< Romanos 5 >
1 Iustificati ergo ex fide, pacem habeamus ad Deum per Dominum nostrum Iesum Christum:
Naizvozvo zvatakanzi takarurama nerutendo, tine rugare kuna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu,
2 per quem et habemus accessum per fidem in gratiam istam, in qua stamus, et gloriamur in spe gloriæ filiorum Dei.
watine mapindirowo naye nerutendo munyasha idzi dzatinomira madziri, tichizvikudza mutariro yekubwinya kwaMwari.
3 Non solum autem, sed et gloriamur in tribulationibus: scientes quod tribulatio patientiam operatur:
Zvisati zviri izvo chetewo, asi tichizvikudzawo mumatambudziko, tichiziva kuti dambudziko rinouisa kutsungirira,
4 patientia autem probationem, probatio vero spem,
uye kutsungirira kutsiga, nekutsiga tariro;
5 spes autem non confundit: quia charitas Dei diffusa est in cordibus nostris per Spiritum sanctum, qui datus est nobis.
uye tariro hainyadzisi, nokuti rudo rwaMwari rwakadirwa mumoyo yedu neMweya Mutsvene wakapiwa kwatiri.
6 Ut quid enim Christus, cum adhuc infirmi essemus, secundum tempus pro impiis mortuus est?
Nokuti tichiri pakushaiwa simba, Kristu panguva yakafanira wakafira vasingadi Mwari.
7 Vix enim pro iusto quis moritur: nam pro bono forsitan quis audeat mori.
Nokuti zvinorema kuti umwe afire wakarurama; nokuti zvimwe kungavapo kunyange angatsunga kufira wakanaka.
8 Commendat autem charitatem suam Deus in nobis: quoniam cum adhuc peccatores essemus, secundum tempus,
Asi Mwari anosimbisa rudo rwake amene kwatiri, kuti tichiri vatadzi Kristu wakatifira.
9 Christus pro nobis mortuus est: multo igitur magis nunc iustificati in sanguine ipsius, salvi erimus ab ira per ipsum.
Naizvozvo zvikurusa, ikozvino zvatinonzi takarurama muropa rake, tichaponeswa naye pahasha.
10 Si enim cum inimici essemus, reconciliati sumus Deo per mortem Filii eius: multo magis reconciliati, salvi erimus in vita ipsius.
Nokuti kana pataiva vavengi takayananiswa naMwari nerufu rweMwanakomana wake, kunyanya zvatakayananiswa tichaponeswa muupenyu hwake;
11 Non solum autem: sed et gloriamur in Deo per Dominum nostrum Iesum Christum, per quem nunc reconciliationem accepimus.
zvisati zviri izvozvowo chete, asi tinozvikudzawo muna Mwari kubudikidza naIshe wedu Jesu Kristu, watakagamuchira ikozvino naye chiyananiso.
12 Propterea sicut per unum hominem peccatum in hunc mundum intravit, et per peccatum mors, et ita in omnes homines mors pertransiit, in quo omnes peccaverunt:
Naizvozvo, chivi sezvachakapinda munyika nemunhu umwe, nerufu rukapinda nechivi, uye saizvozvo rufu rwakapfuurira kuvanhu vese, nokuti vese vakatadza;
13 Usque ad legem enim peccatum erat in mundo: peccatum autem non imputabatur, cum lex non esset.
nokuti kusvika murairo wavapo chivi chakange chiripo panyika; nokuti chivi hachiverengerwi, pasina murairo,
14 Sed regnavit mors ab Adam usque ad Moysen etiam in eos, qui non peccaverunt in similitudinem prævaricationis Adæ, qui est forma futuri.
asi rufu rwakabata ushe kubva kuna Adhamu kusvikira kuna Mozisi, kunyange pamusoro pevakange vasina kutadza zvakafanana sekudarika kwaAdhamu, anova mufananidzo waiye wakange achizouya.
15 Sed non sicut delictum, ita et donum. Si enim unius delicto multi mortui sunt: multo magis gratia Dei et donum in gratia unius hominis Iesu Christi in plures abundavit.
Asi kwete sekudarika, zvakaitawo chipo chenyasha. Nokuti kana nekudarika kweumwe vazhinji vakafa, kunyanya kazhinji nyasha dzaMwari nechipo zvakawandira vazhinji nenyasha dzemunhu umwe, Jesu Kristu.
16 Et non sicut per unum peccatum, ita et donum. Nam iudicium quidem ex uno in condemnationem: gratia autem ex multis delictis in iustificationem.
Uye chipo hachina kuita seumwe wakatadza; nokuti kutongwa kwakabva kuneumwe kuchienda mukupiwa mhosva, asi chipo chenyasha chinobva pazvitadzo zvizhinji chichienda mukushaiswa mhosva.
17 Si enim unius delicto mors regnavit per unum: multo magis abundantiam gratiæ, et donationis, et iustitiæ accipientes, in vita regnabunt per unum Iesum Christum.
Nokuti kana nekudarika kweumwe rufu rwakatonga naiyeyu ega, kunyanya ivo vanogamuchira kuwanda kwenyasha nekwechipo chekururama vachatonga paupenyu naiyeyu umwe, Jesu Kristu.
18 Igitur sicut per unius delictum in omnes homines in condemnationem: sic et per unius iustitiam in omnes homines in iustificationem vitæ.
Naizvozvo sezvo nekudarika kweumwe kutonga kwakauya kuvanhu vese, mukupiwa mhosva, saizvozvowo nekururama kweumwe, nyasha dzakauya kuvanhu vese mukusapiwa mhosva kweupenyu.
19 Sicut enim per inobedientiam unius hominis, peccatores constituti sunt multi: ita et per unius obeditionem, iusti constituentur multi.
Nokuti sezvo nekusateerera kwemunhu umwe vazhinji vakaitwa vatadzi, saizvozvowo nekuteerera kweumwe, vazhinji vachaitwa vakarurama.
20 Lex autem subintravit ut abundaret delictum. Ubi autem abundavit delictum, superabundavit gratia.
Asi murairo wakapinda ukawedzera, kuti kudarika kuwande; asi chivi pachakawanda, nyasha dzakawanda nekupfuurisa;
21 Ut sicut regnavit peccatum in mortem: ita et gratia regnet per iustitiam in vitam æternam, per Iesum Christum Dominum nostrum. (aiōnios )
kuti chivi sezvachakatonga murufu, saizvozvo nenyasha dzitonge nekururama kusvika kuupenyu husingaperi, naJesu Kristu Ishe wedu. (aiōnios )