< I Paralipomenon 24 >
1 porro filiis Aaron hae partitiones erunt filii Aaron Nadab et Abiu et Eleazar et Ithamar
Aya ndiwo aiva mapoka avanakomana vaAroni: Vanakomana vaAroni vaiva: Nadhabhi, Abhihu, Ereazari naItamari.
2 mortui sunt autem Nadab et Abiu ante patrem suum absque liberis sacerdotioque functus est Eleazar et Ithamar
Asi Nadhabhi naAbhihu vakafa baba vavo vasati vafa, uye vakanga vasina vanakomana; saka Ereazari naItamari vakashumira savaprista.
3 et divisit eos David id est Sadoc de filiis Eleazar et Ahimelech de filiis Ithamar secundum vices suas et ministerium
Achibatsirwa naZadhoki chizvarwa chaEreazari naAhimereki chizvarwa chaItamari, Dhavhidhi akavapatsanura akavaisa mumapoka kuti vaite basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa.
4 inventique sunt multo plures filii Eleazar in principibus viris quam filii Ithamar divisit autem eis hoc est filiis Eleazar principes per familias sedecim et filiis Ithamar per familias et domos suas octo
Vatungamiri vazhinji vakanyanyowanikwa pane zvizvarwa zvaEreazari kupfuura pakati pezvizvarwa zvaItamari uye vakaiswa mumapoka zvakakodzerana: vakuru gumi navatanhatu kubva kuzvizvarwa zvaEreazari uye vakuru vasere kubva kuzvizvarwa zvaItamari.
5 porro divisit utrasque inter se familias sortibus erant enim principes sanctuarii et principes Dei tam de filiis Eleazar quam de filiis Ithamar
Vakavaisa mumapoka zvakakodzerana, nokukanda mijenya nokuti paiva navabati venzvimbo tsvene navabati vaMwari pakati pezvizvarwa zvaEreazari nezvizvarwa zvaItamari.
6 descripsitque eos Semeias filius Nathanahel scriba Levites coram rege et principibus et Sadoc sacerdote et Ahimelech filio Abiathar principibus quoque familiarum sacerdotalium et leviticarum unam domum quae ceteris praeerat Eleazar et alteram domum quae sub se habebat ceteros Ithamar
Munyori Shemaya mwanakomana waNetaneri, muRevhi, akanyora mazita avo pamberi pamambo, napamberi pavabati vaiti: Zadhoki muprista, Ahimereki mwanakomana waAbhiatari navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi mhuri imwe chete ichitorwa kubva kuna Ereazari uye imwe chete kubva kuna Itamari.
7 exivit autem sors prima Ioiarib secunda Iedeiae
Mujenya wokutanga wakawira pana Jehoyaribhi, wechipiri pana Jedhaya,
8 tertia Arim quarta Seorim
wechitatu kuna Harimi, wechina kuna Seorimi,
9 quinta Melchia sexta Maiman
wechishanu kuna Marikia, wechitanhatu kuna Miyamini,
10 septima Accos octava Abia
wechinomwe kuna Hakozi, wechisere kuna Abhija,
11 nona Hiesu decima Sechenia
wepfumbamwe kuna Jeshua, wegumi kuna Shekania,
12 undecima Eliasib duodecima Iacim
wegumi nomumwe kuna Eriashibhi, wegumi nembiri kuna Jakimi,
13 tertiadecima Oppa quartadecima Isbaal
wegumi nenhatu kuna Hupa, wegumi neina kuna Jeshebheabhi,
14 quintadecima Belga sextadecima Emmer
wegumi neshanu kuna Bhiriga, wegumi nenhanhatu kuna Imeri,
15 septimadecima Ezir octavadecima Hapses
wegumi nenomwe kuna Heziri, wegumi netsere kuna Hapizezi,
16 nonadecima Phetheia vicesima Iezecel
wegumi nepfumbamwe kuna Petahia, wemakumi maviri kuna Jehezikeri,
17 vicesima prima Iachin vicesima secunda Gamul
wemakumi maviri nomumwe kuna Jakini, wemakumi maviri nembiri kuna Gamuri,
18 vicesima tertia Dalaiau vicesima quarta Mazziau
wemakumi maviri nenhatu kuna Dheraya, uye wemakumi maviri neina kuna Maazia.
19 hae vices eorum secundum ministeria sua ut ingrediantur domum Domini et iuxta ritum suum sub manu Aaron patris eorum sicut praecepit Dominus Deus Israhel
Iri ndiro raiva basa ravo roushumiri ravakanga varayirwa pavakapinda mutemberi yaJehovha, maererano nemitemo yavakanga vapiwa nababa wavo Aroni sokurayirwa kwaakanga aitwa naJehovha, Mwari waIsraeri.
20 porro filiorum Levi qui reliqui fuerant de filiis Amram erat Subahel et filiis Subahel Iedeia
Kana zviri zvimwe zvizvarwa zvaRevhi: kubva kuvanakomana vaAmiramu, Shubhaeri; kubva kuvanakomana vaShubhaeri: Jedheya.
21 de filiis quoque Roobiae princeps Iesias
Kana ari Rehabhia, kuvanakomana vake: Ishia aiva wokutanga.
22 Isaaris vero Salemoth filiusque Salemoth Iaath
Kubva kuvaIzhari: Sheromoti; kubva kuvanakomana vaSheromoti: Jahati.
23 filiusque eius Ieriahu Amarias secundus Iazihel tertius Iecmaam quartus
Vanakomana vaHebhuroni vaiva: Jeria wokutanga, Amaria wechipiri, Jehazieri wechitatu naJekameami wechina.
24 filius Ozihel Micha filius Micha Samir
Mwanakomana waUzieri aiva: Mika; kubva kuvanakomana vaMika: Shamiri.
25 frater Micha Iesia filiusque Iesiae Zaccharias
Mununʼuna waMika: Ishia; kubva kuvanakomana vaIshia: Zekaria.
26 filii Merari Mooli et Musi filius Ioziau Benno
Vanakomana vaMerari vaiva: Mari naMushi. Mwanakomana waJaazia aiva: Bheno.
27 filius quoque Merari Oziau et Soem et Zacchur et Hebri
Vanakomana vaMerari vaiva: kubva kuna Jaazia: Bheno, Shoshami, Zakuri, naIbhiri.
28 porro Mooli filius Eleazar qui non habebat liberos
Kubva kuna Mari: Ereazari, uye akanga asina vanakomana.
29 filius vero Cis Ierahemel
Kubva kuna Kishi mwanakomana waKishi aiva: Jerameeri.
30 filii Musi Mooli Eder et Ierimoth isti filii Levi secundum domos familiarum suarum
Uye vanakomana vaMushi vaiti: Mari, Edheri naJerimoti. Ava ndivo vaiva vaRevhi maererano nemhuri dzavo.
31 miseruntque et ipsi sortes contra fratres suos filios Aaron coram David rege et Sadoc et Ahimelech et principibus familiarum sacerdotalium et leviticarum tam maiores quam minores omnes sors aequaliter dividebat
Vakakandawo mijenya sezvaingoita hama dzavo zvizvarwa zvaAroni, pamberi paMambo Dhavhidhi naZadhoki, Ahimereki navakuru vemhuri dzavaprista navaRevhi. Mhuri dzomukoma pane vose dzaingoverengwa zvimwe chetezvo sedzomudiki pane vose.