< Exodus 29 >

1 sed et hoc facies ut mihi in sacerdotio consecrentur tolle vitulum de armento et arietes duos inmaculatos
“Izvi ndizvo zvaunofanira kuita kuti uvanatse, kuti vandishumire savaprista: Utore hando duku namakondobwe maviri asina chinongo.
2 panesque azymos et crustula absque fermento quae conspersa sint oleo lagana quoque azyma oleo lita de simila triticea cuncta facies
Uye ubike chingwa noupfu hwakatsetseka hwegorosi, husina mbiriso, uye ubike makeke akavhenganiswa namafuta, nezvingwa zvitete zvakazorwa mafuta.
3 et posita in canistro offeres vitulum autem et duos arietes
Uzviise mudengu uye ugozvikumikidza zviri imomo, pamwe chete nehando uye makondobwe maviri.
4 et Aaron ac filios eius adplicabis ad ostium tabernaculi testimonii cumque laveris patrem cum filiis aqua
Ipapo ugouya naAroni navanakomana vake kumukova wokupinda nawo kuTende Rokusangana ugovashambidza nemvura.
5 indues Aaron vestimentis suis id est linea et tunica et superumerali et rationali quod constringes balteo
Tora hanzu ugopfekedza Aroni jasi, nguo yeefodhi neefodhi pachayo uye nechidzitiro chapachipfuva. Usungire efodhi paari nebhanhire romuchiuno rakarukwa nounyanzvi.
6 et pones tiaram in capite eius et lamminam sanctam super tiaram
Uise nguwani pamusoro wake uye ugoibatanidza nekorona tsvene.
7 et oleum unctionis fundes super caput eius atque hoc ritu consecrabitur
Utore mafuta okuzodza ugomuzodza uchiita zvokuadira pamusoro pake.
8 filios quoque illius adplicabis et indues tunicis lineis cingesque balteo
Uye vanakomana vake ugovapfekedza majasi
9 Aaron scilicet et liberos eius et inpones eis mitras eruntque sacerdotes mei in religione perpetua postquam initiaveris manus eorum
uye ugoisa mabhanhire omumusoro pamusoro pavo. Ipapo ugosungira ndaza pana Aroni navanakomana vake. Uprista ndohwavo nomutemo usingaperi. Nenzira iyi uchagadza Aroni navanakomana vake.
10 adplicabis et vitulum coram tabernaculo testimonii inponentque Aaron et filii eius manus super caput illius
“Uuye nehando pamberi peTende Rokusangana, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro payo.
11 et mactabis eum in conspectu Domini iuxta ostium tabernaculi testimonii
Uiuraye pamberi pomukova wokupinda kuTende Rokusangana.
12 sumptumque de sanguine vituli pones super cornua altaris digito tuo reliquum autem sanguinem fundes iuxta basim eius
Utore rimwe reropa rehando ugoriisa panyanga dzearitari nomunwe wako, uye ugodira rasara racho pahwaro hwearitari.
13 sumes et adipem totum qui operit intestina et reticulum iecoris ac duos renes et adipem qui super eos est et offeres incensum super altare
Ipapo ugotora mafuta ose akapoteredza zvomukati, zvinoti chiropa, neitsvo dziri mbiri namafuta ari pamusoro padzo, ugoapisa pamusoro pearitari.
14 carnes vero vituli et corium et fimum conbures foris extra castra eo quod pro peccato sit
Asi upise nyama yehando nedehwe rayo namazvizvi ayo kunze kwomusasa. Ndicho chipiriso chechivi.
15 unum quoque arietum sumes super cuius caput ponent Aaron et filii eius manus
“Utore rimwe regondobwe, uye Aroni navanakomana vake vagoisa maoko avo pamusoro paro.
16 quem cum mactaveris tolles de sanguine eius et fundes circa altare
Uriuraye ugotora ropa raro urisase pamativi ose earitari.
17 ipsum autem arietem secabis in frusta lotaque intestina eius ac pedes pones super concisas carnes et super caput illius
Ucheke gondobwe kuita muzvidimbu zvidimbu uye ugosuka zvomukati, uye makumbo, uchiaisa pamwe chete nomusoro nezvimwe zvidimbu.
18 et offeres totum arietem in incensum super altare oblatio est Domini odor suavissimus victimae Dei
Ipapo ugopisa gondobwe rose paaritari. Ndicho chipiriso chinopiswa kuna Jehovha, chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
19 tolles quoque arietem alterum super cuius caput Aaron et filii eius ponent manus
“Utore rimwe gondobwe, uye Aroni navanakomana vake vachaisa maoko avo pamusoro waro.
20 quem cum immolaveris sumes de sanguine ipsius et pones super extremum dextrae auriculae Aaron et filiorum eius et super pollices manus eorum et pedis dextri fundesque sanguinem super altare per circuitum
Uriuraye, utore rimwe ropa raro ugoriisa pamucheto wenzeve dzorudyi dzavanakomana vaAroni, napazvigunwe zvikuru zvamaoko avo orudyi, nokuzvigunwe zvikuru zvokutsoka dzavo dzorudyi. Ipapo ugosasa ropa pamativi ose earitari.
21 cumque tuleris de sanguine qui est super altare et de oleo unctionis asperges Aaron et vestes eius filios et vestimenta eorum consecratisque et ipsis et vestibus
Uye ugotora rimwe ropa riri paaritari namamwe mafuta okuzodza usase pana Aroni napanguo dzake uye napavanakomana vake napanguo dzavo. Ipapo iye navanakomana vake nenguo dzavo vachanatswa.
22 tolles adipem de ariete et caudam et arvinam quae operit vitalia ac reticulum iecoris et duos renes atque adipem qui super eos est armumque dextrum eo quod sit aries consecrationum
“Utore pagondobwe iri mafuta, mafuta apamuswe, mafuta akapoteredza zvomukati, akafukidza chiropa, itsvo dzose dziri mbiri namafuta ari padziri, uye nechidya chokurudyi. (Iri ndiro gondobwe rokugadzwa.)
23 tortam panis unius crustulum conspersum oleo laganum de canistro azymorum quod positum est in conspectu Domini
Kubva padengu rechingwa chakabikwa chisina mbiriso, chiri pamberi paJehovha, utore chimwe chete, nekeke rakavhenganiswa namafuta, uye nechingwa chitete.
24 ponesque omnia super manus Aaron et filiorum eius et sanctificabis eos elevans coram Domino
Uise izvi zvose mumaoko aAroni navanakomana vake ugozvininira pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira.
25 suscipiesque universa de manibus eorum et incendes super altare in holocaustum odorem suavissimum in conspectu Domini quia oblatio eius est
Ipapo uzvitore kubva mumaoko avo ugozvipisa paaritari pamwe chete nechipiriso chinopiswa chinonhuhwira zvinofadza kuna Jehovha, chipiriso chinoitirwa Jehovha nomoto.
26 sumes quoque pectusculum de ariete quo initiatus est Aaron sanctificabisque illud elatum coram Domino et cedet in partem tuam
Shure kwokunge watora chityu chegondobwe rokugadzwa kwaAroni, uchininire pamberi paJehovha sechipiriso chokuninira uye chichava mugove wako.
27 sanctificabis et pectusculum consecratum et armum quem de ariete separasti
“Unatse mitezo iyo yegondobwe rokugadza raAroni navanakomana vake: chityu chakaninirwa uye chakakumikidzwa.
28 quo initiatus est Aaron et filii eius cedentque in partem Aaron et filiorum eius iure perpetuo a filiis Israhel quia primitiva sunt et initia de victimis eorum pacificis quae offerunt Domino
Uyu unofanira kuva mugove wenguva dzose unobva kuvaIsraeri, waAroni navanakomana vake. Uyu ndiwo mugove unofanira kupiwa navaIsraeri kuna Jehovha kubva pazvipiriso zvavo zvokuwadzana.
29 vestem autem sanctam qua utitur Aaron habebunt filii eius post eum ut unguantur in ea et consecrentur manus eorum
“Nguo tsvene dzaAroni dzichava dzezvizvarwa zvake kuitira kuti vazodzwe uye vagogadzwa vakadzipfeka.
30 septem diebus utetur illa qui pontifex pro eo fuerit constitutus de filiis eius et qui ingredietur tabernaculum testimonii ut ministret in sanctuario
Mwanakomana wake achamutevera pauprista uye anouya kuTende Rokusangana kuti azoshumira ari muNzvimbo Tsvene, anofanira kudzipfeka kwamazuva manomwe.
31 arietem autem consecrationum tolles et coques carnes eius in loco sancto
“Utore gondobwe rokugadzwa ugobika nyama yaro munzvimbo tsvene.
32 quibus vescetur Aaron et filii eius panes quoque qui sunt in canistro in vestibulo tabernaculi testimonii comedent
Aroni navanakomana vake vanofanira kudya nyama yegondobwe uye nechingwa chiri mudengu vari pamukova wokupinda paTende Rokusangana.
33 ut sit placabile sacrificium et sanctificentur offerentium manus alienigena non vescetur ex eis quia sancti sunt
Vanofanira kudya zvipiriso izvi zvavakaitirwa yananiso yokugadzwa kwavo uye nokunatswa kwavo nazvo. Asi hakuna mumwe munhu anofanira kuzvidya nokuti zvitsvene.
34 quod si remanserit de carnibus consecratis sive de panibus usque mane conbures reliquias igni non comedentur quia sanctificata sunt
Uye kana pakava nenyama yegondobwe rokugadzwa inosara kana chingwa chipi zvacho chinosara kusvikira mangwana mangwanani, muzvipise. Hazvifaniri kudyiwa, nokuti zvitsvene.
35 omnia quae praecepi tibi facies super Aaron et filiis eius septem diebus consecrabis manus eorum
“Uitire Aroni navanakomana vake zvinhu zvose zvandakakurayira, uchitora mazuva manomwe okuvagadza.
36 et vitulum pro peccato offeres per singulos dies ad expiandum mundabisque altare cum immolaris expiationis hostiam et ungues illud in sanctificationem
Ubayire hando zuva rimwe nerimwe sechipiriso chechivi chive chokuyananisa. Unatse aritari nokuiitira yananiso, uye ugoizodza kuti uiite tsvene.
37 septem diebus expiabis altare et sanctificabis et erit sanctum sanctorum omnis qui tetigerit illud sanctificabitur
Mazuva manomwe uyananisire aritari uye uinatse. Ipapo aritari ichava tsvene-tsvene, uye chose chichaigunzva chichava chitsvene.
38 hoc est quod facies in altari agnos anniculos duos per singulos dies iugiter
“Izvi ndizvo zvaunofanira kupa paaritari nguva dzose zuva rimwe nerimwe: makwayana maviri egore rimwe chete.
39 unum agnum mane et alterum vespere
Ubayire rimwe chete mangwanani uye nerimwe chete madekwana.
40 decimam partem similae conspersae oleo tunso quod habeat mensuram quartam partem hin et vinum ad libandum eiusdem mensurae in agno uno
Negwayana rokutanga ubayire nechegumi cheefa choupfu hwakatsetseka hwakasanganiswa nechikamu chimwe chete kubva muzvina chehini chamafuta akabva mumaorivhi akasvinwa, uye chikamu chimwe chete kubva muzvina chehini yewaini chive chipiriso chinonwiwa.
41 alterum vero agnum offeres ad vesperam iuxta ritum matutinae oblationis et iuxta ea quae diximus in odorem suavitatis
Ubayire rimwe gwayana zuva richangovira pamwe chete nechipiriso chimwe chetecho chezviyo nechipiriso chacho chinonwiwa sechamangwanani, chive chinonhuhwira zvinofadza, chipiriso chakaitirwa Jehovha nomoto.
42 sacrificium Domino oblatione perpetua in generationes vestras ad ostium tabernaculi testimonii coram Domino ubi constituam ut loquar ad te
“Chipiriso chinopiswa ichi chinofanira kuitwa nguva dzose pamukova weTende Rokusangana pamberi paJehovha kuzvizvarwa zvose.
43 ibique praecipiam filiis Israhel et sanctificabitur altare in gloria mea
Ipapo ndipo pandichasangana newe uye ndigotaura kwauri, ndipozve pandichasangana navaIsraeri, uye nzvimbo iyi ichatsaurwa nokubwinya kwangu.
44 sanctificabo et tabernaculum testimonii cum altari et Aaron cum filiis eius ut sacerdotio fungantur mihi
“Saka ndichatsaura Tende Rokusangana nearitari uye ndichatsaura Aroni navanakomana vake kuti vandishumire savaprista.
45 et habitabo in medio filiorum Israhel eroque eis Deus
Ipapo ndichagara pakati pavaIsraeri uye ndigova Mwari wavo.
46 et scient quia ego Dominus Deus eorum qui eduxi eos de terra Aegypti ut manerem inter illos ego Dominus Deus ipsorum
Vachaziva kuti ndini Jehovha Mwari wavo, akavabudisa kubva muIjipiti kuitira kuti ndigogara pakati pavo. Ndini Jehovha Mwari wavo.

< Exodus 29 >