< Jeremiæ 41 >
1 et factum est in mense septimo venit Ismahel filius Nathaniae filii Elisama de semine regali et optimates regis et decem viri cum eo ad Godoliam filium Ahicam in Masphat et comederunt ibi panes simul in Masphat
Mumwedzi wechinomwe, Ishumaeri mwanakomana waNetania, mwanakomana waErishama, uyo akanga ari worudzi rwamambo, uye akanga ari mumwe wamachinda amambo, akauya ane varume gumi kuna Gedharia mwanakomana waAhikami, paMizipa. Vachiri kudya pamwe chete ipapo,
2 surrexit autem Ismahel filius Nathaniae et decem viri qui erant cum eo et percusserunt Godoliam filium Ahicam filii Saphan gladio et interfecerunt eum quem praefecerat rex Babylonis terrae
Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume gumi vakanga vanaye vakasimuka vakabaya Gedharia mwanakomana waAhikami, mwanakomana waShafani, nomunondo, vakamuuraya iye akanga agadzwa namambo weBhabhironi kuti ave mubati wenyika iyo.
3 omnes quoque Iudaeos qui erant cum Godolia in Masphat et Chaldeos qui repperti sunt ibi et viros bellatores percussit Ismahel
Ishumaeri akaurayawo vaJudha vose vaiva naGedharia paMizipa, pamwe chete navarwi veBhabhironi vaivapo.
4 secundo autem die postquam occiderat Godoliam nullo adhuc sciente
Zuva rakatevera kuurayiwa kwaGedharia, pasati pava nomunhu aizviziva,
5 venerunt viri de Sychem et de Silo et de Samaria octoginta viri rasi barbam et scissis vestibus et squalentes munera et tus habebant in manu ut offerrent in domo Domini
varume makumi masere vaibva kuShekemu, neShiro neSamaria vakasvikapo vakaveura ndebvu dzavo, vakabvarura nguo dzavo uye vakazvicheka-cheka, vachiuya nezvipiriso zvezviyo nezvinonhuhwira kuimba yaJehovha.
6 egressus ergo Ismahel filius Nathaniae in occursum eorum de Masphat incedens et plorans ibat cum autem occurrisset eis dixit ad eos venite ad Godoliam filium Ahicam
Ishumaeri mwanakomana waNetania akabuda paMizipa kuti andovachingamidza, akafamba achichema. Paakasangana navo, akati kwavari, “Uyai kuna Gedharia mwanakomana waAhikami.”
7 qui cum venissent ad medium civitatis interfecit eos Ismahel filius Nathaniae circa medium laci ipse et viri qui erant cum eo
Vakati vapinda muguta, Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vakanga vanaye vakavauraya ndokuvakanda mugomba.
8 decem autem viri repperti sunt inter eos qui dixerunt ad Ismahel noli occidere nos quia habemus thesauros in agro frumenti et hordei et olei et mellis et cessavit et non interfecit eos cum fratribus suis
Asi vamwe vavo gumi vakati kuna Ishumaeri, “Musatiuraya! Isu tine gorosi nebhari, namafuta uye nouchi, zvakavigwa musango.” Naizvozvo akavarega akasavauraya pamwe chete navamwe.
9 lacus autem in quem proiecerat Ismahel omnia cadavera virorum quos percussit propter Godoliam ipse est quem fecit rex Asa propter Baasa regem Israhel ipsum replevit Ismahel filius Nathaniae occisis
Zvino gomba raakakandira mitumbi yose yavarume vaakanga auraya pamwe chete naGedharia ndiro rakanga racherwa naMambo Asa kuti azvidzivirire kubva kuna Bhaasha mambo weIsraeri. Ishumaeri mwanakomana waNetania akarizadza navakaurayiwa.
10 et captivas duxit Ismahel omnes reliquias populi qui erant in Masphat filias regis et universum populum qui remanserat in Masphat quos commendarat Nabuzardan princeps militiae Godoliae filio Ahicam et cepit eos Ismahel filius Nathaniae et abiit ut transiret ad filios Ammon
Ishumaeri akatapa vanhu vose vakanga vari paMizipa, vanasikana vamambo pamwe chete navamwe vose vakanga vasara ikoko, vaiswa naNebhuzaradhani mukuru wavarindi pasi paGedharia mwanakomana waAhikami. Ishumaeri mwanakomana waNetania akavatapa ndokubvapo achida kuti ayambukire kuvaAmoni.
11 audivit autem Iohanan filius Caree et omnes principes bellatorum qui erant cum eo omne malum quod fecerat Ismahel filius Nathaniae
Johanani mwanakomana waKarea namachinda ose ehondo vaiva naye vakati vanzwa pamusoro pemhaka dzose dzakanga dzaparwa naIshumaeri mwanakomana waNetania,
12 et adsumptis universis viris profecti sunt ut bellarent adversum Ismahel filium Nathaniae et invenerunt eum ad aquas Multas quae sunt in Gabaon
vakatora varume vose ndokuenda kundorwa naIshumaeri mwanakomana waNetania. Vakanomubatira pedyo nedziva guru reGibheoni.
13 cumque vidisset omnis populus qui erat cum Ismahel Iohanan filium Caree et universos principes bellatorum qui erant cum eo laetati sunt
Vanhu vose vaiva naIshumaeri vakati vachiona Johanani mwanakomana waKarea navakuru vehondo vakanga vainaye, vakafara.
14 et reversus est omnis populus quem ceperat Ismahel in Masphat reversusque abiit ad Iohanan filium Caree
Vanhu vose vakanga vatapwa naIshumaeri paMizipa vakadzoka vakaenda kuna Johanani mwanakomana waKarea.
15 Ismahel autem filius Nathaniae fugit cum octo viris a facie Iohanan et abiit ad filios Ammon
Asi Ishumaeri mwanakomana waNetania navarume vasere vakapunyuka kubva kuna Johanani vakatizira kuvaAmoni.
16 tulit ergo Iohanan filius Caree et omnes principes bellatorum qui erant cum eo universas reliquias vulgi quas reduxerat ab Ismahel filio Nathaniae de Masphat postquam percussit Godoliam filium Ahicam fortes viros ad proelium et mulieres et pueros et eunuchos quos reduxerat de Gabaon
Ipapo Johanani mwanakomana waKarea navakuru vose vehondo vaiva naye vakatungamirira vose vakasara kubva paMizipa avo vaakanga anunura kubva kuna Ishumaeri mwanakomana waNetania shure kwokunge auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, vaiti: varwi, vakadzi, vana namachinda edare vaakanga abva navo kuGibheoni.
17 et abierunt et sederunt peregrinantes in Chamaam quae est iuxta Bethleem ut pergerent et introirent Aegyptum
Vakaenderera mberi ndokunomira vava paGeruti Kimihami pedyo neBheterehema parwendo rwavo rwokuenda kuIjipiti
18 a facie Chaldeorum timebant enim eos quia percusserat Ismahel filius Nathaniae Godoliam filium Ahicam quem praeposuerat rex Babylonis in terra Iuda
kuti vatize vaBhabhironi. Vakanga vachitya nokuti Ishumaeri mwanakomana waNetania akanga auraya Gedharia mwanakomana waAhikami, uyo akanga agadzwa kuti ave mubati wenyika iyo namambo weBhabhironi.