< Exodus 38 >

1 fecit et altare holocausti de lignis setthim quinque cubitorum per quadrum et trium in altitudine
Vakavaka aritari yezvipiriso zvinopiswa yamatanda omuunga, yakakwirira makubhiti matatu; yakanga yakaenzana mativi ayo mana ina makubhiti mashanu pakureba uye namakubhiti mashanu paupamhi hwayo.
2 cuius cornua de angulis procedebant operuitque illud aeneis lamminis
Vakagadzira runyanga pamakona mana ose zvokuti nyanga nearitari zvakanga zvava chinhu chimwe chete, uye vakafukidza aritari nendarira.
3 et in usus eius paravit ex aere vasa diversa lebetas forcipes fuscinulas uncinos et ignium receptacula
Vakaita midziyo yayo yose nendarira, hari dzayo, foshoro dzayo, midziyo yokusasa zvibayiso zvenyama uye namakango apamoto.
4 craticulamque eius in modum retis fecit aeneam et subter eam in altaris medio arulam
Vakaitira aritari chiparo, mumbure wendarira, kuti chive pasi pechitsiko chayo, pakati napakati pokukwirira kwearitari.
5 fusis quattuor anulis per totidem retiaculi summitates ad inmittendos vectes ad portandum
Vakaumba mhete dzendarira kuti dzibate mapango amakona mana echiparo chendarira.
6 quos et ipsos fecit de lignis setthim et operuit lamminis aeneis
Vakaita mapango omuti womuunga vakaafukidza nendarira.
7 induxitque in circulos qui in altaris lateribus eminebant ipsum autem altare non erat solidum sed cavum ex tabulis et intus vacuum
Vakapinza mapango mukati memhete kuitira kuti agova pamativi earitari, kuti vaitakure nawo. Vakaiita namapuranga, isina chinhu mukati.
8 fecit et labrum aeneum cum base sua de speculis mulierum quae excubabant in ostio tabernaculi
Vakagadzira mudziyo wokushambira wendarira uye nezvigadziko zvawo zvendarira kubva pazvionioni zvamadzimai aishumira pamukova wokupinda muTende Rokusangana.
9 et atrium in cuius australi plaga erant tentoria de bysso retorta cubitorum centum
Pashure vakaita ruvazhe. Rutivi rwezasi rwakanga rwakareba makubhiti zana uye rwaiva nezvidzitiro zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka,
10 columnae aeneae viginti cum basibus suis capita columnarum et tota operis celatura argentea
namatanda makumi maviri uye nezvigadziko zvendarira makumi maviri, nezvikorekedzo zvesirivha uye nezvisungo pamusoro pamatanda.
11 aeque ad septentrionalis plagam tentoria columnae basesque et capita columnarum eiusdem et mensurae et operis ac metalli erant
Rutivi rwokumusorowo rwakanga runa makubhiti zana pakureba uye rwakanga rune matanda makumi maviri nezvigadziko zvendarira, ine zvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.
12 in ea vero plaga quae occidentem respicit fuere tentoria cubitorum quinquaginta columnae decem cum basibus suis aeneae et capita columnarum celata argentea
Mucheto wokumavirira wakanga una makubhiti makumi mashanu paupamhi, uye kwaiva nezvidzitiro, namatanda gumi uye nezvigadziko gumi, nezvikorekedzo zvesirivha nezvisungo pamusoro pamatanda.
13 porro contra orientem quinquaginta cubitorum paravit tentoria
Kumucheto wokumabvazuva, wakananga kunobuda nezuva, kwaivawo noupamhi hwamakubhiti makumi mashanu.
14 e quibus quindecim cubitos columnarum trium cum basibus suis unum tenebat latus
Zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kurutivi rumwe chete rwomukova, namatanda matatu ezvigadziko zvitatu,
15 et in parte altera quia utraque introitum tabernaculi facit quindecim aeque cubitorum erant tentoria columnae tres et bases totidem
uye zvidzitiro zvakareba makubhiti gumi namashanu zvaiva kuno rumwe rutivi rwokupinda muruvazhe, namatanda matatu uye nezvigadziko zvitatu.
16 cuncta atrii tentoria byssus torta texuerat
Zvidzitiro zvose zvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvomucheka wakarukwa zvakaisvonaka.
17 bases columnarum fuere aeneae capita autem earum cum celaturis suis argentea sed et ipsas columnas atrii vestivit argento
Zvigadziko zvamatanda zvakanga zviri zvendarira. Zvikorekedzo nezvisungo zvaiva pamatanda zvaiva zvesirivha, uye misoro yawo yakanga yakafukidzwa nesirivha; saka matanda ose oruvazhe akanga ane zvisungo zvesirivha.
18 et in introitu eius opere plumario fecit tentorium ex hyacintho purpura vermiculo ac bysso retorta quod habebat viginti cubitos in longitudine altitudo vero quinque cubitorum erat iuxta mensuram quam cuncta atrii habebant tentoria
Chidzitiro chomukova wokupinda muruvazhe chaiva chewuru yebhuruu, nepepuru netsvuku uye nomucheka wakarukwa zvakaisvonaka, basa romuruki. Chakanga chakareba makubhiti makumi maviri, chakaita sechidzitiro chaparuvazhe, makubhiti mashanu kukwirira kwacho,
19 columnae autem ingressus fuere quattuor cum basibus aeneis capitaque earum et celaturae argenteae
namatanda mana uye nezvigadziko zvendarira zvina. Zvikorekedzo zvazvo nezvisungo zvazvo zvaiva zvesirivha, uye misoro yacho yakanga yakafukidzwa nesirivha.
20 paxillos quoque tabernaculi et atrii per gyrum fecit aeneos
Mbambo dzose dzetende retabhenakeri nezvaipoteredza ruvazhe zvaiva zvendarira.
21 haec sunt instrumenta tabernaculi testimonii quae numerata sunt iuxta praeceptum Mosi in caerimonias Levitarum per manum Ithamar filii Aaron sacerdotis
Uku ndiko kuwanda kwezvinhu zvakashandiswa patabhenakeri, iyo tabhenakeri yeChipupuriro, zvakanyorwa pakurayira kwaMozisi navaRevhi vari pasi paItamari mwanakomana waAroni, muprista.
22 quas Beselehel filius Uri filii Hur de tribu Iuda Domino per Mosen iubente conpleverat
Bhezareri mwanakomana waUri, mwanakomana waHuri, worudzi rwaJudha, akagadzira zvose zvakarayirwa Mozisi naJehovha;
23 iuncto sibi socio Hooliab filio Achisamech de tribu Dan qui et ipse artifex lignorum egregius fuit et polymitarius atque plumarius ex hyacintho purpura vermiculo et bysso
aiva naDhoriabhu mwanakomana waAhisamaki, worudzi rwaDhani, mhizha nomusoni, uye musoni wewuru yebhuruu, pepuru netsvuku nomucheka wakaisvonaka.
24 omne aurum quod expensum est in opere sanctuarii et quod oblatum in donariis viginti novem talentorum fuit et septingentorum triginta siclorum ad mensuram sanctuarii
Kuwanda kwegoridhe rose rakabva kuzvipiriso zvokuninira rakashandiswa pabasa rose rapaimba tsvene kwaiva matarenda makumi maviri namapfumbamwe namashekeri mazana manomwe ana makumi matatu, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene.
25 oblatum est autem ab his qui transierant ad numerum a viginti annis et supra de sescentis tribus milibus et quingentis quinquaginta armatorum
Sirivha yakawanikwa yakabva kuna avo veungano vakaverengwa pakunyorwa, yaiva matarenda zana, uye chiuru chimwe namazana manomwe namakumi manomwe namashanu amashekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene,
26 fuerunt praeterea centum talenta argenti e quibus conflatae sunt bases sanctuarii et introitus ubi velum pendet
bheka rimwe chete pamunhu, ndiyo hafu yeshekeri, zvichienderana neshekeri renzvimbo tsvene, kubva kumunhu wose akanga ayambukira kuna avo vakanga vatoverengwa, vana makore makumi maviri kana kupfuura, varume vakanga vari zviuru mazana matanhatu navatatu namazana mashanu ana makumi mashanu.
27 centum bases factae sunt de talentis centum singulis talentis per bases singulas supputatis
Matarenda zana esirivha akashandiswa kugadzira zvigadziko zvenzvimbo tsvene pachidzitiro, zvigadziko zana zvaibva pamatarenda zana, tarenda rimwe chete pachigadziko chimwe nechimwe.
28 de mille autem septingentis et septuaginta quinque fecit capita columnarum quas et ipsas vestivit argento
Vakashandisa mashekeri chiuru chimwe chete namazana manomwe namakumi manomwe namashanu uye kuti vagadzire zvikorekedzo zvamatanda, kufukidza misoro yamatanda, uye vagadzire zvisungo zvawo.
29 aeris quoque oblata sunt talenta septuaginta duo milia et quadringenti supra sicli
Ndarira yakabva kuzvipiriso zvokuninira yaiva matarenda makumi manomwe namashekeri zviuru zviviri namazana mana.
30 ex quibus fusae sunt bases in introitu tabernaculi testimonii et altare aeneum cum craticula sua omniaque vasa quae ad usum eius pertinent
Vakaishandisa kugadzira nheyo dzomukova weTende Rokusangana, aritari yendarira, chiparo chayo chendarira nemidziyo yayo yose,
31 et bases atrii tam in circuitu quam in ingressu eius et paxilli tabernaculi atque atrii per gyrum
nheyo dzepakapoteredza ruvazhe nedzomukova warwo nembambo dzose dzetende retabhenakeri uye nezvose zvakapoteredza ruvazhe.

< Exodus 38 >