< Proverbiorum 2 >

1 Fili mi, si susceperis sermones meos, et mandata mea absconderis penes te,
Mwanakomana wangu, kana ukagamuchira mashoko angu, ukachengeta mirayiro yangu mauri,
2 ut audiat sapientiam auris tua: inclina cor tuum ad cognoscendam prudentiam.
ukarerekera nzeve yako kuuchenjeri uye ukaisa mwoyo wako pakunzwisisa,
3 Si enim sapientiam invocaveris, et inclinaveris cor tuum prudentiae:
uye kana ukadanidzira kuti uwanze njere uye ukadanidzira nenzwi guru kuti uwane kunzwisisa,
4 si quaesieris eam quasi pecuniam, et sicut thesauros effoderis illam:
uye kana ukahutsvaka sounotsvaka sirivha nokuhutsvaka sounotsvaka pfuma yakavanzwa,
5 tunc intelliges timorem Domini, et scientiam Dei invenies:
ipapo uchanzwisisa kutya Jehovha uye uchawana ruzivo rwaMwari.
6 quia Dominus dat sapientiam: et ex ore eius prudentia, et scientia.
Nokuti Jehovha anopa uchenjeri, uye mumuromo make munobuda zivo nokunzwisisa.
7 Custodiet rectorum salutem, et proteget gradientes simpliciter,
Anochengetera vakarurama kukunda, iye ndiye nhoo kuna avo vane mufambiro usina chaunopomerwa,
8 servans semitas iustitiae, et vias sanctorum custodiens.
nokuti anochengetedza nzira yavakarurama, uye anodzivirira nzira yavakatendeka vake.
9 Tunc intelliges iustitiam, et iudicium, et aequitatem, et omnem semitam bonam.
Ipapo uchanzwisisa zvakarurama, kururamisira nokuenzanisira nzira dzose dzakanaka.
10 Si intraverit sapientia cor tuum, et scientia animae tuae placuerit:
Nokuti uchenjeri huchapinda mumwoyo mako, uye ruzivo ruchafadza mweya wako.
11 consilium custodiet te, et prudentia servabit te,
Kungwara kuchakuchengetedza, uye kunzwisisa kuchakurinda.
12 ut eruaris a via mala, et ab homine, qui perversa loquitur:
Uchenjeri huchakuponesa panzira dzavanhu vakaipa, vanhu vane mashoko asakarurama,
13 qui relinquunt iter rectum, et ambulant per vias tenebrosas:
vanosiya nzira yakarurama kuti vafambe munzira dzerima,
14 qui laetantur cum malefecerint, et exultant in rebus pessimis:
vanofarira kuita zvakaipa uye vanofarira kusarurama kwezvakaipa,
15 quorum viae perversae sunt, et infames gressus eorum.
vane nzira dzakaminama uye vanonyengera pamaitiro avo.
16 Ut eruaris a muliere aliena, et ab extranea, quae mollit sermones suos,
Zvichakuponesazve pamukadzi chifeve, kubva pamudzimai asingazvibati, anokwezva namashoko ake,
17 et relinquit ducem pubertatis suae,
uyo akasiya murume woumhandara hwake uye akashaya hanya nesungano yaakaita pamberi paMwari.
18 et pacti Dei sui oblita est. inclinata est enim ad mortem domus eius, et ad inferos semitae ipsius. (questioned)
Nokuti imba yake inoenda kurufu, uye nzira dzake kumweya yavakafa.
19 omnes, qui ingrediuntur ad eam, non revertentur, nec apprehendent semitas vitae.
Hakuna anoenda kwaari achidzoka kana kuzowana nzira dzoupenyu.
20 Ut ambules in via bona: et calles iustorum custodias.
Naizvozvo iwe uchafamba munzira dzavanhu vakanaka uye ucharamba uri munzira dzavakarurama.
21 Qui enim recti sunt, habitabunt in terra, et simplices permanebunt in ea.
Nokuti vakarurama vachagara munyika, uye vasina chavanopomerwa vacharamba vari mairi;
22 Impii vero de terra perdentur: et qui inique agunt, auferentur ex ea.
asi vakaipa vachaparadzwa panyika, uye vasina kutendeka vachabviswa pairi.

< Proverbiorum 2 >