< Romanos 7 >
1 An ignoratis fratres (scientibus enim legem loquor) quia lex in homine dominatur quanto tempore vivit?
Hamuzivi here, hama (nokuti ndinotaura kuna avo vanoziva murairo), kuti murairo unotonga munhu nguva yese yaanenge ari mupenyu?
2 Nam quae sub viro est mulier, vivente viro, alligata est legi: si autem mortuus fuerit vir eius, soluta est a lege viri.
Nokuti mukadzi akawanikwa wakasungwa nemurairo kumurume anorarama; asi kana murume afa, wasunungurwa pamurairo wemurume.
3 Igitur, vivente viro, vocabitur adultera si fuerit cum alio viro: si autem mortuus fuerit vir eius, liberata est a lege viri: ut non sit adultera si fuerit cum alio viro.
Naizvozvo zvino kana murume ari mupenyu, achanzi chifeve kana akava weumwe murume; asi kana murume afa, wasununguka pamurairo, kuti asava chifeve, kana akava wemumwe murume.
4 Itaque fratres mei et vos mortificati estis legi per corpus Christi: ut sitis alterius, qui ex mortuis resurrexit, ut fructificetis Deo.
Naizvozvo, hama dzangu, nemwi makaitwa vakafa kumurairo nemuviri waKristu, kuti muve veumwe, kuna iye wakamutswa kubva kuvakafa, kuti tiberekere Mwari zvibereko.
5 Cum enim essemus in carne, passiones peccatorum, quae per legem erant, operabantur in membris nostris, ut fructificarent morti.
Nokuti pataiva munyama, kuchiva kwezvivi zvaiva kubidikidza nemurairo kwakabata mumitezo yedu kubereka zvibereko zvinoisa kurufu.
6 nunc autem soluti sumus a lege mortis, in qua detinebamur, ita ut serviamus in novitate spiritus, et non in vetustate litterae.
Asi zvino takasunungurwa pamurairo, takafa kune zvatakange takabatwa nazvo, kuti tishumire muutsva hwemweya, kwete neutsaru hwerugwaro.
7 Quid ergo dicemus? lex peccatum est? Absit. Sed peccatum non cognovi, nisi per legem: nam concupiscentiam nesciebam, nisi lex diceret: Non concupisces.
Ko zvino tichatii? Murairo chivi here? Ngazvisadaro! Asi handisaiziva chivi, kunze kwekubudikidza nemurairo; nokuti handisaizivawo ruchiva, kana murairo wakange usina kureva kuti: Usachiva.
8 Occasione autem accepta, peccatum per mandatum operatum est in me omnem concupiscentiam. Sine lege enim peccatum mortuum erat.
Asi chivi, chawana mukana nemurairo, chikaita mandiri ruchiva rwese; nokuti kunze kwemurairo chivi chakafa.
9 Ego autem vivebam sine lege aliquando. Sed cum venisset mandatum, peccatum revixit.
Ini ndakambova mupenyu kunze kwemurairo, asi murairo pawakasvika, chivi chakava chipenyuzve, neni ndikafa;
10 Ego autem mortuus sum: et inventum est mihi mandatum, quod erat ad vitam, hoc esse ad mortem.
uye murairo waiva weupenyu, iwo wakawanikwa neni wava werufu;
11 Nam peccatum occasione accepta per mandatum, seduxit me, et per illud occidit.
nokuti chivi, chawana mukana nemurairo, chakandinyengera chikandiuraya nawo.
12 Itaque lex quidem sancta, et mandatum sanctum, et iustum, et bonum.
Naizvozvo mutemo mutsvene, nemurairo mutsvene, uye wakarurama, uye wakanaka.
13 Quod ergo bonum est, mihi factum est mors? Absit. Sed peccatum, ut appareat peccatum, per bonum operatum est mihi mortem: ut fiat supra modum peccans peccatum per mandatum.
Naizvozvo zvakanaka zvakava rufu mandiri here? Ngazvisadaro! Asi chivi, kuti chiratidzwe kuti chivi, chinobata rufu mandiri nezvakanaka; kuti chivi nemurairo chive chakaipa kwazvo-kwazvo.
14 Scimus enim quia lex spiritualis est: ego autem carnalis sum venundatus sub peccato.
Nokuti tinoziva kuti murairo ndewemweya; asi ini ndiri wenyama, ndakatengeswa pasi pechivi.
15 Quod enim operor, non intelligo. non enim quod volo bonum, hoc ago: sed quod odi malum, illud facio.
Nokuti icho chandinoita, handichizivi; nokuti chandinoda, ndicho chandisingaiti; asi chandinovenga, ndicho chandinoita.
16 Si autem quod nolo, illud facio: consentio legi, quoniam bona est.
Zvino kana ndichiita icho chandisingadi, ndinobvumirana nemurairo kuti wakanaka.
17 Nunc autem iam non ego operor illud, sed quod habitat in me peccatum.
Asi ikozvinowo handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
18 Scio enim quia non habitat in me, hoc est in carne mea, bonum. Nam velle, adiacet mihi: perficere autem bonum, non invenio.
Nokuti ndinoziva kuti mandiri, ndiko kuti munyama yangu, hamugari chakanaka; nokuti kuda kurimo mandiri, asi kuita chakanaka handikuwani.
19 Non enim quod volo bonum, hoc ago: sed quod odi malum, illud facio.
Nokuti chakanaka chandinoda, handiiti; asi chakaipa chandisingadi, ndicho chandinoita.
20 Si autem quod nolo, illud facio: iam non ego operor illud, sed quod habitat in me, peccatum.
Zvino kana ndichiita icho chandisingadi ini, handisisiri ini ndinochiita, asi chivi chinogara mandiri.
21 Invenio igitur legem, volenti mihi facere bonum, quoniam mihi malum adiacet:
Naizvozvo ndinowana murairo wekuti kana ndichida kuita chakanaka, chakaipa chiripo pandiri.
22 condelector enim legi Dei secundum interiorem hominem:
Nokuti ndinofara mumurairo waMwari zvinoenderana nemunhu wemukati;
23 video autem aliam legem in membris meis, repugnantem legi mentis meae, et captivantem me in lege peccati, quae est in membris meis.
asi ndinoona umwe murairo mumitezo yangu unorwa nemurairo wemurangariro wangu, uye uchanditapira kumurairo wechivi uri mumitezo yangu.
24 Infelix ego homo, quis me liberabit de corpore mortis huius?
Ini munhu anosuruvara! Ndiani achandisunungura pamuviri werufu urwu?
25 Gratia Dei per Iesum Christum Dominum nostrum. Igitur ego ipse mente servio legi Dei: carne autem, legi peccati.
Ndinotenda Mwari kubudikidza naJesu Kristu Ishe wedu. Naizvozvo zvino nemurangariro ini ndomene ndinoshumira murairo waMwari, asi nenyama murairo wechivi.