< Exodus 22 >
1 si quis furatus fuerit bovem aut ovem et occiderit vel vendiderit quinque boves pro uno bove restituet et quattuor oves pro una ove
“Kana munhu akaba nzombe kana gwai uye akauraya kana kutengesa anofanira kuripa mombe shanu nokuda kwenzombe uye makwai mana pagwai rimwe chete.
2 si effringens fur domum sive suffodiens fuerit inventus et accepto vulnere mortuus fuerit percussor non erit reus sanguinis
“Kana mbavha ikabatwa ichipaza uye ikarohwa ikafa, nyakudzivirira haana mhosva yokuteura ropa;
3 quod si orto sole hoc fecerit homicidium perpetravit et ipse morietur si non habuerit quod pro furto reddat venundabitur
asi kana zvikaitika shure kwokubuda kwezuva, anenge ane mhosva yokuteura ropa. “Mbavha inofanira kudzora zvayaba, asi kana isina chinhu, inofanira kutongeswa kuti iripe umbavha hwayo.
4 si inventum fuerit apud eum quod furatus est vivens sive bos sive asinus sive ovis duplum restituet
“Kana chipfuwo chakabiwa chikawanikwa chichiri chipenyu muruoko rwake, ingava nzombe kana mbongoro kana gwai, iye anofanira kuripa zvava zviviri.
5 si laeserit quispiam agrum vel vineam et dimiserit iumentum suum ut depascatur aliena quicquid optimum habuerit in agro suo vel in vinea pro damni aestimatione restituet
“Kana munhu akafudza zvipfuwo zvake mumunda kana mumunda womuzambiringa uye akarega zvipfuwo zvake zvichidya mumunda womunhu, anofanira kudzorera zvakaisvonaka zvinobva mumunda wake kana mumunda wake womuzambiringa.
6 si egressus ignis invenerit spinas et conprehenderit acervos frugum sive stantes segetes in agris reddet damnum qui ignem succenderit
“Kana moto ukapfuta uye ukapararira muzvikwenzi zveminzwa zvokuti unopisa mirwi yezviyo kana zviyo zvimire, kana munda wose, munhu abatidza moto anofanira kudzorera nomuripo.
7 si quis commendaverit amico pecuniam aut vas in custodiam et ab eo qui susceperat furto ablata fuerint si invenitur fur duplum reddet
“Kana munhu akapa muvakidzani wake sirivha kana zvinhu kuti achengete zvichibva zvabiwa kubva mumba momuvakidzani, mbavha yacho, kana ikabatwa, inofanira kuripa zvakapetwa kaviri.
8 si latet dominus domus adplicabitur ad deos et iurabit quod non extenderit manum in rem proximi sui
Asi kana mbavha isina kuwanikwa, muridzi wemba anofanira kumira pamberi pavatongi kuti zvionekwe kana akaisa ruoko rwake pazvinhu zvomumwe munhu.
9 ad perpetrandam fraudem tam in bove quam in asino et ove ac vestimento et quicquid damnum inferre potest ad deos utriusque causa perveniet et si illi iudicaverint duplum restituet proximo suo
Panyaya dzose dzokuchengeta zvisiri pamutemo, nzombe, mbongoro, gwai, nguo kana chimwewo zvacho chakarasika chinonzi nomumwe munhu, ‘Ndechangu ichi’, vaviri ava vanofanira kuuya nenyaya dzavo pamberi pavatongi. Munhu uyo achanzi ane mhosva navatongi anofanira kuripira muvakidzani wake zvakapetwa kaviri.
10 si quis commendaverit proximo suo asinum bovem ovem et omne iumentum ad custodiam et mortuum fuerit aut debilitatum vel captum ab hostibus nullusque hoc viderit
“Kana munhu akapa mbongoro, nzombe, gwai kana chipfuwo chipi zvacho kumuvakidzani wake kuti achengete chichibva chafa kana kukuvara kana kutorwa pasina anozviona,
11 iusiurandum erit in medio quod non extenderit manum ad rem proximi sui suscipietque dominus iuramentum et ille reddere non cogetur
nyaya iri pakati pavo inofanira kugadziriswa nokuita mhiko pamberi paJehovha yokuti muvakidzani haana kuisa maoko ake pazvinhu zvomumwe munhu. Muridzi anofanira kugamuchira izvi, uye hapana muripo unodikanwa apa.
12 quod si furto ablatum fuerit restituet damnum domino
Asi kana chipfuwo chakabiwa kubva kumuvakidzani, iye anofanira kudzorera kumuridzi nomuripo.
13 si comestum a bestia deferet ad eum quod occisum est et non restituet
Kana chakabvarurwa-bvarurwa nechikara chesango, iye achauyisa zvakasara zvacho zvive umboo uye haazosungirwi kuripa chipfuwo chakabvamburwa.
14 qui a proximo suo quicquam horum mutuo postularit et debilitatum aut mortuum fuerit domino non praesente reddere conpelletur
“Kana munhu akakwereta chipfuwo kubva kumuvakidzani wake uye chikakuvara kana kufa, muridzi wacho asipo, anofanira kuripa.
15 quod si inpraesentiarum fuit dominus non restituet maxime si conductum venerat pro mercede operis sui
Asi kana muridzi ane chipfuwo chacho, akwereta haafaniri kuzoripa. Kana chipfuwo ichi changa chichiripirwa mari yokuchishandisa, mari yakaripwa yacho ndiyo inozozadzisa kurasikirwa kwake.
16 si seduxerit quis virginem necdum desponsatam et dormierit cum ea dotabit eam et habebit uxorem
“Kana murume akanyengera musikana anenge ari mhandara asina kutsidzira kuti awanikwe uye akavata naye, iye anofanira kubvisa roora, uye achava mukadzi wake.
17 si pater virginis dare noluerit reddet pecuniam iuxta modum dotis quam virgines accipere consuerunt
Kana baba vake vasingadi zvachose kuti vamupe kwaari, anofanira bedzi kubvisa roora rinobvisirwa mhandara.
18 maleficos non patieris vivere
“Usatendera muroyikadzi kuti ararame.
19 qui coierit cum iumento morte moriatur
“Ani naani anoita chipfuwo mukadzi anofanira kuurayiwa.
20 qui immolat diis occidetur praeter Domino soli
“Ani naani anobayira kuna mwari upi zvake kunze kwangu anofanira kuparadzwa.
21 advenam non contristabis neque adfliges eum advenae enim et ipsi fuistis in terra Aegypti
“Usabata mutorwa zvakaipa kana kumudzvinyirira, nokuti imi makanga muri vatorwa muIjipiti.
22 viduae et pupillo non nocebitis
“Musaitira zvakaipa chirikadzi nenherera.
23 si laeseritis eos vociferabuntur ad me et ego audiam clamorem eorum
Kana mukaita izvozvo uye ivo vakachema kwandiri, zvirokwazvo ndichanzwa kuchema kwavo.
24 et indignabitur furor meus percutiamque vos gladio et erunt uxores vestrae viduae et filii vestri pupilli
Kutsamwa kwangu kuchamuka, uye ndichakuurayai nomunondo; vakadzi venyu vachava chirikadzi uye vana venyu vachava nherera.
25 si pecuniam mutuam dederis populo meo pauperi qui habitat tecum non urgues eum quasi exactor nec usuris opprimes
“Kana mukakweretesa mari kuno mumwe wavanhu vangu vari pakati penyu vanoshaya, musaita somunhu webasa rokukweretesa; musamuripisa yava nemhindu.
26 si pignus a proximo tuo acceperis vestimentum ante solis occasum redde ei
Kana ukatora jasi romuvakidzani wako sechitsidzo, uridzorere kwaari zuva rodoka,
27 ipsum enim est solum quo operitur indumentum carnis eius nec habet aliud in quo dormiat si clamaverit ad me exaudiam eum quia misericors sum
nokuti jasi rake ndicho chifukidzo bedzi chaanacho chomuviri wake. Achavata akafukeiko? Paanochema kwandiri, ini ndichanzwa, nokuti ndine tsitsi.
28 diis non detrahes et principi populi tui non maledices
“Usamhura Mwari kana kutuka mutongi wavanhu vako.
29 decimas tuas et primitias non tardabis offerre primogenitum filiorum tuorum dabis mihi
“Usarega kupa zvipiriso zvinobva mumatura ako kana muzvisviniro zvako. “Unofanira kundipa dangwe ravanakomana vako.
30 de bubus quoque et ovibus similiter facies septem diebus sit cum matre sua die octavo reddes illum mihi
Muite zvimwe chetezvo kumombe dzenyu nokumakwai enyu. Murege zvigare mazuva manomwe navanamai vazvo, asi muzvipe kwandiri pazuva rorusere.
31 viri sancti eritis mihi carnem quae a bestiis fuerit praegustata non comedetis sed proicietis canibus
“Munofanira kuva vanhu vangu vatsvene. Saka musadya nyama yechipfuwo chakabvamburwa nezvikara zvesango, muikandire kumbwa.