< Deuteronomii 13 >

1 Si surrexerit in medio tui prophetes, aut qui somnium vidisse se dicat, et prædixerit signum atque portentum,
Kana muprofita, kana muvuki wezviroto, akasvika pakati penyu uye akakuzivisai chishamiso kana chiratidzo,
2 et evenerit quod locutus est, et dixerit tibi: Eamus, et sequamur deos alienos quos ignoras, et serviamus eis:
uye kana chiratidzo ichi kana chishamiso chaataura nezvacho chikaitika, uye akati, “Ngatiteverei vamwe vamwari” (vamwari vamusingazivi) “uye ngativanamatei,”
3 non audies verba prophetæ illius aut somniatoris: quia tentat vos Dominus Deus vester, ut palam fiat utrum diligatis eum an non, in toto corde, et in tota anima vestra.
hamufaniri kuteerera mashoko omuprofita kana muroti uyo. Jehovha Mwari wenyu ari kukuedzai kuti aone kana muchimuda nomwoyo wenyu wose uye nomweya wenyu wose.
4 Dominum Deum vestrum sequimini, et ipsum timete, et mandata illius custodite, et audite vocem ejus: ipsi servietis, et ipsi adhærebitis.
NdiJehovha Mwari wenyu wamunofanira kutevera, uye ndiye wamunofanira kukudza. Chengetai mirayiro yake mugomuteerera; mumushumire uye munamatire kwaari.
5 Propheta autem ille aut fictor somniorum interficietur: quia locutus est ut vos averteret a Domino Deo vestro, qui eduxit vos de terra Ægypti, et redemit vos de domo servitutis: ut errare te faceret de via, quam tibi præcepit Dominus Deus tuus: et auferes malum de medio tui.
Muprofita kana muroti uyo anofanira kuurayiwa, nokuti akaparidza kumukira Jehovha Mwari wenyu, akakubudisai kubva muIjipiti uye akakudzikinurai kubva munyika youranda; akaedza kukutsausai kubva panzira yaJehovha Mwari wenyu yamakarayirwa kuti muitevere. Munofanira kubvisa chakaipa pakati penyu.
6 Si tibi voluerit persuadere frater tuus filius matris tuæ, aut filius tuus vel filia, sive uxor quæ est in sinu tuo, aut amicus, quem diligis ut animam tuam, clam dicens: Eamus, et serviamus diis alienis, quos ignoras tu, et patres tui,
Kana hama yako chaiyo, kana mwanakomana wako kana mwanasikana wako, kana mudzimai wako waunoda, kana shamwari yako yepedyo ikauya kuzokutsausa muchivande, ichiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva iwe kana madzibaba ako,
7 cunctarum in circuitu gentium, quæ juxta vel procul sunt, ab initio usque ad finem terræ,
vamwari vendudzi dzakakupoteredzai, kunyange vari pedyo kana vari kure, kubva kuno rumwe rutivi rwenyika kusvika kuno rumwe rutivi rwenyika),
8 non acquiescas ei, nec audias, neque parcat ei oculus tuus ut miserearis et occultes eum,
usatenda zvaanotaura kana kumuteerera. Usamunzwira tsitsi. Usamurega ari mupenyu kana kumudzivirira.
9 sed statim interficies: sit primum manus tua super eum, et postea omnis populus mittat manum.
Unotofanira kumuuraya zvirokwazvo. Ruoko rwako ndirwo runofanira kutanga kumuuraya, zvino maoko avamwe vanhu ozotevera pakumuuraya.
10 Lapidibus obrutus necabitur: quia voluit te abstrahere a Domino Deo tuo, qui eduxit te de terra Ægypti, de domo servitutis:
Mutake namabwe afe, nokuti akaedza kukutsausa kubva kuna Jehovha Mwari wako, uyo akakubudisa kubva kuIjipiti, kubva kunyika youranda.
11 ut omnis Israël audiens timeat, et nequaquam ultra faciat quippiam hujus rei simile.
Ipapo Israeri yose ichazvinzwa ikatya, uye hapana kana mumwe pakati penyu achazoita chinhu chakaipa kudaro zvakare.
12 Si audieris in una urbium tuarum, quas Dominus Deus tuus dabit tibi ad habitandum, dicentes aliquos:
Kana ukanzwa zvichitaurwa pamusoro perimwe ramaguta amuri kupiwa naJehovha Mwari wenyu kuti mugaremo
13 Egressi sunt filii Belial de medio tui, et averterunt habitatores urbis suæ, atque dixerunt: Eamus, et serviamus diis alienis quos ignoratis:
kuti vanhu vakaipa vamuka pakati penyu uye vatsausa vanhu vomuguta ravo, vachiti, “Handei tindonamata vamwe vamwari,” (vamwari vausina kumboziva),
14 quære sollicite et diligenter, rei veritate perspecta, si inveneris certum esse quod dicitur, et abominationem hanc opere perpetratam,
ipapo unofanira kubvunzisisa, nokutsvakisisa uye nokuferefeta kwazvo. Zvino kana zviri zvechokwadi uye zvanyatsoonekwa kuti ndizvo, kuti chinhu ichi chinonyangadza chakaitwa pakati penyu,
15 statim percuties habitatores urbis illius in ore gladii, et delebis eam ac omnia quæ in illa sunt, usque ad pecora.
munofanira zvirokwazvo kuuraya nomunondo vanhu vose varo nezvipfuwo zvaro.
16 Quidquid etiam supellectilis fuerit, congregabis in medio platearum ejus, et cum ipsa civitate succendes, ita ut universa consumas Domino Deo tuo, et sit tumulus sempiternus. Non ædificabitur amplius,
Unganidzai zvose zvakapambwa zveguta pakati poruvazhe mugopisa chose guta uye nazvose zvakapambwa zvaro sechipiriso chinopiswa kuna Jehovha Mwari wako. Rinofanira kugara riri dongo nokusingaperi, risingazovakwizve.
17 et non adhærebit de illo anathemate quidquam in manu tua: ut avertatur Dominus ab ira furoris sui, et misereatur tui, multiplicetque te sicut juravit patribus tuis,
Ngapasava nechimwe chezvinhu izvo zvakatongwa chinoonekwa mumaoko enyu, kuti Jehovha adzore kutsamwa kwake kukuru; achakunzwirai tsitsi, agokunzwirai ngoni uye achakuwedzerai uwandu hwenyu, sezvaakakuvimbisai nemhiko kumadzitateguru enyu,
18 quando audieris vocem Domini Dei tui custodiens omnia præcepta ejus, quæ ego præcipio tibi hodie, ut facias quod placitum est in conspectu Domini Dei tui.
nokuti munoteerera Jehovha Mwari wenyu, muchichengeta mirayiro yandiri kukupai nhasi uye muchiita zvakanaka pamberi pake.

< Deuteronomii 13 >