< Esther 7 >
1 intravit itaque rex et Aman ut biberent cum regina
Naizvozvo mambo naHamani vakaenda kundodya navaHosi Esteri,
2 dixitque ei rex etiam in secundo die postquam vino incaluerat quae est petitio tua Hester ut detur tibi et quid vis fieri etiam si dimidiam regni mei partem petieris inpetrabis
uye pavakanga vachinwa waini pazuva rechipiri, mambo akabvunzazve akati, “VaHosi Esteri, muri kukumbireiko? Muchapiwa. Chikumbiro chenyu ndechei? Kunyange kusvika pahafu youshe, muchazviitirwa.”
3 ad quem illa respondit si inveni gratiam in oculis tuis o rex et si tibi placet dona mihi animam meam pro qua rogo et populum meum pro quo obsecro
Ipapo vaHosi Esteri vakapindura vakati, “Kana ndawana nyasha kwamuri, imi Mambo, uye kana zvichifadza mambo, ndinokumbira kuti ndipiwe upenyu hwangu, ndicho chichemo changu, uye navanhu vangu, ndicho chikumbiro changu.
4 traditi enim sumus ego et populus meus ut conteramur iugulemur et pereamus atque utinam in servos et famulas venderemur esset tolerabile malum et gemens tacerem nunc autem hostis noster est cuius crudelitas redundat in regem
Nokuti ini navanhu vangu takatengeswa kuti tiurayiwe tiparadzwe zvachose. Kana dai takanga tangotengeswa senhapwa dzavarume navakadzi, ndingadai ndaingonyarara, nokuti kutambudzika kwakadai hakukodzere kuti mambo akanganiswe zvaari kuita.”
5 respondensque rex Asuerus ait quis est iste et cuius potentiae ut haec audeat facere
Mambo Zekisesi akabvunza vaHosi Esteri akati, “Ndiani iyeye? Aripi munhu iyeye afunga kuita chinhu chakadai?”
6 dixit Hester hostis et inimicus noster pessimus iste est Aman quod ille audiens ilico obstipuit vultum regis ac reginae ferre non sustinens
Esteri akati, “Mudzivisi nomuvengi ndiyeyu Hamani ane utsinye.” Ipapo Hamani akatya pamberi pamambo navahosi.
7 rex autem surrexit iratus et de loco convivii intravit in hortum arboribus consitum Aman quoque surrexit ut rogaret Hester reginam pro anima sua intellexit enim a rege sibi paratum malum
Mambo akaviruka nehasha, akasiya waini yake ndokuenda kubindu romuzinda. Asi Hamani, achiona kuti mambo akanga atoronga magumo ake, akasara achiti akumbire upenyu hwake kuna vaHosi Esteri.
8 qui cum reversus esset de horto nemoribus consito et intrasset convivii locum repperit Aman super lectulum corruisse in quo iacebat Hester et ait etiam reginam vult opprimere me praesente in domo mea necdum verbum de ore regis exierat et statim operuerunt faciem eius
Mambo paakadzoka kubva kubindu romuzinda achidzokera kuimba yamabiko, Hamani akanga azviwisira pachigaro chakanga chigere Esteri. Mambo akati, “Asi otoda kuchinyira mambokadzi muno mumba ndinaye here?” Pakarepo shoko parakangobuda mumuromo wamambo, vakafukidza uso hwaHamani.
9 dixitque Arbona unus de eunuchis qui stabant in ministerio regis en lignum quod paraverat Mardocheo qui locutus est pro rege stat in domo Aman habens altitudinis quinquaginta cubitos cui dixit rex adpendite eum in eo
Ipapo Habhona, mumwe wavaranda vaishandira mambo akati, “Pane danda rakareba makubhiti makumi mashanu rakamiswa paimba yaHamani. Akanga akarigadzirira Modhekai, uyo akataura zvakanaka kuti mambo abatsirwe.” Mambo akati, “Musungirirei iye ipapo!”
10 suspensus est itaque Aman in patibulo quod paraverat Mardocheo et regis ira quievit
Naizvozvo vakasungirira Hamani pamatanda aakanga agadzirira Modhekai. Ipapo kutsamwa kwamambo kwakadzikira.