< Apocalypsis 3 >

1 Et Angelo Ecclesiæ Sardis scribe: Hæc dicit qui habet septem Spiritus Dei, et septem stellas: Scio opera tua, quia nomen habes quod vivas, et mortuus es.
Uye kumutumwa wekereke iri muSadhisi nyora uti: Zvinhu izvi anoreva iye ane Mweya minomwe yaMwari nenyeredzi nomwe: Ndinoziva mabasa ako, kuti une zita rekuti unorarama, asi wakafa.
2 Esto vigilans, et confirma cetera, quæ moritura erant. Non enim invenio opera tua plena coram Deo meo.
Iva wakarinda, uye simbisa zvinhu zvakasara zvoda kufa; nokuti handina kuwana mabasa ako akaperedzerwa pamberi paMwari.
3 In mente ergo habe qualiter acceperis, et audieris, et serva, et pœnitentiam age. Si ergo non vigilaveris, veniam ad te tamquam fur, et nescies qua hora veniam ad te.
Naizvozvo rangarira kuti wakagamuchira nekunzwa sei; uye chengeta, uye tendeuka. Naizvozvo kana usingarindi, ndichauya kwauri sembavha, uye haungatongozivi kuti iawa ripi randichauya naro pamusoro pako.
4 Sed habes pauca nomina in Sardis, qui non inquinaverunt vestimenta sua: et ambulabunt mecum in albis, quia digni sunt.
Une mazita mashoma kunyange paSadhisi asina kusvibiswa nguvo dzawo; uye vachafamba neni munguvo chena, nokuti vakafanira.
5 Qui vicerit, sic vestietur vestimentis albis, et non delebo nomen eius de Libro vitæ, et confitebor nomen eius coram Patre meo, et coram angelis eius.
Uyo anokunda, ndiye achapfekedzwa nguvo chena; uye handichatongodzimi zita rake pabhuku reupenyu, uye ndichareurura zita rake pamberi paBaba vangu, nepamberi pevatumwa vake.
6 Qui habet aurem, audiat quid Spiritus dicat Ecclesiis.
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.
7 Et Angelo Philadelphiæ ecclesiæ scribe: Hæc dicit Sanctus et Verus, qui habet clavem David: qui aperit, et nemo claudit: claudit, et nemo aperit:
Nekumutumwa wekereke iri muFiradhefia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Mutsvene, Wechokwadi, iye ane kiyi yaDhavhidhi, iye anozarura pasinawo anopfiga, nekupfiga pasinawo anozarura:
8 Scio opera tua. Ecce dedi coram te ostium apertum, quod nemo potest claudere: quia modicam habes virtutem, et servasti verbum meum, et non negasti nomen meum.
Ndinoziva mabasa ako; tarira, ndakaisa pamberi pako mukova wakazarurwa, uye hakuna angagona kuupfiga, nokuti une simba shoma, uye wakachengeta shoko rangu, nekusaramba zita rangu.
9 Ecce dabo de synagoga satanæ, qui dicunt se Iudæos esse, et non sunt, sed mentiuntur: Ecce faciam illos ut veniant, et adorent ante pedes tuos: et scient quia ego dilexi te
Tarira, ndichakupa vanobva kusinagoge raSatani, vanozviti VaJudha, vasiri ivo, asi vanoreva nhema; tarira, ndichavaita kuti vauye vagonamata pamberi petsoka dzako, uye vazive kuti ini ndakakuda.
10 quoniam servasti verbum patientiæ meæ, et ego servabo te ab hora tentationis, quæ ventura est in orbem universum tentare habitantes in terra.
Nokuti wakachengeta shoko rekutsungirira kwangu, neni ndichakuchengeta panguva yekuedzwa ichauya pamusoro penyika yese, kuedza vanogara panyika.
11 Ecce venio cito: tene quod habes, ut nemo accipiat coronam tuam.
Tarira, ndinouya nekukurumidza; batisisa chaunacho, kuti kusava neanotora korona yako.
12 Qui vicerit, faciam illum columnam in templo Dei mei, et foras non egredietur amplius: et scribam super eum nomen Dei mei, et nomen civitatis Dei mei novæ Ierusalem, quæ descendit de cælo a Deo meo, et nomen meum novum.
Uyo anokunda, ndichamuita mbiru mutembere yaMwari wangu, uye haachatongobudizve; uye ndichanyora pamusoro pake zita raMwari wangu, nezita reguta raMwari wangu, reJerusarema idzva, rinoburuka richibva kudenga kuna Mwari wangu, nezita rangu idzva.
13 Qui habet aurem, audiat quid Spiritus dicat Ecclesiis.
Ane nzeve ngaanzwe zvinoreva Mweya kumakereke.
14 Et Angelo Laodiciæ ecclesiæ scribe: Hæc dicit Amen, testis fidelis, et verus, qui est principium creaturæ Dei.
Nekumutumwa wekereke yeVaRaodhikia nyora uti: Zvinhu izvi anoreva Ameni, chapupu chakatendeka uye chechokwadi, kutanga kwezvisikwa zvaMwari:
15 Scio opera tua: quia neque frigidus es, neque calidus: utinam frigidus esses, aut calidus:
Ndinoziva mabasa ako, kuti hautonhori uye haupisi. Ndaida kuti dai uchitonhora kana uchipisa.
16 sed quia tepidus es, et nec frigidus, nec calidus, incipiam te evomere ex ore meo.
Zvino zvaunodziya, uye hautonhori uye haupisi, ndichakusvisvina mumuromo mangu.
17 quia dicis: quod dives sum, et locupletatus, et nullius egeo: et nescis quia tu es miser, et miserabilis, et pauper, et cæcus, et nudus.
Nokuti unoti: Ndiri mufumi, uye ndakafuma, uye handishaiwi chinhu, asi hauzivi kuti ndiwe unotambura, neune nhamo, nemurombo, nebofu, newakashama;
18 Suadeo tibi emere a me aurum ignitum probatum ut locuples fias, et vestimentis albis induaris, et non appareat confusio nuditatis tuæ, et collyrio inunge oculos tuos ut videas.
ndinokupa zano kuti utenge kwandiri goridhe rakaidzwa mumoto, kuti ufume; nenguvo chena, kuti upfeke, uye nyadzi dzekushama kwako dzirege kuratidzika; uye uzore meso ako nechizoro chameso, kuti uone.
19 Ego quos amo, arguo, et castigo. Æmulare ergo, et pœnitentiam age.
Vese vandinoda ini, ndinotsiura nekuranga. Naizvozvo shingaira utendeuke.
20 Ecce sto ad ostium, et pulso: siquis audierit vocem meam, et aperuerit mihi ianuam, intrabo ad illum, et cœnabo cum illo, et ipse mecum.
Tarira, ndimire pamukova ndichigogodza; kana umwe achinzwa inzwi rangu, akazarura mukova, ndichapinda kwaari, uye ndicharaira naye, naiye neni.
21 Qui vicerit, dabo ei sedere mecum in throno meo: sicut et ego vici, et sedi cum patre meo in throno eius.
Anokunda, ndichamupa kugara neni pachigaro changu cheushe, sezvo neni ndakakunda ndikagara pamwe naBaba vangu pachigaro chavo cheushe.
22 Qui habet aurem, audiat quid Spiritus dicat Ecclesiis.
Ane nzeve ngaanzwe zinoreva Mweya kumakereke.

< Apocalypsis 3 >