikibwa mu mateeka ga Mukama, ge yawa Isirayiri.
kuti vape zvipiriso zvinopiswa, kuna Jehovha paaritari yezvipiriso zvinopiswa, nguva dzose, mangwanani namanheru maererano nezvose zvakanga zvakanyorwa muMurayiro waJehovha waakanga apa Israeri.
41 Kemani ne Yedusuni n’abalala abaalondebwa ne bayitibwa amannya gaabwe okwebaza Mukama, “kubanga okwagala kwe kubeerera emirembe gyonna,” baali wamu nabo.
Pakati pavo paiva naHemani naJedhutuni navamwe vose vaiva vakasarudzwa namazita kuti vavonge Jehovha, “Nokuti rudo rwake runogara nokusingaperi.”
42 Era Kemani ne Yedusuni baavunaanyizibwanga okufuuwa amakondeere, n’okukuba ebitaasa, n’okukubira ebivuga ebirala ku luyimba lwa Katonda. Batabani ba Yedusuni baabeeranga ku wankaaki.
Hemani naJedhutuni vaiva nebasa rokuridza hwamanda namakandira uye nokuridza zvimwe zviridzwa parwiyo rutsvene. Vanakomana vaJedhutuni vakaitwa vatariri vamasuo.
43 Awo abantu bonna ne baddayo ewaabwe, ne Dawudi n’addayo okusabira ennyumba ye omukisa.
Ipapo vanhu vose vakabvapo, mumwe nomumwe akaenda kumba kwake, uye Dhavhidhi akadzokera kumba kwake kundoropafadza mhuri yake.