< Hiezechielis Prophetæ 19 >
1 et tu adsume planctum super principes Israhel
“Chema pamusoro pamachinda eIsraeri
2 et dices quare mater tua leaena inter leones cubavit in medio leunculorum enutrivit catulos suos
uti: “‘Mai vako vaiva shumbakadzi yakadii pakati peshumba! Yaivata pasi pakati peshumba duku uye yairera vana vayo.
3 et eduxit unum de leunculis suis leo factus est et didicit capere praedam hominemque comedere
Yakarera mumwe mwana wayo, ikava shumba yakasimba. Yakadzidza kubvambura nyama, uye yaidya vanhu.
4 et audierunt de eo gentes et non absque vulneribus suis ceperunt eum et adduxerunt eum in catenis in terram Aegypti
Ndudzi dzakanzwa nezvayo, dzikaibata muhunza yadzo. Vakaenda nayo nezvikokovono kunyika yeIjipiti.
5 quae cum vidisset quoniam infirmata est et periit expectatio eius tulit unum de leunculis suis leonem constituit eum
“‘Yakati ichiona kuti tariro yayo haina kuzadziswa, yarasikirwa nezvayakanga yakatarisira, yakatora mumwe wevana vayo ndokumuita shumba yakasimba.
6 qui incedebat inter leones et factus est leo didicit praedam capere et homines devorare
Yakafamba ichinyahwaira pakati peshumba, nokuti yakanga yava shumba ine simba zvino. Yakadzidza kubvambura chayabata uye yaidya vanhu.
7 didicit viduas facere et civitates eorum in desertum adducere et desolata est terra et plenitudo eius a voce rugitus illius
Yakakoromora nhare dzavo uye ikaparadza maguta avo. Nyika navose vaivamo vakavhundutswa nokuomba kwayo.
8 et convenerunt adversum eum gentes undique de provinciis et expanderunt super eum rete suum in vulneribus earum captus est
Ipapo ndudzi dzakarwisana nayo, vaya vaibva kumatunhu akapoteredza. Vakaikandira mambure, iyo ndokubatwa muhunza yavo.
9 et miserunt eum in caveam in catenis adduxerunt eum ad regem Babylonis miseruntque eum in carcerem ne audiretur vox eius ultra super montes Israhel
Vakaipinza muchizarira nezvikokovono vakandoiisa kuna mambo weBhabhironi. Vakaiisa mutorongo, saka kuomba kwayo hakuna kuzonzwikwazve pamakomo aIsraeri.
10 mater tua quasi vinea in sanguine tuo super aquam plantata fructus eius et frondes eius creverunt ex aquis multis
“‘Mai vako vakanga vakaita somuzambiringa mumunda wako wemizambiringa, wakasimwa pane mvura; wakanga une zvibereko uye uzere namatavi nokuda kwemvura zhinji.
11 et factae sunt ei virgae solidae in sceptra dominantium et exaltata est statura eius inter frondes et vidit altitudinem suam in multitudine palmitum suorum
Matavi awo akanga akasimba, akanakira kuva tsvimbo yomutongi. Wakanga wakareba kwazvo pamusoro pamatavi makobvu akapfumvutira, waionekera kumusoro-soro nokuda kwourefu hwawo, uye nokuda kwamatavi awo mazhinji.
12 et evulsa est in ira in terramque proiecta et ventus urens siccavit fructum eius marcuerunt et arefactae sunt virgae roboris eius ignis comedit eam
Asi wakadzurwa nehasha ndokukandwa pasi. Mhepo yokumabvazuva yakauomesa, ukazunzwa michero yawo; matavi awo akasimba akaoma, uye moto ukaapisa.
13 et nunc transplantata est in desertum in terra invia et sitienti
Zvino wakasimwa mugwenga, munyika yakaoma ine nyota.
14 et egressus est ignis de virga ramorum eius qui fructum eius comedit et non fuit in ea virga fortis sceptrum dominantium planctus est et erit in planctum
Moto wakapambira uchibva kune rimwe davi rawo guru ndokupisa michero yawo. Hapana davi rakasimba rakasara pauri rakanakira kuva tsvimbo yomutongi.’ Uku kuchema uye kunofanira kushandiswa pakuchema.”