< Deuteronomii 15 >

1 Septimo anno facies remissionem,
Pakupera kwamakore manomwe oga oga munofanira kudzima zvikwereti.
2 quæ hoc ordine celebrabitur. Cui debetur aliquid ab amico vel proximo ac fratre suo, repetere non poterit, quia annus remissionis est Domini.
Iyi ndiyo nzira yazvinofanira kuitwa nayo: Mumwe nomumwe akapa chikwereti anofanira kudzima icho chaakakweretesa hama yake muIsraeri. Haangarevi chikwereti kune wokwake muIsraeri, kana hama yake, nokuti nguva yaJehovha yokudzima zvikwereti yaparidzwa.
3 A peregrino et advena exiges: civem et propinquum repetendi non habebis potestatem.
Ungareva hako chikwereti kubva kumutorwa, asi unofanira kudzima chikwereti chipi zvacho chakakweretwa nehama yako.
4 Et omnino indigens et mendicus non erit inter vos: ut benedicat tibi Dominus Deus tuus in terra, quam traditurus est tibi in possessionem.
Kunyange zvakadaro, hapafaniri kuva nomurombo pakati penyu, nokuti munyika iyo Jehovha Mwari wenyu yaari kukupai kuti ive yenyu senhaka, achakuropafadzai kwazvo,
5 Si tamen audieris vocem Domini Dei tui, et custodieris universa quæ jussit, et quæ ego hodie præcipio tibi, benedicet tibi, ut pollicitus est.
kana chete mukanyatsoteerera Jehovha Mwari wenyu nokuchenjerera kutevera mirayiro yake yose yandiri kukupai nhasi.
6 Fœnerabis gentibus multis, et ipse a nullo accipies mutuum. Dominaberis nationibus plurimis, et tui nemo dominabitur.
Nokuti Jehovha Mwari wenyu achakuropafadzai sezvaakavimbisa, uye imi muchapa zvikwereti kundudzi zhinji asi imi hamungakwereti kubva kurudzi rupi zvarwo. Muchatonga ndudzi zhinji asi hapana rudzi ruchakutongai.
7 Si unus de fratribus tuis, qui morantur intra portas civitatis tuæ in terra quam Dominus Deus tuus daturus est tibi, ad paupertatem venerit, non obdurabis cor tuum, nec contrahes manum,
Kana pane murombo pakati pehama dzenyu mune ripi zvaro guta renyika iyo Jehovha ari kukupai musaomesa mwoyo kana kupfumbatira ruoko kuhama yenyu inoshayiwa.
8 sed aperies eam pauperi, et dabis mutuum, quo eum indigere perspexeris.
Asi munofanira kutambanudzira ruoko uye mugopa hama yenyu pachena chipi nechipi chaanoshayiwa.
9 Cave ne forte subrepat tibi impia cogitatio, et dicas in corde tuo: Appropinquat septimus annus remissionis: et avertas oculos tuos a paupere fratre tuo, nolens ei quod postulat mutuum commodare: ne clamet contra te ad Dominum, et fiat tibi in peccatum.
Muchenjerere kuti murege kuva nomufungo wakaipa uyu wokuti: “Gore rechinomwe, gore rokudzima zvikwereti, rava pedyo,” kuitira kuti murege kuratidza mwoyo wakaipa kuhama yenyu inoshayiwa nokurega kumupa chinhu. Iye achachema kuna Jehovha pamusoro penyu, uye imi muchabatwa nemhosva yokuita chivi.
10 Sed dabis ei: nec ages quippiam callide in ejus necessitatibus sublevandis, ut benedicat tibi Dominus Deus tuus in omni tempore, et in cunctis ad quæ manum miseris.
Upe zvakawanda uye urege kumupa nomwoyo unogununʼuna; ipapo nokuda kwechinhu ichi Jehovha Mwari wako achakuropafadza mumabasa ako ose uye pane chimwe nechimwe chaunobata noruoko rwako.
11 Non deerunt pauperes in terra habitationis tuæ: idcirco ego præcipio tibi, ut aperias manum fratri tuo egeno et pauperi, qui tecum versatur in terra.
Varombo vachagara varimo munyika. Naizvozvo ndinokurayira kuti utambanudze maoko kuhama dzako varombo navanoshayiwa munyika yako.
12 Cum tibi venditus fuerit frater tuus Hebræus aut Hebræa, et sex annis servierit tibi, in septimo anno dimittes eum liberum:
Kana mumwe wako wechiHebheru, murume kana mukadzi, achinge azvitengesa kwauri uye achinge akushandira kwamakore matanhatu, mugore rechinomwe unofanira kumusunungura umurege aende.
13 et quem libertate donaveris, nequaquam vacuum abire patieris:
Zvino kana uchinge wamusunungura usamusiya achienda asina chinhu.
14 sed dabis viaticum de gregibus, et de area, et torculari tuo, quibus Dominus Deus tuus benedixerit tibi.
Mugovere zvakawanda kubva pamakwai ako, napaburiro rako uye napachisviniro chako chewaini. Mupe sokuropafadzwa kwawakaitwa naJehovha Mwari wako.
15 Memento quod et ipse servieris in terra Ægypti, et liberaverit te Dominus Deus tuus, et idcirco ego nunc præcipio tibi.
Rangarirai kuti imi maimbova varanda muIjipiti uye Jehovha Mwari wenyu akakudzikinurai. Nokudaro ndinokupai murayiro uyu nhasi.
16 Sin autem dixerit: Nolo egredi: eo quod diligat te, et domum tuam, et bene sibi apud te esse sentiat:
Asi kana muranda wako akati kwauri, “Handidi kukusiyai,” nokuti anokuda iwe nemhuri yako uye zvakamunakira kuva newe,
17 assumes subulam, et perforabis aurem ejus in janua domus tuæ, et serviet tibi usque in æternum. Ancillæ quoque similiter facies.
ipapo utore runji ugourura nzeve yake narwo pagonhi, uye achava muranda wako nokusingaperi. Uite zvimwe chetezvo kumurandakadzi wako.
18 Non avertas ab eis oculos tuos, quando dimiseris eos liberos, quoniam juxta mercedem mercenarii per sex annos servivit tibi: ut benedicat tibi Dominus Deus tuus in cunctis operibus quæ agis.
Usachiona sechinhu chakaoma kusunungura muranda wako, nokuti kukushandira kwake pamakore matanhatu kwakapfuura kakapetwa kaviri kushanda kwouyo anoshandira mubayiro. Uye Jehovha Mwari wako achakuropafadza mune zvose zvaunoita.
19 De primogenitis, quæ nascuntur in armentis, et in ovibus tuis, quidquid est sexus masculini, sanctificabis Domino Deo tuo. Non operaberis in primogenito bovis, et non tondebis primogenita ovium.
Tsaurira Jehovha Mwari wako chikono chose chokutanga chemombe dzako, makwai ako. Zvikono zvokutanga pakuberekwa zvemombe dzako hazvifaniri kuitiswa basa uye usaveura makushe amakwai ako akatanga kuberekwa.
20 In conspectu Domini Dei tui comedes ea per annos singulos in loco quem elegerit Dominus, tu et domus tua.
Gore rimwe nerimwe iwe nemhuri yako munofanira kuzvidya muri pamberi paJehovha Mwari wenyu panzvimbo yaachasarudza.
21 Sin autem habuerit maculam, vel claudum fuerit, vel cæcum, aut in aliqua parte deforme vel debile, non immolabitur Domino Deo tuo:
Kana chipfuwo chine chachinopomerwa, chakaremara kana kuti chiri bofu, kana kuti chine chimwe chinhu chakanyanyoipa pachiri, haufaniri kuchibayira kuna Jehovha Mwari wako.
22 sed intra portas urbis tuæ comedes illud: tam mundus quam immundus similiter vescentur eis, quasi caprea et cervo.
Unofanira kuchidyira mumaguta ako. Vose vasina kuchena navakachena vangazvidya havo sokunge vanodya mhara kana nondo.
23 Hoc solum observabis, ut sanguinem eorum non comedas, sed effundes in terram quasi aquam.
Asi haufaniri kudya ropa; riteurire pasi semvura.

< Deuteronomii 15 >