< मत्ती 20 >

1 “स्वर्ग को राज्य कोयी घर को मालिक को जसो हय, जो सबेरे निकल्यो कि अपनी अंगूर की बाड़ी म मजूरों ख काम म लगाये।
Nokuti ushe hwekumatenga hwakafanana nemunhu, mwene weimba, wakabuda mangwanani-ngwanani kunopinza basa vashandi mumunda wake wemizambiringa.
2 ओन हर एक मजूरों सी एक दीनार रोज पर ठहरायो अऊर उन्ख अपनी अंगूर की बाड़ी म काम पर भेज्यो।
Wakati atenderana nevabati padhenario pazuva, akavatuma kumunda wake wemizambiringa.
3 तब नव बजे निकल क ओन दूसरों कुछ लोगों ख बजार म बेकार खड़ो देख्यो,
Akabuda neawa rinenge rechitatu, akaona vamwe vamire pamusika, vasina chekuita;
4 अऊर ओन कह्यो, ‘तुम भी अंगूर की बाड़ी म जावो, अऊर जो कुछ ठीक हय, तुम्ख देऊं।’
akati kwavari: Endai imwiwo mumunda wemizambiringa, ndigokupai chero zvakafanira. Vakaendawo.
5 येकोलायी हि भी गयो, तब ओन दूसरों बार बारा बजे अऊर तीन बजे निकल क वसोच करयो।
Akabudazve neawa rinenge rechitanhatu nerepfumbamwe, akaita saizvozvo.
6 दिन डुबन को पहिले ओन पाच बजे फिर निकल क दूसरों ख खड़ो पायो, अऊर ओन कह्यो, ‘तुम कहाली इत दिन भर बेकार म खड़ो रह्यो?’
Zvino neawa rinenge regumi nerimwe wakabuda, akawana vamwe vamire vasina chekuita, akati kwavari: Makamirirei pano zuva rese musina chekuita?
7 उन्न ओको सी कह्यो, ‘कोयी न हम्ख मजूरी पर नहीं लगायो।’ ओन ओको सी कह्यो, ‘तुम भी अंगूर की बाड़ी म जावो।’”
Vakati kwaari: Nokuti hapana munhu wakatipinza basa. Akati kwavari: Endai nemwiwo mumunda wemizambiringa, muchagamuchira chero zvakafanira.
8 “शाम ख अंगूर की बाड़ी को मालिक न अपनो मुनीम सी कह्यो, ‘मजूरों ख बुलाय क पिछलो सी ले क पहिलो तक उन्ख मजूरी दे।’
Kuzoti ava madekwani, mwene wemunda wemizambiringa wakati kumutariri wake: Dana vabati, uvape mubairo, uchitanga kune vekupedzisira, kusvikira kune vekutanga.
9 पाच बजे जो मजूर ख लगायो गयो होतो, त उन्ख भी एक एक दीनार मिल्यो।
Zvino vakati vachiuya veawa rinenge regumi nerimwe, vakagamuchira umwe neumwe dhenario.
10 जो पहिले आयो उन्न यो समझ्यो कि हम्ख जादा मिलेंन, पर उन्ख भी एक एक दीनारच मिल्यो।
Asi vekutanga vakati vachiuya, vakafunga kuti vachagamuchira zvakapfuura; asi ivowo vakagamuchira umwe neumwe dhenario.
11 जब मिल्यो त हि घर मालिक पर कुड़कुड़ाय क कहन लग्यो,
Vakati vagamuchira vakagunun'unira mwene weimba,
12 ‘इन पिछलो न एकच घंटा काम करयो, अऊर तय न उन्ख हमरो बराबर कर दियो, जिन्न दिन भर काम करयो अऊर तपन झेली?’”
vachiti: Ava vekupedzisira vakabata awa rimwe chete, asi mavaenzanisa nesu takatakura mutoro wezuva nekupisa.
13 ओन उन्म सी एक ख उत्तर दियो, “हे संगी, मय तोरो सी कुछ अन्याय नहीं करू। का तय नच मोरो सी एक दीनार मजूरी नहीं ठहरायो होतो?
Asi wakapindura akati kune umwe wavo: Shamwari, handikuitiri zvisakarurama; hauna kutenderana here neni padhenario?
14 जो तोरो हय, ओख ले अऊर चली जा; मोरी इच्छा यो हय कि जितनो तोख देऊं उतनोच यो पिछलो वालो ख भी देऊं।
Tora zvako uende; ndinoda kupa kune uyu wekupedzisira sewewo.
15 का यो उचित नहाय कि जो मोरो हय ओको म सी जो चाहऊ ऊ करूं? का मोरो अच्छो होन को वजह तय बुरी नजर सी देखय हय?”
Ko handitenderwi kuita zvandinoda nezvangu here? Ziso rako rakaipa, nokuti ini ndakanaka here?
16 योच तरह सी “जो पीछू हंय, हि आगु होयेंन; अऊर जो आगु हंय हि पीछू होयेंन।”
Saizvozvo vekupedzisira vachava vekutanga, nevekutanga vekupedzisira; nokuti vazhinji vakadanwa, asi vashoma vachasarudzwa.
17 यीशु यरूशलेम ख जातो हुयो बारयी चेलावों ख एकान्त म लिजायो, अऊर रस्ता म उन्को सी कहन लग्यो,
Jesu wakati achikwira kuJerusarema akatora vadzidzi gumi nevaviri vari vega munzira, akati kwavari:
18 “देखो, हम यरूशलेम ख जाय रह्यो हंय; अऊर आदमी को बेटा मुख्य याजकों अऊर धर्मशास्त्रियों को हाथ म पकड़ायो जायेंन, अऊर हि ओख सजा को लायक ठहरायेंन।
Tarira, tinokwira kuJerusarema, zvino Mwanakomana wemunhu achakumikidzwa kuvapristi vakuru nevanyori, vachamutongera rufu.
19 अऊर ओख गैरयहूदियों को हाथ सौंपेंन कि हि ओख ठट्ठा करे, अऊर कोड़ा मारे, अऊर क्रूस पर चढ़ाये, अऊर ऊ तीसरो दिन जीन्दो करयो जायेंन।”
Vachamukumikidza kuvahedheni, kuti vasveveredze, varove netyava, nekuroverera pamuchinjikwa; asi nezuva retatu achamuka.
20 तब जब्दी को बेटा की माय न, अपनो बेटा को संग यीशु को जवर आय क नमस्कार करयो, अऊर ओको सी कुछ मांगन लगी।
Zvino kwakauya kwaari mai vevanakomana vaZebhedhi nevanakomana vavo, vakanamata vachikumbira chimwe chinhu kwaari.
21 यीशु न ओको सी कह्यो, “तय का चाहवय हय?” वा ओको सी बोली, “यो वचन दे कि मोरो यो दोयी बेटा तोरो राज्य म एक तोरो दायो अऊर एक तोरो बायो तरफ बैठे।”
Akati kwavari: Munodei? Vakati kwaari: Taurai kuti vanakomana vangu ava vaviri vagare, umwe kuruoko rwenyu rwerudyi, umwe kuruboshwe, muushe hwenyu.
22 यीशु न उत्तर दियो, “तुम नहीं जानय कि का मांगय हय। जो कटोरा मय पीवन पर हय, का तुम पी सकय हय?” उन्न ओको सी कह्यो, “पी सकय हंय।”
Asi Jesu akapindura, akati: Hamuzivi chamunokumbira. Mungagona kunwa mukombe wandava kuzonwa ini here, uye kubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini? Vakati kwaari: Tinogona.
23 यीशु न ओको सी कह्यो, “तुम मोरो कटोरा त पीवो, पर अपनो दायो अऊर बायो कोयी ख बैठानो मोरो काम नहाय, पर जेको लायी मोरो बाप को तरफ सी तैयार करयो गयो, उन्कोच लायी हय।”
Akati kwavari: Muchanwa zvirokwazvo mukombe wangu, nekubhabhatidzwa nerubhabhatidzo rwandinobhabhatidzwa narwo ini; asi kugara kuruoko rwangu rwerudyi, nekuruboshwe rwangu, hazvisi zvangu kuti ndipe, asi ndezvevakazvigadzirirwa naBaba vangu.
24 यो सुन्क दसो चेलावों उन दोयी भाऊवों पर गुस्सा भयो।
Vanegumi vakati vanzwa, vakatsamwira avo mukoma nemunin'ina vaviri.
25 यीशु न उन्ख जवर बुलाय क कह्यो, “तुम जानय हय कि गैरयहूदियों को अधिकारी उन पर प्रभुता करय हंय; अऊर जो बड़ो हंय, हि उन पर अधिकार जतावय हंय।
Asi Jesu akavadanira kwaari, akati: Munoziva kuti vatungamiriri vevahedheni vanovatsikirira, nevakuru vanoratidza simba pamusoro pavo.
26 पर तुम म असो नहीं होयेंन; पर जो कोयी तुम म बड़ो होनो चाहवय, ऊ तुम्हरो सेवक बने;
Asi hazvingazodaro pakati penyu; asi ani nani anoda kuva mukuru pakati penyu, ngaave mushandiri wenyu.
27 अऊर जो तुम म मुख्य होनो चाहवय, ऊ तुम्हरो सेवक बने;
Zvino ani nani anoda kuva wekutanga pakati penyu, ngaave muranda wenyu.
28 जसो कि आदमी को बेटा; ऊ येकोलायी नहीं आयो कि ओकी सेवा टहल करी जाये, पर येकोलायी आयो कि खुद सेवा टहल करे, अऊर बहुत सो की छुड़ौती लायी अपनो जीव दे।”
SeMwanakomana wemunhu haana kuuya kuzoshandirwa, asi kuzoshandira, nekupa upenyu hwake huve rudzikunuro rwevazhinji.
29 जब हि यरीहो नगर सी निकल रह्यो होतो, त एक बड़ी भीड़ यीशु को पीछू भय गयी।
Vakati vachibuda kubva Jeriko, chaunga chikuru chikamutevera.
30 अऊर दोय अन्धा, जो सड़क को किनार पर बैठ्यो होतो, यो सुन्क कि यीशु जाय रह्यो हय, पुकार क कहन लग्यो, “हे प्रभु, दाऊद की सन्तान, हमरो पर दया कर।”
Zvino tarira, mapofu maviri agere parutivi rwenzira, akati achinzwa kuti Jesu wopfuura, akadanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
31 लोगों न उन्ख डाट्यो कि चुप रहे; पर हि अऊर भी चिल्लाय क बोल्यो, “हे प्रभु, दाऊद की सन्तान, हमरो पर दया कर।”
Chaunga chikaatsiura kuti anyarare; asi akanyanya kudanidzira, achiti: Tinzwirei tsitsi, Ishe, Mwanakomana waDhavhidhi!
32 तब यीशु न खड़ो होय क, उन्ख बुलायो अऊर कह्यो, “तुम का चाहवय हय कि मय तुम्हरो लायी करूं?”
Jesu ndokumira, akaadana, akati: Munoda kuti ndikuitirei?
33 उन्न ओको सी कह्यो, “हे प्रभु, यो कि हमरी आंखी खुल जाये।”
Akati kwaari: Ishe, kuti meso edu asvinudzwe.
34 यीशु न तरस खाय क उन्की आंखी छूयो, अऊर हि तुरतच देखन लग्यो; अऊर ओको पीछू भय गयो।
Jesu akanzwa tsitsi, akabata meso awo; pakarepo meso awo akaonazve, akamutevera.

< मत्ती 20 >