< Salamana Pamācības 24 >

1 Neiekarsies uz nelabiem cilvēkiem un nekāro būt ar viņiem;
Usachiva vanhu vakaipa, usashuva kufamba navo;
2 Jo viņu sirds domā uz postu, un viņu lūpas runā mokas.
nokuti mwoyo yavo inoronga kuita nechisimba, uye miromo yavo inotaura pamusoro pokuita mhirizhonga.
3 Ar gudrību uzceļ namu un ar saprašanu to stiprina,
Nouchenjeri imba inovakwa, uye kubudikidza nokunzwisisa inosimbiswa;
4 Un ar samaņu pilda kambarus ar visādu dārgu un jauku bagātību.
kubudikidza nezivo makamuri ayo anozadzwa nezvinhu zvinoshamisa uye nepfuma yakaisvonaka inokosha.
5 Gudrs vīrs ir spēcīgs, un vīrs, kam atzīšana, ir varens spēkā;
Munhu akachenjera ane simba guru, uye munhu ane zivo anowedzera simba;
6 Jo ar gudriem padomiem tu izvedīsi savu karu, un uzvarēšana ir, kur padoma devēju papilnam.
nokuti kundorwa hondo kunoda kutungamirirwa, uye kuti ukunde unoda vapi vamazano vazhinji.
7 Ģeķim gudrība ir neaizsniedzama; savu muti lai tas neatdara pilsētas vārtos.
Uchenjeri hahusvikirwi nebenzi; padare repasuo reguta harina chokutaura.
8 Kas tīšām ļaunu dara, tas jāsauc blēdis pār visiem blēžiem.
Uyo anoronga kuita zvakaipa achazivikanwa senhubu.
9 Ģeķības nodomi ir grēks, un mēdītājs cilvēkiem ir negantība.
Mufungo woupenzi chivi, uye vanhu vanonyangadzwa nomuseki.
10 Ja tu bēdu dienā nogursi, tad tavs spēks pagalam.
Kana ukapera simba panguva dzokutambudzika, simba rako ishoma sei!
11 Glāb, kas uz nāvi pazudināti, un kas pie kaušanas top vesti, vai tu no tiem atrausies?
Nunurai avo vari kuiswa kurufu; dzosai avo vari kudzedzereka vachienda kundourayiwa.
12 Ja tu saki: „Redzi, mēs to nezinām!“Vai tad tas, kas sirdis pārmana, to nemana, un kas tavu dvēseli pasargā, to nezin un cilvēkiem neatmaksās pēc viņu darba?
Asi kana mukati, “Hapana zvataiziva pamusoro paizvozvi?” Ko, iye anoyera mwoyo haangazvioni here? Iye anorinda upenyu hwako haangazvizivi here? Haangaripire munhu mumwe nomumwe maererano nezvaakaita here?
13 Ēd, mans dēls, medu, jo tas ir labs, un tīrs medus ir salds tavā mutē;
Idya uchi, mwanakomana wangu, nokuti hwakanaka; uchi hunobva pazinga hunozipa parurimi.
14 Tāpat tavai dvēselei būs gudrības atzīšana, ja tu to atrodi; jo ir pastara diena, un tava gaidīšana nebūs veltīga.
Uzivewo zvakare kuti uchenjeri hunozipa kumweya wako; kana wahuwana, ramangwana rako rine tariro, uye tariro yako haingaparari.
15 Neglūn, tu bezdievīgais, uz taisnā dzīvokli, neposti viņa vietu;
Usavandira sezvinoita akaipa paimba yomunhu akarurama, usaparadza paanogara;
16 Jo taisnais krīt septiņ reiz un ceļas augšām; bet bezdievīgie nogrimst nelaimē.
nokuti kunyange munhu akarurama achiwa runomwe, anosimukazve, asi akaipa anowisirwa pasi nenjodzi.
17 Nepriecājies, kad tavs ienaidnieks krīt, un lai tava sirds nelīksmojās, kad viņš klūp,
Usafara kana muvengi wako achiwa; paanogumburwa, mwoyo wako ngaurege kufara,
18 Ka Tas Kungs to neredz, un tas viņa acīm neriebj, un viņš savu dusmību no tā nenovērš.
kana kuti Jehovha achazviona akasafara nazvo uye agobvisa kutsamwa kwake kwaari.
19 Neapskaities par ļauniem un neiekarsies par bezdievīgiem!
Usashungurudzika nokuda kwavanhu vakaipa, kana kuchiva vakaipa,
20 Jo ļaunam nenāk cerētais gals; bezdievīgo spīdeklis izdzisīs.
nokuti vanhu vakaipa havana tariro yeramagwana, uye mwenje wavakaipa uchadzimwa.
21 Mans dēls, bīsties To Kungu un ķēniņu, un nejaucies ar dumpiniekiem.
Itya Jehovha namambo, mwanakomana wangu, usabatana navanopanduka,
22 Jo piepeši nāks viņiem nediena, - un abēju sodu, kas to zin!
nokuti vaviri ivavo vanouyisa kuparadzwa kwavari nokukurumidza, uye ndiani anoziva njodzi dzavangauyisa?
23 Arī šie ir gudro vārdi: Tiesā cilvēka vaigu uzlūkot nav labi.
Izviwo zvirevo zvomuchenjeri: Kuita rusaruro mukutonga hakuna kunaka:
24 Kas uz vainīgo saka: „Tev taisnība!“to cilvēki lād un ļaudis ienīst.
Ani naani anoti kune ane mhosva, “Hauna mhosva,” marudzi achamutuka uye ndudzi dzichamushora.
25 Bet tie (viņiem) mīļi, kas (tādu) pārmāca, un pār tiem nāks visu labākā svētība.
Asi zvichanakira vaya vanopa mhosva kune vane mhosva, uye kuropafadzwa kukuru kuchauya pamusoro pavo.
26 Kas pareizi atbildējis, ir kā saldu muti devis.
Mhinduro yechokwadi yakafanana nokutsvoda pamiromo.
27 Padari savu darbu laukā un apkopies tīrumā, un tad vēl uztaisi savu namu.
Pedza basa rako rapanze ugadzirire minda yako; shure kwaizvozvo, uvake imba yako.
28 Nedod velti liecību pret savu tuvāko! Vai tu mānīsi ar savām lūpām?
Usava chapupu chinopomera muvakidzani wako pasina mhaka, kana kushandisa miromo yako kuti unyengere.
29 Nesaki: „Kā viņš man darījis, tā es viņam darīšu; es tam atmaksāšu pēc viņa darba!“
Usati, “Ndichamuitirawo zvaakandiitira; ndicharipira munhu uya zvaakaita.”
30 Es gāju gar sliņķa tīrumu un gar ģeķa vīna kalnu.
Ndakapfuura napamunda wesimbe, ndikapfuura napamunda womuzambiringa womunhu asina njere;
31 Un redzi, tur auga tik nātres vien, un dadži pārņēma visu, un viņa akmeņu mūris bija sagruvis.
minzwa yakanga yamera pose pose, munda wakanga wafukidzwa nesora, uye rusvingo rwamabwe rwakanga rwakoromoka.
32 Un es to ieraudzīju, to liku vērā: es to redzēju, ņēmos mācību:
Ndakafungisisa zvandakanga ndacherechedza ndikadzidza chidzidzo pane zvandakanga ndaona.
33 Guli maķenīt, snaud maķenīt, saliec maķenīt rokas miegā;
Kumbovata zvishomanana, kumbotsumwaira, kumbofungatira maoko kuti ndizorore,
34 Tad tava nabadzība tev pienāks nākdama, un tavs trūkums kā apbruņots vīrs.
ipapo urombo huchauya pauri segororo uye kushayiwa kuchauya somunhu akashonga nhumbi dzokurwa nadzo.

< Salamana Pamācības 24 >