< Liber Numeri 18 >
1 dixitque Dominus ad Aaron tu et filii tui et domus patris tui tecum portabitis iniquitatem sanctuarii et tu et filii tui simul sustinebitis peccata sacerdotii vestri
Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe, navanakomana vako nemhuri yababa vako munofanira kuva nebasa rokutakura mhosva dzinotadzirwa nzvimbo tsvene, uye iwe navanakomana vako bedzi ndimi munofanira kuita basa rokutakura mhosva dzinotadzirwa basa rouprista.
2 sed et fratres tuos de tribu Levi et sceptro patris tui sume tecum praestoque sint et ministrent tibi tu autem et filii tui ministrabitis in tabernaculo testimonii
Uya nehama dzako ivo vaRevhi vanobva kurudzi rwamadzitateguru ako kuti vazobatana newe uye vagokubatsira iwe navanakomana vako pamunoshumira pamberi peTende reChipupuriro.
3 excubabuntque Levitae ad praecepta tua et ad cuncta opera tabernaculi ita dumtaxat ut ad vasa sanctuarii et altare non accedant ne et illi moriantur et vos pereatis simul
Vanofanira kuva pasi pako uye vanofanira kuita mabasa ose eTende asi havafaniri kuswedera pedyo nemidziyo yenzvimbo tsvene kana aritari, kana kuti mose ivo newe muchafa.
4 sint autem tecum et excubent in custodiis tabernaculi et in omnibus caerimoniis eius alienigena non miscebitur vobis
Vanofanira kubatana newe vagoita basa rokuchengeta Tende Rokusangana, basa rose rapaTende uye hakuna mumwezve anofanira kuswedera pauri.
5 excubate in custodia sanctuarii et in ministerio altaris ne oriatur indignatio super filios Israhel
“Munofanira kuva nebasa rokuchengeta nzvimbo tsvene nearitari, kuti hasha dzirege kuwira pavaIsraerizve.
6 ego dedi vobis fratres vestros Levitas de medio filiorum Israhel et tradidi donum Domino ut serviant in ministeriis tabernaculi eius
Ini pachangu ndakasarudza hama dzako ivo vaRevhi pakati pavaIsraeri kuti vave sechipo kwauri, vakumikidzwe kuna Jehovha kuti vaite basa paTende Rokusangana.
7 tu autem et filii tui custodite sacerdotium vestrum et omnia quae ad cultum altaris pertinent et intra velum sunt per sacerdotes administrabuntur si quis externus accesserit occidetur
Asi iwe chete navanakomana vako ndimi mungashanda savaprista pazvinhu zvose zviri paaritari nezviri mukati mechifukidziro. Ndiri kukupai basa rouprista sechipo. Ani naani anoswedera panzvimbo tsvene anofanira kuurayiwa.”
8 locutus est Dominus ad Aaron ecce dedi tibi custodiam primitiarum mearum omnia quae sanctificantur a filiis Israhel tibi tradidi et filiis tuis pro officio sacerdotali legitima sempiterna
Ipapo Jehovha akati kuna Aroni, “Ini ndimene ndakugadza kuti uve muchengeti wezvipiriso zvinopiwa kwandiri; zvipiriso zvose zvitsvene zvinopiwa kwandiri navaIsraeri ndinozvipa kwauri iwe navanakomana vako somugove wako uye ugova mugove wako wamazuva ose.
9 haec ergo accipies de his quae sanctificantur et oblata sunt Domino omnis oblatio et sacrificium et quicquid pro peccato atque delicto redditur mihi et cedet in sancta sanctorum tuum erit et filiorum tuorum
Iwe unofanira kuva nomugove wezvipiriso zvitsvene-tsvene zvinosara pane zvinopiswa. Pazvipo zvose zvavanondivigira sezvipiriso zvitsvene-tsvene, zvingava zvezviyo kana zvechivi kana chipiriso chemhosva, chikamu ichocho ndechako iwe navanakomana vako.
10 in sanctuario comedes illud mares tantum edent ex eo quia consecratum est tibi
Muchidye sechinhu chitsvene-tsvene; murume wose achachidya. Chinofanira kuva chitsvene kwamuri.
11 primitias autem quas voverint et obtulerint filii Israhel tibi dedi et filiis ac filiabus tuis iure perpetuo qui mundus est in domo tua vescetur eis
“Izvi ndezvako zvakare: chimwe nechimwe chinotsaurwa kubva pazvipo zvose zvezvipiriso zvinoninirwa zvavaIsraeri. Ndinokupa izvi iwe navanakomana vako navanasikana vako somugove wako wamazuva ose. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya hake.
12 omnem medullam olei et vini ac frumenti quicquid offerunt primitiarum Domino tibi dedi
“Ndinokupa mafuta omuorivhi akaisvonaka uye waini yose yakaisvonaka nezviyo zvavanovigira Jehovha sezvibereko zvokutanga zvegohwo ravo.
13 universa frugum initia quas gignit humus et Domino deportantur cedent in usus tuos qui mundus est in domo tua vescetur eis
Zvibereko zvose zvenyika zvavanovigira Jehovha zvichava zvako. Munhu wose weimba yako anenge akachena angazvidya.
14 omne quod ex voto reddiderint filii Israhel tuum erit
“Zvinhu zvose zvakatsaurirwa Jehovha muIsraeri ndezvako.
15 quicquid primum erumpet e vulva cunctae carnis quam offerunt Domino sive ex hominibus sive de pecoribus fuerit tui iuris erit ita dumtaxat ut pro hominis primogenito pretium accipias et omne animal quod inmundum est redimi facias
Chibereko chinotanga kuzarura chizvaro, chingava chomunhu kana chechipfuwo, chinopiwa kuna Jehovha, ndechako. Asi unofanira kudzikinura mwanakomana wose wedangwe uye dangwe rose remhuka dzisina kunaka.
16 cuius redemptio erit post unum mensem siclis argenti quinque pondere sanctuarii siclus viginti obolos habet
Kana zvava nomwedzi mumwe chete, unofanira kuzvidzikinura nomutengo wedzikinuro wakatarwa wamashekeri mashanu esirivha, maererano neshekeri renzvimbo tsvene, rinorema magera makumi maviri.
17 primogenitum autem bovis et ovis et caprae non facies redimi quia sanctificata sunt Domino sanguinem tantum eorum fundes super altare et adipes adolebis in suavissimum odorem Domino
“Asi haufaniri kudzikinura mhuru nzombe yedangwe, gwai kana mbudzi, zvitsvene. Usase ropa razvo paaritari ugopisa mafuta azvo sechipiriso chinoitwa nomoto, chive chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha.
18 carnes vero in usum tuum cedent sicut pectusculum consecratum et armus dexter tua erunt
Nyama yazvo ichava yako, sezvakangoita chityu chechipiriso chokuninira nechidya chokurudyi zvagara zviri zvako.
19 omnes primitias sanctuarii quas offerunt filii Israhel Domino tibi dedi et filiis ac filiabus tuis iure perpetuo pactum salis est sempiternum coram Domino tibi ac filiis tuis
Ndinokupa zvose zvipiriso zvitsvene zvakatsaurirwa Jehovha navaIsraeri, iwe navanakomana navanasikana vako somugove wako wenguva yose. Isungano yemunyu nokusingaperi pamberi paJehovha kwamuri mose iwe nezvizvarwa zvako.”
20 dixitque Dominus ad Aaron in terra eorum nihil possidebitis nec habebitis partem inter eos ego pars et hereditas tua in medio filiorum Israhel
Jehovha akati kuna Aroni, “Iwe haungawani nhaka munyika mavo, uye haungavi nomugove nenhaka pakati pavaIsraeri.
21 filiis autem Levi dedi omnes decimas Israhelis in possessionem pro ministerio quo serviunt mihi in tabernaculo foederis
“VaRevhi ndinovapa zvegumi zvose zvavaIsraeri senhaka yavo kutsiva basa ravanoita pavanenge vachishumira paTende Rokusangana.
22 ut non accedant ultra filii Israhel ad tabernaculum nec committant peccatum mortiferum
Kubva zvino zvichienda mberi, vaIsraeri havafaniri kuswedera kuTende Rokusangana, kuti varege kuva nemhosva yezvivi zvavo vakazofa.
23 solis filiis Levi mihi in tabernaculo servientibus et portantibus peccata populi legitimum sempiternum erit in generationibus vestris nihil aliud possidebunt
VaRevhi ndivo vanofanira kuita basa paTende Rokusangana uye vagotakura zvakaipa zvavanhu. Uyu mutemo uchagara uripo kusvikira kuzvizvarwa zvinotevera. Ivo havangawani nhaka pakati pavaIsraeri.
24 decimarum oblatione contenti quas in usus eorum et necessaria separavi
Pachinzvimbo chaizvozvo ndinopa kuvaRevhi nhaka yezvegumi zvinopiwa kuna Jehovha navaIsraeri. Ndokusaka ndakati kwavari: ‘Havangavi nenhaka pakati pavaIsraeri.’”
25 locutusque est Dominus ad Mosen dicens
Jehovha akati kuna Mozisi,
26 praecipe Levitis atque denuntia cum acceperitis a filiis Israhel decimas quas dedi vobis primitias earum offerte Domino id est decimam partem decimae
“Taura kuvaRevhi uti kwavari: ‘Pamunogamuchira zvegumi kubva kuvaIsraeri zvandinokupai senhaka yenyu, munofanira kupa chegumi chezvegumi sechipiriso chaJehovha.
27 ut reputetur vobis in oblationem primitivorum tam de areis quam de torcularibus
Chipiriso chako chichaverengwa kwauri sechezviyo zvinobva paburiro kana muto wewaini unobva pachisviniro chewaini.
28 et universis quorum accipitis primitias offerte Domino et date Aaron sacerdoti
Nenzira iyi nemiwo munofanira kupa chipiriso kuna Jehovha kubva pazvegumi zvose zvamunogamuchira kubva kuvaIsraeri. Kubva pazvegumi izvi, munofanira kupa mugove waJehovha kuna Aroni muprista.
29 omnia quae offertis ex decimis et in donaria Domini separatis optima et electa erunt
Munofanira kupa somugove waJehovha chakanakisisa uye chikamu chitsvene chezvinhu zvose zvamunenge mapiwa.’
30 dicesque ad eos si praeclara et meliora quaeque obtuleritis ex decimis reputabitur vobis quasi de area et torculari dederitis primitias
“Uti kuvaRevhi: ‘Pamunouyisa chikamu chakanakisisa, chichagamuchirwa kubva kwamuri sechakabva paburiro kana pachisviniro chewaini,
31 et comedetis eas in omnibus locis vestris tam vos quam familiae vestrae quia pretium est pro ministerio quo servitis in tabernaculo testimonii
iwe nemhuri yako mungadya henyu zvakasara zvose chero pamunenge muri, nokuti ndiwo mubayiro wenyu webasa renyu rapaTende Rokusangana.
32 et non peccabitis super hoc egregia vobis et pinguia reservantes ne polluatis oblationes filiorum Israhel et moriamini
Hamungazovi nemhosva pachinhu kana muchiuyisa chikamu chakanakisisa chacho; ipapo hamungazosvibisi zvitsvene zvavaIsraeri, uye hamuzofi.’”